Kudzivirira Utano Hwevana
MUMWE mushumo wemisi ichangobva kupfuura weUnited Nations Children’s Fund (UNICEF), The Progress of Nations, unoratidza kuvandudzika kunokosha mumamiriro eutano hwevana vari munyika zhinji. Nenhamburiko yokuonera pamwe yehurumende nemasangano enyika yose, mwero wekufa kwevana vari pasi pezera ramakore mashanu wakadzika munyika dzinoverengeka. Kunyange zvakadaro, The Progress of Nations inoratidzirawo kuti gore rimwe nerimwe mamwe mamiriyoni eupenyu hwavaduku hwaigona kuponeswa kupfurikidza nenzira dziri nyore dzisingadhuri, zvikurukuru munyika dzichiri kusimukira. Vabereki vari munyika idzi nokumwe vangawana zvakarumbidzwa zvinotevera zviri mumushumo wacho kuva zvinobetsera.
Kuyamwisa. “Kuyamwisa ndiko kutanga kwakanakisisa kunobvira kweutano hwakanaka nezvinovaka muviri,” mushumo wacho unopa zano uchidaro. Maererano neWorld Health Organization (WHO), “upenyu hwesvava hunopfuura miriyoni imwe hwaigona kuponeswa pagore kudai vana vose vaiyamwiswa mukaka chete kweinenge mwedzi mitanhatu.” Sezvo zvipatara nemokusunungukira zvakagadza muenzaniso une simba, UNICEF neWHO zviri kutsigira “kukurudzira kwechipatara kubata vana zvakanaka.” Chinangwa chavo ndechokukuchidzira zvipatara kupa vana mai vesvava tsigiro nemazano akakodzera pamusoro pokuyamwisa.
Utsanana nemvura yakachena. “Kuuraya kwehosha kungagona kuderedzwa zvikuru nemvura yakakotsekana, nokushandisa zvimbudzi, nokugeza maoko usati wabata zvokudya, uye nokugadzira nokuchengeta zvokudya nenzira yakakotsekana,” unodaro mushumo wacho. Kunyange zvazvo munzanga dzakawanda nhamburiko huru ichidikanwa kuwana yakakwana, mvura yakachena inokosha kumwana noutano hwemhuri.
Zvokudya. Kuwedzerwa kwevitamin-A kungagona kudzivirira vana vakawanda semamiriyoni matatu pakufa gore rimwe nerimwe, maererano nomushumo. Chiororo chechinetso chacho chinowanika uye chinotengeka, unodaro, uye zvinogona kuitwa kupfurikidza nokuvandudza zvokudya, kuwedzera kudya kuri muzvokudya, kana kuti kuparadzira mapiritsi evitamin-A. Kuparadzira mapiritsi evitamin-A anoita masendi 22 panhambo nenhambo kuvana vaduku kuri kutoratidzika kuva kunoshanda munyika umo kushomeka kwevitamin-A kwakapararira. Chinorumbidzwawo ndezvokudya zvakadai semapopo, mengo, kerotsi, miriwo, uye mazai.
Kuwedzera Mvura Yomumuviri. UNICEF inoti hafu yekufa kwevana gore rimwe nerimwe kunoparirwa nemanyoka ingagona kudziviswa nebetsero yemivhenganiswa isingadhuri uye iri nyore kugadzira yemvura yakachena, munyu, uye shuga kana kuti upfu hwemupunga.a Vabereki vanofanirawo kupfuurira kupa mwana zvokudya. Nechekare, vana vanofungidzirwa kuva miriyoni imwe vari kuponeswa nenzira idzi.
[Mashoko Omuzasi]
a Nokuda kwamamwe mashoko pamusoro pekudzivirira utano hwevana vako, tapota ona Mukai! yaApril 8, 1995, mapeji 3-14.
[Vakatipa Mufananidzo uri papeji 25]
WHO