Chidhakwa Chiri Mumhuri
“Udhakwa hunobatanidza zvidhakwa . . . Nepo pangave pane chidhakwa chimwe bedzi chiri mumhuri, mhuri yose inotambura udhakwa.”—Dr. Vernon E. Johnson.
ALICE wezera ramakore mashanu avete muhuvato hwake, gumbo rake richivhita nokurwadza. Kuvadziko yakaitika mazuva maviri pamberi pezvi yaida kuti iye aiswe purasita yakakwana. Asi purasita yakanyanyobata, uye gumbo rake rakanga richizvimba mukudzvinyirirwa. Alice akakumbira vabereki vake kumuendesa kuna chiremba, asi baba vake vakanga vachitambura nebhabharasi, uye amai vakanga vari muchinetso, vasina chokwadi pamusoro pokuti ndiani aida ngwariro zvikuru.
Mukati mamazuva anoverengeka, gumbo raAlice rakagomara. Apo urwa hutema hwakavamba kudonha mugumwe rake, vabereki vaAlice pakupedzisira vakamuendesa nechimbichimbi kuchipatara. Apo purasita yakabviswa, kuonekwa kwegumbo kwakaparira mumwe mukoti kupera simba. Ronda rinonyenga rakakuita kuve kuri madikanwa kuti gumbo raAlice rigurwe.
Udhakwa Norutsamirano
Ngwavaira yechinoitika ichi inopfuura kurasikirwa negumbo. Baba vaAlice vakanga vari chidhakwa. Savakadaro, vakanga vasingaoneki murudo nomumurangariro apo mwanasikana wavo mukupererwa nezano rose aivada. “Mugariro woudhakwa unoraira kuti chidhakwa chiise mhuri yacho pakupedzisira—pashure pokunge chinwiwa chinodhakisa nezvirairo zvacho zvose,” anodaro mupi zano Toby Rice Drews.
Zvakadiniko naamai vaAlice? Ivowo vaiva norutsamiro, kwete pachinwiwa chinodhakisa, asi pamurume wavo ari chidhakwa. Chaizvoizvo, mukwanyina asati ari chidhakwa anobatikana nenhamburiko dzokudzivisa kunwa zvinwiwa zvechidhakwa kana kuti zvimwe kugonana nokuzvibata kwake kusingakarirwi.a Anova anobatanidzwa zvikuru muchinetso chechidhakwa zvokuti anoratidzira miitiro mimwe cheteyo yorutsamiro—asi asina chinwiwa chinodhakisa. Nokuda kweichi chikonzero, vanhu vakadai saamai vaAlice kazhinji kazhinji vanonzi vatsamirani.
Vose vari vaviri chidhakwa nomutsamirani nomutoo wokusaziva vanodzorwa nechimwe chinhu kana kuti mumwe munhu ari kunze kwavo vamene. Vose vari vaviri vanopofumadzwa nokuramba. Vose vari vaviri mundangariro havawaniki nokuda kwavana vavo. Vose vanobatanidzwa muupenyu hwekangaidziko, nokuti kungofanana nechidhakwa chisingagoni kudzora kunwa kwacho, mutsamirani haagoniwo kudzora chidhakwa, uye hapana nomumwe wavo anogona kudzora simba iro udhakwa huchava naro pavana vavo.
Asika pane betsero nokuda kwechidhakwa nemhuri yacho. Iyoyi ichakurukurwa munyaya dzinotevera.
[Mashoko Omuzasi]
a Nepo tichinongedzera kuchidhakwa somunhurume, nheyo pano dzinoshanda nomutoo wakaenzana kuchidhakwa chomunhukadzi.