Mugumo Worudzidziso Wava Pedyo Here?
“Nyika yose ichazara nokuziva Jehovha, sezvinofukidza mvura pasi pegungwa.”
ISAYA, MUPOROFITA WECHIISRAERI WEZANA RAMAKORE RECHI8 B.C.E.
MUIYI nzira muporofita wechiHebheru Isaya akafanotaura kuti rimwe zuva munhu ari wose pasi pano achabatanidzwa mukunamatwa kwaMwari Wamasimba Ose. Nhasi, zvisinei, kariro yakadaro ingaratidzika kuva iri kure zvikuru kupfuura nakare kose.
Pakuvamba zvikuru muzana rino ramakore, somuenzaniso, vatsigiri vechinjo vechiKomonisiti muRussia vakadavira kuti kuparadzwa kworudzidziso kwakanga kuri nhano iri madikanwa kukusunungura vakaderera zvikuru munzanga. Kusatenda kuvapo kwaMwari, vakataura kudaro, kwai‘zosunungura vanhu vanoshanda pamutoro wefungira mano akaipa nokunyengerwa kwomunguva yakapfuura.’ Pakasvika 1939, Stalin akanga aderedza nhamba yechechi dzeOrthodox dzaishanda muSoviet Union kusvika ku100, dzichienzaniswa nedzinopfuura 40 000 1917 asati asvika.
Hitler akarangarirawo rudzidziso semhinganidzo munzira yake yokuwana simba rakakwana. “Munhu muKristu kana kuti zvimwe muJerimani. Haungagoni kuva zvose zviri zviviri,” akambozivisa kudaro. Aikarira kubvisa zvishoma nezvishoma zvimiro zvose zvokunamata izvo aisagona kudzora. Nechinangwa ichocho, vaNazi vakatanga minyengetero yavo vamene yakafanana neyerudzidziso, mitambo, rubhapatidzo, uye kunyange minamato yokuviga. Hitler akanga ari mesiya wavo, uye nyika yavo mwari wavo. Utsinye hupi nohupi hwaigona kuitwa kana Hitler akanga achida.
Mazuva Okupedzisira Orudzidziso Here?
Hapana akabudirira Stalin kana kuti Hitler munhimbe yavo yokudzvinyirira rudzidziso. Asi zvino, kusaitira hanya kunoratidzika kuva kwakatora basa roudzvinyiriri. Nokuda kwavadzidzi veBhaibheri uku kuchinja kwezviitiko hakuuyi sechinhu chinoshamisa. Muapostora Pauro akaudza Timotio kuti mu“mazuva okupedzisira” vanhu vaizova “vanoda zvinofadza zvenyika kupfuura Mwari.”—2 Timotio 3:1-4.
Bhaibheri rinodzidzisa kuti aya “mazuva okupedzisira,” anoratidzirwa nokusaitira hanya kworudzidziso, aizova chinotangira kuguma kworudzidziso rwose here? Aiwa. Panzvimbo pokufanotaura mugumo worudzidziso rwose, Bhaibheri rinotsanangura kuti rudzidziso rwenhema—urwo runopiwa zita rokufananidziro rokuti Bhabhironi Guru—ruchaguma.a Bhuku raZvakazarurwa rinoti: “Mumwe mutumwa une simba akasimudza ibwe rakaita seguyo guru, akarikandira mugungwa, achiti: Saizvozvo guta guru, Bhabhironi, richaputsirwa pasi nesimba, rikasatongowanikwazve.”—Zvakazarurwa 18:21.
Kunyangarika kworudzidziso rwenhema, zvisinei, hakusati kuchizoguma nenyika isina umwari. Mukupesana, Pisarema 22:27 (NW), rinoporofita, kuti: “Migumo yose yapasi ichayeuka ndokutendeukira kuna Jehovha. Uye mhuri dzose dzamarudzi dzichakupfugamirai.” Chimbofunga hako nguva apo “mhuri dzose dzamarudzi” dzichabatana pamwe chete mukunamata Mwari wechokwadi mumwe! Mukutonga kwoUmambo hwaMwari, chipikirwa ichocho chinoshamisa chichawana zadziko ine mbiri. (Mateo 6:10) Apo nguva iyoyo inosvika, rudzidziso—rudzidziso rwechokwadi—ruchava rwoukoshi hukuru. Asi zvakadiniko nazvino?
Kugutsa Kusava Nechinhu Kwomudzimu
Kusava nechinhu kwomudzimu kwakapararira zvikuru muEurope nhasi kwakafanana namamiriro ezvinhu muUmambo hweRoma hwezana rokutanga ramakore. Wezvenhau Will Durant anorondedzera nzira iyo chiKristu chomuzana rokutanga ramakore chakagutsa nayo nenzira inobudirira chinodikanwa chomudzimu chenguva iyeyo, kuti: “Munzvimbo isina chinhu yetsika yechihedheni chakanga chava kuda kuparara, mukusaitira hanya kwechiStoic uye kushata kwechiEpicurean, munyika yaneteswa nokusanzwa tsitsi, utsinye, udzvinyiriri, uye isina nhungamiro dzevatano, muumambo hwakananga uhwo hwakanga huchiratidzika kuva husingachadi simba kwakanyanyisa kana kuti vanamwari vehondo, kwakaunza tsika itsva youhama, mutsa, kudzikama, uye rugare.”
