Mumwe Ishe Anorangarira Ramangwana Rake
ISHE wokuWest Africa aiva mutungamiriri aidiwa zvikuru neanoremekedzwa munzanga yake. Pazuva rake rokuzvarwa rechi 78, shamwari dzake, mhuri, uye vamwe vaimushuvira zvakanaka vakaungana kuti vamukorokotedze. Muhurukuro, ishe akasarudza musoro usiri wenguva dzose nokuda kwenhambo yakadaro. Akataura nezvepfungwa dzake pamusoro poupenyu pashure porufu.
Akataura kuti seri kweguva “kune nyika itsva isina unyengeri, godo namakaro.” Akairondedzera senyika “yakavanzwa muchakavanzika,” iyo inogarwa bedzi navakarurama, vaizosonganirana naMwari.
Zvitendero zvakadaro zvinozivikanwa pakati pavanhu muAfrica yose. Maererano norudzidziso rwegamuchidzanwa reAfrica, rufu harusati ruri mugumo woupenyu asi inongova chinjo zvayo, kupfuurira kuupenyu munzvimbo yomudzimu. Parufu munhu anonzi anoyambuka kubva kunyika inooneka kuenda kuisingaoneki. Somudzimu, munhu wacho ipapo anopinda nzvimbo inogarwa navakare vake.
Vazhinji vokuWest Africa vanodavira kuti vakare, kana kuti midzimu yavakare, inovimbisa garikano yakanaka yemhuri dzavo dziri pasi pano. Bhuku rinonzi West African Traditional Religion, rinoti: “Hapana musiyano worumano wepesvedzero pakati pemitezo yenzanga ichiri pano pasi, neiyo iri munyika iri seri. Apo vaiva pasi pano, [vakare] vaiva vakuru vemhuri dzavo. Zvino vakavanzwa kwatiri, vachiri vakuru munyika yemidzimu. Havaregi kuzvifadza vamene negarikano yose zvayo yemhuri dzavo.”
Somugumisiro, ishe akwegura adudzwa pamavambo aikarira kukumbanira vakare vake ndokushanda pamwe chete navo munyika yavadzimu. Iye akati: “Ndinodavira zvakasimba upenyu pashure porufu uye bviro yokupfuurira kwangu kubatira—kunyange pashure porufu.”
Zvisinei, nemhaka yeizvo ishe akatevera kutaura, pepanhau reSunday Times rakakarakadza kuti ai“ratidzika kuva asina kupwiswa zvakakwana” pamusoro poupenyu kuseri kweguva. Akaudza boka rakaungana kuti akanga anzwa pamusoro pebhuku raikurukura pamusoro poupenyu pashure porufu. Ishe akanga ave achitsvaka bhuku racho kwemakore mashanu. Aidisa kwazvo kurirava zvokuti akapa mari inoenzana neinenge $1,500 (U.S.) kumunhu upi noupi aizomuunzira kopi.
Ishe wacho aigona kuve asina kuzvinetsa kupfurikidza nokunzvera bhuku risinganetsi kuwana. Ibhuku rinowanika zviri nyore nyore rakaitwa kwete nemunhu asi neMusiki wavanhu vose. (1 VaTesaronika 2:13) Bhuku iroro iBhaibheri. Rinotii pamusoro poupenyu pashure porufu?