Itsika Dzinorambwa Ne“tsika Itsva” Here?
‘Nhamo kuavo vanoisa zvakaipa nokuda kwezvakanaka, rima nokuda kwechiedza, kuvava nokuda kwokutapira.’—Isaya 5:20.
ZANA ramakore rechi 20 rakaona chinjo dzinokurumidza mukuzvibata netsika. Mumakumi amakore ayo akatevera hondo mbiri dzenyika, miitiro inokosha yekare yakasvika zvishoma nezvishoma pakurangarirwa seyechinyakare. Migariro inochinja nerondedzero itsva mune zvomufambiro wohunhu nesayenzi zvakapwisa vazhinji kuti mipimo yekare yakanga isati ichashandazve. Tsika dzaichimborangarirwa noruremekedzo rukuru dzakabviswa semhinganidzo dzokunyanyisa. Nhungamiro dzeBhaibheri dzaichimboremekedzwa dzakarambwa sedzakabuda mufashoni. Dzakanga dzichiganhurira zvikuru nzanga isina kuganhurirwa, yavanhu vamwe navamwe vazvino uno vakanyanyisa vezana ramakore rechi 20.
Gore rakaona iyi chinjo huru munhau yomunhu rakanga riri 1914. Manyoro avezvenhau pamusoro pegore iroro neHondo yeNyika I akazara necherekedzo dzavo dzinozivisa 1914 kuva gore rechinjo inokosha, nharidzo chaiyoiyo inokamuranisa nhambo munhau yomunhu. Makore Omuma 20 Ebudiriro nokukurumidza akatevera hondo uye vanhu vakaedza kutsiva mufarwa usina kuwanwa mukati mamakore iwayo ehondo. Mipimo yekare neganhuriro dzetsika zvisina kufanira zvakaraswa kudziurira nzira inobvumira kupinda mumifarwa. Tsika itsva, inobvumira zvirondwa zvenyama, yakatangwa zvisiri zvapamutemo—zvikurukuru mutoo wokuti chinhu chiri chose chinogamuchirwa. Bumbiro idzva retsika nomutoo usingadzivisiki rakava nechinjo mutsika.
Wezvenhau Frederick Lewis Allen anotsinhira pana ikoku, achiti: “Mumwe muuyo wechinjo wakanga uri wokuti tsika hadzina kuva dzakasiyana bedzi, asi—kwamakore mashomanene—dzakava dzisina tsika. . . . Mukati megumi rino ramakore vaperekikadzi . . . vakawana kuti vashanyi vavo havaiti nhamburiko yokutaura kwavari pakusvika kana kuti pakusimuka; kuti ‘kuvapo usina kukokwa’ pakudzana kwakava muitiro unogamuchirwa, vanhu vai‘nonoka somuitiro’ nokuda kwokudya kukuru kwezuva, vaisiya midzanga inopfuta pose pose, marota akapararira pamameti, pasina kukumbira ruregerero. Ganhuriro dzekare dzakanga dzakoromoka, pakanga pasina itsva dzakanga dzavakwa, uye panguvayo vanhu vasina tsika vakanga varasa muswe. Rimwe zuva, zvichida, makore gumi ayo akatevera hondo angazivikanwa zvakakodzera segumi ramakore reTsika Dzakashata. . . . Kana gumi ramakore racho rakanga risina tsika, rakanga risingafariwo. Nhevedzo yekare yezvinhu yakanga yaparara pamwe chete nechirongwa chemipimo iyo yakanga yapa ukoshi nerevo kuupenyu, uye mipimo yokutsiva haina kuwanikwa nyore nyore.”
Mipimo yokutsiva iyo yakadzorera upfumi nerevo kuupenyu haina kutongozowanikwa. Haina kutsvakwa. Mararamire anofadza okuti chinhu chipi nechipi chinogamuchirwa amakore Omuma 20 Ebudiriro akasunungura vanhu paganhuriro dzetsika, idzo dzaivakodzera sezvavaida chaizvo. Vakanga vasiri kurasa tsika; vakanga vachingodzivandudza, vachidziti pfavisei zvishoma. Pashure penguva yakati vakadzidana kuti Tsika Itsva. Madziri munhu mumwe nomumwe anoita chiri chakarurama mumeso ake amene. Ndiye nhamba 1. Anoita zvinomufadza. Anotevera nzira youzvimiriri.
Kana kuti anofunga kudaro. Zvomenemene, makore ane zviuru zvitatu akapfuura, Soromoni Mambo akachenjera, akati: “Hapana chinhu chitsva pasi pezuva.” (Muparidzi 1:9) Kunyange pakuvamba vamba, mukati menhambo yaVatongi, vaIsraeri vakanga vaine rusununguko rune mwero kana vaizoteerera Mutemo waMwari kana kuti kwete: “Namazuva iwayo kwakanga kusina mambo pakati paIsraeri; murume mumwe nomumwe waiita sezvaakafunga kuti ndizvo zvakanaka.” (Vatongi 21:25) Asi voruzhinji vakabvumikisa kusadisisa kuteerera Mutemo wacho. Kupfurikidza nokudyara neiyi nzira, Israeri akakohwa mazana amakore engwavaira dzorudzi. Nomutoo wakafanana, marudzi nhasi akakohwa mazana amakore amarwadzo nokutambura—uye zvakaipisisa zvichigere kuuya.
Pane kumwe kutaura uko kunozivisa Tsika Itsva nomutoo wakananga zvikuru, ndiko kuti, “chizivano.” Webster’s Ninth New Collegiate Dictionary rinokurondedzera kuti: “Murangariro wokuti zvokwadi dzetsika dzinotsamira pavanhu vamwe navamwe namapoka anodzichengeta.” Mukupfupikisa vadzidzi vechizivano vanotaura kuti chinhu chipi kana chipi chakanaka nokuda kwavo chine tsika nokuda kwavo. Mumwe munyori akawedzera pamusoro pechizivano apo akati: “Chizivano, chakavanda pasi kwenguva refu, chakabuda souzivi hunopararira hwe‘gumi ramakore raini’ rama 70; chichiri kutonga muvanhu veboka rapakati rakapfuma rama 80. Tingapazve kuteerera kunoperera mumashoko bedzi kumipimo yegamuchidzanwa, asi muchiito, chakarurama ndicho chipi kana chipi chiri chakanaka nokuda kwangu.”
Uye ikoko kunobatanidza tsika—‘Kana kuchindifadza, ndichakuita; kana kusingandifadzi, handikuiti. Kwaisazova kwakandikodzera, kunyange kudai kwakanga kune tsika zvikuru nokuda kwako. Kwaizoparadza kuzvimirira kwangu kukuru, kundiita anoratidzika kuva ane utera, kundipinza mukuneta.’ Nomutoo wakajeka, nokuda kwavanhu vakadaro ikoku hakushandi bedzi kuzviito zvokuvirima asiwo kuzvinhu zvinodikanwa zvakapfava, zvezuva riri rose zvakadai sa‘Ndapota. Ndine urombo. Pamusoroi. Mazvita. Regai ndikuzarurirei suo. Huyai mugare pano. Regai ndikutakurirei pakiti iroro.’ Izvi nezvimwe zvikamu zvamashoko zvakafanana negirisi nyoro iro rinonakisa ndokuita kuti ukama hwedu hwohunhu hufadze. ‘Asi kuratidzira vamwe tsika,’ ini pakutanga angaramba kudaro, ‘kungatapura zvakashata kurarama kwangu mukuwirirana nezvandiri sowokutanga.’
Nyanzvi yamagariro avanhu James Q. Wilson anoti kakavadzano yakawedzerwa nomufambiro woutsotsi zvakaparirwa nokuwa kweicho nhasi “chinonongedzerwa kwachiri nomutoo wokuzvidza se‘mipimo yeboka rapakati,’” uye mushumo wacho unopfuurira, kuti: “Kuparara kweiyi mipimo—uye wedzero muchizivano chetsika—kunoratidzika kuva kune batano nomwero wakakwirira woutsotsi.” Kunobatana zvamazvirokwazvo nomuitiro wazvino uno wokuramba ganhuriro ipi neipi pakuzvitaurira, pasinei zvapo nokuti hakuna tsika sei kana kuti kungava kunotsamwisa sei. Ikoku kuri sokutaura kweimwe nyanzvi yamagariro avanhu, Jared Taylor, kuti: “Chaunga chedu chabva nomutoo wakatsiga pakuzvidzora kuenda kukuzvitaurira, uye vanhu vazhinji vanoramba mipimo yechinyakare seinodzvinyirira.”
Kushandisa chizivano kunokuita musarudzi womufambiro wako umene, uchifuratira chisarudzo chomunhu upi noupi, kubatanidza chaMwari. Uri kuzvisarudzira umene chiri chakarurama nechiri chakakuipira, seizvo vaviri vokutanga vohunhu vakaita muEdheni apo vakaramba mutemo waMwari ndokuzvisarudzira vamene icho chakanga chiri chakarurama nechakanga chiri chakashata. Nyoka yakanyengera Evha kupinda mukufunga kuti kana akasateerera Mwari ndokudya muchero wakarambidzwa, ipapo kwaizoitika sezvaakanga amuudza: “Meso enyu achasvinudzwa, mukava saMwari, muchiziva zvakanaka nezvakaipa.” Naizvozvo Evha akatora mumwe womuchero wacho akaudya ipapo ndokupa mumwe wacho Adhama, uye akaudya. (Genesi 3:5, 6) Chisarudzo chaAdhama naEvha chokudya chakanga chiri chine ngwavaira nokuda kwavo uye chine jambwa nokuda kwavana vavo.
Pashure pokupetwa kurefu kwoushati hunowanika pakati pavezvamatongerwe enyika, vanamuzvinabhizimisi, vamhanyi, vezvesayenzi, muwinhi woMubayiro Mukuru, uye mufundisi, mumwe mucherekedzi akataura mukutaura kwake pamberi peHarvard Business School, kuti: “Ndinodavira kuti tiri kuva munyika medu nhasi neicho ndinosarudza kudana kuti njodzi yetsika, kurasikirwa neicho nomutoo wegamuchidzanwa kupfurikidza nepepuko yokuMadokero chakarangarirwa kuva ganhuriro idzodzo dzomukati norunako rwomukati izvo zvinotidzivisa kugutsa mirangariro yedu timene yakaderera.” Akataura ne“zvamashoko ayo achadokunzwika seechienzi apo anotaurwa muidzi mhoteredzo, mashoko akadai saushingi, rukudzo, musengwa, mutoro, kunzwira tsitsi, kuva netsika—mashoko ayo anodokuva akapinda mukusashandiswa.”
Muma 60 panharaunda dzeyunivhesiti, nhau dzakati dzakamuka. Vazhinji vakataura kuti ‘hakuna Mwari, Mwari akafa, hapana chinhu chipi nechipi, hapana ukoshi hwokupfuura mwero, upenyu hauna revo chose chose, unogona kukurira kusava nechinhu kwoupenyu kupfurikidza nokuva nokuzvimirira kwegamba bedzi.’ Vana vane misikanzwa vakarangarira ikoku kuva chiratidzo chokupfuurira ndokukurira kusava nechinhu kwoupenyu kupfurikidza no‘kufemba cocaine, kusvuta mbanje, kuita vatano norusununguko, uye kutsvaka rugare rwomunhu oga.’ Urwo vasina kutongowana.
Ipapo pakanga pane mapoka anoramba ama 60. Zvinopfuura muitiro bedzi, akagamuchirwa nepesvedzero yakapararira yetsika yeAmerica ndokutungamirirwa mugumi ramakore raIni rama 70. Nokudaro takapinda mugumi ramakore iro Tom Wolfe, mutsoropodzi wamagariro avanhu, akadana kuti “gumi ramakore raIni.” Iroro rakapera muma 80, ayo anodanwa nokuzvidzwa navamwe, kuti “zera rebudiriro yamakaro.”
Zvose izvozvi zvine chokuitai netsika? Kuri pamusoro pokuzviisa umene pakutanga, uye kana ukazviisa umene pakutanga, haugoni kubvuma nyore nyore pamberi pavamwe, haugoni kuisa vamwe pakutanga, haugoni kushandisa tsika dzakanaka kuna vamwe. Kupfurikidza nokuzviisa umene pakutanga, ungave, kutaura idi, uchizvipinza muchimiro chokuzvinamata, kunamatwa kwaIni. Bhaibheri rinorondedzera sei mumwe munhu anoita ikoko? So“munhu ana makaro—uko kunoreva kuva munamati wechidhori,” sokuratidza “ruchiva, urwo runoreva kunamata zvidhori.” (VaEfeso 5:5, NW; VaKorose 3:5, NW) Ndiani uyo vanhu vakadaro vanobatira chaizvoizvo? “Mwari wavo idumbu ravo.” (VaFiripi 3:19) Mararamire akashata anotsiva ayo vanhu vazhinji vakasarudza seakarurama mutsika nokuda kwavo nemiuyo ine ngwavaira, inouraya yamararamire iwayo zvinobvumikisa bedzi uzvokwadi hwaJeremia 10:23: “Haiwa, Jehovha, ndinoziva kuti nzira yomunhu haizi yake amene; munhu, unofamba, haagoni kururamisa nhano dzake.”
Bhaibheri rakadeya kuona zvose izvozvi ndokufanokutaura sechiratidzo chinonyevera cha“mazuva okupedzisira,” sezvakanyorwa pana 2 Timotio 3:1-5, New English Bible: “Unofanira kunangana neidi: nhambo yokupedzisira yenyika ino inofanira kuva nguva yamatambudziko. Vanhu havasati vachizoda chimwe chinhu kunze kwemari uye ivo vamene; vachava vanodada, vanoganza, uye vanotuka; vasina ruremekedzo nokuda kwavabereki, vasingaongi, vasina runako, vasina chidakadaka chomuzvarirwo; vachava vasingayanani mukuvengana kwavo, vaparadziri veguhwa, vasingadzoreki navanotyisa, vaeni kurunako rwose, vatengesi, vanotsvaka mhindu isakarurama, vakazara nokuzvitutumadza. Vachava vanhu vanoisa mufarwa munzvimbo yaMwari, vanhu vanochengetedza chimiro chokunze chorudzidziso, asi vane kuramba kwakatsiga uzvokwadi hwako. Ramba uri kure navanhu vakadai.”
Takakukurirwa kure neizvo takasikirwa kuva—mumufananidzo norufanano zvaMwari. Mavara anokarirwa orudo, uchenjeri, ruramisiro, uye simba achiri mukati medu asi ava asina kudzikama naakanyongana. Nhano yokutanga panzira yokudzokera inowadzanyurwa mumutsara wamashoko wokupedzisira worugwaro rweBhaibheri rwanokorwa mashoko pamusoro apa: “Ramba uri kure navanhu vakadai.” Tsvaka mhoteredzo itsva, iyo ichachinja kunyange kunzwa kwako kwomukati. Anorayiridza kunouyu mugumo ndiwo mashoko okuchenjera akanyorwa makore akapfuura muThe Ladies’ Home Journal naDorothy Thompson. Kunokora mashoko kwake kunotanga neziviso yokuti kukurira usindimari hwepwere, kuri madikanwa kudzidzisa mirangariro yepwere panzvimbo poungwaru hwake:
“Zviito zvake nezvimiro zvendangariro somwana zvinosarudza zvikuru zviito zvake nezvimiro zvendangariro somukuru. Asi izvi hazvisati zvichikuchidzirwa nepfungwa dzake, asi nokunzwa kwake. Anova zvaanokurudzirwa nokurovedzwa kuda, kuyemura, kunamata, kukoshesa, uye kubayira nokuda kwazvo. . . . Muna ikoku kwose tsika dzinoita rutivi runokosha, nokuti tsika dzakanaka hadzisi chimwe chinhu chikuru kana kuti chiduku kupfuura kutaura kwerangariro nokuda kwavamwe. . . . Kunzwa kwomukati kunoratidzirwa mukuzvibata kwokunze, asi kuzvibata kwokunze kunobetserawo kusakurirwa kwokunzwa kwomukati. Kwakaoma kunzwa uine utsinye nepo uchiita nokurangarira. Tsika dzakanaka dzingava dzapamusoro bedzi kutanga, asi hadziwanzoramba dzakadaro.”
Akacherekedzawo kuti, nokusiiwa kusiri kwenguva dzose, runako nouipi “hazvidzorwi nepfungwa asi nemirangariro” uye kuti “matsotsi akava akadaro kwete kubva mukuoma kwetsinga dzavo dzomwoyo asi kubva mukuoma kwomwoyo.” Akasimbisa kuti murangariro unodzora mufambiro wedu kazhinji kazhinji zvikuru kupfuura ndangariro uye kuti nzira yatinorovedzwa nayo, nzira yatinoita nayo, kunyange kana ichimanikidzirwa pakutanga, inopesvedzera kunzwa kwomukati ndokuchinja mwoyo.
Zvisinei, iBhaibheri rinoita zvakanaka mukupa muitiro wakafuridzirwa wokuchinja munhu womukati womwoyo.
Wokutanga, VaEfeso 4:22-24: “Pamufambire wenyu wokutanga mubvise munhu wekare, unoodzwa nokuchiva kwokunyengera; muvandudzwe mumweya wokurangarira kwenyu, mufuke munhu mutsva, wakasikwa akafanana naMwari pakururama, noutsvene hwezvokwadi.”
Wechipiri, VaKorose 3:9, 10, 12-14: “Bvisa[i] munhu wekare namabasa ake, mu[fuke] munhu mutsva, unovandudzwa pakuziva, afanane nowakamusika. Naizvozvo, savasanangurwa vaMwari, vatsvene navanodikanwa, fukai mwoyo une tsitsi, nomwoyo munyoro, nokusazvikudza, nounyoro, nomwoyo murefu; muitirane mwoyo murefu, muchikanganwirana, kana munhu ane mhosva nomumwe; Ishe sezvaakakukanganwirai, muite saizvozvo nemiwo. Zvino pamusoro pezvinhu izvi zvose fukai rudo, ndicho chisungo chinokwanisa.”
Wezvenhau Will Durant akati: “Nhau hurusa yenguva yedu haisati iri chikomunizimu chinorwisana nokuzvimirira, kwete Europe inorwisana neAmerica, kwete kunyange Mabvazuva anorwisana neMadokero; iri kana vanhu vachigona kurarama vasina Mwari.”
Kuti tirarame upenyu hunobudirira, tinofanira kuteerera zano rake. “Mwanakomana wangu, usakanganwa kudzidzisa kwangu; asi mwoyo wako ngauchengete mirayiro yangu; nokuti zvichakuwedzera mazuva mazhinji, namakore oupenyu, norugare. Rudo nezvokwadi ngazvirege kukusiya; Uzvisungire pamutsipa wako; uzvinyore pahwendefa romwoyo wako; nokudaro uchawana nyasha nenjere dzakanaka pamberi paMwari navanhu. Vimba naJehovha nomwoyo wako wose, urege kusendama panjere dzako. Umutende panzira dzako dzose, agoruramisa makwara ako ose.”—Zvirevo 3:1-6.
Tsika dzakanaka dzomutsa nedzerangariro dzakadzidzwa namazana amakore okurarama hadzisati dziri zvinhu zvakanyanyisa pashure pokurangarira zvose, uye nhungamiro dzeBhaibheri dzokurarama hadzisati dzichitongova dzechinyakare asi dzichabvumikisa kuva dzoruponeso rusungagumi rworudzi rwomunhu. Pasina Jehovha, havagoni kupfuurira kurarama, nokuti ‘kwamuri Jehovha ndiko kune tsime roupenyu.’—Pisarema 36:9.
[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 19]
Nzira yatinoitanayo, kunyange kanaichimanikidzirwa pakutanga,inopesvedzera kunzwakwomukati ndokuchinjamwoyo
[Bhokisi riri papeji 18]
Tsika Dzapatafura Dzisina Chadzingapomerwa Idzo Vanhu Vangaita Zvakanaka Kutevedzera
Cedar waxwings (shiri), dzakaisvonaka, dzine tsika, dzinofambidzana zvikuru, dzinodyira pamwe chete mudenhe guru rine mabheri akaibva. Dzakaita mutsara dzakatevera bazu, dzinodya muchero wacho, asi kwete nomutoo wamakaro. Kubva pamuromo kuenda kuno mumwe muromo, dzinopfuudzirana bheri richienda mberi neshure, kusvikira pakupedzisira imwe chete inoridya nomutoo unofadza. Hadzitongokanganwi “vana” vadzo, dzisinganeti kuunza zvokudya, bheri nebheri, kusvikira vose vaguta.
[Kwazvakatorwa]
H. Armstrong Roberts
[Mufananidzo uri papeji 16]
Vamwe vanoti, ‘Rasa Bhaibheri nemipimo yetsika’
[Mufananidzo uri papeji 17]
“Mwari akafa.”
“Hapana revo kuupenyu!”
“Svuta mbanje, femba ‘coke’”
[Vakatipa Mufananidzo uri papeji 15]
Kuruboshwe: Life; Kurudyi: Grandville