Kusava nechinhu kwetsika nokwomudzimu muupenyu hwavanhu munguva yedu kunogona kugutswa neshoko rine simba rimwe chetero rakaparidzirwa muUmambo hwose hweRoma navaKristu vapakuvamba. Uye mune vanhu vanoteerera. VokuEurope vazhinji, kunyange zvazvo nechokunze vasiri vorudzidziso, vachiri vanorangarira kuti Mwari anoita rutivi runokosha muupenyu hwavo. Vangava vasichapindi minamato yechechi yegamuchidzanwa, bva vamwe vakagutsa kusava nechinhu kwavo kwomudzimu kune imwe nzvimbo.
Juan José, jaya rokuPalma de Mallorca, Spain, rakadzidziswa muchikoro cheKaturike uye rakabatira somukomana anobetsera paminamato yomutambo kusvikira rava namakore 13 okukura. Raipinda Misa Svondo iri yose nemhuri yaro, asi rakarega kuenda kuchechi apo rakava wechiduku. Neiko? “Kutanga, kuenda kuMisa kwaindifinha,” anotsanangura kudaro Juan José. “Ndaiziva munamato wacho nomusoro. Chinhu chiri chose chairatidzika kuva kudzokororwa kwezvandakanga ndambonzwa. Uyezve, muprista wedu weruwa aiwanzotibata isu vakomana vanobetsera paminamato yomutambo nehasha. Uye ndakakurangarira kuva kusina kururama kuti vanhu vari varombo vaifanira kuripira muprista kuti aitise munamato wamariro.
“Ndakanga ndichiri kudavira Mwari, asi ndakafunga kuti ndaigona kumubatira munzira yangu ndimene, kunze kwechechi. Pamwe chete neboka reshamwari, ndakaedza kufarikanya upenyu zvakanakisisa sezvandaigona. Ndinofunga kuti ungagona kutaura kuti varaidzo yakava chinhu chokutanga muupenyu hwangu.
“Asi apo ndakanga ndava namakore 18, ndakavamba kufunda Bhaibheri neZvapupu zvaJehovha. Chii chavakanga vanacho chokundipa icho ndakanga ndisina kuwana muchechi? Kutenda chaiko kwakavakirwa paBhaibheri panzvimbo pegamuchidzanwa ne‘zvakavanzika’ izvo ndaisatongogona kunzwisisa. Zvisinei, zvitendero zvangu zvitsva zvakareva chinjo huru nokuda kwangu. Panzvimbo pokupedza kupera kwevhiki kuri kwose ndichironga mapati pamadhisiko, ndakavamba kuenda paimba neimba kuti ndigoverane navavakidzani vangu kutenda kwangu kuchangobva kuwanwa. Kuva anobatanidzwa nenzira yokushingaira mukubetsera vamwe kwakapa revo kuupenyu hwangu. Kwamakore manomwe akapfuura, ndave ndiri mushumiri wenguva yakazara weZvapupu zvaJehovha.”
Havasati vari vanhu vaduku bedzi vari kutsvaka kugutsa kusava nechinhu kwavo kwomudzimu. Antonia, mukadzi ati kwegurei wokuExtremadura, Spain, akapedza huzhinjisa hwoupenyu hwake “achitsvaka Mwari,” sokutaura kwake. Mukati mamakore ake ouduku, aienda kuMisa zuva riri rose uye pakupedzisira akapinda muimba yamanani yeKaturike, sezvo aidavira “kuti kana Mwari asingagoni kuwanikwa muimba yamanani, haagoni kuwanikwa kunzvimbo ipi neipi.” Asi makore matatu gare gare akabva muimba yacho yamanani, achinzwa atoodzwa mwoyo zvikuru uye asingabetseri kupfuura kare kose.
Pakupedzisira, apo akanga ari mumakore ake ama50, akava mumwe weZvapupu zvaJehovha. “Ndakafara zvikuru apo Zvapupu zvakandishanyira ndokupindura mibvunzo yangu kubva muBhaibheri rangu ndimene,” anotsanangura kudaro. “Kubvira pandakava mumwe weZvapupu zvaJehovha, upenyu hwangu hwakava nechinangwa. Ndine zvinetso zvangu, asi ndinogona kugonana nazvo nemhaka yokuti zvino ndakawana Mwari wechokwadi.”
Izvi zviitiko zviviri handizvo zvoga bedzi. Vachishora muitiro worudzidziso, nhamba dzinowedzera dzavanhu vari kusonganirana neZvapupu zvaJehovha uye vakawana kuti kurarama mukuwirirana nokutenda kwavo nokuparidzira pamusoro pako kuvamwe kunopa revo nechinangwa kuupenyu hwavo.
