RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g92 8/8 pp. 17-19
  • Mubereki Ari Chidhakwa—Ndinogona Sei Kugonana Naye?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Mubereki Ari Chidhakwa—Ndinogona Sei Kugonana Naye?
  • Mukai!—1992
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Kunzwisisa Chinetso Chacho
  • Kutapurwa Kwaunoita
  • Nzira Yokugonana Nayo Naye
  • Mhuri Inogona Sei Kubetsera?
    Mukai!—1992
  • Betsero Nokuda Kwavana Vakura Vezvidhakwa
    Mukai!—1992
  • Munogona Kukurira Zvinetso Zvinoparadza Mhuri
    Chakavanzika Chomufarwa Wemhuri
  • Kunaya Kunobvira
    Mukai!—1992
Ona Zvimwe
Mukai!—1992
g92 8/8 pp. 17-19

Vechiduku Vanobvunza Kuti . . .

Mubereki Ari Chidhakwa—Ndinogona Sei Kugonana Naye?

“Ndaivenga kuuya pamusha. Ndaisava nechokwadi kana Amai vaizovapo, uye kudai vaivapo, kana vaizova vakadhakwa ndokutanga kutaura nenzira yokuzvitutumadza pamusoro pokuti ndiri mwanakomana asina kunaka zvakadini.”—Robert.

“Ndaikwenudzwa kwazvo kuunza vanhu pamusha . . . Ndainyadziswa zvikuru nemhuri.”—Patricia.

MAMIRIONI epwere anotsungirira vhiringidziko yezuva nezuva yokurarama nomubereki ari chidhakwa. Bhuku rinonzi Teen Troubles, rinoti: “Kurarama nomubereki ari chidhakwa kunoreva kutambura nhamo—nhamo iyo inouya kwauri nokuda kwezvikonzero zvakasiana-siana.”

Chiverengero chikuru chavabereki vari zvidhakwa chinobata zvisina kufanira vana vavo mumuviri kana kuti muvatano.a Uye kunyange apo mugariro wacho unenge usingabatanidzi kubata zvisina kufanira kwakadaro, bhuku rinonzi Options rinoti, “kana kunwa kuchiita kuti [mubereki ari chidhakwa] ave asingadeyi kuzivikanwa, asina mufungo, asingaitiri hanya, kana kuti akashatirwa, ikoku kwakatoipa zvakakwana.”

Hakushamisi, ipapoka, kuti unganzwa watsamwa, wakwenudzwa, kana kuti kushatiriswa padzimwe nguva. Kunyanguvezvo, nepo kugara nomubereki ari chidhakwa kwakaoma, unogona kudzidza kugonana naye.

Kunzwisisa Chinetso Chacho

Kutanga kwazvose, kunobetsera kuwana nzwisiso yechikonzero nei mubereki wako achinwa pakutanga.b “Nomunhu wenjere awane mano akanaka,” anotaura kudaro Zvirevo 1:5.

Chidhakwa hachisati chiriwo zvacho mumwe munhu anodhakwa kamwe pashure penguva yakati, uyewo chidhakwa hachisati hacho chiri muraradzi. Nyanzvi dzinorondedzera udhakwa sevhiringidziko yokunwa yenguva dzose iyo inoparira zvinetso zvakakomba zvinotapura upenyu, basa, uye utano. Chidhakwa chinobatikaniswa mupfungwa—chinozadzwa ndangariro—nedoro uye hachigoni kudzora bedzi bedzi kunwiwa kwaro. Nyanzvi zhinjisa dzinobvuma kuti udhakwa hunogona kudzorwa kupfurikidza bedzi nokurega zvachose chose doro.c

Nepo udhakwa hungabatanidza miitiro yomumuviri iyo ingaita kuti vanhu vakati vatere zvikuru kukupindwa muropa nemirimo, zvinhu zvemirangariro zvinoratidzikawo kuva zvinobatanidzwa. Somuenzaniso, kuzvisema kwenguva dzose kazhinji kazhinji kunovanda muchitarisiko chokunze chechidhakwa. (Enzanisa naZvirevo 14:13.) “Muchinoitika changu,” anotaura kudaro Dr. Abraham Twerski, “handina kutongosangana nechidhakwa chaiva nepfungwa yakananga yokuzvikoshesa, mirangariro yokugutsikana nokuzvivimba, pamberi pokuva anobatanidzwa nedoro.” Zvamazvirokwazvo, zvidhakwa zvakawanda zvakakurira mumhuri dzine chidhakwa. Kunwa kungabatira kugomadza marwadzo amavanga avo oumwana emirangariro.

Zvisinei, kunwa kunowedzerawo zvako zvinetso zvechidhakwa. Mukuwirirana nebhuku rinonzi Under the Influence, “zviito [zvake], mifungo, uye mirangariro zvinovhiringidzwa nedoro.” Chidhakwa nokudaro chine chinopfuura zvikuru chinetso chokunwa; chinewo chinetso chokufunga kwakatsiga. Icho chingada betsero yakati, zvichida kubva kunyanzvi dzakarovedzwa, kuti chirege kudhakwa. Zvisinei, zvawava nenzwisiso youdhakwa, unogona zvichida kuvamba kurangarira mubereki wako nomwero wakati kuti wokunzwira urombo.—Zvirevo 19:11.

Kutapurwa Kwaunoita

Apo mubereki anenge ari chidhakwa, mutezo mumwe nomumwe wemhuri unotapurwa. (Enzanisa na 1 VaKorinte 12:26.) Upenyu hwako hungava hwakazadzwa nokusava nechokwadi. Mubereki wako achauya kumba asina kudhakwa here kana kuti akadhakwa? Uchambundirwa here kana kuti kurohwa? Hungu, vabereki vari zvidhakwa kazhinji kazhinji vanochinja-chinja mwero. “Vanogona kuva vane rudo navane mufungo pavanenge vasina kudhakwa, vane masimba masimba nenzira isina mufungo navanotuka pavanenge vakadhakwa,” anotaura kudaro Dr. James P. Comer. Kusadeya kuzivikanwa kwakadaro kunogona kuita kuti upenyu hwako huve kuchinja-chinja kwemirangariro. Unoda mubereki wako ari chidhakwa imwe nhambo, unomushatirirwa inotevera. “Mamwe mazuva ndinongoshuva hangu kuti kudai vakafa,” inotaura kudaro imwe mhandara.

Padzimwe nguva miuyo yokukurira mumhuri ine chidhakwa haivi pachena kwamakore akati. Vana vezvidhakwa vanova zvidhakwa ivo vamene—kana kuti vanoroorana nacho. Imwe mhandara yechiKristu yakadarozvo kuva inodanana nomurume wainorondedzera se“chidhakwa chiri kutanga.” Kunyange zvazvo yaiziva varume vakaisvonaka zvikuru, vakatsiga vechiKristu, yakanga isingavafariri. Neiko uku kukweverwa kuchidhakwa? Ichitaura nokuda kwavamwe vakafanana nayo, iyo inoti: “Ivava ndivo varume bedzi vatakawirirana navo uye vatinogona kunzwisisa.”

Mumwe mukuru wechiKristu akakwanisa kuibetsera kugadziridza kufunga kwayo muna ikoku, nokudaro achiparadza denderedzwa rinoparadza roudhakwa. Nenzira yakajeka, ipapoka, hausati wakashurikidzirwa kukusafara nemhaka bedzi yokuti unogara mumhuri ine chidhakwa. Kunobvira kuderedza kuvadziko inobvira uye zvichida kunyange kubetsera mubereki wako ari chidhakwa.

Nzira Yokugonana Nayo Naye

Dr. Stanton E. Samenow anoti: “Mhoteredzo iyo munhu anobva mairi yakaipa zvishomanene kupfuura chisarudzo icho munhu mumwe nomumwe anoita sezvo anoita chimwe chinhu kumugariro iwoyo.” Hungu, kunyange kana zvinhu pamusha zvichiratidzika kuva zvisingadzoreki, unogona kutarisira upenyu hwako. Seiko?

Usava nomutoro wokunwa kwomubereki wako. “Vabereki vangu vakandiudza kuti yakanga iri mhaka yangu,” akataura kudaro Beth ane makore 13 okukura. Vakapomera kunwa kwavo pamufambiro wake usingadzoreki. “Ndakanga ndine mhaka zvikuru pamusoro pechinhu chose,” iye akabvuma kudaro. Zvisinei, mubereki wako—uye mubereki wako oga—ane mutoro woudhakwa hwake. “Munhu mumwe nomumwe achatakura mutoro wake amene,” inotaura kudaro VaGaratia 6:5, NW.

Naizvozvo haugoni kurapa mubereki wako ari chidhakwa. Kutuka, kupopota, kuchema, uye kukakavadzana naye kunopedza zvishomanene. Pane rumwe rutivi, hausati uchisungirwa kumubvisa mumiuyo yokunwa kwake kupfurikidza nokumurevera nhema kana kuti kumubvisa muberere apo anenge awira imomo mumugariro wokudhakwa.

Mukurudzire kuwana betsero. Kazhinji kazhinji ikoku kunoda batira pamwe yomubereki wako asati ari chidhakwa navanun’una kana kuti hanzvadzi.d Mukai! yechiNgezi yaDecember 8, 1982, yakapa zvikarakadzo zvakananga pamusoro pokuti mitezo yemhuri inogona sei (1) kubetsera chidhakwa kunangana nemiuyo yokunwa kwacho uye (2) kuchishora zvakananga pamusoro pokunwa kwacho. Kutarisira nhau neiyi nzira kungamubetsera kuona dikanwo yokuwana rubatsiro.

Ibva mumugariro wechinetso. Zvirevo 17:14 inoti: “Rega rukave, kurwa kusati kwasvika.” Usazviisa umene mungozi kupfurikidza nokupinda pakati pekakavadzano yavabereki. (Zvirevo 26:17) Kana kuchibvira, enda kukamuri rako, kana kuti enda kuimba yeshamwari. Kana tyisidziro yamasimba masimba ikavapo, betsero yokunze ingadikanwa.

Bvuma mirangariro yako. Dzimwe pwere dzinonzwa dzine mhaka nemhaka yokuti pane dzimwe nguva dzinotsamwira baba vadzo. Asi ndokwemuzvarirwo bedzi kunzwa neiyi nzira, zvikurukuru kana kunwa kwavo kuchivadzivisa kukugovera tarisiro netsigiro zvaunoda. Chokwadi, Bhaibheri rinokuraira kukudza mubereki wako. (VaEfeso 6:2, 3) Asi ku“kudza” kunoreva kuremekedza chiremera chake choubereki nenzira yawaizokudza nayo mukuru mukuru wamapurisa kana kuti mutongi. Hakusati kuchireva kuti unobvumira kunwa kwake. (VaRoma 12:9) Uyewo hausati uri munhu akashata nemhaka yokuti unosemburwa nokunwa kwake; udhakwa hunosembura! (Ona Zvirevo 23:29-35.) Zvichida, kunyanguvezvo, unogona kudzidza kunangidzira ruvengo rwako pahudhakwa hwavo panzvimbo paivo pachavo.—Enzanisa naJudhasi 23.

Wana songaniro inovaka. Apo upenyu pamusha hunenge huri hwakavhiringidzika, unogona kurasikirwa nechiono cheizvo zviri zvomuzvarirwo. Naizvozvo kunokosha kuti ufarikanye songaniro yavanhu vakanaka mumudzimu nomumurangariro. Ungano yechiKristu ndiyo manyuko e“vanun’una, nehanzvadzi namadzimai” vanogona kugovera tarisiro huru netsigiro. (Marko 10:30) Vanogonawo kukugovera zororo rapanhambo nenhambo panhamo yemhuri. Songaniro nemhuri dzechiKristu dzinogona kukugoverazve muenzaniso wakanaka woupenyu hwemhuri, uyo unogona kuvandudza muenzaniso wakavhiringidzwa waunocherekedza pamusha.

Wana betsero. Kuva nomunhu mukuru akakura mumudzimu, anovimbwa naye waunogona kugoverana naye mirangariro yako kunobetsera chaizvoizvo. Vakuru veungano kazhinji kazhinji vanobatira mune urwu rutivi. “Pasinei hapo nokuti unonzwa zvakashata sei,” anoyeuchidza kudaro Dr. Timmen Cermak, “yeuka kuti hausati uchifanira kutambura uri woga.”

Aiwa, ungasakwanisa kuchinja mugariro pamusha. Asi sokunyora kwakaita Dr. Claudia Black: “Mitezo yemhuri inogona kuchinja nzira iyo upenyu hwayo hunotapurwa nayo.” Panzvimbo pokuedza kudzora chidhakwa, nangidzira ngwariro pamunhu mumwe waunogona kudzora—iwe. Tarisira zvinodikanwa zvako zvomudzimu. (Mateo 5:3; 24:14; VaHebheru 10:24, 25) “Pedzisai kuponeswa kwenyu,” rinotaura kudaro Bhaibheri pana VaFiripi 2:12. Kuita saizvozvo kuchakubetsera kuchengeta chiono chakanaka, uye kungatosunda mubereki wako kutsvaka betsero yechinetso chake.

[Mashoko Omuzasi]

a Kana uri kubatwa zvisina kufanira nomubereki ari chidhakwa, unoda betsero. Kurukura nomunhu mukuru waunovimba naye. Pakati peZvapupu zvaJehovha, somuenzaniso, pwere dzinogona kunzwa dzakasununguka kusvika vakuru veungano kana kuti mamwe maKristu akakura mumudzimu. Nhungamiro inokosha pamusoro pokubetsera vanyajambwa vokubatwa zvisina kufanira inowanwa muMukai! No. 4, 1991.

b Nokuda kwokupfavisa, tichanongedzera pano kuchidhakwa somunhurume. Asi nheyo dzacho dzinoshandawo kuzvidhakwa zviri vanhukadzi.

c Nokuda kwamamwe mashoko pamusoro poudhakwa, ona zvinyorwa zvaMay 22, 1992, uye July 8, 1982, zvaMukai! yechiNgezi. Onawo chinyorwa chaSeptember 15, 1983, cheNharireyomurindi.

d Kana mubereki ari chidhakwa achitaura kuti muKristu, mhuri yenyu ingadawo kukumbira rubatsiro rwavakuru veungano.

[Mufananidzo uri papeji 19]

Kurukura zvakajeka mirangariro yako nomunhu mukuru anovimbwa naye

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe