Kukurumidzisa Kana Kuti Kunonokesa Here?
ZVAKAWANDA zviri kutaurwa iye zvino nezvekutanga kwezana remakore rechi21 uye chiuru chemakore chechitatu kubva pakaberekwa Jesu Kristu. Magazini yeNewsweek yakati “zana remakore rechi20, rakavamba seZana reMakore reHondo Yakakwana ndokuzova Nguva yeAtomu, rinoita serava kupera rava Nguva Yevaraidzo.” Munyaya yayo yaJanuary 22, 1997, yakashuma kuti: “Mahotera munyika yose akatozara” nokuda kwekupemberera Usiku Hwegore Idzva, December 31, 1999.
Zvisinei, vamwe vanhu vanoti kupemberera uku kuri kukurumidzisa. Vanoti mukusiyana nezvinofunga vakawanda, zana remakore rechi21 uye chiuru chemakore chitsva hazvivambi pana January 1, 2000, asi pana January 1, 2001. Sezvo kwakanga kusina gore rainzi zero, zana remakore rokutanga rakabva mugore ra1 kusvika pakapera gore ra100, zana remakore rechipiri rakabva muna 101 kusvika 200 apera, zvichingodaro. Saka zvinonzi zana remakore rechi20, rakavamba pana January 1, 1901, uye chiuru chemakore chechipiri, chakavamba pana January 1, 1001, zvichava zvisati zvapera kutozosvikira pana December 31, 2000.
Panewo chimwe chinhu chokufunga nezvacho. Karenda redu rinoverenga nguva richiti imwe inonzi Kristu asati aberekwa uye imwe pashure pokuberekwa kwake. Nyanzvi dzava kuona kuti Jesu akanga atoberekwa panguva inonzi ndiyo yaakaberekwa, sezvaimbofungwa kare, saka zvichiita kuti nguva inotaurwa nekarenda isava yakarurama. Zvinofunga vanhu zvinosiyana-siyana nezvekuti Jesu akaberekwa rini, asi kuverenga nguva kweBhaibheri kunoti igore ra2 B.C.E. Tichifunga nezveizvi, chiuru chemakore chechitatu kubva pakaberekwa Kristu chaizvoizvo chakavamba mumatsutso egore rino! Mashoko akawanda anogona kuwanwa munyaya dziri muMukai! yechiNgezi yaMay 22, 1997, papeji 28, naDecember 22, 1975, papeji 27.a
Zvisinei nezvazviri, kuchenjera kusataura nenzira yakasimba kuti zana remakore rechi21 uye chiuru chemakore chitsva zvichatanga mumavhiki mashoma ari kutevera. Kunyange zvakadaro, nemhaka yezvinofungwa nevakawanda, Mukai! inoona zvakakodzera panguva ino kukurukura nyaya inoti: “Zana reMakore Rechi20—Makore Anonetsa Okuchinja.”
[Mashoko Omuzasi]
a Onawo magazini yeNharireyomurindi yaNovember 1, 1999.