Masango Anogara Achinaya Mvura—Anogona Kuchengetedzwa Here?
NOMUNYORI WEMUKAI! MUBOLIVIA
RAMIRO ane mupata uzere miti inogara ichinayiwa nemvura.a Zvauri mujinga meMakomo eAndes okuSouth America, mupata uyu ndomumwe pakati pemishoma iri munzvimbo iyi uko miti yekare ichiri kuwanika. Nzvimbo yacho yose izere nemiti. Masayendisiti anobva kure anouya kuzodzidza nezvoupenyu hwemhuka dzesango raRamiro rizere nemiti, uye vakaona kuti mune marudzi akawanda emhuka dzisina kumbobvira dzataurwa nezvadzo. Ramiro anonyanya kufarira zvokuchengetedza. Anoti: “Handisi kuzobvumira kuti musango rangu mutemwe miti yematanda.”
Ukuwo, Roberto anotarisira sango rinogara richinaya mvura rakakura makiromita 5 600 kumativi ose riri munzvimbo yakati sandara mumupata weAmazon. Inyanzvi yokuchengetedza masango iyo inotema nokutengesa miti inotengeswa munyika yose. Asi Roberto anonyanya kufarira kuchengetedza masango anogara achinaya mvura nemhuka dzirimo. “Miti yemasango anogara achinaya mvura inogona kutemwa pasina kukuvadza zvachose zvipenyu zvakasiyana-siyana,” anoomerera kudaro.
Kunyange zvazvo vaine mamiriro ezvinhu akasiyana, Ramiro naRoberto vanotyira chaizvo remangwana remasango anogara achinaya mvura. Uye handiwo oga. Mumakumi emakore achangopfuura kuparadzwa kusina hanya kwemasango anogara achinaya mvura kwakawedzera zvinotyisa.
Kutyira kwakadaro kwakanyanyisa here? Pamusoro pazvo, vanhu vakatema miti yakawanda kwazvo munzvimbo dzinonaya mvura zviri pakati nepakati mazana emakore akadarika, nechinangwa chikuru chokurima. Saka tinofanira kunetsekerei kana vanhu vari kunogara kuchinaya mvura vari kuitawo saizvozvo zvino? Pane misiyano yakakura. Somuenzaniso, masango anogara achinaya mvura anowanzokura muivhu risina kuorera, risingaiti kurima. Uyewo, zvipenyu zvakasiyana-siyana zviri mumasango anogara achinaya mvura zvakawandisa; kuparara kwemasango aya kunovhiringidza vanhu vose.
Mubayiro Wokutema Miti
Inopfuura hafu yemarudzi ezvipenyu zvakasiyana-siyana zviri munyika yose inowanika mumasango anogara achinaya mvura. Kubvira kutsoko nemadindingwe kuenda kuzvimerwa zvisingaiti maruva izvo zvisingawanzowaniki uye mipondo, kubvira panyoka nematatya kuenda kumafurafura neshiri dzinonzi zvihwenga—nhamba yezvirimo yakakurisa kuidonongodza.
Zvipenyu zvakasiyana-siyana zvinowanika mumasango akasiyana-siyana anonaya mvura. Kune masango anogara achinaya mvura anokura zvishoma nezvishoma, masango akasvibira ane miti yakaita kunge sumburera, masango anombova nemwaka usinganayi mvura, uye masango ane miti yakataramukana. Kunyange zvakadaro, vanhu vakawanda havasati vamboshanyira masango anogara achinaya mvura. Zvichida hausati. Saka nei uchifanira kuva nehanya nenzvimbo dzakadaro?
Kuchengetedzwa kwemasango anogara achinaya mvura kunokosha kwauri nokuti zvirimwa zvakawanda kwazvo zvaunoshandisa pamba pako uye kutengesa, dzimwe nguva zvinotsamira pazvimerwa zvomusango zvichirimo mumasango akadaro. Boka rezvimerwa izvi dzimwe nguva rinoshandiswa kuita kuti zvimwe zvimerwa zvitsva zvivepo zvisina zvazvinoitwa nezvirwere nezvipembenene. Saka kusiyana-siyana kwezvimerwa zvinowanika musango kunokosha.
Uyewo, vatsvakurudzi vanogarowana zvinhu zvinobatsira mumasango anonaya mvura. Somuenzaniso, mishonga yakawanda iri kushandiswa mazuva ano yakagadzirwa kubva mumiti yomumasango anogara achinaya mvura. Saka, kuvapo kwezvipenyu zvakasiyana-siyana mumasango anonaya mvura kunowanzofananidzwa neraibhurari yezvipenyu, asi ndeimwe iyo “mabhuku” akawanda asati avhurwa.
Kutsigirana Kunoita Upenyu Kunogona Kuvhiringidzika Nyore
Masango anogara achinaya mvura anogona kuvhiringidzika nyore uye akaoma kwazvo kunzwisisa. Zviuru zvezvipenyu zvakasiyana-siyana zvinotsigirana. Somuenzaniso, miti yakawanda inoraramiswa nedzimwe shiri, zvipembenene, kana kuti mhuka zvinoita kuti ibereke uye iparadzire mbeu dzayo. Mukutenderera kwakaoma kunzwisisa kunoita upenyu, sango racho rinobatsira kudzora zvinoraswa kuti zvishandiswe zvakare nezvipenyu zvirimo nenzira inoshamisa, kusanganisira zvinomera, mhuka, zvipembenene, uye tupukanana tuduku kwazvo. Zvinoshamisa ndezvokuti, zvinhu zvose izvi zvesango zvakaoma kunzwisisa kazhinji zvinowanika muvhu risina kunaka. Rikadzimara raparadzwa, zvingaoma kana kusakwanisika kuti sango rakadaro riite sezvaraiva.
Vanhu vakawanda vanorarama nezvavanowana mumasango anogara achinaya mvura. Pane kungoita kuti ave nzvimbo dzokushanyira uye kugonesa masayendisiti kutsvakurudza, masango anogara achinaya anokosha nokuti ane zvinhu zvokutengesa zvakadai semiti, nzungu, uchi, mwoyo yemapalm, rabha, uye nhonje. Asi masango anogara achinaya ari kunyangarika zvinotyisa. Uwandu hwawo chaihwo hunopokanidziranwa, asi chokwadi chakajeka ndechokuti: Masango iwaya ari kupera nokukurumidza.
Chinonyanya kusuwisa pakurasikirwa nemasango aya ndechokuti masango anogara achinaya anowanzoparadzwa nezvikonzero zvisinganyanyi kubatsira. Masango akawanda aya akachinjwa kuva mafuro emombe. Zvisinei kakawanda kacho, nzvimbo yacho inokurumidza kusakwanisa kupa mafuro anodiwa yosiyiwa. MuBrazil Amazon, nzvimbo inokwana makiromita 165 000 kumativi ose yakasiyiwa nenzira iyi.
Itariroi iripo nokuda kwemasango anogara achinaya mvura nemhuka dzawo dzakawanda? Ramiro, Roberto, uye nevamwe vakafanana navo vari kuedza kudzivirira masango anogara achinaya kune vezvokutengeserana vomunyika yose, vanhu vakawandisa, pavabati vemhuka dzokutengesa, uye pavavhimi vasiri vepamutemo nevatemi vemiti yematanda. Asi zvii chaizvo zvinokonzera kutema miti? Pane nzira ipi neipi here iripo yokushandisa nayo zviwanikwa zviri mumasango anogara achinaya tisingazviparadzi?
[Mashoko Omuzasi]
a Sango rine guti, kana kuti rinogara richinaya mvura, isango rinokura munzvimbo dzakakwirira nemamita 1 000.
[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 19]
Mhuka zhinji dziri munyika dzakasiyana-siyana dzinowanika mumasango anogara achinaya mvura, pamwe chete nemarudzi akawanda emiti
[Mifananidzo iri papeji 20, 21]
Vatemi vemiti nenzira dzavanogadzira vanogona kuparadza masango anogara achinaya mvura