Rudzidziso Rwechokwadi Runokosha Zvikuru Kupfuura Nakare Kose
Kunyange zvazvo tiri kurarama panguva apo vazhinji vari kuramba rudzidziso, kwaizova kusachenjera kurangarira rudzidziso rwose sorusingashandi. Chokwadi, muzana ramakore rechi20, vanhu vari kurasa miitiro isina revo nepfungwa dzekare dzisiri dzapamagwaro, uye vanozvidza kuenda kuchechi kuri kwechimiro chokunyepedzera bedzi. Bhaibheri, kutaura idi, rinorumbidza kuti tidzivise rudzidziso runonyengera. Muapostora Pauro akafanotaura kuti mukati me“mazuva okupedzisira,” vamwe vanhu vaizova ‘nechimiro chokuzvipira kwoumwari, asi vaizobvumikisa kuva venhema kusimba rako.’ Vanhu vakadaro vanochengeta chimiro chenhema chorudzidziso, asi mufambiro wavo unoramba kushanda kwarwo. Tinofanira kuita sei kuunyengeri hworudzidziso hwakadaro? “Furatir[a] vanhu ivava,” Pauro akanyevera kudaro.—2 Timotio 3:1, 5.
Asi Pauro akataurawo kuti “rudzidziso runobereka mibayiro mikuru.” (1 Timotio 6:6, New English Bible) Pauro akanga asiri kutaura pamusoro porudzi rupi norupi rworudzidziso. Shoko rechiGiriki rinoshandurwa pano so“rudzidziso” rakanga riri eu·seʹbei·a, iro rinoreva “kuzvipira kana kuti rutyo kuna Mwari.” Rudzidziso rwechokwadi, kuzvipira kwoumwari kwechokwadi, “kune chipikirwa choupenyu hwazvino nohunouya.”—1 Timotio 4:8.
Seizvo mienzaniso yadudzwa pamusoro apa inoratidzira, rudzidziso rwechokwadi runogona kupa revo kuupenyu hwedu ndokutibetsera kutarisana nezvinetso noushingi. Kupfuura izvozvo, rudzidziso rwechokwadi runovimbisa nguva yemberi isingagumi. Rudzi irworwo rwokunamata rwakafanirwa nokuronda, sezvo tichisimbisirwa kuti rucha‘zadza pasi’ pakupedzisira.b (Isaya 11:9; 1 Timotio 6:11) Zvirokwazvo, zvino ndiyo nguva apo rudzidziso rwechokwadi runokosha kupfuura kare kose.
[Mashoko Omuzasi]
a Bhaibheri rinoshandisa guta rekare reBhabhironi sechiratidzo choumambo hwenyika hworudzidziso rwenhema, nokuti makanga muri muiri guta umo pfungwa zhinji dzorudzidziso dzisiri dzapamagwaro dzakatanga. Mukati memazana amakore iyi mirangariro yeBhabhironi yakasvika pakupinda mumarudzidziso makuru enyika.
b Nokuda kwekurukurirano pamusoro penzira yokuziva nayo rudzidziso rwechokwadi, ona ganhuro 5, “Mwari Anogamuchira Kunamata Kwaani?” rebhuku raZivo Inotungamirira Kuupenyu Husingaperi, rakabudiswa muna 1995 neWatchtower Bible and Tract Society of New York, Inc.
[Bhokisi/Mifananidzo iri papeji 10]
Nhau Yezvivako Zviviri
Spain yakazara nezvivako zvorudzidziso, asi chishuvo icho chaimbotsigira kuvakwa kwamacathedral anodhura chinoratidzika kuva chakanyangarika. Somuenzaniso, muMejorada del Campo, kumucheto kweMadrid, chechi yeKaturike inoorora iri kuvakwa. Justo Gallego Martínez, aichimbova mumongi anotevera St. Benedict, akavamba basa racho makore anenge 20 akapfuura. Asi chivako chacho chichingori mudhuri usina chinhu. Martínez, muvaki mumwe bedzi, ari zvino mumakore ake ama60, naizvozvo kunoratidzika sokusingabviri kuti chechi yacho ichazombopedzwa. Zvisinei, makiromita 300 kumaodzanyemba, nhau yakasiyana yakawadzanyurika.
“Kutenda Kunobvisa Makomo” yakanga iri nzira iyo pepanhau romunzvimbomo rakarondedzera nayo kuvakwa kwamazuva maviri kweHoro yoUmambo yeZvapupu zvaJehovha muMartos, Jaén, Spain. “Kunobvira sei,” rakabvunza kudaro pepanhau romunzvimbomo, “kuti munyika ino iripo yakavakirwa paudyire, vazvipiri vanobva munzvimbo dzakasiyana-siyana [dzeSpain] vanofamba nomutoo usina udyire kuenda kuMartos kuti vandovaka chivako chaita chokutanga pakukurumidza kuvakwa, kukwana, uye kurongeka?” Mumhinduro kuuyu mubvunzo, nyaya yacho yakanokora mashoko emumwe wavazvipiri vacho, kuti: “Kufanira kwacho kunongova muidi rokuti tiri vanhu vanodzidziswa naJehovha.”
[Mifananidzo iri papeji 10]
Mejorada del Campo
Horo yoUmambo muMartos