RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g98 10/8 p. 3
  • Kusachengeteka—Chirwere Chenyika Yose

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Kusachengeteka—Chirwere Chenyika Yose
  • Mukai!—1998
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Kufunganya muEurope
  • Nhau Yekuchengeteka Kwemunhu Oga
  • Europe Ichabatana Zvechokwadi Here?
    Mukai!—2000
  • Nhasi Tsika Dzakadini?
    Mukai!—2000
  • Kutsvaka—Upenyu Hwakachengeteka
    Mukai!—1998
  • Upenyu—Hwakachengeteka Nekusingaperi
    Mukai!—1998
Ona Zvimwe
Mukai!—1998
g98 10/8 p. 3

Kusachengeteka—Chirwere Chenyika Yose

UNOMBONZWA upenyu hwako nemararamire zviri mungozi uye zvisina chokwadi pane dzimwe nguva here? Handiwe wega. Mamiriyoni evanhu anonzwa nenzira iyoyo. Kusingadziviswi nerudzi, rudzidziso, kana kuti mhinganidzo dzenzanga, kusachengeteka kunopararira sechirwere, kuchitambudza vanhu kubva kuMoscow kusvika kuManhattan.

Apo upenyu hwedu hunenge husina kuchengeteka, maererano nerimwe duramanzwi, tino“netswa nekutya nekufunganya.” Kufunganya mutoro mupfungwa unoparira kuora mwoyo, kunogona kukuvadza utano hwedu. Asi nei tichifunganya uye tichinzwa tisina kuchengeteka?

Kufunganya muEurope

MuEuropean Union (EU), munhu 1 pavanhu 6 ari kurarama muurombo hwakanyanyisa, mamiriyoni 18 haashandi, uye vamwe vasingaverengeki vari kurarama vachitya kupererwa nemabasa avo. Munyika dzinoverengeka dzeEU, vabereki vari kutya kutyisidzirwa kuri kuitwa vana vavo neavo vanovatana nevana. Mune imwe nyika yeEU, vanhu vaviri pavanhu vatatu vari kufunganya pamusoro pokutyisidzira kwoutsotsi. Vamwe vanogara muEU vari kunzwa kutya kunowedzera nemhaka yekuparadzwa kwezvinhu, ugandanga, uye kusvibiswa kwemhepo.

Upenyu nezvokuraramisa zviri pangozi kwete nemhaka yokupanduka kwevanhu kwakadaro chete asiwo nemhaka yengwavaira dzinongoitika dzega. Somuenzaniso, muna 1997 na1998, mvura yakawanda, kuondomoka kwamatope, nezvamupupuri zvakaparadza mativi eUnited States. Muna 1997, mafashamo akaparadza Central Europe apo nzizi Oder neNeisse dzakafashukira mahombekombe adzo. Maererano nepepanhau rinobuda vhiki nevhiki rechiPolish Polityka, mafashamo akafukidza maguta 20, misha 270, uye nharaunda huru dzenzvimbo yekurima dzakafashamirwa, pamwe chete nemaguta nemataundi 86 nemimwe misha 900. Mhuri dzinenge 50 000 dzakarasikirwa nezvirimwa zvadzo, uye vanoda kusvika 50 vakarasikirwa noupenyu hwavo. Uye kuondomoka kwamatope mukuvamba kwa1998 kwakauraya vakawanda kumaodzanyemba kweItaly.

Nhau Yekuchengeteka Kwemunhu Oga

Asi hativimbiswi kuti upenyu hwakachengeteka zvikuru kupfuura zvahwakanga hwakaita makore gumi apfuura here? Kupera kweHondo Yemashoko hakuna kureva kuderera kwemauto ane zvombo here? Hungu, kuchengeteka kwenyika kungave kwakavandudzika. Zvisinei, kuchengeteka kwemunhu oga kunoenderana nezvinoitika mumusha nemumugwagwa. Kana basa redu rikapera kana kuti tikafungira kuti bhinya kana kuti anovatana nevana akavanda panze, ipapo pasinei zvapo nokuti zvombo zvakawanda zvakadini zvinoparadzwa, tinofunganya ndokunzwa tisina kuchengeteka.

Vamwe vanhu vari kubata sei nokusava nechokwadi kwoupenyu? Zvinotokosha zvikuru, pane nzira yokuita kuti upenyu hwomunhu wose—kubatanidza hwako—hugare hwakachengeteka here? Mashoko aya acharangarirwa munyaya mbiri dzinotevera.

[Vakatipa Mufananidzo uri papeji 3]

UN PHOTO 186705/J. Isaac

[Vakatipa Mufananidzo uri papeji 3]

FAO photo/B. Imevbore

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe