RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g92 8/8 p. 8
  • AIDS muAfrica—Nyevero Kunyika!

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • AIDS muAfrica—Nyevero Kunyika!
  • Mukai!—1992
  • Mashoko Akafanana
  • AIDS Yakapararira Zvakadini muAfrica?
    Mukai!—1992
  • Neiko Africa Iri Kutambura Zvikuru Kwazvo?
    Mukai!—1992
  • AIDS—Ndiri Pangozi Here?
    Mukai!—1993
  • Kubetsera Avo Vane AIDS
    Mukai!—1994
Ona Zvimwe
Mukai!—1992
g92 8/8 p. 8

AIDS muAfrica—Nyevero Kunyika!

“KANA une mudiwa 1 pagore kwamakore 6, uye vadiwa vako vose vachidarowo, zvikurukuru uchave wava nevatano navanhu 45 000.” Uku kuverenga kuri nyore kwakaitwa naDr. K. E. Sapire, kwakanokorwa mashoko mumagazini yeSouth Africa inonzi Continuing Medical Education kunoratidzira bviro huru youtachiona hweAIDS huripo nokuda kwevatano yokusasarura.

Naizvozvo neiko kunangidzira ngwariro paAfrica?

Nemhaka yokuti chiri kuitika ikoko inyevero kunyika. Africa haisiri nzvimbo bedzi umo vatano yokusasarura yakapararira. Ndichinoitika chenyika yose. “Pakupedzisira,” inodaro nyanzvi yeAIDS Dr. Dennis Sifris, “munhu ari wose anobatikana muvatano munyika nomukwanyina anopfuura mumwe chete ane bviro yokuva mungozi.” Nenzira yakafanana, mukuwirirana nemagazini inonzi U.S.News & World Report, kupfurikidza nemipimo yanhasi kunyange “roorano haisiri simbisiro yevatano yavanhu vane mitezo yakasiana—kana kuti yokutendeseka—uye nokudaro hapana chidzitiro chakakwana chokurwisana neAIDS.”

Nokudaro, nokuda kwezvikonzero zvakanaka, magazini inonzi African Affairs inonyevera, kuti: “Murakatira unogona kuwanwa kumwewo zvako.” Ratidziro dzose ndedzokuti dambudziko reAfrica ratova kudzokororwa muna mamwe mativi akawanda enyika.

Magazini yeNewsweek inoshuma kuti muBrazil, somuenzaniso, “zviverengero zvinokura zvavanhu vanova nevatano navanhu vane mitezo yakasiana zvakabata AIDS kubva kuvadiwa vavo vakatapurwa.” Sangano routano renyika iyoyo rinofungidzira kuti inenge hafu yemirioni inotova nechirwere cheHIV. “Kana chimwe chinhu chikasaitwa,” anodaro Dr. Carlos Alberto Morais de Sá, mukuru wokunzverwa kweAIDS paRio de Janeiro’s Gaffrée e Guinle University Hospital, “tichanangana nengwavaira yavose youtano.”

United States inotyisidzirwawo. “Nepo chiverengero chavanhu vanova nevatano navanhu vane mitezo yakasiana chiri chiduku zvikuru,” inoshuma kudaro magazini inonzi Time, “chakadarika 40% gore rapfuura [1990], nokukurumidza zvikuru kupfuura mumwe mwero upi noupi.” Vhiki rapashure pokunge kwaziviswa kuti wezvemitambo akakurumbira Magic Johnson akanga awana AIDS kupfurikidza nevatano yavanhu vane mitezo yakasiana, waya dzorunhare dzokuvarapi dzakanga dzakabatikaniswa navanhu vakanga vabatwa nepanikiro vachitsvaka mashoko akawanda pamusoro pechirwere chacho.

Migariro iri muAsia iri kuratidzira bviro yengwavaira huru yosvika. Rutivi irworwo rwenyika rwakawana wedzero mubviro yechirwere cheHIV kubva pakudokusava nayo muna 1988 kusvikira kuinopfuura mirioni nhasi! “Mwero yeAfrica yetapuro icharatidzika kuva ine mwero mukuenzanisa,” anotaura kudaro Dr. Jim McDermott, achipa mushumo pashure pokutumwa kundotsvaka maidi kuAsia. Iye anowedzera, kuti: “Ndinopwisa kuti Asia ichava nzvimbo yechiverengero chikuru chavanyajambwa vomurakatira wenyika yose weAids.”

Kuedza kuisa mutoro wamavambo nokupararira kweAIDS pane nyika ipi neipi kana kuti boka rorudzi hakuna maturo uye hakushandi. Dr. June Osborn, mukuru weSchool of Public Health paYunivhesiti yeMichigan, U.S.A., akakutaura zvakajeka, achiti: “Hakusiri kuti uri ani asi chaunoita.”

AIDS ichapfuurira nokuparadza kwayo munzvimbo iri yose here? Pane chigadzikiso here, kana kuti AIDS pakupedzisira ichaderedza chiverengero chavagari vemo venzvimbo dzakawanda dzenyika yeAfrica namamwe mativi enyika?

[Vakatipa Mufananidzo uri papeji 8]

WHO photo by H. Anenden; background: NASA photo

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe