Kurukurirano Nenzvimbo Yemidzimu
PAKATI perimwe taundi reWest Africa rakangoita semamwe paive nechimwe chivako chaikwezva chine nhurikidzwa imwe, chakanga chakapendwa nependi chena neyegirini. Mukamuri rinogamuchirwa vaenzi, vanyori vaviri vaishanda pamatapureta. Vanhu vanoverengeka vakanga vakagara muzvigaro, vakamirira kuona babaláwo, muuki.
Seri kwechibhariro muhofisi iri pedyopo, parutivi pemuchina wefax, pakanga pakagara babaláwo amene. Akasimba kwazvo, ave kuchena vhudzi, akanga akapfeka nguo chena refu—dzinodhura, dzakamendwa. “Baba vangu vakanga vari muuki,” akadaro. “Ndakaberekerwa mugamuchidzanwa racho. Ndakakurira mariri. Panguva yandakanga ndave nemakore mashanu, apo baba vangu vaienda kunouka, ndaiendawo navo. Ndaitarira maitire avaizviita, uye ndaivatevedzera kutozosvikira zvava rutivi rwangu runokosha.”
Babaláwo akanongedza bhodhi guru remapuranga rokuratidzira zvinhu rairatidzira gadziriro yokuuka yakaoma kunzwisisa iyo vanhu vake vakanga vashandisa kwezvizvarwa zvisingaverengeki. Ichivakirwa pakukandwa kwembeu 16 dzemuchindwe, igadziriro yakapararira muWest Africa mose nokunze. “Vanhu vanouya kwandiri nemarudzi ose ezvinetso,” iye akadaro. “Zvinetso nevakadzi, kushaya mbereko, urovha, kupenga, utano, uye zvimwe zvakadaro. Zvichitsamira pamigumisiro yokuuka, chikumbiro chinoitwa kumadzitateguru kana kuti zvimwe kumitumbi yokudenga [vamwari]. Pahosha ipi neipi, panofanira kuitwa rudzi rwakati rwechibayiro.”
Miitiro yorudzidziso yemagamuchidzanwa, kubatanidza kuuka, yakadzika midzi munzvimbo yacho, asi ndozvakaitawo chechi dzechiKristudhomu. Kusiri kure nehofisi dzababaláwo kune zvivako zvichena zvine zviratidzo zviri mberi, zvinoti: Chechi yaMambo Soromoni II, Kerubhi neSerafimi, Chechi Yokudenga yaKristu, Chechi yaKristu yePositori, Chechi yaKristu Yevaridzi Vehwamanda. Chechi idzi dzinofambidzana uye pane dzimwe nguva dzinogamuchira miitiro yorudzidziso rwegamuchidzanwa. Babaláwo akati: “Nguva pfupi yapfuura ndanga ndichitaura nabhishopi. Auya pano. Pashure pokunge takurukura zvinhu kweanenge maminiti 30, ati anga achida kuti tironge rudzi rwakati rwekurukurirano umo vaKristu nevanotevera magamuchidzanwa vanogona kugara pasi kuti vachipana pfungwa ndokubvisa kusanzwisisana.”
Masuo Okuenda Kunyika Yemidzimu
Kusanzwisisana kwakadaro kazhinji kazhinji kunobatanidza kuzivikanwa kweavo vanogara munzvimbo yemidzimu. MuAfrica mose kumaodzanyemba kweSahara, kune chitendero chakapararira chokuti kune mapoka maviri avanhu vanogara munyika yemidzimu. Boka rokutanga rinoumbwa nevamwari, vasina kutongova vanhu. Boka rechipiri rinoumbwa nemadzitateguru, kana kuti midzimu yevakafa, vane basa rokuva nechokwadi chokurarama nokubudirira kwemhuri dzavo dziri pasi pano. Vose vari vaviri vamwari nemadzitateguru vanodavirwa kuva vane simba rokubetsera kana kuti zvimwe kukuvadza avo vari pasi pano. Somugumisiro, vose vari vaviri vanofanira kuratidzwa ruremekedzo rwakafanira norukudzo.
Zvitendero zvakafanana zvinowanikwa mumativi mazhinji enyika. Vachishandisa nzira dzakasiyana-siyana, vanhu kwose kwose vanosvika masimba esimba rinopfuura romuzvarirwo, vachitsvaka zivo yeremangwana nebetsero uye nhungamiro muzvinetso zvezuva riri rose zvoupenyu. Zvinobvira here chaizvoizvo kuwana betsero inobva munzvimbo yemidzimu? Jesu Kristu, uyo akanga agarako, akaratidza kuti zvinobvira. Akati: “Kumbirai, muchapiwa; tsvakai, muchawana; gogodzai, muchazarurirwa.” (Mateo 7:7) Asi kuti tigamuchire betsero iyoyo, tinofanira kukumbira munhu akarurama, kutsvaka nomutoo wakakodzera, uye kugogodza pasuo rakakodzera. Kana tikagogodza pasuo risina kururama, ringavhurwa nomumwe munhu achatikuvadza, kwete kutibetsera.
Kunokosha, naizvozvo, kuziva vanogara munzvimbo yemidzimu nevasingagarimo. Tinofanirawo kuziva musiyano uri pakati peavo vachatibetsera neavo vachatikuvadza. Pakupedzisira, tinofanira kuziva zvatinofanira kuita kuti tigamuchire betsero inobva kuvakagadzirira kuipa. Nyaya dzinotevera dzichanzvera zvinhu izvi.
[Vakatipa Mufananidzo uri papeji 3]
Mufananidzo uri pamapeji 3-4: The Star, Johannesburg, S.A.