Ndakachengeta Chipikirwa Changu
NDAKABEREKERWA muRio de Janeiro, Brazil, mukati momutambo paCarnival Sunday, 1930. Yaivapo yakanga iri mitezo yechaunga chapamusoro cheRio—vanachiremba, vakuru vakuru vehondo, uye vezvebhizimisi vakapfuma. Nenzira yokutenda mashura, vose zvavo vakakanda ringi dzegorodhi nedhaimondi mumvura yakashandiswa kundigezesa kwenguva yokutanga, vachidavira kuti ikoku kwaizobetsera uyu mwana mukomana kuva akapfuma naakakurumbira. Rinenge gore nehafu gare gare, ndakagamuchira mubairo somwana akatsvinda zvikurusa muRio mumakwikwi akagoverwa nemagazini.
Nokukurumidza gare gare amai vangu vakarwara zvakakomba. Apo vanachiremba vakashaya tariro yokunaya kwavo, baba vangu vakavarega navana. Vakakwanisa kundishandisa nokuda kwokubhadhara chikwereti uye naizvozvo ndakasvika pakugara nemhuri yakapfuma muGuarujá, pachitsuwa cheSanto Amaro, munyika yeSão Paulo. Ikoko ndakakura ndisingayeuki yaichimbova mhuri yangu. Zvisinei, mukati mezororo rechikoro randakapedzera muRio de Janeiro—anenge makiromita 450 kubva kwandaigara muGuarujá—chimwe chinhu chakaitika icho chakachinja upenyu hwangu.
Kusangana Nebanza
Ndaitamba navakomana vezera rangu muchikamu cheRio chainzi Jardim da Glória. Sezvo vabereki vangu vokurera vaindipa mari yakawanda, ndaitenga ice cream nokuda kweboka rose, naizvozvo ndakanga ndakakurumbira zvikuru. Mumwe wavakomana ivavo, Alberto, akandibvunza kuti ndaibva kupi. Pandakamuudza, iye akati: “Ndine munun’una anogarawo munyika yeSão Paulo, asi handina kutongomuziva. Zita rake ndiCézar. Baba vangu vakamupa kuimwe mhuri ikoko, uye zvino amai vanochema zuva riri rose nemhaka yokuti havana tariro yokumuonazve.”
Iye akawedzera, kuti: “Kana ukazombosangana nomumwe mukomana ane makore anenge gumi okukura muSão Paulo anonzi Cézar, muudze kuti wakasangana nomukoma wake uye kuti amai vake vangada kumuona.”
“Handimbokukanganwi,” ndakapikira kudaro. “Kunze kwezvo, zita rake nderimwe chetero nerangu.”
Chinjo Mumigariro
Alberto akaudza amai vake pamusoro pekurukurirano yedu, uye vaida kusangana neni. Apo Alberto neni takasanganazve muJardim da Glória Svondo rakatevera, iye akati: “Amai vanoda kukuona. Ndinofunga kuti vanoda kukutuma neshoko kumunun’una wangu ari muSão Paulo.”
Nokukurumidza Alberto akandiendesa kuna amai vake, avo vakanga vagere pabhenji romupaka. Vakanditarisisa. Ipapo vakandimbundira ndokutanga kuchema. “Vabereki vako ndivanani?” vakabvunza kudaro.
“Garibaldi Benzi naNair,” ndakapindura kudaro. “Uye zita rangu ndiCézar Benzi.”
Vakakumbira kusangana naamai vangu, avo vakadokuzheuka pandakavaudza chakanga chaitika. Gare gare vanamai vaviri vakasangana uye vakataura pamusoro pangu kwenguva refu. Pashure pakwo Alberto akati kwandiri: “Amai vangu ndivo amai vako chaivoivo, uye iwe uri munun’una wangu!”
Amai vakanga vanaya pakurwara kwavo uye, vari voga, vakanga vachirera mukoma wangu nehanzvadzi. Pandakaziva zvapachokwadi kuti ndakanga ndawana mhuri yangu chaiyo, ndakakumbira kugara navo, kukuodzwa mwoyo kukuru kwaamai vangu vokurera. Zvisinei, ndaiva nechishuvo chakasimba chokuva nomukoma wangu ndimene nehanzvadzi. Ndakanzwawo urombo nokuda kwaamai vangu, avo vakanga vatambura, vasingazivi kana ndakanga ndafa kana kuti ndaiva mupenyu. Naizvozvo ndakamira zvakasimba muchisarudzo changu kunyange zvazvo kwakareva kubva pamusha wakapfuma muGuarujá kuenda kuimba iri muchikamu chourombo cheRio de Janeiro. Ichinjo yakadini! Zvino ndaifanira kubva ndokuenda kunoshanda zvakaoma pashure pechikoro, sezvo mhuri yangu yaitsamira pamari yandaitambira nokuda kwokurarama.
