Kuchengetedza Kunorwisana Nekutsakatika
KAKAVADZANO pakati pekuchengetedza nekutsakatika inopfuurira. Masangano mazhinji evavariro dzakanaka anopesvedzera hurumende kugamuchira mitemo yokuchengetedza yerumano zvikuru kuti idzivirire marudzi ari mungozi yokutsakatika.
Munguva pfupi yapfuura, somuenzaniso, mapoka akasiyana-siyana akaungana nevakuru vakuru veChina ndokuwana kubatira pamwe kwavo munhamburiko dzokubvisa kuteyiwa kwemapere matema eAsia. Idzi mhuka dzakanga dzave dzichiurayirwa nyongo yadzo nenduru, izvo zvinoshandiswa mumushonga wegamuchidzanwa woKumabvazuva.
Betsero Yenyika Dzakawanda
Kudzivirira marudzi munyika imwe asi ndokuavhima kusvikira atsakatika kune imwe nzvimbo hakusati kuchizotungamirira kukubudirira mukuchengetedzwa kwayo. Somugumisiro, zvibvumirano zvenyika dzakawanda zvakabvumikisa kuva zvakakodzera nguva—uye kune zvizhinji. Convention on Biological Diversity, Rio Treaty, zvakatanga kushanda pamugumo wa1993, zvichiteverwa zvikuru neAgreement on the Conservation of Bats in Europe. International Whaling Commission yakaumba nzvimbo yakachengeteka yemawhale mukuwedzera kune iyo yeIndian Ocean mukuedza kudzivirira mawhale makuru nemaminke whale. Asi zvimwe chibvumirano chakasimba zvikurusa iConvention on International Trade in Endangered Species.—Ona bhokisi.
Munhu achiri ane zvakawanda zvokudzidza pamusoro peukama hwezvisikwa, chimwe kune chimwe. Varedzi vokuEast Africa avo vakaisa Nile perch muLake Victoria kuti vaite mugove wezvokudya vakatanga icho wezvesayenzi yokuongorora mhuka Colin Tudge akadana kuti “ngwavaira hurusa youkama hwezvinhu zvipenyu nemhoteredzo yazvo yezana rino ramakore.” Ane 200 emarudzi ehove 300 enyanza yacho akatsakatika. Kunyange zvazvo ufakazi hwenguva pfupi yapfuura huchipa mhaka kukukurwa kwevhu nokuda kwokukanganisa dzikamo yemarudzi, hurumende dzenyika dzacho nhatu idzo dzinoganhurana nenyanza yacho dzakagadza zvino sangano rokusarudza kuti ndeapi marudzi ehove anogona kupinzwa pasina kuisa mungozi emo.
Kupindira Kwomunhu
Imwe nharaunda inoshuma kubudirira ndiyo gadziriro yekuberekesa mhuka dzakachengetedzwa iyo nzvimbo dzinogara mhuka dzomusango zhinji dzinotarisira. “Kudai nzvimbo dzose dzinochengeterwa mhuka dzemusango dzaizopesvedzera zvechokwadi kuberekesa mhuka dzakachengetedzwa, uye kudai vanhu vose vaizotsigira nzvimbo dzinochengeterwa mhuka dzemusango, ipapo vaizogona kudzivisa kutsakatika kwamarudzi ose ane muzongoza ayo ane bviro yokuda kuberekeswa akachengetedzwa munguva yemberi iri pedyo.”—Last Animals at the Zoo.
Nzvimbo inochengeterwa mhuka dzemusango iri pachitsuwa chiduku zvikuru cheBritain cheJersey inoberekesa mhuka dzisingawanzowanikwi nomurangariro wokuiswazve kwadzo musango pashure pacho. Muna 1975, zvihwenga 100 bedzi zveSt. Lucia zvakasara mumusha wazvo weCaribbean. Nomwe dzeidzi shiri dzakaendeswa kuJersey. Pakasvika 1989 nzvimbo yacho inochengeterwa mhuka dzemusango yakanga yaberekesa dzimwe 14 uye yakanga yadzosera dzimwe dzeidzi kuSt. Lucia. Zvino kunoshumwa kuti dzinopfuura 300 dziri pachitsuwa ichecho.
Zvirongwa zvakafanana kune dzimwe nzvimbo zvakabvumikisa kuva zvinobudirira. National Geographic inoshuma kuti makava matsvuku 17 asara muNorth America akabereka zvakanaka zvikuru akachengetedzwa zvokuti anopfuura 60 akadzorerwa zvino musango.
Iri Kunyanyobudirira Here?
Mhuka dziri mungozi hadzisi nguva dzose kutyisidzirwa chaizvoizvo nekutsakatika. Mukuwirirana nebhuku rinonzi Endangered Species—Elephants, pakati pa1979 na1989, nhamba yenzou dzeAfrica yakaderera kubva pa1 300 000 kusvika ku609 000—kumwe kwaikoku mugumisiro wekutora nyanga dzenzou zvisiri zvepamutemo. Ipapo dzvinyiriro yevanhu pahurumende yokurambidza kutengeserana nyanga dzenzou yakawedzera. Bva, chishoro kuchirambidzo chacho chenyanga dzenzou chakava kudanidzira kukuru. Neiko?
Mose muri muviri muZimbabwe neSouth Africa, mitemo yokuchengetedza yakabvumikisa kuva inobudirira zvikuru zvokuti manational park avo nenzvimbo dzinochengetedza mhuka dzemusango dzakachengeta nzou dzakanyanyowandisa. New Scientist yakashuma kuti Zimbabwe yaida kuita kuti nzou 5 000 dzibviswe muHwange National Park. Mapoka okuchengetedza akarumbidza zvakasimba kutamisira kunzvimbo itsva. Vakuru vakuru vepaki vakakarakadza kutengesa nzou dzemuraudzo ndokukarakadza kuti masangano ekuMadokero ayo anoshora kuurayiwa kwedzisina kusimba “abetsere nemari panzvimbo pekungopa zano bedzi kuti dzitamiswe.”
Kariro Dzinopanikirika
Kunyange zvakadaro, kundikano dzinoitika. Vazhinji vanoratidzira kunetseka pamusoro pemamiriro ezvinhu akaipa amarudzi anopinzwazve musango. Tiger yekuSiberia inorarama zvakanaka kana yakachengetwa, asi musango inoda makiromita akaenzana kumativi mana ane 260 esango, risina vanouraya mhuka zvisiri pamutemo. Uyezve, “isa tiger yakarererwa munzvimbo inochengeterwa mhuka dzomusango zvakananga muiyi mhoteredzo,” inotsinhira kudaro The Independent on Sunday, “uye ichadokuva inofa nenzara zvirokwazvo.” Ikariro isina tariro zvirokwazvo!
Chaizvoizvo, harusati ruri rudzi rwuri rwose rune boka ravabetseri varwo rumene. Uye hakusati kuri bedzi kushayikwa kwavashandi uko kunoumba chinetso chacho. Pasinei zvapo nokuti vachengetedzi vakazvipira sei, apo vanotarisana neushati hwavakuru vakuru, makaro, uye kusaitira hanya pamwe chete nehondo uye kunyange tyisidziro yerufu, itariroi yavanayo yekubudirira? Chii, ipapoka, chiri mhinduro yechinetso chemarudzi ari mungozi? Uye unobatanidzwa sei?
[Bhokisi riri papeji 23]
Chombo Chenyika Dzakawanda
Convention on International Trade in Endangered Species chombo chine simba mukurwisana nokutengeserana zvisiri pamutemo marudzi ari mungozi. Matehwe embada, nyanga dzenzou, mapfupa etiger, nyanga dzezvipembere, uye kamba dzomugungwa zviri pakati pezvinhu zvakarambidzwa munguva pfupi yapfuura. Chibvumirano chacho chinotambanukira kukubatanidza miti nemarudzi ehove zviri mungozi.
Zvisinei, Time yakanyevera, kuti: “Kutoti kana nyika dziri mitezo dzikagona kuwana nzira yekuva nayo nechokwadi chokuti mitemo inoteererwa, . . . ingawana kuti mhuka dzairi kuedza kudzivirira hadzisisipozve.”
[Mufananidzo uri papeji 24]
Nhamburiko dzokuchengetedza dzave dzichibudirira zvakanyanya here?
[Kwazvakatorwa]
Courtesy of Clive Kihn