RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g94 7/8 pp. 4-7
  • Nyeredzi Nomunhu—Pane Batano Here?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Nyeredzi Nomunhu—Pane Batano Here?
  • Mukai!—1994
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Chisarudzo Chikuru Chenyeredzi
  • Nyeredzi muMagwaro
  • “Nyeredzi” yeBhetrehema
  • Nyeredzi Dzine Shoko Rako!
    Mukai!—1994
  • Chii Chiri Munyeredzi Nokuda Kwako?
    Mukai!—1994
  • Mibvunzo Inobva Kuvaravi
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1989
  • Nyeredzi Ndidzo Dzinoratidza Zvichaitika Muupenyu Hwako Here?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2010
Ona Zvimwe
Mukai!—1994
g94 7/8 pp. 4-7

Nyeredzi Nomunhu—Pane Batano Here?

MUITIRO wokucherekedza nyeredzi hauzati uri mutsva. Mukuwirirana neThe World Book Encyclopedia, varimi zviuru zvamakore akapfuura “vaicherechedza nyeredzi kuti vazive nguva yokusima zvirimwa zvavo. Vanofamba rwendo vakadzidza kushandisa nyeredzi kuratidza nzira.” Kunyange nhasi mukufamba rwendo rwomuchadenga, nyeredzi dzichiri kushandiswa senhungamiro. Vakare vakaitawo ngano dzavanhu nemhuka idzo vairangarira kuti dzaifananidzirwa mumapoka enyeredzi, kana kuti zvisumbu. Pashure penguva yakati vanhu vakasvika pakunzwa kuti nyeredzi dzingagona kutapura upenyu hwavo.

Chisarudzo Chikuru Chenyeredzi

Chiverengero bedzi chenyeredzi noukuru chinotyisa. Kunofungidzirwa kuti kuna makwara enzou ane mabhiriyoni 100, kana kuti zvisumbu zvihombe zvenyeredzi, muchisiko chose! The International Encyclopedia of Astronomy inoti: “Ichecho chiverengero chetsanga dzomupunga dzingagona kuiswa muchivakowo zvacho chikuru chechechi.” Gwara Renzou reMilky Way, iro gadziriro yedu yenyika dzakapoteredza zuva iri rutivi rwaro, rinofungidzirwa kuva rine nyeredzi dzakawanda kudaro. Nyeredzi iri pedyo zvikurusa nePasi redu (kunze kweZuva redu), imwe yeboka reAlpha Centauri, inenge iri kure namakore echiedza 4,3. Gore rechiedza idaro rinofamba chiedza mugore rimwe. Ikoko kunoreva kuti apo tinotarira panyeredzi iyoyo, chiedza chinopinda muziso redu chakasiya nyeredzi yacho makore 4,3 pamberi pezvi uye mukati menguva iyeyo yose chakanga chichifamba nomuchadenga pasipidhi yamakiromita 299 792 pasekondi. Kunopfuura simba redu rendangariro kufungidzira daro rinobatanidzwa. Bva, ndiyo bedzi nyeredzi iri pedyo zvikurusa. Dzimwe nyeredzi dziri kure negwara redu renzou namabhiriyoni amakore echiedza. Hakushamisi kuti muporofita waMwari akazivisa, kuti: “Tarirai, marudzi avanhu akaita sedonhwe remvura muchirongo, anenge guruva shomanene pachiyero; tarirai, unosimudza zviwi sechinhu chiduku-duku.” (Isaya 40:15) Ndiani hake anoitira hanya guruva shomanene?

Mutumbi womudenga uri pedyo zvikurusa nepasi mwedzi, unoshandisa tapuro chaiyoiyo papasi redu, simba rawo rinokweva rinotoparira musiyano wamamita anopfuura 15 pakati pamasayisayi akakwirira namasayisayi akaderera mune dzimwe nzvimbo. Mukuwirirana nenyanzvi nhatu dzesayenzi dzeFrance, simba rinokweva remwedzi zvino rinodavirwa kuva rinochengeta chitendererwa chepasi chakarereka madhigirii 23, nokudarozvo ndokuvimbisa chinjo yenguva dzose yemwaka. (Nature, February 18, 1993) Sezvo mwedzi uchishandisa tapuro yakadaro inooneka panyika yedu, kune mufungo kubvunza kuti, Zvakadiniko namabhiriyoni enyeredzi? Asi kutanga, chii icho manyuko ekare, akadai seBhaibheri, anotiudza pamusoro penyeredzi?

Nyeredzi muMagwaro

Bhaibheri rinoita nongedzero dzakawanda kunyeredzi, mose muri muviri mupfungwa chaiyoiyo nomukufananidzira. Somuenzaniso, mukuwirirana nomumwe wezvamapisarema, Musiki akaita kuti “mwedzi nenyeredzi zvidzore usiku” zvokuti nyeredzi dzaizobetsera kugovera chiedza nokuda kwapasi. (Pisarema 136:9, Tanakh) Gare gare, pakuita sungano naAbrahama, Mwari akataura, kuti: “Tarira kudenga, uverenge nyeredzi, kana uchigona kudziverenga. Akati kwaari: Ndizvo zvichaita vana vako.” (Genesi 15:5) Muapostora Pauro anoonesa kuti nyeredzi dzine misiyano, achiti: “Kubwinya kwezuva ndokumwe, nokubwinya kwomwedzi ndokumwe, nokubwinya kwenyeredzi ndokumwe; nokuti nyeredzi imwe haifanani neimwe nyeredzi pakubwinya.”a (1 VaKorinte 15:41) Panguva imwe cheteyo, ichi chiverengero chikuru chenyeredzi nokubwinya kwadzo hachizati chiri kunze kwenzvimbo kana kuti kudzora kwoMusiki wazvo: “Unotara kuwanda kwenyeredzi; Unodzipa dzose mazita adzo.”—Pisarema 147:4.

Pane rumwe rutivi, muMagwaro tinowana kuti nyeredzi dzinowanzoshandiswa kunongedzera kuvanhu, vatongi, uye ngirozi. Mwanakomana waJakobho Josefa ane chiroto umo vabereki vake vanofananidzirwa se“zuva nomwedzi” uye vakoma vake se“nyeredzi.” Ngirozi dzinonongedzerwa kwadziri se“nyeredzi dzamambakwedza.” Mambo weBhabhironi anotaurwa nezvake saanovavarira kuva pamusoro pe“nyeredzi dzaMwari,” vatongi vaDhavhidhi vorudzi rwaIsraeri. Vanhu vasina kutsiga muungano yechiKristu vanofananidzirwa ne“nyeredzi dzinofamba-famba,” nepo mitumbi yakatendeka yavakuru veungano inodudzwa seiri “nyeredzi” dziri muruoko rworudyi rwaKristu.—Genesi 37:9, 10; Jobho 38:7; Isaya 14:13; Judhasi 13; Zvakazarurwa 1:16.

Imwe nhauro iri muBhaibheri inotaura kuti ‘nyeredzi dzakarwa naSisera dziri panzira dzadzo,’ mukuru mukuru wehondo waMambo Jabhini weKanani, uyo akanga adzvinyirira rudzi rwaIsraeri kwamakore 20. Jehovha akagovera Mutongi Bharaki waIsraeri kuti aponese Israeri muusungwa ndokumupa rukundo rukurusa pana Sisera, kunyange zvazvo wapashure akanga ane ngoro dzine mazana mapfumbamwe dzina majeko pamavhiri adzo. Murwiyo rworukundo, vaIsraeri vakaimba vachiti: “Nyeredzi dzakarwa dziri kudenga, dzakarwa naSisera dziri panzira dzadzo.” Hapana tsananguro inopiwa pamusoro pokuti nyeredzi dzakarwa sei chaizvoizvo. Panzvimbo pokufungidzira kuti nyeredzi dzakashandisa tapuro yakananga muhondo, kune mufungo zvikuru kudavira kuti kutaura kwacho kunoratidza chimiro chakati chokupindira kwoumwari nokuda kwaIsraeri.—Vatongi 5:20.

“Nyeredzi” yeBhetrehema

Zvichida imwe yenyeredzi dzinozivikanwa zvikurusa dzinodudzwa muBhaibheri i“nyeredzi” yeBhetrehema yakatungamirira vezvoruzivo rwenyeredzi vaibva “kumabvazuva” kuenda kuimba uko Jesu akanga aendeswa navabereki vake pashure pokuberekwa kwake mudanga. Chii chakanga chiri nyeredzi iyeyo? Zvamazvirokwazvo yakanga isati iri imwe yenhandowo zvayo, sezvo yakanga yakaderera zvakakwana kuti vezvoruzivo rwenyeredzi vaitevere kwamakiromita anenge chiuru chimwe namazana matanhatu. “Nyeredzi” yakatanga kuvatungamirira kuenda kuJerusarema. Achinzwa nezvaikoku, Mambo Herodhe akavabvunza uye ipapo akasarudza kuuraya mucheche Jesu. Ipapo “nyeredzi” yakatungamirira vezvoruzivo rwenyeredzi kuimba yakati uko Jesu akanga achigara. Zvamazvirokwazvo hakuna nyeredzi yomusikirwo ingagona kuita kudaro. Ichi chinhu chakafanana nenyeredzi chakabva kuna Mwari here? Sezvo shanyo yavezvoruzivo rwenyeredzi yakatungamirira nomutoo usina kunanga kukuurawa kwa‘vakomana vose muBhetrehema nomumaruwa aro ose kubvira pamakore maviri ezera naari pasi,’ hakuzati kuri kune mufungo here kugumisa kuti “nyeredzi” yakanga iri chimwe chinhu chakashandiswa noMuvengi waMwari, Satani, mukuedza kuparadza Mwanakomana waMwari?—Mateo 2:1-11, 16.

Kunofanirawo kuyeukwa kuti vezvoruzivo rwenyeredzi vakabva kuMabvazuva, zvichida kuBhabhironi, iro rakanga riri nzvimbo yapakati yekare yamashiripiti, uroyi, uye ruzivo rwenyeredzi. Chiverengero chakati chemitumbi yomudenga chakatumidzwa mazita avamwari veBhabhironi. Mumazuva aMambo Nebhukadhinezari, kuuka kwakanga kuchishandiswa kumubetsera kusarudza kuti ndeipi nzira yokutora munhimbe yake yehondo.—Ezekieri 21:20-22.

Muporofita Isaya akadenha vapi zano veBhabhironi, achiti: “Iwe [Bhabhironi] hauna simba pasinei hapo nezano raunowana. Vezvoruzivo rwenyeredzi vako ngavabude uye vakuponese—vanhu ivavo vanofunda nyeredzi, vanotara mapu dzenyika dzomudenga navanokuudza mwedzi nomwedzi icho chichaitika kwauri. Vachava vakafanana namabvanzurwa amashanga, uye mwoto uchaaroromesa! Havasati vachizokwanisa kunyange kuzviponesa vamene . . . uye hapana nomumwe achasiyiwa kuti akubetsere.” Mukuwirirana nouporofita hwaIsaya, Bhabhironi rine simba rakawira kuna Koreshi Mukuru muna 539 P.N.V. Nhungamiro iyo vezvoruzivo rwenyeredzi ivavo veBhabhironi vakataura kuti vanounza kubva kunyeredzi yakashanduka kuva ngwavaira yavose vanobatanidzwa.—Isaya 47:13-15, Today’s English Version.

Ikoku kunoreva here kuti hatigoni kudzidza chinhu chipi nechipi kubva munyeredzi?

[Mashoko Omuzasi]

a Ruzivo rwemitumbi yomudenga rwazvino uno runosimbisa mashoko aPauro, sezvo nyeredzi dzichisiyana pamusoro poruvara, mwero, ukuru hwechiedza chinobudiswa, tembericha, uye ukuru hune mwero.

[Bhokisi riri papeji 5]

Izvo Vamwe Vakataura

“RUZIVO RWENYEREDZI: “wedzero nomubatani zvoruzivo rwemitumbi yomudenga.”—Johannes Kepler (1571-1630) wezvoruzivo rwemitumbi yomudenga weGermany.

“Ruzivo rwenyeredzi ihosha, kwete sayenzi. . . . Muti uyo marudzi ose okutenda mashura anokurira pasi pomumvuri wawo.”—Moses Maimonides (1135-1204), nyanzvi yechiJudha yomuMiddle Ages.

“Sayenzi yekare inotaura kuti inokwanisa kuwana hunhu hwomunhu nomufambiro uye kudeya kutaura miitiro yenguva yemberi nezvinoitika kubva muchimiro chenyeredzi dzomudenga. . . . Zvimwe munenge muzana ramakore rechi 6 PK—vaKardhea vari kumaodzanyemba kweIraq vanofungwa kuve vakatanga horoscope yomunhu oga. Ikoku kwakanga kwakabatanidzwa netapuro dzinoshandiswa panguva yokuberekwa nenyeredzi dzinoratidzika sokunge dzisingafambi, pamwe chete neZuva, Mwedzi nenyika shanu dzomuchadenga. . . . Miitiro yoruzivo rwenyeredzi nokududzirwa kwamahoroscope zvinotsamira papfungwa idzo vezvoruzivo rwemitumbi yomudenga nedzimwe nyanzvi zhinjisa dzesayenzi dzinowana kuva dzinogona kududzirwa nedzisingagamuchiriki.”—C. A. Ronan, mutsinhiranisi webasa, East Asian History of Science Trust, Cambridge, England, uye mugoveri wezvokunyora kuThe International Encyclopedia of Astronomy umo uku kunokora mashoko kunotorwa.

Kuenzanisira uku kugona kududzirwa navanhu, Ronan anotsanangura kuti nepo kundangariro yokuMadokero, nyika yomudenga yakatsvuka, Mars, ichibatanidzwa nehondo nokurwa, kuna vaChina, kutsvuka ruvara rwakaisvonaka, uye Mars inorangarirwa seine tapuro ine mutsa. Mukupesana, ngano yokuMadokero inobatanidza Venus nokuchena norunako. Kuna vaChina “kuchena . . . kunorangarirwa kuva vara rorufu, kuora noruparadziko; Venus naizvozvo yakanongedzerwa kwairi se‘nyika yomudenga ine rima yehondo.’”

Ronan anopfuurira, kuti: “Pasinei hapo nomugariro warwo wesayenzi yekare, ruzivo rwenyeredzi munguva dzapakuvamba rwakaita rutivi runobetsera mukusimudzira kucherekedza kworuzivo rwemitumbi yokudenga nokugovera mari dzokuruita.”

Vawani gumi navapfumbamwe vomubayiro weNobel, pamwe chete nedzimwe nyanzvi dzesayenzi, vakabudisa ziviso muna 1975 ine musoro unoti “Zvirambidzo Kuruzivo Rwenyeredzi—Kutaura Kwakaitwa Namasayendisiti Akatanhamara 192.” Yakazivisa, kuti:

“Munguva dzekare vanhu . . . vakanga vasina mufungo wamadaro akakura kubva pasi kuenda kunyika dzomudenga nenyeredzi. Zvino sezvo aya madaro achigona uye akawanwa, tinogona kuona kuti tapuro dzesimba rinokweva nezvimwe zvinobudiswa nenyika dzomudenga dziri kure nenyeredzi dziri kure zvikuru idukusa zvikuru sei. Chinongova chikanganiso bedzi kufungidzira kuti masimba anobudiswa nenyeredzi nenyika dzomudenga panguva yokuberekwa anogona munzira ipi neipi kuumba nguva yemberi yedu.”b

[Mashoko Omuzasi]

b Nokuda kwamamwe mashoko pamusoro poruzivo rwenyeredzi, ona Mukai! yechiNgezi yaMay 8, 1986, mapeji 3-9.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe