RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g04 6/8 pp. 3-4
  • Nei Kune Vanhu Vakawanda Zvikuru Vakasurukirwa?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Nei Kune Vanhu Vakawanda Zvikuru Vakasurukirwa?
  • Mukai!—2004
  • Mashoko Akafanana
  • Usarega Ushoma Huchikuvadza Upenyu Hwako
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1994
  • Ndinogona Seiko Kuita Kuti Ushoma Hwangu Hubve?
    Mibvunzo Inobvunza Vechiduku—Mhinduro Dzinoshanda
  • Kuziva Zvinokonzera Kusurukirwa
    Mukai!—2010
  • Ukata—Kutambura Kwakavanda
    Mukai!—1993
Ona Zvimwe
Mukai!—2004
g04 6/8 pp. 3-4

Nei Kune Vanhu Vakawanda Zvikuru Vakasurukirwa?

MAZUVA ano, vanhu vakawanda vanosurukirwa. Vanhu vemazera ose nevemarudzi ose, vemamiriro ezvinhu akasiyana, uye vezvitendero zvakasiyana vanosurukirwa. Wati wambosurukirwa here? Wakasurukirwa here iye zvino? Chokwadi, tose zvedu pane imwe nguva takambonzwa tichida shamwari—tichida kuti mumwe munhu atiteerere, aite kuti tisanyanya kunetseka, kana kuti abvumirane nemanzwiro edu, uye mafungiro edu, uye anzwisise zvatiri. Tinoda mumwe munhu anonzwisisa manzwiro atinoita.

Zvisinei, kuva toga hakurevi hako kuti takasurukirwa. Munhu anogona kunge ari oga kwenguva yakareba, achinakidzwa nezvinhu zvaanenge achiita, asingatombosurukirwi. Kusiyana naizvozvo, pane vaya vasingakwanisi kuva voga. Duramazwi rinonzi The American Heritage Dictionary rinoti: “Kuva woga kunoreva kunge usiri pane vamwe asi hakurevi hako kuti unenge usingafari. . . . Kusurukirwa kunowanzoreva kuziva kunoodza mwoyo kuti uri woga . . . Kusurukirwa kunoreva kunzwa uchida shamwari,” kureva kuti kushungurudzika, kutambudzika, kana kuti kuora mwoyo. Mwoyo womunhu wacho unenge uchida kunyaradzwa nokuwadzana kwechokwadi uye kune rudo kuti ufaranuke zvakare. Pakupedzisira, kuita mugarandoga kunorondedzerwa “sokunowanzoreva zvakafanana nokusurukirwa . . . Zvisinei, kunowanzoreva kusarudza kuzvibvisa pane vamwe.”

Kusurukirwa manzwiro akasimba, uye kunogona kurwadza kwazvo. Kunzwa usingabatsiri. Pane manzwiro okuva zindoga, kunzwa sokuti haukwanisi kuva pane vamwe vanhu. Tinogona kuvhiringidzika mupfungwa uye kutya. Wakambonzwa nenzira iyi here? Chii chinokonzera kusurukirwa?

Zvinetso, mamiriro ezvinhu, uye magariro zvinovhiringidza vanhu nenzira dzakasiyana-siyana. Zvimwe unonzwa sousingadiwi nevezera rako nemhaka yechitarisiko chako, rudzi kana kuti chitendero chako. Kuchinja nzvimbo—zvakadai sokuenda kuchikoro chitsva, kutanga basa idzva, kana kuti kutamira kunzvimbo itsva, guta, kana kuti nyika—kunogona kuita kuti usurukirwe nokuti unofanira kusiya shamwari dzako. Kurasikirwa nevabereki kana kuti nowawakaroorana naye kunogona kukonzera kusurukirwa, zvichida kunotovapo kwemakore akawanda. Uyewo, sezvatinokura, shamwari dzedu nevatinozivana navo vanochinja, vanova vashoma kana kuti vanongonyangarika.

Hazvirevi kuti kana munhu akaroora kana kuroorwa anenge asingachasurukirwi. Kusanzwisisana kunoitika kana kutadza kugarisana zvingakonzera kuora mwoyo kunoita kuti vanhu vasavimbana uye kungatoguma nokuita kuti vamwe vakaroorana uye vana vasashamwaridzana nevamwe. Asi, kuwedzera pakusurukirwa kunokonzerwa nokufirwa nowaunoda, kurambana, kana kuti kusada kuva pane vamwe, pane kumwe kusurukirwa kunogona kutinetsa kwazvo. Izvi zvinoitika kana tisisina ukama hwakasimba naMwari uye patinonzwa tiri kure naye.

Wati wambosangana nezvimwe zvinhu zvataurwa pamusoro apa here? Zvinoita here kuti ukurire kusurukirwa?

[Mifananidzo iri papeji 4]

Kuchinja kunoitika muupenyu, kwakadai sokuchinja chikoro uye kurasikirwa nowawakaroorana naye, kungagona kuita kuti usurukirwe

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe