RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g00 4/8 pp. 3-4
  • Nhasi Tsika Dzakadini?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Nhasi Tsika Dzakadini?
  • Mukai!—2000
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Zvaiva Nani Kare Here?
  • Europe Ichabatana Zvechokwadi Here?
    Mukai!—2000
  • Kusachengeteka—Chirwere Chenyika Yose
    Mukai!—1998
  • Europe Yakabatana—Ingava Nebasa Rei?
    Mukai!—2000
  • Nei Zvinonyadzisira Zvakapararira Kwazvo?
    Mukai!—2003
Ona Zvimwe
Mukai!—2000
g00 4/8 pp. 3-4

Nhasi Tsika Dzakadini?

Mamwe mangwanani muna April 1999, kuterama kwakavhiringidzwa mutaundi reLittleton, pedyo neDenver, Colorado, U.S.A. Vechiduku vaviri vakanga vakapfeka mabhachi matema okudzivirira mvura vakapinda pachikoro chapamusoro chomunzvimbo iyoyo uye vakatanga kupfura vadzidzi navadzidzisi. Vakaputitsawo mabhomba. Vadzidzi gumi navaviri nomudzidzisi vakaurawa, uye vanopfuura 20 vakakuvadzwa. Vapari vemhosva vacho vakagumisa kuponda kwacho nokuzviuraya. Vaingova namakore 17 ne18 chete uye vaivenga mamwe mapoka kwazvo.

ZVINOSURUVARISA kuti muenzaniso wataurwa pamusoro apa hausi wezvinhu zvinongoitika panzvimbo imwe. Mapepanhau, redhiyo, uye terevhizheni zvinoshuma zviitiko zvakadaro pasi pose. Maererano neNational Center for Education Statistics, zviitiko zvechisimba zvinoda kusvika 11 000 zvinobatanidza zvombo muzvikoro zvomuAmerica zvakashumwa muna 1997. MuHamburg, Germany, mishumo yezviitiko zvechisimba yakawedzera ne10 muzana muna 1997, uye 44 muzana yevaifungidzirwa vaiva pwere dziri pasi pemakore 21.

Uori hwakapararira pakati pevezvematongerwe enyika navakuru-vakuru vehurumende. Mushumo wakapiwa nakomishina weEuropean Union (EU) Anita Gradin muna 1998 wakaratidza kuti uori muEU muna 1997 hwakafungidzirwa kuva pamabhiriyoni amadhora 51,8. Izvi zvaibatanidza zvose kubva pakuita kuti vanhu vasabhadhara matikiti okupaka motokari kusvika pakugamuchira mari yezvokurima nokubiridzira kana kuti dzimwe mari dzeEU. Mwero wakakura wokuba mari nechitsotsi nokupinzwa kwezvombo nezvinodhaka zvisiri pamutemo zvakabvumirwa, uye vashandi veEU vave vachipiwa pfumbamuromo namasangano amatsotsi kuti varambe vakanyarara. Komisheni yeEU yose yakaramba basa muna 1999.

Zvisinei, vari panzvimbo dzapamusoro-soro munzanga havasi ivo voga vanoita zvokubiridzira. Mushumo wakabva kuKomisheni yeEU uchitaura nezvevashandi vasingabvumirwe nomutemo wakaratidza kuti 16 muzana yemari yose inowanwa gore roga roga neEU inobatanidza mari yakawanika kumabhizimisi asina kunyoreswa uye asingabhadhari mutero. MuRussia mari inowanika zvisiri pamutemo inonzi inopfuura 50 muzana pamari yose inowanwa. Uyezve, muUnited States, Association of Certified Fraud Examiners yakati makambani okuAmerica anorasikirwa nemabhiriyoni emadhora anodarika 400 pagore nemhaka yavashandi vanoabira mari kana kuti zvinhu.

Gadziriro yokuwana mashoko kumuzinda wemakombiyuta yave ichishandiswa navanorara navana vakawanda vanotsvaka kunyengera vana navaduku kuti vaite zvepabonde navo zviri kunze kwomutemo. Maererano nomutauriri wokuSweden weSave the Children, kunetseka pamusoro pokuratidzwa kwezvinhu zvounzenza zvinoitwa nevana pagadziriro yokuwana mashoko kumuzinda wemakombiyuta kwave kuchiwedzera. MuNorway muna 1997, sangano iri rakagamuchira mazano 1 883 nezvenzvimbo dzokubudisira mashoko pakombiyuta dzinoratidza zvinhu zvounzenza zvinoitwa nevana pagadziriro yokuwana mashoko kumuzinda wemakombiyuta. Gore rakatevera racho nhamba yamashoko akadaro yakakura nokukurumidza kusvika kuinenge 5 000. Zvinhu zvakawanda zvacho zvinogadzirwa munyika umo hurumende kana zviremera zvomunzvimbo zvisingagoni kudzora muitiro uyu unozvidzwa.

Zvaiva Nani Kare Here?

Vanhu vakawanda vanotyiswa nemamiriro akaipa etsika munyika nhasi vangafunga nezvekare vachishuva mararamiro aiitwa munzanga mumazuva avabereki vavo kana kuti vanambuya nanasekuru vavo. Zvichida vakanzwa kuti vanhu vairarama upenyu hwakanyarara kare ikoko uye kuti kuvimbika nedzimwe tsika zvaikosheswa munzanga yose. Vamwe vanhu vakuru vangave vakataura nezvenguva apo vanhu vaishanda nesimba vaibatsirana, ukama hwemhuri hwakanga hwakasimba, uye vaduku vainzwa vakachengeteka uye vaibatsira papurazi ravabereki vavo kana kuti muimba yokushandira.

Izvi zvinotungamirira kumibvunzo yokuti: Tsika dzavanhu dzakanga dziri nani kare zvechokwadi here? Kana kuti panongova nokunzwa kuda nguva yakapfuura kunovhiringidza kuyeuka kwedu mazuva akapfuura here? Ngationei mapindurire anoita vanonyora nhau dzakaitika nevamwe vanoongorora magariro avanhu.

[Bhokisi riri papeji 3]

Tsika Dzinotsanangurwa

Munyaya dzino shoko rokuti “tsika” rinoshandiswa mupfungwa inobatana nenheyo dzokuita zvakanaka nezvakaipa mumaitiro avanhu. Izvi zvinobatanidza kuvimbika, kuva wechokwadi, uye kunyatsozvibata munhau dzokuita zvepabonde nedzimwe nhau.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe