Mhuri Inogona Sei Kubetsera?
“Kutanga murume anonwa chinwiwa chinodhakisa, uye chinomuita kuti ade kunwazve chimwe, uye pakupedzisira chinwiwa chinodzora munhu.”—Chirevo Chokumabvazuva.
URI kufamba pamucheto penyika yomurove. Nokukurumidza, pasi panonyudza. Mukati mechinguvana wava kunyura mujecha rinonyudza. Paunoparapatika zvikuru, unonyurawo zvikuru.
Hudhakwa hunomonzvera mhuri yose zvikuru nomutoo wakafanana. Mukwanyina anotsamira anoparapatika mukupererwa nezano rose zvaro kuchinja chidhakwa. Achisundwa norudo, anomutyisidzira, asi iye achiri kunwa. Anovanza doro rake, asi iye anotenga rimwe. Anovanza mari yake, asi iye anokwereta shamwari. Anomutsira rudo rwake nokuda kwemhuri, nokuda kwoupenyu, kunyange nokuda kwaMwari—asi hakuna maturo. Paanoparapatika zvikuru, mhuri yose inonyura zvakadzama zvikuru mumurove wezvinwiwa zvinodhakisa. Kuti ibetsere chidhakwa, mitezo yemhuri inofanira kutanga kunzwisisa mugariro woudhakwa. Inodikanirwa kuziva chikonzero nei zvimwe “zvigadzikiso” zvinenge zvine chokwadi chokukundikana, uye inotofanira kuziva iri mitoo inoshanda zvomenemene.
Udhakwa hunopfuura kuraradzawo zvakwo. Ndiwo mugariro wechienzi wokunwa unoratidzirwa kupfurikidza nokudeya kubatikana nechinwiwa chinodhakisa nokurasikirwa noudzori pakunwiwa kwacho. Nepo nyanzvi zhinjisa dzichibvuma kuti hahugoni kurapika, udhakwa hunogona kubatwa negadziriro yokurega yenduramo.—Enzanisa naMateo 5:29.
Mune zvimwe zvinoitika mugariro wacho ungaenzanisirwa nouya womunhu ane chirwere cheshuga. Nepo asingagoni kuchinja mugariro wake, munhu ane chirwere cheshuga anogona kubatira pamwe nomuviri wake kupfurikidza nokurega shuga. Nomutoo wakafanana, chidhakwa hachigoni kuchinja kuita kwomuviri wacho kukunwa, asi icho chinogona kushanda mutsinhirano nekangaidziko yacho kupfurikidza nokurega chose chose chinwiwa chinodhakisa.
Zvisinei, ikoku kuri nyore zvikuru kutaura kupfuura kukuita. Chidhakwa chinopofumadzwa nokuramba. ‘Handina kushata kudaro.’ ‘Mhuri yangu inondigombedzera kuti ndinwe.’ ‘Mushandirwi wangu anonetsa zvikuru, ndiani aisanwa?’ Kurangarira kwake kazhinji kazhinji kunopwisa zvikuru zvokuti mhuri yose ingamukumbanira mumuitiro wokuramba. ‘Baba vako vanodikanirwa kuzorora pakupera kwezuva.’ ‘Baba vanoda kunwa. Vanoshivirira kunetswa kukuru kunobva kuna Amai.’ Mumigariro ipi neipi havangatongofumuri chakavanzika chemhuri: Baba chidhakwa. “Ndiyo nzira bedzi yavanogona nayo kugara pamwe chete,” anotsanangura kudaro Dr. Susan Forward. “Nhema, pembedzo, uye zvakavanzika zvinozivikanwa sokuzivikanwa kunoitwa mhepo mune iyi misha.”
Mitezo yemhuri haingagoni kuzvuva chidhakwa mumurove kutozosvikira ivo vatanga kuzvibudisa vamene. Vamwe vangaramba havo vachiti, ‘Ndicho chidhakwa chinoda betsero, kwete ini!’ Asi rangarira, kuti: Zvidakadaka zvako nezviito zvakabatana zvakadini nomufambiro wechidhakwa? Zviito zvake zvinokusakisa kazhinji kakadini kushatirwa, kunetseka, kukangaidzika, kutya? Unogara pamba kangani uchitarisira chidhakwa apo iwe unofanira kuve wakabatikana mumubato unokosha zvikuru? Apo mitezo isati iri zvidhakwa yemhuri inoita nhano dzokuvandudza upenyu hwayo imene, chidhakwa chingatevera.
Rega kupomera mhaka. ‘Kana ukandibata zvakanaka zvikuru, handisati ndichizofanira kunwa,’ chidhakwa chingataura kudaro. “Chidhakwa chinoda kuti urambe uchidavira kuti ikoku kwakadaro kuti chigone kuisa mutoro wokunwa kwacho pauri,” anodaro mupi zano Toby Rice Drews. Usadavira iyi pfungwa. Chidhakwa chinotsamira pasati pachingova bedzi pachinwiwa chinodhakisa asiwo pavanhu vacharumbidza kuramba kwake. Mitezo yemhuri nokudaro noune ingapfuuridzira kunwa kwake chinwiwa chinodhakisa.
Chirevo cheBhaibheri pamusoro pokusatana kushatirwa chingashanda zvakaenzana kuchidhakwa: “Murege awane miuyo. Kana ukamubudisa munhamo kamwe chete, uchatofanira kukuitazve.” (Zvirevo 19:19, Today’s English Version) Hungu, chidhakwa ngachiridzire runhare mushandirwi wacho, kuti chitsanangure chikonzero nei chisingakwanisi kushanda, kumuka pahuvato, kuchenura marutsi acho anoparirwa nokunyonwisa. Kana mhuri ikamuitira zvinhu zvakadaro, vari kungomubetsera bedzi kuti anwe kusvikira kurufu.
Wana betsero. Kwakaoma uye zvimwe hakutobviriri mutezo wemhuri kuti ubude mumurove woga. Unoda tsigiro. Tsamira zvikurukuru pashamwari dzisati dzichizotsigira kuramba kwechidhakwa kana kuti kukurega wakagara pauri.
Kana chidhakwa chikabvumira kuwana betsero, chisakiso chomufaro mukuru. Asi anongova bedzi mavambo omuitiro wokurega. Rutsamiro rwokunyama pachinwiwa chinodhakisa runogona kubatwa mumazuva mashomanene kupfurikidza nokubvisa havi. Asi rutsamiro rwendangariro rwakaoma zvikuru kukwanisa.
[Bhokisi riri papeji 23]
Miitiro Yakajeka Yezvidhakwa
Kudeya kubatikana: Chidhakwa chinokarira neshungu nhambo dzacho dzokunwa. Paanenge asiri kunwa chinwiwa chinodhakisa, iye ari kufunga pamusoro pechinwiwa chinodhakisa.
Kurasikira Nokudzora: Kunwa kwake kunowanzova kwakasiana nezvaanorangarira, pasinei hapo nokuti kutsunga kwake kwakatsiga sei.
Kusazununguka: Miitiro yokuzvigadzirira (“Handitongonwi ndoga bedzi,” “nyangwe mukati mebasa,” zvichingunodaro) dzinongova bedzi bata kumeso nokuda kwomuitiro chaiwo wechidhakwa: “Musarega chinhu chipi nechipi chichivhiringidza kunwa kwangu.”
Kushivirira: Mano echienzi ‘okukwanisa kunwa doro ndokusacherekedzwa’ haasiri chikomborero—kazhinji kazhinji ndicho chiratidzo chokutanga choudhakwa.
Miuyo Yakashata: Miitiro yenguva dzose haiiti kuvadziko pamhuri, basa, uye utano hwake hwokunyama. Udhakwa hunodaro.—Zvirevo 23:29-35.
Kuramba: Chidhakwa chinorangarira, chinodukupisa, uye chinopembedza kuzvibata kwacho.