Mugwagwa Unoenda Kukunaya
PASHURE pehosha yemwoyo, ndekwomuzvarirwo kuti munhu ave norutyo nokunetseka. Ndichabatwazve neimwe hosha here? Ndicharemadzwa kana kuti kuganhurirwa nemarwadzo nokurasikirwa nesimba nokugwinya here?
John, adudzwa munyaya yedu yechipiri, akakarira kuti sezvo nguva yaipfuura, kusanzwa zvakanaka kwezuva nezuva nemarwadzo omuchipfuva zvaizoderera. Asi pashure pemwedzi mishomanene, akati: “Kusvikira pari zvino hazvisati. Izvozvo, pamwe chete nokuneta nokukurumidza uye kukurumidza kurova kwemwoyo wangu, zvinondiita kuti ndizvibvunze ndimene nguva dzose kuti, ‘Ndiri pedyo nokubatwazve nehosha yacho here?’”
Jane, wokuUnited States, chirikadzi duku panguva yehosha yake yemwoyo, akabvuma, kuti: “Ndakafunga kuti ndakanga ndisingazorarami kana kuti ndaizobatwa neimwe hosha yemwoyo ndokufa. Rutyo rwakavapo, sezvo ndakanga ndine vana vatatu vokutarisira.”
Hiroshi, wokuJapan, akarondedzera, kuti: “Kwakakatyamadza kuudzwa kuti mwoyo wangu waisagonazve kushanda sezvawaimboita; mwero wangu wokupomba wakanga waderera ne50 muzana. Ndakanga ndichida kuva nechokwadi chokuti ndaizotofanira kuganhurira mimwe yemibato yangu somushumiri weZvapupu zvaJehovha, nokuti ndaigona kuita zviri pasi pehafu yeizvo ndakanga ndave ndichiita.”
Apo munhu anotarisana nesimba rakaganhurirwa, nguva dzokuodzwa mwoyo nokunzwa kwokusava namaturo zvingatanga. Marie, wokuAustralia ane makore 83 okukura uyo akazvipa amene nguva yakazara kubasa rokuparidza reZvapupu zvaJehovha, akachema, kuti: “Kusakwanisa kwangu kuva anoshingaira sakare kwakandisuruvarisa. Panzvimbo pokubetsera vamwe, zvino ndakanga ndichida betsero.” MuSouth Africa, Harold akatsinhira, kuti: “Ndakanga ndisingakwanisi kushanda kwemwedzi mitatu. Zvakawanda zvikuru zvandaigona kuita ipapo kwakanga kuchingova kufamba-famba mugadheni. Ikoko kwakanga kuchikangaidza!”
Kuvhiya kwokusabatanidza pakavharwa kwakanga kuri madikanwa pashure pokunge Thomas, wokuAustralia, abatwa nehosha yake yemwoyo yechipiri. Akati: “Handinyatsokwanisi kutsungirira marwadzo, uye kuva nokuvhiyiwa kukuru kwakanga kuchidokuva kwakanyanyokura zvikuru zvokusagona kufunga nezvako.” Jorge, wokuBrazil, akatsinhira pamusoro pomugumisiro wokuvhiyiwa mwoyo: “Nemhaka yemamiriro angu ezvemari asina kunaka, ndakatya kuti ndaizosiya mudzimai wangu ari oga uye asina betsero. Ndakarangarira kuti ndaisazorarama kwenguva refu zvikuru.”
Kunaya
Chii chakabetsera vazhinji kunaya uye kuita kuti mirangariro yavo idzikamezve? Jane akatsinhira kuti: “Apo ndainzwa ndichitya zvikuru, ndainyengetera nguva dzose kuna Jehovha ndokukandira mitoro yangu paari ndokuisiya ipapo.” (Pisarema 55:22) Munyengetero unobetsera munhu kuwana simba norugare rwendangariro izvo zviri madikanwa apo anenge atarisana nefunganyo.—VaFiripi 4:6, 7.
John naHiroshi vakatora rutivi mumapurogiramu okudzorera utano hwakanaka. Zvokudya zvakanaka nokusimbisa muviri zvakasimbisa mwoyo yavo, zvokuti vose vari vaviri vakatangazve kushanda. Uye vakati kunaya kwavo kwendangariro nokwemirangariro kwakaparirwa nesimba rinotsigira romudzimu waMwari.
