Mirangariro Yakashata—Inogona Sei Kukurirwa?
NHANO yokutanga yokudzora mirangariro yakashata ndeiyi: Ziva mifungo yakashata.
Yechipiri: Shandira kururamisa mifungo yakashata. Kana, somuenzaniso, wave uchifunga kuti, ‘Handitongoiti chinhu chipi nechipi chakarurama,’ tsiva ikoku nokuti, ‘Ndakangofananawo zvangu nomunhu ari wosewo zvake; ndinoita zvinhu zvizhinji zvakarurama, asi ndinogoveranawo mukuita mhosho.’
Usakarira kunzwa zviri nani pakarepo pashure pokuita iyi ruramiso (kunyange zvazvo ungadaro), uye usapfuurira kuita kwikwidzano mundangariro yenhauyo. Ingobvuma bedzi ndokupfuurira kunhano inotevera.
Nhano yechitatu ndeyokushandira kubvisa mufungo unotambudza mundangariro mako. Edza kubudisa kunze nesimba uye nechivimbo sezvawaizoita mufungo wokuita utsotsi hwakakomba. Nepo ungave uchikwanisa kuita ikoku nenhamburiko yakasimba yendangariro, inobetsera zvikuru mukuita kudaro ndiyo nhano yechina: Zvibatikanise mune chimwe chinhuwo zvacho, chimwe chinhu chinovaka.
Ikoku kunokosha nokuti mifungo yako yokuora mwoyo ichaedza yaedzazve kudzokera nesimba mundangariro mako. Asi une iyi betsero: Unogona bedzi kurereudzira ngwariro zvizere pachinhu chimwe panguva imwe. Unogona kuzvibvumikisira umene ikoku kupfurikidza nokuedza kurereudzira ngwariro chose chose pazvinhu zviviri panguva imwe cheteyo. Kana ndangariro yako yatobatikana zvizere nechimwe chinhuwo zvacho, kuchava kwakaomera mifungo yako yakashata kudzokera.
Nzira inogona kutsiviwa nayo mifungo yakashata neyakanaka inoenzanisirwa naDr. Maxwell Maltz, uyo anoti: “Apo giramafomu rako riri kuridza nziyo dzausingadi, hauedzi kurigombedzera kuti riite zviri nani. . . . Unongochinja bedzi rekodhi riri kuridzwa uye somuuyo nziyo dzichava dzakasiana. Shandisa unyanzvi humwe chetehwo pa‘nziyo’ dzinobuda mumuchina wako womukati.”
Hungu, mifungo yakashata inonyanyowanzova yakasimba zvokusagona kuva inobviswa nomutoo wakapfava. Inofanira kubviswa nesimba nechitsivo. Isa “rekodhi” rakasiana, chairoiro. Chinjira ku“mukoto” wakasiana, unovaka, “nhepfutepfu” yakasiana, uye batikana mairi.
Kuchava Kwakaoma
Nhano ina dziri pamusoro apa dzinorondedzerwa nenzira iri nyore, asi dzinogona kuva dzakaoma sei kutevera! Naizvozvo, usakatyamadzwa kana kukurira mifungo yakashata uye mirangariro kwakakuomera pakutanga. Kukarire kuva kwakaoma, asi ziva kuti mukufambira mberi kwenguva kuchava nyore zvikuru.
Rangarira muenzaniso waCindy, mudzidzisi akarerwa namai vari chidhakwa. Kwamakore Cindy akatambura kunzwa kwokuva nemhaka uye kusachengeteka. Ipapo akasarudza kubata nechinetso chacho. Akaiteiko?
Cindy anotsanangura, kuti: “Pakutanga ndakashandira kuziva mifungo chaiyoiyo yakaparira kunzwa kwangu kwakashata. Pari pose apo iyi mifungo yaizobuda, ndaizoifungazve, nenzira ine mufungo uye nenzira isina kwayakarerekera. Ipapo ndaizoshandira pakuita kuti mifungo yakanaka iwande. Ndaigombedzera ndangariro yangu kuti ifungisise pamusoro pavadzidziswa vangu uye kuti ndingavabetsera sei. Pashoma napashoma, kwakava nyore zvikuru kwazvo, uye ndakanzwa ndichidzora zvikuru kunzwa kwangu.”
Bva, ungabvunza, kuti . . .
Neiko Kwakaoma Zvikuru Kudaro?
Ko miitiro yakaipa, yakadai sokunyanyodyisa kana kuti kusvuta, inoregwa nyore nyore here? Nyangwe napaduku zvapo! Inokurirwa bedzi kupfurikidza nenhamburiko ine donzo, yokutsunga kwenhambo yakati kuti yenguva. Kuna vazhinji, kufunga kwakashata muitiro, uye kufanana nemimwe miitiro yakaipa, ndikumwe kwakaoma kurega.
Kana kufunga kwakashata kuri muitiro kwauri, kukukurira sezvingabvira kungada kutsunga kwakafanana nokunoda munhu anorega zvokudya kana munhu anosarudza kurega kusvuta.
Pfundo ndeiri, usarega kuita nhamburiko ndokusarudza kuramba wakapera mwoyo nokuti kuri nyore zvikuru kuita kudaro. Omerera pakurwisa kwako kufunga kwakashata, kunyange kana kukareva mwedzi mizhinji yokuwana nezvikanganiso uye zvimwe kuitazve muitirowo. Pfuuridzira nhamburiko yako sokunge kuti wakanga uchirovedza nokuda kwamakwikwi okumhanya. Vimba nemiuyo yenhambo refu panzvimbo pechigadzikiso chapakarepo.
Inogona Kubviswa Chose Chose Here?
Ko mirangariro yakashata inogona kubviswa chose chose here? Eya, kana uchikarira kuwana mufaro wakakwana zvino, ungatambura vhiringidziko nokuora mwoyo. Mufaro panguva ino une mwero uye hauna kukwana. Asi iwoyo uchiri nani zvikuru panzvimbo pokupfigirwa muupenyu hwemirangariro yakashata inopfuurira neinopedza simba.
Ko ikoku kunoreva here kuti mirangariro yakashata haizotongokurirwi? Nyangwe napaduku zvapo. Bhaibheri nouchokwadi rinotsanangura kuti uyu mugariro usina kukwana uchava nesu kwechinguvana, asi kuti kune nguva yakagadzwa nokuda kwawo kuti ubviswe nokusingaperi. Ikoko kuchaitika nokukurumidza apo Umambo hwaMwari, hurumende yake yokudenga inodzorwa naJesu Kristu, inotora chose chose nhau dzose dzapasi rino ndokuvamba mutoo wokusimudzira rudzi rwomunhu kukukwana kwohunhu. Jesu akaidza muitiro wacho kuti “kusika kutsva,” [kana kuti “kuberekwa kutsva,” mashoko omuzasi].”—Mateo 19:28; onawo Pisarema 37:29; Mateo 6:9, 10; Zvakazarurwa 21:3-5.
Zvisinei, munguva ino kugamuchira ganhuriro dzakaiswa patiri nokusakwana kwohunhu kuchakufadza zvikuru. Panzvimbo pokunyanyisa mukutsvaka utano hwendangariro hwakakwana, uchava akasununguka kuronda dzimwe nhau dzoupenyu. Uye uchawana rugare rukuru zvikuru kwazvo rwendangariro nomufaro mukuziva kuti chigadzikiso chokupedzisira chokurwadzwa mwoyo chiri mumasimba anokwanisa aMwari Wamasimba ose.
Ko zvikarakadzo zviri pano zvinongovawo zvazvo zvokufungidzira here? Zvinoshanda zvomenemene here? Hungu zvinodaro, sokuratidzira kunoita zvinoitika chaizvoizvo zvoupenyu zvinotevera.
[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 6]
Unogona kutsiva mifungo yakashata neyakanaka
[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 6]
Usarega kuita nhamburiko ndokusarudza kuramba wakapera mwoyo nokuti kuri nyore zvikuru kuita kudaro
[Mufananidzo uri papeji 7]
Kufanana nokurasikirwa nokurema, kudzidza kudzora mirangariro yedu kunoda nguva nepfuuriro