Ndinoita Chipikirwa
Pandakakura zvikuru, ndakadzidza kuita uye, gare gare, kugadzira mabwe anokosha. Boka randaishanda naro raibatawo nezvinhu zvakabva kunze kwenyika—zvizhinji zvazvo zvaiva zvinhu zvakapinzwa zvisiri pamutemo—izvo zvaibvumikisa kuva zvine mari zvikuru. Nemhaka yemari yourere, ndakabatanidzwa mumapati, vakadzi, uye mitambo yokunwa. Ipapo, pandakanga ndava namakore 22, ndakaroora Dalva, shamwarisikana kuvambira mumazuva echikoro. Ndakanga ndisina kumufanira chaizvoizvo. Akanga ari mudzimai akanaka naamai—akadzidza, anozvibata, uye ane tsika dzakanaka.
Humwe husiku, pashure pokunge taroorana kwamakore manomwe, ndakanga ndiri munzira kuenda kumusha ndichibva kune imwe pati youpengo pandakavamba kufunga zvakakomba. Ndakarangarira kuti noupenyu hwandakanga ndichirarama, ndaisagona kudzidzisa tsika dzakafanira kuvana vedu vatatu vanokura. Naizvozvo ndakasarudza kuchinja. Ndichisvika kumusha, ndakamutsa Dalva kuti ndimuudze nezvechisarudzo changu.
“Unoreva kuti wandimutsa panguva dzepiri mumangwanani kuti ungondiudza zvoupenzi izvozvo here?” Akanga ane zvikonzero zvakawanda zvokusandivimba. Asi ndakapikira, kuti: “Nguva ino ndinoreva chokwadi chaizvoizvo. Uye kutanga, ndichatamisira chitoro changu pedyo nomusha wedu kuti tigova nenguva yakawanda pamwe chete semhuri.” NaDalva achiri anopanikira, takaenda kundorara.
Zuva rakatevera ndakawana chivako chine nhurikidzwa mbiri uye ndakaita gadziriro dzokuita kuti musha wedu uve panhurikidzwa yapamusoro uye chitoro changu pasi. Ipapo ndakaenda kune dzaichimbova shamwari dzangu ndokuvaoneka. Ndakanga ndatsunga kuchengeta chipikirwa changu. Kwenguva yokutanga, Dalva neni takavamba kufarikanya upenyu pamwe chete navana.
Ndakabetserwa Kuchengeta Chipikirwa Changu
Inenge mwedzi mitatu gare gare, Fabiano Lisowski akandishanyira. Iye akanga andiziva kwenguva yakareba. Naizvozvo pandakamuti ndaida kuti aonane nomudzimai wangu, iye akabvunza, kuti: “Wako wapamutemo here?”
Apo Dalva akapinda, ndakamusuma kwaari so“muprista worudzidziso rwakati rweBhaibheri.” Iye akaseka ndokutsanangura kuti akanga ari mumwe weZvapupu zvaJehovha. Ndakanga ndisingafariri rudzidziso, asi Dalva aida Bhaibheri. Iye naDalva vakavamba kutaura, asi ndakaramba ndakanyarara, sezvo ndisina kunzwisisa chinhu chipi nechipi chavaitaura pamusoro pacho.
Fabiano akatikoka kumusangano Svondo yakatevera. Kukushamisika kwake ndakapikira kuenda. Dalva akafara zvikuru zvokuti akashaya chokuita. Aiziva kuti ndaiva munhu weshoko rake uye kuti kana ndati ndaizoenda kumusangano, iye aikuvimba. Zvinhu zviviri zvandakanga ndadzidza mukubata nokupinza zvinhu zvisiri pamutemo: wakachengeta shoko rako uye hauna kutongononoka nokuda kwerangano.
Nguva dzose ndakanga ndichifamba nevhorovhoro mubhandi rangu, asi pandakaenda kumusangano, ndakasiya pfuti yacho kumusha. Vanhu vaiva vane mutsa navane tsika dzakanaka, naizvozvo ndakapikira kudzokera Svondo yakatevera. Kuvambira ipapo zvichienda mberi taipinda misangano nguva dzose paHoro yoUmambo, uye handina kutongofambazve nepfuti yangu.
Fabiano akaronga kutishanyira manheru mamwe namamwe eChitatu, pamwe chete nomudzimai wake naambuya. Achiziva kuti ndakanga ndiri asingadaviri kuvapo kwaMwari, akataura zvikurusa kuna Dalva. Ndichinzwa ndisingabatanidzwi, ndakatanga kutaura kwaari pamusoro pezvimwe zvinhu, uye iye nenzira yokuzvibata akavamba kupa ngwariro yakawanda kwandiri. Ndakaona kuti akanga ane bhuku rinonzi, “Mwari Ngaave Wazvokwadi,” asi akanga achizengurira kurigovera kwandiri. Pakupedzisira, ndakabvunza, kuti: “Bhuku iri ndereiko?”
Ashamiswa, akapindura, kuti: “Rokufunda mariri.”
“Kana riri rokufunda mariri,” ndakapindura kudaro, “ngationei zvarinotaura.”
Munhu ari wose akashamiswa uye havana kuziva zvokukarira chaizvo. Zvisinei, fundo yakatangwa, uye ndakasanoteerera. Dalva akanga achifara, uye kunyange vana vatatu vakada tsananguro dzaFabiano.
Mukati mefundo, mudzimai waFabiano akacherekedza kuti ndaisvuta fodya nenzira yakatsiga, uye iye akatsinhira, kuti: “Munoratidzika somunosvuta zvikuru.”
“Ndakasvuta chifo chamazuva angu apachikoro,” ndakatsanangura kudaro. “Uye pandinenge ndichinzvera zvigadzirwa zvamabwe anokosha, ndinosvuta nguva dzose.”
Nenzira yokungwarira pakutaura, iye akati: “Vanhu vazhinji vanoedza kurega kusvuta asi havagoni.”
“Ndinogona kurega nguva ipi neipi yandinoda,” ndakakurumidza kupindura kudaro.
“Ndizvo zvamunofunga,” akapindura kudaro.
“Kungokuratidzai bedzi, ndiri kurega nhasi,” ndakamuudza kudaro. Ndakadaro, uye handina kutongosvuta chifo chaipapo.
Mukati memwedzi mishomanene yokutanga yefundo yedu, zvinhu zvakanga zvisiri nyore. Dzaichimbova shamwari dzaiuya kwandiri ndokupa chikamu chebhizimisi chinozvidzwa, uye vakadzi vaimbotamba neni vaiuya kumusha wedu vachinditsvaka. Asi ndakanga ndakatsunga kuchinja upenyu hwangu, uye kupfurikidza nomutsa usakafanirwa waJehovha, ndakakwanisa kuita kudaro. Bhizimisi rangu rakaderera pakutanga, uye taifanira kuderedza mararamire edu. Asi nokufara, Dalva akanga ari manyuko ekurudziro nguva dzose.
Pashure pemwedzi mishanu yefundo yeBhaibheri, panikiro dzangu dzose dzakabviswa. Ndakapwiswa kuti Jehovha ndiMwari wechokwadi uye Bhaibheri iShoko rake rakanyorwa. Naizvozvo pana January 12, 1962, Dalva neni taiva pakati pavanhu 1 269 vakabhapatidzwa pakokorodzano huru yokutanga muSão Paulo, yakaitwa muIbirapuera Park. Chiono chakadini kuona vanhu vane 48 000 muchiverengero chavapindi!
Kudzidzisa Vana Vedu
Kokorodzano iyoyo yakabetsera kuroverera pandiri mutoro wokudzidzisa nokurovedza vana vedu. Naizvozvo takakurumidza kuronga nokuda kwefundo yeBhaibheri yemhuri pausiku hweChitatu. Kunyange nhasi, Chitatu chinopfuurira kuva usiku hwedu hwefundo yemhuri. Zvino, zvisinei, Dalva neni tinofunda toga, sezvo vana vedu vose vakaroora nokuroorwa.
Fundo yedu navana yaibatanidza kurukurirano yezvinetso zvakarovedzeka kuvechiduku muzuva redu, zvakadai sezvitaera zvomupfekero nokutsvinda uye mufambiro wakafanira pakati pavose vari vaviri varume navakadzi. Uyewo, kana mumwe wavana akava norutivi paChikoro Choushumiri Choubati Ushe hwaMwari, rwaizohwirudzurwa usiku hweChitatu.
Mukuwedzera, takaratidza vana runako rwechisiko chaJehovha kupfurikidza nokuvaendesa kunzvimbo dzinochengeterwa mhuka nedzimwe nzvimbo. Taizovabetsera kunzwisisa kuti mhuka neshiri zvakasikwa naJehovha nokuda kwokufarikanya kwomunhu uye kuti nokukurumidza tichava nomufaro wokuzviona, zvisiri mumakeji kana kuti muwaya, asi kunze pakazaruka, pazvingagona kuchengetwa nokutarisirwa.
