Masango Edu Anogara Achinaya Achapukunyuka Here?
PAMAVAMBO ezana rino remakore, hangaiwa yepassenger yeNorth America yakatsakatika. Sezvingabvira dzakanga dziri shiri dzakawanda zvikurusa dzati dzambovapo. Nyanzvi dzeshiri dzinofungidzira kuti mazana maviri emakore apfuura chiverengero chadzo chaiva pakati pemabhiriyoni mashanu nemabhiriyoni gumi!
Zvisinei, mukati memakore ane zana, wairatidzika semugove usingaperi wenyama yeshiri isingadhuri wakatsakatika mukunorondedzerwa se“kuderera kunokurumidza zvikurusa [kwerudzi] kwati kwamboitika.” Mufananidzo wakaitirwa hangaiwa yepassenger muWyalusing State Park, Wisconsin, U.S.A., unorava kuti: “Rudzi urwu rwakatsakatika nemhaka yekukara nekusafunga kwemunhu.”
Jambwa rehangaiwa yepassenger rinotiyeuchidza kuti kunyange zvisikwa zvakawandisisa zvepasi zvinogona kuparadzwa nomunhu. Kukara nekusafunga zvichakapararira. Uye nhasi harusi rudzi rumwe chete asi imhoteredzo yose zvayo iri mungozi. Kana masango anogara achinaya akatsakatika, zvinogaramo zvawo zvose—inenge hafu yemarudzi epasi—zvichatsakatika pamwe chete nawo. Vasayendisiti vanotaura kuti kuchinja kwakadaro kwaizova “ngwavaira hurusa yezvisikwa yati [yamboparirwa] nemunhu.”
Chokwadi, tine zivo yemhoteredzo yakati wandei kupfuura yatakanga tinayo zana remakore rapfuura. Asi kunzwisisa uku hakuna kukwana zvokudzivisa kuparadza kusingamiri. “Tiri kuparadza chimwe chinhu chinokosha zvikuru,” inochema kudaro nyanzvi yemiti Manuel Fidalgo, “uye hatina nguva yakawanda yasara. Ndinotya kuti mumakore mashomanene anotevera, masango bedzi achasara asina kubatwa-batwa achava ayo ari kumawere kwemakomo kusingasvikike kuvatemi vematanda.”
Vadzidzi vezvinhu zvomusikirwo vanokatyamadzwa nemhaka yokuti masango anogara achinaya akaoma zvikuru kudzorera. Bhuku rinonzi The Emerald Realm: Earth’s Precious Rain Forests rinorondedzera zvakajeka kudyarazve masango se“chekuita chinononoka uye chinodhura, . . . chokupedzisira pakuparadzwa kwesango rinogara richinaya.” Pazvinogoneka napo, kudyarazve zvichida kungabatanidza miti mishomanene yenzvimbo dzinopisa dzepasi, uye miti miduku yacho ingada ngwariro yenguva dzose kudzivirira uswa kuti husaivhunge.
Kuti sango ringazombogona kuwanazve runako rwaro rwepakutanga kungatsamira pakuva pedyo kwenzvimbo yadyarwazve nesango rinogara richinaya risina kumbobatwa-batwa. Kuva pedyo zvikuru bedzi ndiko kungagonesa nzvimbo yadyarwazve kuti pakupedzisira igarwe nemarudzi ane makumi ezviuru anoumba sango rinogara richinaya chairoiro. Kunyange ipapo, mutoo wacho waizotora mazana emakore. Dzimwe nzvimbo dzakasiyiwa chiuru chemakore chapfuura apo mararamire eMaya akaparara nanhasi hadzisati dzanyatsovandudzika.
“Kubatana Kwemarudzi Ose Here”?
Mumwe musayendisiti wepaSmithsonian Institution, muWashington, D.C., akakarakadza kuti 10 muzana yemasango anogara achinaya aripo achengetedzerwe mbeu, kudzivirira marudzi akawanda sezvinobvira. Pari zvino masere muzana akadzivirirwa, asi nzvimbo dzakachengetedzwa idzi kana kuti mapaka enyika mapaka ezita chete, sezvo pasina mari kana kuti vashandi vokuadzivirira. Nenzira yakajeka, chimwe chinhu chokuwedzera chinofanira kuitwa.
Peter Raven, mumiririri wekuchengetedzwa kwesango rinogara richinaya, anotsanangura kuti: “Nhamburiko dzokuchengetedza masango anogara achinaya dzinoda kubatana kwemarudzi ose kutsva, kuziva kwokuti vanhu kwese kwese vanogoverana mutoro mujambwa repasi. Nzira dzokuderedza nadzo urombo nenzara mupasi rose dzinofanira kuwanwa. Zvibvumirano zvitsva pakati pemarudzi zvichafanira kutangwa.”
Chikarakadzo chake chine musoro kuvanhu vakawanda. Kuponesa masango anogara achinaya kunoda mhinduro yenyika yose—sezvakaita zvimwe zvinetso zvakatarisana norudzi rwomunhu. Chinetso chacho chiri mukuwana “zvibvumirano pakati pemarudzi” ngwavaira yenyika yose isati yaitika uye kukuvadzika kusingagadzirisike kusati kwaitwa. Sezvinorehwa naPeter Raven, kuparadzwa kwemasango anogara achinaya kwakabatana zvikuru nezvimwe zvinetso zvisingadzoreki zvenyika ichiri kusimukira, zvakadai senzara neurombo.
Kusvika pari zvino, nhamburiko dzemarudzi ose dzokugadzirisa zvinetso zvakadaro dzakaitwa nekubudirira kushomanene. Vamwe vanhu vanobvunza kuti, rimwe zuva marudzi achakurira kubonderana kwefariro dzawo shomanene nokuda kwezvakanakira vose, kana kuti kutsvakwa kwe“kubatana kwemarudzi ose kutsva” chiroto bedzi here?
Nhau hairatidziki seinopa hwaro hwekariro dzinofadza. Zvisinei, chimwe chinhu chinowanzofuratirwa—maonere emusiki wesango rinogara richinaya. “Panofanira kuyeukwa kuti tiri kuparadza rutivi rweChisiko,” anoonesa kudaro Purofesa weHarvard Edward O. Wilson, “nokudaro tichinyima zvizvarwa zvenguva yemberi zvose zvatakawana isu pachedu.”
Musiki wepasi achabvumira rudzi rwemunhu kuparadza basa remaoko ake zvachose here? Zvaizova zvisinganzwisisiki.a Panzvimbo pezvo, Bhaibheri rinofanotaura kuti Mwari acha“paradza avo vanoparadza pasi.” (Zvakazarurwa 11:18, NW) Mwari achaita sei kuti mhinduro yake ishande? Anopikira kugadza Umambo—hurumende yekudenga isinei nemiganhu yenyika—ichapedza zvinetso zvose zvepasi uye hai“tongozoparadzwi.”—Dhanieri 2:44.
Umambo hwaMwari hauzogumisi bedzi kushandisa kwemunhu pasi zvisina kufanira asi huchatarisirawo kudzorerwa kwerunako rwemusikirwo rwepasi. Pasi rose pakupedzisira richava paka yepasi rose, sezvaida Musiki wedu pamavambo. (Genesi 1:28; 2:15; Ruka 23:42, 43) Vanhu kwese kwese vacha“dzidziswa naJehovha,” uye vachadzidzira kuda uye kuonga chisiko chake chose, kubatanidza sango rinogara richinaya.—Isaya 54:13.
Achirondedzera nguva iyoyo yakakomborerwa, wezvamapisarema akanyora kuti: “Sango ngarive nomufaro, nezvose zviri mukati maro; ipapo miti yose yebundo ichaimba nomufaro; pamberi paJehovha, nokuti unouya; nokuti unouya kuzotonga pasi; uchatonga nyika zvakarurama, nendudzi nokutendeka kwake.”—Pisarema 96:12, 13.
Nomufaro, nguva yemberi yesango rinogara richinaya haitsamiri pakuitira hanya—kana kuti kukara—kwemunhu. Bhaibheri rinotipa chikonzero chokuvimba kuti Musiki pachake achapindira kuti aponese masango edu enzvimbo dzinopisa dzepasi. Munyika itsva yaMwari yakapikirwa, zvizvarwa zvenguva yemberi zvichaona mbiri yesango rinogara richinaya.—Zvakazarurwa 21:1-4.
[Mashoko Omuzasi]
a Nenzira inofadza, vanochengetedza vanovavarira kuponesa marudzi ari mungozi akawanda zvikuru sezvinobvira vanorondedzera mutoo wavo se“nheyo yaNoa,” sezvo Noa akarayirwa kupinza “zvipenyu zvose zvenyama” muareka. (Genesi 6:19) “Kuramba [kwemarudzi] ari mumhoteredzo kunofanira kubvumidzwa kuti kupfuurire nekodzero dzako dzisingabvunzwi dzokupfuurira kuvapo,” inodaro nyanzvi yezvisikwa David Ehrenfeld.