Nyeredzi Dzine Shoko Rako!
SEZVARATIDZWA munyaya dzatangireyi, pasinei hapo nokubwinya nyeredzi dzinoratidza, munhu akaitirwa kudzirangarira sezvadziri chaizvoizvo—zvinhu zvisina upenyu zvakaiswa mumatenga noMusiki nokuda kwedonzo rake. Zvakanga zvisati zviri zvinofanira kunamatwa. Sorutivi ruri madikanwa rwechisiko chinoshamisa chaJehovha chiri pasi pemitemo yake, nyeredzi dzaizo‘zivisa kubwinya kwaMwari’ uye panguva imwe cheteyo dzaizobatira samanyuko echiedza nokuda kwomunhu sezvaaiita donzo roMusiki nokuda kwake.—Pisarema 19:1; Dheuteronomio 4:19.
MuBhaibheri tinorava kuti: “Mauri hamusati muchifanira kuwanikwa munhu upi noupi . . . anoshandisa kuuka, mushandisi wamashiripiti kana kuti munhu upi noupi anonzvera mashura kana kuti muroyi, kana kuti mumwe unotsinga vamwe nechitsinga kana kuti munhu upi noupi anobvunza svikiro kana kuti muuki wezvinoitika kana kuti munhu upi noupi anobvunza vakafa. Nokuti munhu ari wose anoita zvinhu izvozvi ndichimwe chinhu chinonyangadza kuna Jehovha.” (Dheuteronomio 18:10-12, NW) Isaya akati: “[Vapi zano vako] ngavasimuke, zvino, uye vakuponese, vanamati vamatenga, vanocherekedza nyeredzi . . . Tarira! Ivo vaita samashanga.”—Isaya 47:13, 14, NW.
Izvo Tinogona Kudzidza Munyeredzi
Zvisinei, nyeredzi dzisina upenyu dzinogona kutiudza chimwe chinhu kana tichidisa kuteerera. Edwin Way Teale akanyora, kuti: “Nyeredzi dzinotaura nezvokusakosha kwomunhu mukusingagumi kurefu kwenguva.” Hungu, apo tinoziva kuti dzoruzhinjisa zvikuru dzenyeredzi dzatinoona nameso edu enyama pausiku hwakati gwerewere dzakaonwa namadzisekuru edu mazana amakore akapfuura, hakutideredzi here? Hatinzwi ruremekedzo here nokuda kwoMunhu Mukuru akadzisika “mukuvamba” uye uyo gare gare akasika rudzi rwomunhu? Mambo Dhavhidhi waIsraeri nomutoo woruremekedzo akanyora, kuti: “Kana ndichicherekedza denga renyu rose, iro basa reminwe yenyu, Mwedzi nenyeredzi zvamakarongedza; Munhu chinyiko, zvamunomufunga? Nomwanakomana womunhu zvamunomushanyira?” Matenga anofanira kutideredza ndokutiita kuti tibvunze icho tiri kuita noupenyu hwedu.—Genesi 1:1, NW; Pisarema 8:3, 4.
Pane imwe nhambo Dhavhidhi akanyengetera, kuti: “Ndidzidzisei kuita kuda kwenyu; nokuti ndimi Mwari wangu.” (Pisarema 143:10) Chinyorwa choupenyu hwaDhavhidhi chinoratidza kuti munyengetero wake wakapindurwa. Akadzidza kuita kuda kwaMwari sezvakarongwa muMutemo Wake. Akadzidzawo donzo roMusiki nokuda kworudzi rwomunhu, uye akanyora pamusoro paro. “Kwasara chinguva chiduku, wakaipa haachazovipo . . . Asi vanyoro ndivo vachagara nhaka yenyika; ndivo vachafarikanya kwazvo norugare rukuru. . . . Ibva pane zvakaipa, uite zvakanaka; ugare zvakanaka nokusingaperi. . . . Vakarurama vachagara nhaka yenyika, vachagaramo nokusingaperi.” Nezivo yedonzo irero pakava nomutoro: “Munhu aizobva pane zvakaipa, aite zvakanaka.”—Pisarema 37:10, 11, 27-29.
Nyeredzi dzine shoko rimwe chetero rorudzi rwose rwomunhu. Tisingadzinamati kana kuti “ku[dzi]bvunza,” tinogona kuona rudo rwoMusiki, uchenjeri, uye simba zvinoratidzwa madziri. Fundo yoruzivo rwemitumbi yomudenga, mukusiyana noruzivo rwenyeredzi, inofanira kupinza ruremekedzo mumwoyo yedu. Asi kupfuura izvozvo, haipinzi matiri here chishuvo chokudzidza zvakawanda pamusoro paMwari? Akagovera Shoko rake, Bhaibheri, nokuda kwedonzo irero chairo. Kana wakanzwisisa iri shoko rinobva kunyeredzi, unogona kudzidza icho Jehovha akachengetera rudzi rwomunhu uye, chinokosha zvikuru, kugoverana kwaunogona kuita muzvikomborero zvaakavagadzirira. Kana une mibvunzo pamusoro paMwari nedonzo roupenyu, inzwa wakasununguka kuonana neZvapupu zvaJehovha munharaunda yenyu, kana kuti nyorera kero iri pedyo zvikurusa inoratidzwa papeji 5.
[Mufananidzo uri papeji 8]
Nyeredzi dzinogona kudzidzisa kuzvininipisa