RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w26 January pp. 8-13
  • Jehovha Anogona Kukubatsira Paunombozvidya Mwoyo

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Jehovha Anogona Kukubatsira Paunombozvidya Mwoyo
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2026
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • ZVII ZVAIITA KUTI PAURO ASHAYE MUFARO?
  • CHII CHAIBATSIRA PAURO PAAIMBOZVIDYA MWOYO?
  • ZVATINGAITA KANA TICHIZVIDYA MWOYO
  • IVA NECHOKWADI CHEKUTI JEHOVHA ACHAKUBATSIRA
  • Mirangariro Yakashata—Inogona Sei Kukurirwa?
    Mukai!—1992
  • Ungakurira Sei Dambudziko Rokunzwa Usina Zvaunobatsira?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2010
  • Zvaungaita Kuti Uwedzere Kufara Muushumiri
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2024
  • Zvininipise Uchibvuma Kuti Pane Zvimwe Zvinhu Zvausingazivi
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2025
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2026
w26 January pp. 8-13

MARCH 9-15, 2026

RWIYO 45 Kufungisisa Kwemwoyo Wangu

Jehovha Anogona Kukubatsira Paunombozvidya Mwoyo

“Ndiri munhamo!”—VAR. 7:24.

ZVATICHADZIDZA

Tichadzidza zvatingaita patinotanga kufunga zvinhu zvinoita kuti tizvidye mwoyo kana kuti tisuruvare.

1-2. Dzimwe nguva muapostora Pauro ainzwa sei, uye takafanana papi naye? (VaRoma 7:​21-24)

PAUNONZWA nezvemuapostora Pauro, unofungei? Unofunga nezvemumishinari aiva neushingi here, mudzidzisi ainyatsogona basa rake, kana kuti munyori wemabhuku akawanda emuBhaibheri? Pauro akaita zvese izvi. Asi dzimwe nguva aimbosuruvara uye aimbozvidya mwoyo. Manzwiro aaiita ainge akafanana neevakawanda vedu mazuva ano.

2 Verenga VaRoma 7:​21-24. Mutsamba yaakanyorera vaRoma, Pauro akataura nezvemanzwiro aaiita uye vakawanda vedu tinombovawo nemanzwiro akadaro. Pauro aiva muKristu akatendeka uye ainyatsoda kuteerera Mwari, asi chivi chaaiva nacho chaiita kuti pamwe pacho zvimuomere kuita kuda kwaMwari. Dzimwe nguva aizvitongesa paaifunga zvinhu zvakaipa zvaakaita kare uye ainetsekawo nedambudziko raaiva naro rakanga risiri kupera.

3. Tichakurukurei munyaya ino? (Onawo mashoko emuzasi.)

3 Kunyange zvazvo Pauro aimbozvidya mwoyo, akashanda nesimba kuti asagara achingofunga nezvezvinhu zvinorwadza.a Munyaya ino tichakurukura mibvunzo inotevera: Chii chaiita kuti dzimwe nguva Pauro asuruvare? Chii chaimubatsira paaimbozvidya mwoyo? Uye tingaitei patinotanga kuzvidya mwoyo?

ZVII ZVAIITA KUTI PAURO ASHAYE MUFARO?

4. Chii chaiita kuti Pauro ashaye mufaro?

4 Zvinhu zvaakaita kare. Asati ava muKristu, Pauro, uyo aizivikanwa saSauro, akaita zvinhu zvakawanda zvakaipa. Semuenzaniso, pakaurayiwa Stefani achiita zvekutemwa nematombo, akanga aripowo achibvumirana nazvo. (Mab. 7:58; 8:1) Sauro akatambudzawo vaKristu vakawanda achivaitira utsinye.—Mab. 8:3; 26:​9-11.

5. Pauro ainzwa sei paaifunga zvaaiita asati ava muKristu?

5 Paakanga ava muKristu, muapostora Pauro aimbonetseka nezvaainge aita kare. Kutambudza kwaaiita vaKristu kunogona kunge kwakatowedzera kumushungurudza nekufamba kwaiita makore. Semuenzaniso, paakanyora tsamba yake yekutanga kuvaKorinde munenge muna 55 C.E., akati: “Handina kukodzera kunzi muapostora, nekuti ndaitambudza ungano yaMwari.” (1 VaK. 15:9) Mutsamba yaakanyorera vaEfeso, pashure pemakore mashanu, akazviti aiva “mudiki pavatsvene vese.” (VaEf. 3:8) Mune imwe tsamba yaakanyorera Timoti, Pauro akazviti aimbova “munhu anomhura, mutambudzi uye munhu anoita zvakaipa.” (1 Tim. 1:13) Pauro paaishanyira ungano anofanira kunge ainetseka chaizvo paaionana nevaya vaainge ambotambudza kana kuti nevanhu vemumhuri dzavo.

6. Chii chimwe chaiita kuti Pauro azvidye mwoyo? (Onawo mashoko emuzasi.)

6 Aiva nemunzwa munyama. Pauro akafananidza dambudziko raimushungurudza ‘nemunzwa uri munyama.’ (2 VaK. 12:7) Haana kutaura kuti dambudziko racho raikonzerwa nei. Asi fananidzo yaakashandisa inoratidza kuti dambudziko iri rinogona kunge raiva reurwere, rekunetseka mupfungwa, kana rimwewo dambudziko.b

7. Nei zvainge zvakaoma kuti Pauro arambe achiita zvakanaka? (VaRoma 7:​18, 19)

7 Kukanganisa kwaaiita. Pauro aishungurudzika nekukanganisa kwaaiita. (Verenga VaRoma 7:​18, 19.) Kunyange zvazvo aida kuita zvakanaka, nyama yake ine chivi yaimushayisa simba rekuita zvakanaka. Pauro aibvuma kuti paiva nekurwisana pakati pezvinodiwa nenyama yake uye chido chekuita zvakanaka. Akabvuma kuti yaiva hondo chaiyo kurwisa zvaidiwa nenyama yake. Asi akaramba achishanda nesimba kuti aite zvakanaka. (1 VaK. 9:27) Anofanira kunge airwadziwa chaizvo pese paaiita zvinhu zvakaipa zvaaida kusiya.

CHII CHAIBATSIRA PAURO PAAIMBOZVIDYA MWOYO?

8. Chii chakabatsira Pauro kuti akunde pfungwa dzekuda kuita zvakaipa?

8 Pauro aigara achifunga kuti iye nevamwe vaKristu vaifanira kuita sei kuti vakunde pfungwa dzekuda kuita zvakaipa vachibatsirwa nemweya waMwari. Izvi tinozviona mutsamba dzaakanyora. (VaR. 8:13; VaG. 5:​16, 17) Kakawanda, Pauro akataura kuti ndezvipi zvisingafaniri kuitwa nevaKristu kana vachida kufadza Mwari. (VaG. 5:​19-21, 26) Izvi zvinoratidza kuti Pauro aigara achifunga nezvezvinhu zvaaifanira kugadzirisa uye aitsvaga mazano muMagwaro kuti aone kuti angazvigadzirisa sei. Saka tinogona kuva nechokwadi chekuti aishandisa mazano aaipa vamwe vaKristu.

9-10. Chii chaibatsira Pauro paainge akaora mwoyo? (VaEfeso 1:7) (Onawo mufananidzo.)

9 Kunyange zvazvo Pauro aimboora mwoyo, pane zvinhu zvakawanda zvaimubatsira kuti arambe achifara. Semuenzaniso, aifara chaizvo paainzwa zvinhu zvakanaka zvaiitwa neungano dzaiva kure. (2 VaK. 7:​6, 7) Ushamwari hwaaiva nahwo nehama nehanzvadzi hwaiita kuti afare. (2 Tim. 1:4) Uye Pauro aifara nekuti aiva neushamwari hwepedyo naJehovha, uye aishumira Mwari “nehana yakachena.” (2 Tim. 1:3) Kunyange paaiva musungwa kuRoma, Pauro akakurudzira hama nehanzvadzi kuti dzigare ‘dzichifara munaShe.’ (VaF. 4:4) Mashoko aakataura haangamboiti seakataurwa nemunhu aiva nezvaimudya mwoyo. Zviri pachena kuti paaitanga kufunga zvinhu zvaimupedza simba, aikurumidza kubvisa pfungwa dzake pazvinhu izvozvo otanga kufunga zvinhu zvinoita kuti afare.

10 Chimwewo chaibatsira Pauro kuti arambe achifara kwaiva kuziva kuti rudzikinuro chipo chaakapiwa iye pachake naMwari. (VaG. 2:20; verenga VaEfeso 1:7.) Izvi zvakaita kuti ave nechokwadi chekuti Jehovha aizomuregerera achishandisa Jesu Kristu. (VaR. 7:​24, 25) Pasinei nezvinhu zvakaipa zvaakamboita uye kukanganisa kwaaiita, Pauro aikwanisa kuitira Mwari “basa dzvene” achifara.—VaH. 9:​12-14.

Mifananidzo: 1. Muapostora Pauro achiratidza kuti ari kufunga. 2. Anoyeuka imwe nguva yaakaudza mumwe musoja kuti asunge mumwe muKristu. Musoja wacho akatobata murume wacho wechiKristu achimubudisa mumba make. 3. Pauro anoyeukawo kufa kwakaita Jesu padanda rekutambudzirwa.

Kunyange zvazvo Pauro ainetseka nezvinhu zvakaipa zvaakamboita, akabatsirwa nekufungisisa nezverudzikinuro (Ona ndima 9-10)


11. Nei muenzaniso waPauro uchitikurudzira?

11 Nesuwo tinogona kunzwa sekuti tinofanira kugara tichishanda nesimba kuti tisataura, tisaita kana kuti tisafunga zvinhu zvisingafadzi Jehovha. Tingatosvika pakutaura mashoko akataurwa naPauro ekuti: ‘Ndiri munhu wenhamo!’ Imwe hanzvadzi ine makore ekuma20 inonzi Elizac inotaura nezvedambudziko rayo ichiti: “Ndinokurudzirwa chaizvo pandinofunga nezvaPauro. Zvinondinyaradza chaizvo kuziva kuti handisi ndega ndine dambudziko iri. Zvinondibatsirawo kuona kuti Jehovha anoziva zviri kusangana nevanhu vake.” Saka kufanana naPauro, tingaitei kuti tive nehana yakachena uye tifare pasinei nezvinhu zvinogona kutiodza mwoyo?

ZVATINGAITA KANA TICHIZVIDYA MWOYO

12. Tinofanira kugara tichiitei kuti tirambe tichifara?

12 Gara uchiita zvinhu zvinoita kuti urambe uri pedyo naJehovha. Kana munhu akagara achidya zvekudya zvine utano, achiita maekisesaizi uye achinyatsorara zvakakwana, zvinomubatsira. Izvi ndizvo zvinoitikawo kwatiri patinoverenga Shoko raMwari zuva nezuva, patinoparidza, patinogadzirira uye patinopinda misangano tichipawo mhinduro dzedu. Kana tikagara tichiita zvinhu izvi, tichakwanisa kuisa pfungwa dzedu pazvinhu zvakanaka uye tichawedzera kufara.—VaR. 12:​11, 12.

13-14. Vamwe vaKristu vari kubatsirwa sei nekugara vachiita zvinhu zvekunamata?

13 Funga nezvaJohn, uyo akabatwa kenza aine makore 39. Pakutanga aitya uye ainetseka chaizvo. Zvakamunetsa kuti angarwara zvakadaro pazera iroro raaiva. Mwana wake mukomana aingova nemakore matatu chete. Chii chakabatsira John kuti asagara akasuruvara? Anoti: “Pasinei nekurwara kwandaiita, ndakava nechokwadi chekuti mhuri yangu inogara ichiita zvinhu zvekunamata. Taipinda misangano yese, tichiita ushumiri vhiki nevhiki uye tichigara tichiita kunamata kwemhuri kunyange pazvainge zvakaoma.” Achifunga nezvekurwara kwaakaita, akawedzerawo kuti: “Paunosangana nedambudziko, pakutanga unovhunduka, asi unozotanga kuona kuti Jehovha anokupa simba uye kuti anokuda. Jehovha akandibatsira, saka haangamboregi kukubatsirawo.”

14 Eliza ambotaurwa anoti: “Pese pandinopinda misangano uye pandinodzidza ndiri ndega, zvinondiyeuchidza kuti Jehovha anondinzwa uye anondida chaizvo. Izvozvo zvinoita kuti ndifare.” Mumwe mutariri wedunhu wemuno muAfrica anonzi Nolan anotaura zvinomubatsira pamwe chete nemudzimai wake Diane achiti: “Tinoramba tichiita zvinhu zvekunamata kunyange patinenge tichizvidya mwoyo. Jehovha anobva atibatsira kuti tirambe tichifara. Tinoedza kuyeuka kuti Jehovha achatibatsira uye achatikomborera. Hatizivi kuti achazviita sei, asi chatinoziva ndechekuti achazviita.”

15. Ndezvipi zvimwe zvatingaita kana tichingoramba tichizvidya mwoyo? Taura muenzaniso.

15 Kana tichingoramba tichinzwa tichizvidya mwoyo, pane zvimwe zvinhu zvatinogona kuita. Ngatitii uri kurwadziwa nemusana. Kuita maekisesaizi ekufamba mazuva ese kunogona kukubatsira. Asi kuti unyatsopora, une zvimwe zvaunofanira kuita. Zvimwe ungatofanira kuenda kwachiremba. Izvi ndizvo zvatinofanira kuitawo kana tichiramba tichingozvidya mwoyo. Tingatoda kutsvakurudza muBhaibheri, mumabhuku edu uye kunyange kutaura nemuKristu akakura pakunamata. Ngationei mamwe mazano anogona kutibatsira.

16. Chii chinogona kukubatsira kuziva kuti chii chiri kuita kuti uzvidye mwoyo? (Pisarema 139:​1-4, 23, 24)

16 Nyengetera kuna Jehovha kuti akubatsire kuziva kuti chii chiri kuita kuti uzvidye mwoyo. Mambo Dhavhidhi aiva nechokwadi chekuti Jehovha ainyatsomuziva. Saka akakumbira Jehovha kuti amubatsire kuziva zvaiita kuti ‘azvidye mwoyo.’ (Verenga Pisarema 139:​1-4, 23, 24.) Newewo unogona kukumbira Jehovha kuti akubatsire kuziva zviri kuita kuti uzvidye mwoyo uye kuti ungaitei kuti usaramba uchinetseka. Unogonawo kuzvibvunza mibvunzo yakaita seiyi: ‘Chii chingava chiri kukonzera kuti ndizvidye mwoyo? Ndine here chimwe chinhu chandinoti ndikafunga nezvacho, ndinobva ndatanga kuzvidya mwoyo? Kana ndikatanga kufunga zvinhu zvinondirwadza, ndinotadza kuzvibvisa mupfungwa dzangu here?’

17. Inyaya dzipi dzaunogona kudzidza nezvadzo kuti ukwanise kufunga zvinhu zvinokurudzira? (Onawo mufananidzo.)

17 Dzidza nyaya dzichakubatsira padambudziko rako. Unogona kukurudzirwawo kana ukapota uchidzidza nezvehumwe unhu hwaJehovha. Semuenzaniso, muapostora Pauro akabatsirwa chaizvo nekufunga nezverudzikinuro uye kuregerera kunoita Jehovha. Unogona kumutevedzerawo. Shandisa Bhuku Rinobatsira Zvapupu zvaJehovha Pakutsvakurudza, Watch Tower Publications Index, kana zvimwewo zviri mumutauro mako pakudzidza nyaya dzinotaura nezvetsitsi dzaMwari, kuregerera kwaanoita uye rudo rwake rusingachinji. Kana wawana nyaya dzinogona kukubatsira, dzinyore pasi. Isa bepa racho paunogara uchiriona uye pese paunotanga kuzvidya mwoyo, dzidza nyaya dzawakanyora pabepa racho wobva waedza kushandisa zvaunenge waverenga.—VaF. 4:8.

Hama yechidiki iri kudzidza iri yega. Ine Bhaibheri, tablet nebhuku rekunyorera manotsi. Ine zvairi kunyora muBhaibheri rayo.

Tsvaga nyaya dzinozokubatsira paunenge uchizvidya mwoyo (Ona ndima 17)


18. Ndezvipi zvakabatsira vamwe vaKristu?

18 Eliza ambotaurwa nezvake akatanga kudzidza nezvaJobho. Anoti: “Ndakasangana nematambudziko akawanda panguva imwe chete. Saka ndakadzidza nezvaJobho. Akasangana nematambudziko akawanda uye akaora mwoyo zvakanyanya. Asi kunyange zvazvo aisaziva kuti matambudziko acho aikonzerwa nei, akaramba achivimba naJehovha.” (Job. 42:​1-6) Diane ambotaurwa anoti: “Ini nemurume wangu tiri kudzidza bhuku raSwedera Pedyo naJehovha. Tinotenda Jehovha kuti anotiumba sezvinoita muumbi anoumba ivhu. Pane kungoramba tichipedzwa simba nekukanganisa kwatinoita, tinoedza kuona sekuti Jehovha ari kutiumba uye ari kutibatsira kuti tive vanhu vakanaka. Izvi zvinoita kuti tiwedzere kumuda.”—Isa. 64:8.

IVA NECHOKWADI CHEKUTI JEHOVHA ACHAKUBATSIRA

19. Dzimwe nguva tinombonzwa sei, asi tine chokwadi chei?

19 Kunyange tikashandisa mazano ese ataurwa munyaya ino, tine dzimwe nguva dzatichambosuruvara kana kuzvidya mwoyo. Mamwe mazuva zvinogona kutotiomera zvakanyanya. Asi Jehovha anogona kutibatsira kuti titange kunzwa zviri nani. Chokwadi ndechekuti mazuva mazhinji muupenyu hwedu tichange tichifara nekuti tinenge tichiziva kuti tine ushamwari hwakanaka naJehovha uye kuti ari kufadzwa nezvatinenge tichimuitira.

20. Unoda kuramba uchiitei?

20 Ngatiitei zvese zvatinogona kuti tisarega matambudziko edu, zvinhu zvakaitika kare, kana kukanganisa kwatinoita kuchititadzisa kunakidzwa neupenyu. Jehovha achatibatsira kuti tisanyanya kuzvidya mwoyo. (Pis. 143:10) Tinotarisira kuzorarama munyika itsva patichange tava kufadzwa nezvinhu zvese zvinenge zvichiuya mupfungwa dzedu. Tichange tava kumuka mangwanani ega ega tisina kana chero chii zvacho chinenge chichitinetsa uye tichifara kushumira Mwari wedu ane rudo, Jehovha!

UCHIRI KUYEUKA HERE?

  • Zvii zvingangodaro zvaiita kuti muapostora Pauro azvidye mwoyo?

  • Chii chakabatsira Pauro kuti ashumire Jehovha achifara kunyange zvazvo aimbozvidya mwoyo?

  • Tingaitei patinombosuruvara kana kuti patinozvidya mwoyo?

RWIYO 34 Kufamba Ndakavimbika

a Munyaya ino pari kutaurwa mashoko ekuti kuzvidya mwoyo hapasi kureva nezvevaya vanoita nguva yakareba vachingozvidya mwoyo zvekuti vanenge vava kutoda rubatsiro rwavanachiremba.

b Zvakanyorwa naPauro zvinoratidza kuti aiva nedambudziko remaziso iro rinogona kunge raiita kuti zvimuomere kunyora tsamba dzake uye kuita ushumiri. (VaG. 4:15; 6:11) Kana kuti kuzvidya mwoyo kwaaiita kunogona kunge kwaikonzerwa nevadzidzisi venhema vaitaura mashoko akaipa nezvake. (2 VaK. 10:10; 11:​5, 13) Kunyange zvazvo tisingazivi kuti chii chaiita kuti Pauro azvidye mwoyo, chatinoziva ndechekuti aishungurudzika.

c Mamwe mazita akachinjwa.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe