RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g92 12/8 p. 3
  • Vakatsunga Kubetsera Vana

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Vakatsunga Kubetsera Vana
  • Mukai!—1992
  • Mashoko Akafanana
  • Kutsvakwa Kwenzira Dzokuzvipedza Nadzo Kunoenderera Mberi
    Mukai!—2000
  • Vana Vari Munjodzi
    Mukai!—1992
  • Zvokudya Zvavose—Chiroto Chete Here?
    Mukai!—1997
  • Nhamburiko Dzokuponesa Vana
    Mukai!—1994
Ona Zvimwe
Mukai!—1992
g92 12/8 p. 3

Vakatsunga Kubetsera Vana

NEZURO vana vane 40 000 vari pasi pezera ramakore mashanu vakafa munyika dzichiri kubudirira. Vamwe 40 000 vachafa nhasi. Vamwe 40 000 mangwana. Zhinjisa dzeidzi nzufu dzaigona kudziviswa.

Kwamakore uyu mugariro wave uchinzi “jambwa rakanyarara” kana kuti “ngwavaira yechinyararire,” kureva kuti wakanzvenga zvikuru ngwariro yenyika. “Kudai mazizi 40 000 ane mavara mavara aifa zuva riri rose, kwaizova kunoshamisa. Asi vana vane 40 000 vari kufa, uye hakutongocherekedzwi,” akachema kudaro Peter Teeley, mutauriri wavana weUnited States paUN. World Summit for Children wakaitirwa padzimbahwe reU.N. muNew York muna 1990.

Musangano wavakuru venyika, vamwe vanorangarira, pakupedzisira ungachinja ikoko kwose. Vakuru vakuru vapamusoro, kubatanidza vakuru veNyika dzine 71, vakapinda vachibva kunyika 159. Pamwe chete vakamirira 99 muzana yechiverengero chavagari vapasi. Chimiro chacho chendangariro chakapetwa naMikhail Gorbachev, uyo akati: “Rudzi rwomunhu haruchagoni kushivirira idi rokuti mamirioni avana anofa gore riri rose.”

Mazuva apamberi pomusangano wavakuru venyika, nyika yakaratidza kutsigira kwayo. Mazana chaiwoiwo emisangano yamarudzi neyenzanga, misangano yavakuru vakuru, misangano yokupedza zvinetso, uye kurukurirano zvakanangidzira ngwariro pamugariro wakaoma wavana. Vanhu vanopfuura mirioni munyika 80 vanotungidza makenduru kuratidzira tariro yavo yokuti pasinei zvapo nezvinetso nengozi zviri mberi, nyika ingagona kuitwa nzvimbo iri nani.

Zuva rokupedzisira romusangano wacho rakatangwa neUNICEF (United Nations Children’s Fund) se“zvimwe zuva rinokosha zvikurusa kupfuura nakare kose ravana munyika yose.” Neiko mbavarira yakadaro? Nemhaka yokuti vatungamiriri venyika vakanga vagamuchira “Rongedzero Yechiito” chaiyo yokuderedza kutambura norufu zvavaduku mupasi rose.

Sezvinobvumwa, nhau yokuitwa kwemisangano yakazara nezvipikirwa zvinoputsika. Bva, vakawanda vakanzwa mudzimu mutsva wouchokwadi nebatira pamwe somuuyo womugumo weHondo Youtsinye. James Grant, mutungamiriri mukuru weUNICEF, akataura nembavarira, kuti: “Vakuru veNyika neHurumende vakatora, kutaura idi, nhano yokutanga kugadza garikano yavanhu vose—ya‘vana vakura’ pamwe chete navana—senharidzano huru yokuvandudzika munhevedzo yenyika itsva.”

Zvamazvirokwazvo, mukati megore rapashure pomusangano wavakuru venyika, marudzi mazhinjisa akanga atoita rongedzero dzamarudzi dzokushandisa zvisarudzo zvomusangano wavakuru venyika. Ikoku kwakakuchidzira Mutungamiriri Grant kutaura, kuti: “Zvino tinoona kariro chaiyoiyo yokuti utano nokuda kwavana vose huchawanwa panozosvika gore ra 2000.”

Asi chii chaizvo chiri mugariro wakaoma wavana, chakavanzika chemhuri chinonyadzisa chenyika, icho chakabudiswa pachena namanyuko enhau amarudzi ose? Pane here zvino, mumugariro weHondo Youtsinye yapashure yebatira pamwe yamarudzi ose, chikonzero chakanaka chokudavira kuti Chibatanwa chaMarudzi chichaunza nhevedzo yenyika itsva inoshamisa? Tinogona here chaizvoizvo kukarira nguva yemberi yakajeka nokuda kwavana vedu? Nyaya mbiri dzinotevera dzicharangarira iyi mibvunzo.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe