Ukata—Wakatsunga Kuhurwisa Ndokukunda Here?
UNE ukata here? Kune nhambo muupenyu apo kuri kwomuzvarirwo kunzwa une ukata, ungave wakaroora kana kuti usina kuroora, ungave uri murume kana kuti mukadzi, ungave uri mukuru kana kuti muduku. Zivawo kuti kuva uri oga hakusakisi hako ukata. Mudzidzi ari oga akanyura munzvero yake haanzwi ane ukata. Nyanzvi yokunyora mifananidzo iri yoga iri kunyora mufananidzo haina nzvimbo yokunzwa ine ukata. Vanofarira nhambo yokuva vari voga, uye kuva vari voga panguva iyoyo ishamwari yavo yakanakisisa.
Kunzwa kwoukata hwechokwadi kunotanga kubvira mukati medu mumene panzvimbo pokunze. Ukata hungatangwa nechinoitika chinosuruvarisa—rufu, chatanuro, kurasikirwa nebasa, ngwavaira yakati. Apo tinova nomufaro mukuru matiri timene, ukata ihwohwo hunogona kuitwa kuti huderere, zvichida kutoparara pashure penguva yakati, uye kurasikirwa kwakatitambudza kunogona kutsinhiraniswa, kupedzwa.
Mirangariro inomuka kubva mumifungo yako. Pashure pokunge kurasikirwa kwapedzwa uye mirangariro yakwakaparira yabvumirwa kuderera, inguva yokutanhamarisa mifungo inovaka iyo inokubvumira kupfuurira noupenyu hwako.
Zvinyandure umene. Zvidzore umene. Kune zvinhu zvakanaka zvinofanira kuitwa. Naizvozvo iva noushamwari. Ridzira mumwe munhu runhare. Nyora tsamba. Rava bhuku. Koka vanhu kuti vauye kumusha wako. Iva netsinhano yepfungwa. Kuti uve neshamwari, unofanira kuzviratidza umene kuva ane ushamwari. Zvinzvere mukati mako umene kuti usvasvavirire vamwe. Ita mabasa maduku omutsa. Goverana navo zvakanaka zvomudzimu zvinonyaradza. Uchawana mashoko aJesu kuva echokwadi, anoti: “Kupa kuno mufaro chaiwo kupfuura kugamuchira.” Uchawana imwe zvokwadi yechirevo, chinoti: “Unodiridza uchadiridzwawo.”—Mabasa 20:35; Zvirevo 11:25.
Mutoro Wako
Kwakaoma kuita here? Kuri nyore kutaurwa kupfuura kuitwa here? Chinhu chiri chose chinokosha chiri nyore kutaurwa kupfuura kuitwa. Ndizvo zvinoita kuti kuitwa kwacho kuve kunogutsa kwauri. Unofanira kushandisa nhamburiko chaiyo. Rutivi rwako runoenda mukupa, uye mufaro uri mukati mako unowedzera zvikuru. Mutoro wako kushandisa nhamburiko yokudzivisa ukata hunotsvaka kukudzora. Mumwe munyori mumagazini inonzi Modern Maturity akati: “Hakuna mumwe munhuzve ane mutoro nokuda kwoukata hwako, asi iwe unogona kuita chimwe chinhu pamusoro pahwo. Unogona kufutunura upenyu hwako noushamwari humwe. Unogona kukanganwira mumwe munhu waunonzwa kuti akakukuvadza. Unogona kunyora tsamba. Unogona kuridza runhare. Ndiwe bedzi unogona kuchinja upenyu hwako. Hakuna mumwe munhu anogona kukuitira ikoko.” Akanokora mashoko tsamba yaakanga agamuchira iyo ino“nanga pfundo, kuti: ‘Ndinoudza vanhu kuti mutoro wavo vamene kudzivisa upenyu hwavo kuva noukata kana kuti husingagutswi. Ita chimwe chinhu!’”
Shamwari dzako dzinobetsera hadzifaniri kuganhurirwa kudziya dziri vanhu. Mumwe chiremba wemishonga yehosha dzemhuka akati: “Zvinetso zvikurusa zvinonangana navakweguru hazvisati zviri zvirwere zvomumuviri, asi ukata nokurambwa zvavanotambura. Kupfurikidza nokugovera . . . ushamwari, zvipfuyo zvokutambisa (kubatanidza imbwa) zvinopa donzo nerevo panguva apo kazhinji kazhinji vakweguru vanenge vakaparadzana nenzanga.” Magazini inonzi Better Homes and Gardens yakati: “Zvipfuyo zvokutambisa zvinobetsera kurapa vakavhiringidzika mumurangariro; zvinonyandura vanorwara mumuviri, vakaremara, uye vane urema; uye zvinosimbaradza vane ukata navakweguru.” Imwe nyaya yemagazini yakati nezvevanhu vari kutanga kusakurira fariro chipfuyo chokutambisa: “Funganyo dzavarwere dzakaderera uye vaigona kuratidzira rudo kuzvipfuyo zvavo zvokutambisa pasina kutya kurambwa. Gare gare vakavamba kukurukura navanhu, vachitanga kutaura pamusoro pokuitira kwavo hanya zvipfuyo zvavo zvokutambisa. Vakavamba kunzwa mutoro. Vakanzwa vachidikanwa, chimwe chinhu chaitsamira pavari.”
Kazhinji kazhinji zvikuru uyo ari kutambura ukata haasati achizozvisimbaradza amene zvakakwana kuti azvibetsere amene, kuzvibudisa amene mukuora mwoyo kwake kukuru. Kune kunonozeka, kusadisa, kuzvishandisa amene kusvikira kutambanuko iyoyo, asi kana achizonzwisisa chisakiso chaichoicho choukata hwake, kunofanira kuitwa. Dr. James Lynch akanyora nezvokudzivisa kwavanhu zano ravanowana rakaoma kugamuchira, kuti: “Mugariro womunhu wakadaro zvokuti tinowanzodzivisa kunzwa, kana kuti toti hedu kudzivisa kubatanidza mumufambiro wedu, mashoko atisingadi.” Munhu angada kupukunyuka ukata hwake, asi angasava anodisa kuunganidza simba rokuita zvaunoda rinodikanwa kuparira kusunungurwa.
Ita Sezvaunoda Kunzwa
Kuti akurire kuora mwoyo kukuru, munhu anofanira kupfuurira mukuronda mufaro chaiwoiwo nomutsa. (Enzanisa naMabasa 20:35.) Ikoku kunoraira kubuda muchimiro chakasimba choukata kupfurikidza nokuita zvakasiana chaizvo nenungo dzahwo dzinouraya. Fara, tamba-tamba, imba rwiyo runofadza. Ita chinhu chipi nechipi chinoratidzira mufarwa. Uwedzere, unyanyise, tsvikinyidzira kunze chimiro chokusafara nemirangariro inofadza. Yakadai seipi?
Yakadai seiyo iri pana VaFiripi 4:8: “Pakupedzisira, hama dzangu, zvose zvazvokwadi, zvose zvinokudzwa, zvose zvakarurama, zvose zvakachena, zvose zvinodikanwa, zvose zvinorumbidzwa, kana kunaka kupi nokupi, kana chingarumbidzwa chipi nechipi, fungisisai izvozvo.”
Chinodikanwa ndiko kuisa revo yakati muupenyu hwako. Kana uchinzwa kuti upenyu hwako hune revo yakati, uchasimbiswa kuti ugamuchire iyoyo ndokutsvaka kuiita. Sezvingabvira hausati uchizowira mukunzwa ukata kwokuora mwoyo. Ikoku kunoratidzwa nenzira inofadza mubhuku raViktor Frankl rinonzi Man’s Search for Meaning. Anokukurukura mukuwirirana navasungwa vari mumisasa yechibharo yaHitler. Avo vakanga vasina pfungwa yerevo muupenyu hwavo vakatera kuukata ndokushaya chido chokurarama. Asi “kuziva ukoshi hwako hwomukati kunotsigirwa nezvinhu zvakakwirira, zvomudzimu zvikuru, uye hakugoni kuzungunuswa noupenyu hwomumusasa wechibharo.” Akapfuurira, kuti: “Kutambura kunorega kuva kutambura munzira yakati panhambo yakunowana revo, zvakadai serevo yechibairo. . . . Itiro hanya huru yomunhu haisati iri yokuwana mufarwa kana kuti kudzivisa marwadzo, asi panzvimbo pezvo kuona revo muupenyu hwake. Ndicho chikonzero nei munhu akatogadzirira kutambura, pamugariro, kutaura chokwadi, wokuti kutambura kwake kune revo.”
Ukama Hukurusa Hwaunoda
Nzira yokuwana nayo murangariro womudzimu zvirokwazvo ndeyokuzvipa zvakazara kuna Mwari neShoko rake, Bhaibheri. Kutenda muna Mwari nomunyengetero wapachokwadi kwaari zvinogona kupa upenyu hwedu revo. Ipapo, kunyange kana ukama hwavanhu hukaputsika, hatisati tiri toga, hatina kushurikidzirwa kuukata. Sokutaura kwakaita Frankl, kutambura kune revo kunotsungiririka, kunyange manyuko omufaro. Mumwe mucherekedzi womugariro wavanhu akati: “Mufiri kutendeka padanda angava nomufarwa uyo mambo ari pachigaro chake choumambo angaitira shanje.”
Vaapostora vaKristu vakanzwa mufaro wakabva kuna Jehovha apo vaitambudzwa navanhu; kutambura kwakadaro kwaiva nerevo huru nokuda kwavo. “[Vanofara, NW] vanotambudzwa nokuda kwokururama; nokuti ushe hwokudenga ndohwavo. [Munofara, NW] imi, kana vachikuzvidzai, vachikutambudzai, vachikupomerai zvakaipa zvose nenhema, nokuda kwangu. Farai, mufarise kwazvo; nokuti mubairo wenyu mukuru kudenga; nokuti vakatambudza saizvozvo vaporofita vakakutangirai.” (Mateo 5:10-12) Kuita kwakafanana kwakanyorwa pana Mabasa 5:40, 41, kuti: “Ipapo vakati vadana vaapostora, vakavarova, vakavaraira kuti varege kutaura nezita raJesu; vakavaregedza. Ipapo vakabuda pamakurukota, vachifara, zvavakanzi vakafanirwa ivo kuzvidzwa nokuda kwezita rake.”
Kwaunosakurira Ruva, Munzwa Haugoni Kumera
Zadza ivhu rendangariro yako nembeu dzorunako nedonzo rakanaka; usasiya nzvimbo yembeu dzokuora mwoyo kwakaipa noukata husingafadzi. (Enzanisa naVaKorose 3:2; 4:2.) Kwakaoma kuita here? Mumigariro yakati, kunoratidzika kuva kusingabviri. Mumwe munyori wenhetembo akati: “Kwaunosakurira ruva, . . . munzwa haugoni kumera,” uko kunoda zvakare nhamburiko yakananga nokushandiswa kwokutsunga kwesimba rokuita zvaunoda. Asi kunogona kuitwa, kuri kuitwa.
Rangarira muenzaniso waLaurel Nisbet. Akava nepolio uye pamakore 36 ezera akaiswa muiron lung, uko akavata nomusana wake kwamakore 37. Akafa mitezo chose chose kubvira pamutsipa zvichidzika, aigona kufambisa musoro wake, asi zvakanga zviri izvo zvoga. Pakutanga akanga akasuruvara kusvikira kupfundo rokusava netariro. Ipapo, pashure perinenge zuva rokuzvinzwira urombo, akasarudza kuti, ‘Zvakwana!’ Akanga ane vana vaviri vokurera nomurume wokutarisira. Akavamba kuvakazve upenyu hwake; akadzidza kutarisira musha wake ari pairon lung.
Laurel airara zvishomanene zvikuru. Aipfuura sei maawa marefu enguva yousiku? Achitera kuukata here? Aiwa. Ainyengetera kuna Baba vake vokudenga, Jehovha. Aizvinyengeterera amene nokuda kwesimba, ainyengeterera hama dzake nehanzvadzi dzechiKristu, uye ainyengeterera mabanza okupupurira kuvamwe pamusoro poUmambo hwaMwari. Akaronga nzira dzokuparidzira nadzo ndokuorora vakawanda kupfurikidza nokupupurira kwake zita raJehovha. Haana kubvumira minzwa youkata kukura; akanga akabatikana zvikuru kusakurira maruva.
Ndizvo zvazvakanga zvakaitawo nomumwe mufundisi weWatch Tower, Harold King. Akatongerwa kumakore mashanu muchitokisi chokugara uri woga mutorongo yeChina, zvaibvira kuti atambure nhambo refu youkata. Akaramba murangariro iwoyo wakaipa, zvisinei, uye kupfurikidza nechiito chamaune chesimba rokuita zvaanoda akapinza ndangariro yake munzira yakasiana. Gare gare akakutsanangura sezvinotevera:
“Ndakaronga purogiramu yomubato wo‘kuparidzira.’ Asi munhu anoparidzira kunaani apo anenge ari muchitokisi chokugara uri woga? Ndakasarudza kuti ndaizogadzirira mharidzo dzakakodzera dzeBhaibheri muzvinhu zvandaigona kuyeuka ipapo ndokuparidzira kuvanhu vokufungidzira. Ipapo ndaitanga basa racho, sokunge zvakadaro, ndichigogodza pasuo rokufungidzira uye ndichipupurira kuna saimba wokufungidzira, ndichishanyira masuo anoverengeka mukati mamangwanani. Pashure penguva yakati ndakasangana naMai Carter vokufungidzira, avo vakaratidza fariro yakati, uye pashure pechiverengero chakati cheshanyo dzedzokerero takaronga kuva nefundo yeBhaibheri yenguva dzose. Mufundo iyoyi takafukidza misoro mikuru yomubhuku rinonzi ‘Mwari Ngaave Wezvokwadi,’ sokuiyeuka kwandaiita. Zvose izvozvi ndakazviita ndichitaura zvinonzwika, kuti kunzwika kwezvinhu izvozvi kugozvisimbisazve mundangariro yangu.”
Zviuru zveZvapupu zvaJehovha zvakaiswa mutorongo mumisasa yechibharo yaHitler zvaigona kuve zvakawana rusununguko rwazvo kudai zvakanga zvangozvidza chete kutenda kwazvo. Zvishomanene zvikuru zvakadaro. Zviuru zvakafa zvakatendeka—zvimwe nokuurawa, zvimwe nechirwere uye kudya zvokudya zvisingavaki muviri. Chimwe Chapupu chakaiswa mutorongo—chinonzi Josef—chakanga chine vakoma vaviri mumimwe misasa. Mumwe akagombedzerwa kurara pasi chiso chake chakatarira mudenga kuti aone banga richidzika iro rakagura musoro wake. Josef akatsanangura, kuti: “Apo vamwe mumusasa vakanzwa pamusoro paikoku vakandikorokotedza. Chimiro chavo chendangariro chakanaka chakandiorora zvikuru. Kuramba takavimbika kwaireva zvakawanda kwatiri kupfuura kupukunyuka.”
Mumwe mukoma wake, akanangana nechikwata chinopfura, akabvunzwa kana aida kutaura chinhu chipi nechipi. Akakumbira mvumo yokuti anyengetere, uye mvumo yakapiwa. Wakanga wakazadzwa nokusiririsa nomufaro womwoyo wose zvinoorora zvakadaro zvokuti apo murairo wokupfura wakapiwa, hapana nomumwe wechikwata chacho akateerera. Murairo wacho wakadzokororwa, apo akabaiwa nebara rimwe, richimurova mumuviri. Atsamwa naikoku, mukuru mukuru anoraira ipapo akabudisa pfuti yake amene ndokupedzisa kuuraya kwacho.
Chinogona Kuita Kuti Upenyu Huve Hune Revo Zvirokwazvo
Zvinoitika zvose izvozvi zvaibatanidza kutenda kwakasimba muna Mwari. Apo zvimwe zvose zvinenge zvaedzwa ndokukundikana, chiripo nguva dzose kuti chiunze kukunda ukata ndokuita kuti upenyu hwaichimbova husina chinhu huzadzwe nerevo. Upenyu hwakawanda hunorangarirwa kuva hune revo munzira yenyika hahuna revo zvomenemene. Neiko ikoku kwakadaro? Nemhaka yokuti ihwohwu hunoguma norufu, hunodzorerwa kuguruva, hunonyudzwa mukukanganwika, husina kusiya fungu mumakungwa avanhu, husina tsoka pajecha renguva. Kuri sokutaura kunoita Muparidzi 9:5, kuti: “Nokuti vapenyu vanoziva kuti vachazofa, asi vakafa havana chavanoziva, kunyange nomubairo havachina; nokuti havacharangarirwi.” Pfungwa ipi neipi yerevo inonzi ndeyoupenyu hunoraramwa hwakaparadzana namadonzo aJehovha haina maturo.
Tarira kumatenga akazadzwa nenyeredzi, inzwa kukura kwedenga rakasviba riri pamusoro, uye unonzwa usingakoshi zvikuru. Unonzwisisa mirangariro yowezvamapisarema Dhavhidhi apo akanyora, kuti: “Kana ndichicherekedza denga renyu rose, iro basa reminwe yenyu, mwedzi nenyeredzi zvamakarongedza; munhu chinyiko, zvamunomufunga? Nomwanakomana womunhu zvamunomushanyira?” Mwanakomana waDhavhidhi Soromoni akaramba mabasa omunhu, achiti, “Zvose hazvina maturo!,” uye akagumisa, kuti: “Zvino shoko guru pazvose zvatanzwa, heri: Itya Mwari, uchengete mirairo yake; nokuti ndizvo zvakafanira vanhu vose.”—Pisarema 8:3, 4; Muparidzi 12:8, 13.
Mukukamuranisa kwokupedzisira, ipapoka, munhu ane ukata, kana kuti munhu upi noupiwo zvake, anopinza sei revo muupenyu hwake? Kupfurikidza nokurarama upenyu hwake mukutya Mwari, achiteerera mirairo yaMwari. Panguva iyoyo bedzi apo anogona kukodzera mumadonzo aMwari, Musiki weichi chisiko chapose pose chakakura, uye kuva rutivi rwegadziriro isingagumi iyoyo youmwari.
Kana Mwari Anewe, Hausati Uchitongova Uri Woga
Chimwe Chapupu chakatendeka chaJehovha chomuAfrica, pashure pokutsungirira chitambudzo chakaipa uye chichinzwa chasiiwa, chakataura kuti kunyange kudai ukama hwacho navanhu hwakakundikana, chakanga chisiri choga. Chakanokora mashoko Pisarema 27:10: “Baba vangu namai vangu vakandirasha, asi Jehovha uchandigamuchira.” Jesu akanzwa nenzira imwe cheteyo. “Tarirai, nguva inouya, yatosvika, yamuchaparadzirwa, mumwe nomumwe kune zvake, mukandisiya ndiri ndoga; asi handizi ndoga, nokuti Baba vaneni.”—Johane 16:32.
Jesu akanga asingatyi kuva ari oga. Kazhinji kazhinji aitsvaka kuva oga namaune. Apo akanga ari oga, iye akanga asiri ane ukata. Aizvizarura amene kukuyerera mukati kwomudzimu waMwari ndokunzwa ari pedyo Naye apo akanga akapoteredzwa nezvisikwa Zvake. Padzimwe nguva aidzivisa kuva navanhu kuti agogona kuva naMwari bedzi bedzi. Iye ‘akaswedera pedyo naMwari; Mwari akaswedera pedyo naye.’ (Jakobho 4:8) Nenzira isingapanikiriki akanga ari shamwari yaMwari yapedyosa.
Shamwari yakadai seiyo Magwaro anorondedzera chinhu chinokosha. (Zvirevo 17:17; 18:24) Nemhaka yokutenda kwake kwakakwana muna Jehovha Mwari nokuteerera kwake kwokusapanikira kwaari, Abrahama “akanzi [‘shamwari yaJehovha,’ NW].” (Jakobho 2:23) Jesu akati kuvadzidzi vake: “Imi muri [shamwari, NW] dzangu, kana muchiita zvandinokurairai ini. Handichakuidziyi varanda nokuti muranda haazivi zvinoitwa nashe wake; asi ndinokuidzai [shamwari, NW]; nokuti zvose zvandakanzwa kuna Baba vangu, ndakakuzivisai izvo.”—Johane 15:14, 15.
Neshamwari dzakafanana naJehovha Mwari naKristu Jesu, avo vane kutenda vanogona sei kukundikana kukunda kurwisa kwavo ukata?
[Mifananidzo iri papeji 28, 29]
Munyengetero nemimwe mibato zvinogona kukubetsera kudzivisa ukata
[Mufananidzo uri papeji 31]
Zvinoitika zvaHarold King nezviuru zvezvimwe Zvapupu zvaJehovha mumisasa yechibharo zvinoratidzira kuti kutenda muna Mwari kunogona kukurira ukata mumigariro yakaipisisa
[Kwazvakatorwa]
U.S. National Archives photo