Kunaya Kunobvira
“Takanangana nechisarudzo: Rega kunwa ugonaya, kana kuti pfuurira kunwa ugofa.”—Chidhakwa chakanaya.
FUNGIDZIRA uchimuka kamwe kamwe humwe usiku ndokuwana kuti imba yako iri kutsva. Chinguvana gare gare betsero inosvika, uye pakupedzisira mwoto wadzimwa. Ungangodzokera bedzi mukati ndokuedzesera kuti hapana chinhu chaitika here? Nyangwe napaduku zvapo. Imba yaroroma, uye kuvakazve kuchava kunodikanwa upenyu hwenguva dzose husati hwagona kuvambazve.
Denho yakafanana yakanangana nechidhakwa apo chinovamba kunaya. Upenyu hwacho hwakasakadzwa nechinwiwa chinodhakisa, zvimwe kwamakore akawanda. Zvino ava muregi. “Mwoto” wadzimwa, asi kuvakazve kukuru muzvimiro zvendangariro, mararamiro, uye kuzvibata kuchava kuri madikanwa kana chidhakwa chichizoramba chiri muregi. Zvikarakadzo zvinotevera zvinogona kubetsera chidhakwa kusadhakwa kwechigarire.
1. Ziva Muvengi
Bhaibheri rinotaura kuti zvishuvo zvenyama “zvinorwisana nomweya.” (1 Petro 2:11, NW) Shoko rechiGiriki rinoshandurwa kuti ku“rwisana” chaizvoizvo rinoreva kuti “kuita basa rehondo,” uye rine mufungo wehondo inoparadza.—Enzanisa naVaRoma 7:23-25.
Kungofanana nomurwi upi noupi akanaka anova nenguva kuti afunde mitoo yomuvengi wake, chidhakwa chinofanira kuzvidzidzisa chimene pamusoro pomugariro woudhakwa uye maparadzire ahunoita chidhakwa naavo vari pedyo nacho.a—VaHebheru 5:14.
2. Chinja Kunwa Uye Kufunga
“Kusadhakwa kunoreva kurega bhodhoro uye mwana,” anodaro mumwe chiremba. Namamwe mashoko, chinopfuura kunwa chinofanira kuchinjwa; munhu womukati anofanira kuchinjawo.
Bhaibheri nomutoo wokuchenjera rinopangira, kuti: “Shandurwai kupfurikidza nokushandura ndangariro dzenyu.” (VaRoma 12:2, NW) “Pfekenurai hunhu hwekare nemiitiro yahwo.” (VaKorose 3:9, NW) Kana zviito zvikachinja asi hunhu huchisara, chidhakwa chichangopfuurira bedzi kune chimwe chokutsamira chinokuvadza—kana kuti kudzorera chekare.
3. Wana Muvimbikani Anonzwisisa
Chirevo cheBhaibheri chinoti: “Munhu anozviparadzanisa amene achatsvaka kupanga kwake amene kwoudyire; iye acharwisana nouchenjeri hwose hunoshanda.” (Zvirevo 18:1, NW) Kunyange nokusadhakwa, chidhakwa chinotapurwa nokufunga. Naizvozvo, anoda muvimbikani anonzwisisa asi akatsiga (kazhinji kazhinji mutsigiri). Kunobetsera apo muvimbikani amene ari chidhakwa chiri kunaya ave achibudirira mukunangana nedenho dzokusadhakwa. (Enzanisa naZvirevo 27:17.) Muvimbikani akadaro anofanira kuremekedza dzidziso dzorudzidziso dzechidhakwa uye anofanira kuzvibaira uye anowanika kuti ape tsigiro inopfuurira.—Zvirevo 17:17.
4. Iva Anoshivirira
Kunaya ndokwapashoma napashoma. Kunoda nguva kuti chidhakwa chivakezve upenyu hwacho. Pangava nenhamo yemari, manikidziko pabasa, nyongano pamusha. Kuva asinganwi chinwiwa chinodhakisa hakusati kuchireva kuva asina chinetso. Chidhakwa chiri kunaya pakutanga chingafunganya sezvachinonangana noupenyu chisina ‘chigadzikiso chechinetso’ chechinwiwa chinodhakisa. Apo kufunganya kwakadaro kunoratidzika kuva kusingaperi, chidhakwa chiri kunaya chinofanira kuyeuka mashoko anonyaradza owezvamapisarema, anoti: “Kandira mutoro wako pana Jehovha iye amene, uye iye amene achakutsigira. Haazotongobvumiri wakarurama kuti azununguswe.”—Pisarema 55:22, NW.
5. Wana Shamwari Dzakanaka Mundangariro Nomudzimu
Chidhakwa chinofanira kuzvibvunza chimene nomutoo wokutendeseka, kuti: ‘Ko shamwari dzangu dzinotsigira kusadhakwa kwangu here kana kuti dzinopfuurira kutaura pamusoro pa“mazuva ekare akanaka,” dzichindiita kuti ndinzwe kuti ndiri kushaiwa?’ Zvirevo 18:24 (NW), inoti: “Kune shamwari dziriko dzine ndangariro yokuputsanyana, asi kune shamwari iriko inosanonamatira kupinda hama.” Kunoda nzwisiso yokuona kuti ndivanaani vari shamwari dzechokwadi uye ndivanaani vari shamwari dzinobvira.
6. Dzivisa Kunyanyozvivimba
“Ndinonzwa zvakanaka—handitomboshuva kunwazve!” Chidhakwa chinoita uku kutaura chiri kunyanyorangarira fambiro mberi yacho uye chiri kunyanyoderedza udhakwa hwacho. Mufaro wokunaya kwokutanga, unonzi mugariro wendangariro wokusatsarukana, ndowechinguvana. “Vavarira nzwisiso yakadzikama,” rinorumbidza kudaro bhuku rinonzi Willpower’s Not Enough. “Kana pasina iyo unozvipinza umene mumugariro nokuda kwokuitikazve kwechinetso chako chokunwa, uye inzira refu yokubva pahuchokwadi.”—Enzanisa naZvirevo 16:18.
7. Ngwarira Zvinotsiva Zvinopinda Muropa
Vazhinji vanorega kunwa, asi ipapo vanotanga kangaidziko yemiitiro yokudya kana kuti kuva vapindwi muropa nokushanda, vabhejeri vakapindwa muropa, zvichingodaro. ‘Chii chiri kuvadziko? Zvisinei handisi kunwa,’ chidhakwa chiri kunaya chingarangarira kudaro. Chokwadi, kurovedza muviri kungava utano. Asika apo chinhu kana kuti mubato unoshandiswa kugomadza kunzwa kwako, ikoku kunongoparira bedzi pfungwa yenhema, yechinguvana yechengeteko.
8. Chinjira Kumabasa Matsva Emhuri
Zvidhakwa zvizhinji zvinokuvadza kunaya kwazvo apo zvinhu zvinotanga kuita zvakanaka! Neiko? Nemhaka bedzi yokuti kusadhakwa ndichinoitika chitsva. Chidhakwa chinganzwa kukweverwa kumararamiro akarovedzeka. Mukuwedzera, apo chidhakwa chinova chisina kudhakwa, chinonyandura mhuri. Naizvozvo, mutezo mumwe nomumwe wemhuri unofanira kuchinja basa rawo. “Manyoro ose okuita kwemhuri anofanira kuraswa uye matsva achiitwa munzvimbo mawo,” rinodaro bhukwana rinonzi Recovery for the Whole Family. Nokuda kwechikonzero chakanaka, kunaya kwakanzi inhau inobatanidza mhuri.—Enzanisa na 1 VaKorinte 12:26.
9. Dzivisa Kudzokera Shure
Kunyanyozvivimba, songaniro dzakashata, kupindwa muropa kunotsiva, uye kuwedzera kuzviparadzanisa kwose kungava nhano dzokudzokera shure. Chengeta kurukurirano yakazaruka nomuvimbikani pamusoro pekombamiro dzipi nedzipi dzakadaro.
Chimwe chidhakwa chakanaya chinoti: “Zvidhakwa zvose ngazvirege kunwa. Vamwe vedu tine rombo rakanaka rokurega tichiri vapenyu.”
[Mashoko Omuzasi]
a Kune nzvimbo zhinji dzokurapa, zvipatara, uye gadziriro dzokunaya dzinogona kugovera mashoko akadaro. Mukai! haitsigiri kurapa kupi nokupi kwakati kuti. Avo vanoshuva kurarama mukuwirirana nenheyo dzeBhaibheri vangada kuva vanongwarira kuva vasingabatanidzwi nemibato ingabvumiranisa pane zvisakafanira nheyo dzapaMagwaro. Munhu ari mumwe weZvapupu zvaJehovha achawana nhungamiro dzinobetsera muNharireyomurindi yaMay 1, 1983 yechiNgezi, mapeji 8-11.
[Bhokisi riri papeji 25]
Kana Kurapa Kuri Madikanwa Chose Chose
Mushonga uri wose une chidhakiso unogona kumutsazve ndokuita kuti munhuyo adzokororwezve nehavi.
Dr. James W. Smith anonyora, kuti: “Hakusi kwechienzi kuti murwere wokunyanyonwa zvinwiwa zvinodhakisa adzokororwezve nehavi pashure pamakore okusadhakwa somuuyo wokuzvirapa nomushonga wokukosora une chidhakiso.” Chidhakwa chinotapurirwa nemipodza yose. Kana mupodza wokurapa uri madikanwa chose chose, chidhakwa chinofanira . . .
1. kubvunza nyanzvi yemirimo kuzivisa ngozi dzinobvira.
2. kuzivisa muvimbikani, uye kana kuchibvira, kumudana mushonga mumwe nomumwe usati wanwiwa.
3. kuchengeta chinyorwa chomushonga uri wose unonwiwa.
4. kurega mushonga nokukurumidza pakunobvira napo.
5. kurasha mishonga isingashandiswi apo kushandiswa kwakarongwa kunoguma.