Apo vana vakanga vachiri vaduku zvikuru, takanamira rudungwe mukamuri redu rokuchengetera midziyo yokubikisa nokuda kwokurava magazini eNharireyomurindi naMukai! nezvimwe zvinyorwa zveWatch Tower Society. Vose zvavo vakaita unani hwavo kuvambirana norudungwe zvokuti vaigona kutiudza zvavakanga vadzidza. Tinogona zvirokwazvo kutaura kuti kurovedza vana vedu muiyi nzira kwakatiunzira tuso dzakapfuma. Mumwe nomumwe wavana vatatu akabhapatidzwa vasati vasvika mumakore avo okuyaruka.
Cézar, mudukusa wedu, akanga ari wokutanga kuratidza chishuvo choushumiri hwenguva yakazara. Paakanga ava namakore mapfumbamwe okukura, akadanwa pasina kuziviswa kwapachine nguva mberi kuchikuva nomumwe mutariri anofambira, uyo akamubvunza chaaida kuzova paainge akura. “Mutezo weBheteri, mutariri wedunhu, kana kuti mufundisi,” Cézar akapindura kudaro.
Pazera ramakore 17, Cézar akava mushumiri piona wenguva yakazara. Munguvayo, akaita kosi yokutsikirira, nokudaro achizvigadzirira amene kushanda pahofisi yebazu yeWatch Tower Society muBrazil. Nokukurumidza pashure paikoku akakokwa kuBheteri, uye iye akabatira ikoko kwamakore mana. Ipapo akaroora, uye iye nomudzimai wake vakava mapiona chaiwo; vakapfuurira savakadaro kusvikira mwanakomana wavo aberekwa. Zvino Cézar anobatira somukuru wechiKristu, uye mudzimai wake ndipiona wenguva dzose. Mwanakomana wavo akabhapatidzwa muna 1990, apo akanga ava namakore 11 okukura.
Sandra, mumwe wavasikana vedu, akapinda mubasa roupiona muna 1981. Gore rakatevera akaroorwa naSílvio Chagas, mutezo wemhuri yeBheteri. Vakabatira pamwe chete kwamakore masere samapiona chaiwo uye zvino vari mubasa redunhu, vachishanyira ungano dzeZvapupu zvaJehovha. Munyambiri waSandra, Solange, nomurume wake vakabatira kwamakore matatu samapiona chaiwo. Mwanakomana wavo, Hornan, akabhapatidzwa misi ichangobva kupfuura iyi. Murume waSolange mukuru wechiKristu.
Dalva neni tinonzwa kuti ukuru hwomudzimu hwavana vedu hwakanga huri zvikuru nemhaka yefundo yedu yemhuri yenguva dzose yousiku hweChitatu, yakavamba makore 30 akapfuura. Imwe betsero mukuvarera yakanga iri yokutandara mumusha wedu nguva dzose navatariri vanofambira navamwe vashumiri venguva yakazara. Idzi hama dzechiKristu nehanzvadzi dzakayamura vana kukudziridza nharidzano youshumiri hwenguva yakazara.
Zvikomborero Zvomunhu Oga
Dalva neni takakunda nharidzano zhinji chifo cheiyo huru shure muna 1962, patakabhapatidzwa. Kwenguva yakati ndakabatira somutsivi womutariri wedunhu, uye takafarikanya ropafadzo yokushanyira ungano dzeZvapupu zvaJehovha. Ndakavawo negoverano mukuvakwa kweHoro yaMagungano muDuque de Caxias, chivako chakapedza makore mashanu. Uye kazhinji kazhinji ndakaoneka pamberi pezviremera zvehurumende, zvavanachiremba, uye zvavezvehondo, kubatanidza mutevedzeri wagavhuna wenyika. Donzo rouku kuvapo rakanga riri rokurenda nhandare nokuda kwekokorodzano dzedu uye kutsanangura chimiro chedu chokusatora rutivi, pamwe chete nechikonzero nei Zvapupu zvaJehovha zvisingagamuchiri kuisirwa ropa.
Pandinotarira shure ndokufunga nezvezvikomborero zvose zvakaisvonaka zvandakagamuchira chifo chousiku huya hunokosha zvikuru pandakamutsa Dalva kuti ndimuudze nezvechipikirwa changu, ndinogona nenzira yechokwadi kutaura kuti chikomborero chikurusa chazvose chave chiri kuva muparidzi wamashoko akanaka oUmambo hwaMwari. Dalva neni tinopwiswa kuti mutoo uyo Jehovha Mwari anotitungamirira nawo kupfurikidza nesangano rake i“Nzira” zvirokwazvo inotungamirira kuupenyu hunofadza uye pakupedzisira kuupenyu husingagumi munyika itsva yaMwari. (Mabasa 9:2; 19:9)—Yakataurwa naCézar A. Guimarães.
[Mufananidzo uri papeji 27]
Cézar Guimarães nemhuri yake nhasi