Rutyo—Runozivikanwa Navose Zvino asi Kwete Nokusingaperi!
VADZIDZI veShoko raMwari havasati vachishamiswa kuti rutyo runozivikanwa kwazvo. Seizvo Zvapupu zvaJehovha zvakazivisa zvakafara muushumiri hwazvo, kune ufakazi hwakawanda hwokuti tiri kurarama munguva yakaratidzirwa munhau yavanhu. Unoziva kuti inoratidzirwa nokutya kwakapararira. Asi kare kare Jesu akaratidzira, kana kuti akanongedzera, kunguva yedu. Akanga achipindura mibvunzo yavaapostora pamusoro pokuvapo kwake nemhedziso yetsika yezvinhu, kana kuti ‘mugumo wenyika.’—Mateo 24:3.
Heruno rutivi rweizvo Jesu akafanotaura:
“Rudzi rumwe ruchamukira rumwe rudzi, noushe humwe huchamukira humwe ushe. Kudengenyeka kukuru kwenyika kuchavapo, nokune dzimwe nzvimbo nzara nehosha, nezvinotyisa, uye zviratidzo zvikuru, zvichabva kudenga, zvichavapo.”—Ruka 21:10, 11.
Wacherechedza here tsinhiro yake pamusoro pe“zvinotyisa”? Gare gare mumhinduro imwe cheteyo iyoyo, Jesu akaita kumwe kutaura kunokosha pamusoro porutyo urwo rungatapura nenzira yakananga uye inokosha iwe navadiwa vako. Asi tisati tapa ngwariro kuna ikoko, ngatihwirudzurei nokupfupikisa humwe ufakazi hwokuwedzera hwokuti tiri kurarama mumazuva okupedzisira.—2 Timotio 3:1.
Rutyo Rwehondo Runoruramiswa
Rwisano dzehondo dzakasiya mativi akawanda apasi aparadzwa. Somuenzaniso, magazini yeGeo yakadana migodhi yemafuta iyo yakasiyiwa ichibvira pamugumo werwisano yomuMiddle East yemunguva pfupi yapfuura kuti “ngwavaira hurusa yemhoteredzo yati yamboparirwa namaoko avanhu.” Hondo dzakauraya kana kuti dzakaremadza makumi amamiriyoni avanhu. Kupfuura mamiriyoni enzufu dzavarwi navasiri varwi muHondo yeNyika I, mamiriyoni 55 akaurawa muHondo yeNyika II. Yeuka kuti sorutivi rwechiratidzo chokuti mugumo wenyika wakanga wava pedyo, Jesu akataura kuti “rudzi rumwe [rwaizo]mukira rumwe rudzi, noushe humwe huchamukira humwe ushe.”
Hatigoniwo kufuratira nhamburiko dzomunhu dzokuparadza rudzi—kuparadzwa kwamadzinza ose kana kuti vanhu. Nzufu dzamamiriyoni evokuArmenia, evokuCambodia, evaJudha, evokuRwanda, evokuUkraine, uye dzimwe dzakawedzera kukuva nemhaka yeropa kunokatyamadza kworudzi rwomunhu mukati mezana ramakore rechi20. Kuuraya kunopfuurira munyika umo ruvengo rwedzinza runokurudzirwa navanyanyisi vorudzidziso. Hungu, hondo dzichiri kunyorovesa pasi neropa ravanhu.
Hondo dzazvino uno dzinova navanyajambwa kunyange mushure mokunge kurwa kwacho kwaguma. Somuenzaniso, rangarira kuteyiwa kwokusasarura kwezvimbambaira. Maererano nemumwe mushumo wakanyorwa nesangano rokunzvera reHuman Rights Watch, “zvimbambaira zvinenge mamiriyoni 100 kupota nyika zvinotyisidzira vasiri varwi.” Zvimbambaira zvakadaro zvinopfuurira kuva zvine ngozi kuvarume, vakadzi, uye vana vasina mhosva nguva refu mushure mokunge hondo umo zvakashandiswa yapera. Kunotaurwa kuti mwedzi mumwe nomumwe zviuru zviri kukuvadzwa kana kuti kuurawa nezvimbambaira munyika dzinopfuura 60. Neiko iyi tyisidziro ingaparira rufu kana kuti kuremara isingabviswi nenzira yakarongeka? The New York Times yakati: “Zvimbambaira zvakawanda zvikuru zviri kuteyiwa zuva rimwe nerimwe kupfuura zviri kuitwa kuti zvisashande mugadziriro dzokubvisa zvimbambaira, naizvozvo nhamba yavananyajambwa iri kuwedzera zvakadzikama.”
Nyaya yomupepanhau iroro ra1993 yakashuma kuti kutengesa zvimbambaira izvi kwazova bhizimisi rino“bhadhara mamiriyoni anosvika 1 700 emadhora pagore.” Kunobatanidza “makambani 100 namasangano anomirira hurumende munyika 48” ayo “ave achibudisa kunze kwenyika marudzi 340 akasiyana-siyana” ezvimbambaira. Nenzira youdhiyabhorosi, zvimwe zvimbambaira zvakagadzirirwa kuti zvitarisike sezvokutambisa kuitira kuti zvive zvinokwezva kuvana! Fungidzira, kuita noune vana vasina mhaka vananyajambwa vokukuvadza nokuuraya! Imwe nyaya yavapepeti venhau yaiva nomusoro unoti “Mabhambo Mamiriyoni 100” yakataura kuti zvimbambaira “zvakauraya kana kuti zvakakuvadza vanhu vakawanda kupfuura hondo yemakemikoro, yechepfu uye yenyukireya.”
Asi zvimbambaira hazvisati zviri izvo bedzi chinhu chinourayisa chinotengeswa mumisika yenyika. Vatengesi vezvombo vane makaro vari kuita bhizimisi ramabhiriyoni emadhora munyika yose. The Defense Monitor, yakabudiswa neCenter for Defense Information, inoshuma, kuti: “Mukati memakore gumi apfuura [nyika yakatanhamara] yakatengesa kunze kwenyika zvombo zvine ukoshi hwaMabhiriyoni 1 147,5 emadhora.” Iyi nyika ine simba “yakabvumidza[wo] kutengeswa kwezvombo zvine ukoshi hunokatyamadza hwaMabhiriyoni 535,5, emadhora kuvaka kwehondo, uye kurovedzwa kwenyika 142.” Mbeu nokudaro dziri kudyarwa nokuda kwehondo yomunguva yemberi nokutambura kwavanhu. Maererano neThe Defense Monitor, muna “1990 moga, hondo dzakaita kuti vanhu mamiriyoni 5 varovedzwe kushandisa zvombo, dzakaita kuti mari inopfuura Mabhiriyoni 425 emadhora ishandiswe, uye dzakauraya chikamu chimwe muzvina chevanhu miriyoni, vakawanda vavo vasiri varwi.” Zvirokwazvo unogona kufunga nezvehondo dzakawanda idzo dzakaitika chibviro chegore iroro, kuchiunza rutyo norufu kumamiriyoni akawanda!
Kumwe Kuparadzwa Kwapasi Noupenyu Hwaro
Purofesa Barry Commoner anonyevera, kuti: “Ndinodavira kuti shatiso inopfuuridzirwa yapasi, kana isingadzorwi, pakupedzisira ichaparadza kodzero yenyika ino senzvimbo youpenyu hwavanhu.” Anopfuurira kuti chinetso hachisati chiri kusaziva asi makaro amaune. Unofunga kuti Mwari wedu akarurama uye ane rudo achashivira aya mamiriro ezvinhu kusvikira kunguva isingazivikanwi, achitisiya takaratidzirwa kurutyo rwakawedzerwa rwesvibiso here? Kuparadzwa kwapasi kunoda kugadzikisa zvinhu navaparadzi uye ipapo kuvandudzwa kwenyika. Irworwo ndirwo rutivi rweizvo Jesu akataura mumhinduro yake kuvaapostora pamusoro pe‘mugumo wenyika.’
Tisati tarangarira kuti Mwari achaita sei kugadzikisa zvinhu ikoko, regai tinzverezve chinyorwa chomunhu. Kunyange ndaza isina kukwana yokushandisa zvisina kufanira kwomunhu inosuruvarisa: mvura yeacid nemiitiro yokutema miti yamakaro iyo inoparadza masango ose; kuraswa pose pose kwetsvina yenyukireya, makemikoro anouraya, uye mvura ine tsvina; kuneteswa kwechikamu chinotaviridza cheozone; uye kushandiswa kwokusangwarira kwemishonga inouraya masora netupukanana.
Fariro dzezvokutengeserana dzinosvibisa pasi mudzimwe nzira nokuda kwechimuko. Matani ezvinogadzirwa zvakashata zuva nezuva ari kukandwa munzizi, makungwa, mumhepo, uye muvhu. Vasayendisiti vanosvibisa matenga namatsvina ezvomudenga, vasingachenesi mushure macho, sokunge zvakadaro. Pasi riri kukurumidza kuva rinokomberedzwa nokuraswa kwamarara mudenga. Kudai kwakanga kusati kuri nemhaka yegadziriro yomusikirwo iyo Mwari akaita kuitira kuti pasi rigone kuzvimutsidzira rimene, musha wedu wapasi waisazotsigira upenyu, uye munhu sezvingabvira angadai akakachidzwa mumarara ake amene kare kare.
Munhu anotozvisvibisa. Rangarira, somuenzaniso, fodya nokumwe kushandiswa zvisina kufanira kwemirimo. MuUnited States, kushandiswa zvisina kufanira kwezvinhu zvakadaro kwakadanwa kuti “chinetso chokutanga choutano chenyika.” Kunodyira nyika iyoyo mabhiriyoni 2 023 emadhora gore negore, muna iwaya mabhiriyoni 289 emadhora anoshandiswa pa“kutarisirwa kwoutano [ndiko kuti, kunodzivisika] kusiri madikanwa.” Unofunga kuti fodya inoukoshi hwakadini mumari nomuupenyu munyika yaunogara?
Mararamire amadiro uye okutsauka, ayo vakawanda vanoomerera paari sekodzero, akaparira kuvapo kunotyisa kwezvirwere zvinouraya zvinopfuudzwa muvatano, kuchiita kuti vakawanda vafe vari vaduku. Kwakacherechedzwa kuti zvikamu zvetsinhiro pamusoro pavafi zvemapepanhau emaguta makuru zvino zvinoratidza nhamba inowedzera yavanofa mumakore okuma30 nokuma40. Nemhaka yei? Kazhinji kazhinji nemhaka yokuti vanova vananyajambwa vemigumisiro inouraya yemiitiro yavo. Kuwedzera kune ngwavaira kwakadaro muzvirwere zvevatano uye zvimwe kunokwanawo muuporofita hwaJesu, nokuti akataura kuti kwaizova “kune dzimwe nzvimbo nzara nehosha.”
Svibiso yakaipisisa, zvisinei, ndiyo yendangariro yavanhu nomudzimu, kana kuti chimiro chendangariro. Kana ukahwirudzura zvimiro zvose zvokusvibisa zvatadudza kusvikira pari zvino, hakusati kuri kwechokwadi here kuti zvakawandisa zvacho mugumisiro wendangariro dzakasvibiswa? Rangarira kuvadziko ndangariro dzakaipa dzinoparira muchimiro chokuuraya, kubata zvibharo, ugororo, uye mamwe marudzi amasimba masimba anoiswa pane mumwe munhu nomumwe. Vakawanda vanozivawo, kuti mamiriyoni okubvisa pamuviri anoitwa gore negore chiratidzo chokusvibiswa kwendangariro nokwomudzimu.
Tinoona zvakawanda zvikurusa muchimiro chendangariro chepwere. Kusaremekedza chiremera chavabereki nechavamwe kuri kuparira kuputsika kwemhuri uye kusateererwa kwomutemo nenhevedzano. Uku kushayikwa kworutyo rwakanaka rwechiremera kwakabatanidzwa zvakananga nokushaya umudzimu kwepwere. Naizvozvo, avo vari kudzidzisa mhindumupindu, kusatenda kuvapo kwaMwari, uye dzimwe rondedzero dzinoparadza kutenda vane mhaka huru. Vanewo mhaka vadzidzisi vorudzidziso avo, munhamburiko dzavo dzokuti vagamuchirwe savazvino uno uye “vakarurama,” vakafuratira Shoko raMwari. Ivo navamwe vachipesvedzerwa nouchenjeri hwenyika vanodzidzisa uzivi hwavanhu hunopokana.
Migumisiro yacho nhasi yakajeka. Vanhu vanosundwa, kwete nokuda Mwari nomunhu biyavo, asi noudyire noruvengo. Chibereko chakaipa unzenza hwakapararira, masimba masimba, nokushaya tariro. Nenzira inosuruvarisa, ikoku kunosiya vanhu vakatendeseka vari murutyo, kubatanidza rutyo rwokuti munhu achazviparadza amene nenyika.
Zvichaipa Zvikuru Here Kana Kuti Zvichava Nani?
Chii chine nguva yemberi iri pedyo pamusoro porutyo? Rutyo ruchapfuurira kuwedzera here, kana kuti ruchakurirwa? Ngaticherechedzei zvakare icho Jesu akaudza vaapostora vake.
Akanongedzera kuchimwe chinhu chiri munguva yemberi iri pedyo—dambudziko guru. Heanoi mashoko ake: “Pakarepo, shure kwokutambudzika kwamazuva iwayo, zuva richasviba, mwedzi hauchazobwinyi, nyeredzi dzichawa kudenga, namasimba okudenga achazununguswa. Ipapo chiratidzo choMwanakomana womunhu chichaonekwa kudenga; zvino marudzi ose enyika achachema, achiona Mwanakomana womunhu achiuya pamusoro pamakore okudenga nesimba nokubwinya kukuru.”—Mateo 24:29, 30.
Naizvozvo tinogona kukarira kuti dambudziko guru richavamba nokukurumidza. Humwe uporofita hweBhaibheri hunoratidza kuti rutivi rwaro rwokutanga ruchava kutsiva parudzidziso rwenhema kupota nyika. Ipapo kuchava nezviitiko zvinokatyamadza zvichangobva kunokorwa mashoko, kubatanidza zvinoitika zvokudenga zvorudzi rwakati. Ndoupi uchava mugumisiro pamamiriyoni avanhu?
Eya, rangarira nhoroondo yakafanana yemhinduro yaJesu, apo tinowana tsinhiro dzouporofita dzakawedzerwa, dzinoti:
“Zviratidzo zvichavapo pazuva napamwedzi, napanyeredzi; napanyika urombo hwavanhu, vachikanganiswa nokutinhira kwegungwa namafungu; vanhu vachapera nokutya nokutarira zvinowira nyika; nokuti masimba okudenga achadengenyeka.”—Ruka 21:25, 26.
Izvozvo zviri pamberi pedu. Asi havasati vari vanhu vose ipapo vachava murutyo rwakadaro zvokuvaita kuti vose vave vanopera simba. Mukupesana, Jesu akati: “Asi kana izvozvi zvichitanga kuitika, tarirai kumusoro, musimudze misoro yenyu, nokuti kusunungurwa kwenyu kwaswedera.”—Ruka 21:28.
Akakurukura mashoko iwayo kuvateveri vake vechokwadi. Panzvimbo pokupera simba kana kuti kuremadzwa norutyo, vaizova nechikonzero chokusimudza misoro yavo nokusatya, kunyange zvazvo vaiziva kuti mugumo wedambudziko guru wakanga wavapedyo. Neiko vasingatyi?
Nemhaka yokuti Bhaibheri rinotaura zvakajeka kuti kuchava navapukunyuki vouku “kutambudzika kukuru” kwose. (Zvakazarurwa 7:14) Nhoroondo inopikira ikoku inotaura kuti kana tiri pakati pavapukunyuki, tinogona kufarikanya zvikomborero zvisingaenzaniswi zvinobva muruoko rwaMwari. Inogumisa nevimbiso yokuti Jesu “[a]chavafudza, [a]chavatungamirira kumatsime emvura youpenyu; Mwari uchapisika misodzi yose kumeso avo.”—Zvakazarurwa 7:16, 17.
Ivo—uye isu tinogona kubatanidzwa—vanofarikanya zvikomborero zvakadaro havasati vachizova norutyo runotambudza vanhu nhasi. Bva, ikoku hakurevi kuti havasati vachizova zvachose vasina rutyo, nokuti Bhaibheri rinoratidza kuti kune rutyo rwakakodzera uye rwakanaka. Nyaya inotevera icharangarira icho irworwu ruri uye kuti runofanira kutitapura sei.
[Mufananidzo uri papeji 8]
Vanamati vaJehovha vanomirira nomufaro nyika itsva iri kuuya
[Vakatipa Mufananidzo uri papeji 7]
Svibiso: Photo: Godo-Foto; chitundu musere musere: U.S. Army photo; miti iri kutsva: Richard Bierregaard, Smithsonian Institution