Zvinhu Zviri Kuvandudzika Chaizvoizvo Here?
“Rusvingo [rweBerlin] rungava rwakazaruka zvikuru sezvo zvisungo zvokuMabvazuva nokuMadokero zvinowedzera. Asi kuchatora makore, kunyange zvizvarwa, rusati rwawa. MaGermany maviri haasati achizotongovazve imwe.” Yakanyora kudaro magazini yenhau ine mukurumbira yeAmerica muna March 1989.
Asingasviki mazuva 250—kwete makore, tisingatauri chinhu nezvezvizvarwa— gare gare, rusvingo rwakavamba kukoromoka. Mukati mamavhiki, zviuru zvezvimedu zvarwo, zvino zvaderedzerwa kumugariro wokuva zviyeuchidzo, zvakanga zvoshongedza pamusoro pezvibhariro munyika yose.
CHIDZITIRO cheSimbi chine ngura zvikuru chakanga chakamuka pakupedzisira, kuchimutsa tariro dzokuti pakupedzisira rugare rwenyika yose nechengeteko zvakanga zvava pedyo. Kunyange Hondo yeGulf muMiddle East haina kudzimaidza tariro yokuti kukwikwidzana kwagara nguva refu pakati pokuMabvazuva nokuMadokero kwakanga kwapera, uye nhevedzo yenyika itsva yakanga yava pedyo.
Kuwedzera Ukuru Hutsva
Chifo chehondo yenyika yechipiri, kuenda kuEurope yakabatana kwave kuri pachena. Muna 1951, marudzi eEurope yokuMadokero akavamba European Coal and Steel Community. Iyoyi yakateverwa muna 1957 neEuropean Common Market. Muna 1987 mitezo 12 yeiri sangano ramarudzi ose (zvino mamirioni 342) yakagadza nharidzano yechibatanwa chakakwana chezvemari panozosvika 1992. Kunyange chibatanwa chakazara chezvamatongerwe enyika zvino chinoratidzika kuva bviro yakasimba. Iyoyi ichinjo inozorodza zvakadini kubva munhau yakasvibiswa neropa yeEurope yekare!
Nemhaka yenyongano yezvamatongerwe enyika yemisi ichangobva kupfuura iyi, zvisinei, 1992 ari kuva noukoshi hukuru zvikuru. Fungidziro yakawedzera yokuti dzaichimbova nyika dzechiKomonisiti dzeEurope yokuMabvazuva pakupedzisira dzingabatanidzwawo muEurope yakabatanidzwa.
Tsigiro Youmwari Here?
Mamwe mapoka orudzidziso, achizvidza nheyo yokusatora rutivi kwechiKristu, akabvumira dzvinyiriro yamakumi amakore yorudzidziso muEurope yokuMabvazuva kuti iasundire mukubatanidzwa mune zvamatongerwe enyika kwokushingaira. Ichitsinhira pana ikoku, Frankfurter Allgemeine Zeitung yeGermany yezuva nezuva inotaura kuti “tsigiro yamaKristu mukuparira chinjo muMabvazuva haikwikwidzwi,” ichiwedzera kuti “kugoverana kwawo zvirokwazvo hakufaniri kurerutswa.” Inotaura noudzame, kuti: “MuPoland, somuenzaniso, rudzidziso rwakazvibatanidza rumene norudzi, uye chechi yakava muvengi akasindimara webato rinotonga; muGDR [yaichimbova East Germany] chechi yakagovera nzvimbo yakasununguka nokuda kwavapanduki ndokuvabvumira kushandisa zvivako zvechechi nokuda kwamadonzo okuronga; muCzechoslovakia, maKristu navatsigiri vokusarudza hurumende vakasangana mutorongo, vakasvika pakunzwisisana, uye pakupedzisira vakabatana.” Kunyange muRomania, umo “machechi akabvumikisa kuva vashandi vakatendeka vehurumende yaCeauşescu,” kwakanga kuri kusungwa kwakatyisidzirwa kwomufundisi Laszlo Tökes kwakanyandura chinjo.
Vatican yakabatanidzwawo. Magazini yeTime yakatsinhira muna December 1989, kuti: “Apo muitiro waGorbachev wokusapindira wakanga uri chisakiso chapakarepo chokuitika kwakatevedzana kworusununguko kwakapararira muEurope yokuMabvazuva mumwedzi mishomanene yakapfuura, John Paul anofanirwa nembiri inosvika kure zvikuru. . . . Muma 1980 mose hurukuro dzake dzakasimbisa zvikuru mufungo weEurope yakabatanidzwazve kubvira kuAtlantic kusvikira kuUrals uye kuchikuchidzirwa nokutenda kwechiKristu.” Nokudaro, chaizvoizvo, paakanga achishanyira Czechoslovakia muna April 1990, papa akaratidzira tariro yokuti shanyo yake yaizozarura masuo matsva pakati pokuMabvazuva nokuMadokero. Iye akazivisa musangano wavafundisi wakarongwa wamabhishopi okuEurope kuti varonge gadziriro dzokuzadzika chiono chake che“Europe yakabatanidzwa pahwaro hwamavambo ayo echiKristu.”
Germany yakabatanidzwa mukati nechimiro cheEurope yakabatanidzwa haingagoni kubvumikisa kuva mutangiri weEurope yakabatanidzwa chose chose, uye ipapo kunyange wenyika yakabatana here? Kubatanidzwa kworudzidziso hakuratidziri kuti ikoku ndiko kunopikira Bhaibheri here? Zvirokwazvo, navafundisi vari mukose kuri kuviri kuMabvazuva nokuMadokero zvino vari kushanda mukati mechimiro chezvamatongerwe enyika nokuda kworugare nechengeteko, hatingagoni kukarira ikoku kuva chinhu chaichoicho nokukurumidza here? Ngationei.
[Mepu/Mufananidzo uri papeji 4]
Chechi yePurotesitendi yeNikolai iri muLeipzig—chiratidziro chokumukira kwezvamatongerwe enyika muGermany
Nyika dziri mitezo yeEuropean Common Market