Kupfurikidza netsigiro yakabva kuhama dzake dzechiKristu, Thomas akawana ushingi hwokutarisana nokuvhiyiwa kwake. Akati: “Kuvhiyiwa kusati kwaitwa, mumwe mutariri akauya kuzondishanyira uye akanyengetera neni. Muchikumbiro chapachokwadi zvikuru, akakumbira Jehovha kuti andisimbise. Usiku ihwohwo ndakafungisisa munyengetero wake ndokunzwa ndakakomborerwa zvikuru kuva nevakuru vakaita saiye avo vane kunzwira urombo uko mukati menhambo dzokusagadzikana mumurangariro kuri makuri kumene rutivi rwemuitiro wokupora.”
Anna, wokuItaly, akagonana nokuora mwoyo neiyi nzira: “Apo ndinenge ndakaodzwa mwoyo, ndinofunga nezvezvikomborero zvose izvo ndakatogamuchira somumwe wevabatiri vaMwari uye nezvezvikomborero zvichauya muUmambo hwaMwari. Ikoku kunondibetsera kuwanazve kuterama.”
Marie anoonga betsero yaJehovha. Mhuri yake yave ichimutsigira, uye anoti: “Hama dzangu nehanzvadzi dzomudzimu, imwe neimwe ine mutoro wayo wokutakura, dzakawana nguva yokundishanyira, kundichayira runhare, kana kuti kutumira makadhi. Ndaigona sei kugara ndakasuruvara nourwu rudo rwose rwairatidzwa?”
Hapana Mwoyo Yakasurukirwa
Kwakataurwa kuti mwoyo uri kupora haufaniri kuva mwoyo wakasurukirwa. Tsigiro yemhuri neshamwari zvinoita rutivi rukuru, rwakanaka mukunaya kwaavo vane mwoyo inofanira kupora nenzira chaiyoiyo uye yokufananidzira.
Michael, wokuSouth Africa, akatsinhira kuti: “Kwakaoma kutsanangurira vamwe kuti kwakaita sei kuva akaora mwoyo zvikuru. Asi apo ndinopinda muHoro yoUmambo, itiro hanya iyo hama dzinoratidza inofadza zvikuru nokundinyandura.” Henry, wokuAustralia, akasimbiswawo norudo rwukuru nokunzwisisa izvo ungano yake yakaratidzira. Akati: “Ndaida zvechokwadi mashoko iwayo orudo ekurudziro.”
Jorge akaonga ukuru hweitiro hanya iyo vamwe vakaratidza kupfurikidza nokubetsera mhuri yake mune zvemari kutozosvikira ava kukwanisa kushanda. Olga, wokuSweden, nenzira yakafanana akaonga betsero inoshanda yakapiwa kwaari uye mhuri yake nehama nehanzvadzi zhinji dzomudzimu. Dzimwe dzakamuendera kunotenga zvinhu, apo dzimwe dzaichenesa imba yake.
Kazhinji kazhinji, varwere vemwoyo vanofanira kuganhurira kutora rutivi kwavo mumibato iyo vakakoshesa. Sven, wokuSweden, akarondedzera, kuti: “Pane dzimwe nguva ndinofanira kurega kutora rutivi muushumiri apo mamiriro ekunze anenge achivhuvhuta zvikuru kana kuti kutonhora, sezvo achiparira kugonya kwetsinga. Ndinoonga kunzwisisa uko vazhinji veZvapupu biyangu vanoratidza muiyi nhau.” Uye apo anenge asingagoni kumuka pamubhedha, Sven anokwanisa kuteerera misangano nemhaka yokuti hama dzinoirekodha nenzira yorudo patepi. “Dzinondichengeta ndichiziva pamusoro pezviri kuitika muungano, uye kunoita kuti ndinzwe somutori rutivi.”
Marie, asingagoni kumuka pamubhedha, anonzwa akomborerwa kuita kuti avo vaanofunda navo Bhaibheri vauye kwaari. Neiyi nzira anogona kupfuurira kukurukura nguva yemberi inoshamisa iyo anokarira. Thomas anoonga itiro hanya yaanoratidzwa, achiti: “Vakuru vave vachirangarira zvikuru uye vakaderedza nhamba yemigove yavanondipa.”
Mhuri Dzinoda Tsigiro
Mugwagwa wacho ungava wakaomera mitezo yemhuri kufanana nezvawakaita nokuda kwanyajambwa wacho. Vanotambura dzvinyiriro huru norutyo. Pamusoro pokunetseka kwomudzimai wake, Alfred, wokuSouth Africa, akatsinhira kuti: “Apo ndakauya kumba kubva kuchipatara, mudzimai wangu aiwanzondimutsa kazhinji mukati mousiku kuti aone kana ndakanga ndichiri nani, uye aiomerera kuti ndishanyire chiremba mwedzi mitatu iri yose kuti ndinzverwe.”
Zvirevo 12:25 inotaura kuti ‘kutambudzika pamwoyo kuchauparira kuremerwa.’ Carlo, wokuItaly, anotsinhira kuti kubvira pakubatwa kwake nehosha yemwoyo, mudzimai wake ane rudo neanotsigira “akawira mukuodzwa mwoyo.” Lawrence, wokuAustralia, akati: “Chimwe chezvinhu zvokungwaririra ndechokuti mukwanyina wako ari kutarisirwa. Dzvinyiriro pamukwanyina inogona kuva huru zvikuru.” Nokudaro, tinofanira kuyeuka zvinodikanwa zvavose vari mumhuri, kubatanidza vana. Mamiriro acho ezvinhu anogona kuparira kuvadziko yomurangariro neyomuviri pavari.
James, adudzwa munyaya yedu yechipiri, akazviparadzanisa nevamwe pashure pehosha yemwoyo yababa vake. Akati: “Ndakarangarira kuti ndaisagonazve kufara nemhaka yokuti ndaifunga kuti miniti yandaidaro, chimwe chinhu chakashata chaizoitika.” Kutaura kutya kwake kuna baba vake uye kushandira kutanga kurukurirano yakanaka nevamwe kwakabetsera kuderedza kunetseka kwake. Mukati menguva iyeyo James akaita chimwe chinhuwo zvacho chakava netapuro huru paupenyu hwake. Akati: “Ndakawedzera fundo yangu yomunhu oga yeBhaibheri nokugadzirira misangano yedu yechiKristu.” Mwedzi mitatu gare gare akatsaurira upenyu hwake kuna Jehovha ndokukuratidzira kupfurikidza norubhabhatidzo rwomumvura. “Kubvira panguva iyeyo,” anodaro, “ndakakudziridza ukama hwapedyo zvikuru naJehovha. Chaizvoizvo ndine zvakawanda zvokumutenda nokuda kwazvo.”
Pashure pokubatwa nehosha yemwoyo, munhu ane nguva yokunzverazve upenyu. Somuenzaniso, chimiro chendangariro chaJohn chakachinja. Akati: “Unoona kusava nematuro kwezvirondwa zvenyika ndokuziva kuti kuda mhuri neshamwari kunokosha sei uye kuti tinoreva zvakawanda sei kuna Jehovha. Ukama hwangu naJehovha, mhuri yangu, uye hama dzangu nehanzvadzi dzokumudzimu hune nzvimbo yokutanga yakatokwirira zvikuru zvino.” Achirangarira pamusoro penhamo yechakaitika chake, akawedzera, kuti: “Handigoni kufungidzira ndichigonana naikoku pasina tariro yedu yenguva apo zvinhu izvi zvicharuramiswa. Apo zvinhu zvinondiodza mwoyo, ndinofunga nezvenguva yemberi, uye zviri kuitika zvino chaiye zvinoratidzika kuva zvisingakoshi zvikuru.”
Sezvavanofamba mumikwidza nemateru zvemugwagwa wokuenda kukunaya, ava vapukunyuki vehosha yemwoyo vanoita kuti tariro yavo isimbiswe zvikuru muUmambo uhwo Jesu Kristu akatidzidzisa kunyengeterera. (Mateo 6:9, 10) Umambo hwaMwari huchaunzira vanhu upenyu husingaperi mukukwana paparadhiso yepasi. Ipapo hosha yemwoyo nohumwe urema hwose zvichabviswa nokusingaperi. Nyika yacho itsva iri pamberi chaipo apa. Zvechokwadi, zvakanakisisa zvoupenyu zvichiri kuuya!—Jobho 33:25; Isaya 35:5, 6; Zvakazarurwa 21:3-5.
[Mufananidzo uri papeji 25]
Tsigiro yemhuri neshamwari inoita rutivi rwakanaka mukunaya