RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g00 2/8 pp. 19-21
  • Ndingadzivisa sei Njodzi dzeInternet?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Ndingadzivisa sei Njodzi dzeInternet?
  • Mukai!—2000
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • “Kuona Zvisina Maturo”
  • Zvakadini Nesonganiro Pamubatanidzwa Wemakombiyuta?
  • Dziviriro
  • Kushandiswa kweGadziriro Yokukurukurirana Nekombiyuta—Chenjerera Njodzi Dzacho!
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1999
  • Kushandisa Indaneti Nokuchenjera
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2011
  • Mashoko Akanaka Ava paInternet
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1997
  • Zvidzivirire Neavo Vaunoda
    Mukai!—2000
Ona Zvimwe
Mukai!—2000
g00 2/8 pp. 19-21

Vechiduku Vanobvunza Kuti . . .

Ndingadzivisa sei Njodzi dzeInternet?

ZVIFUNGIDZIRE pachako uri muraibhurari hurusa yepasi pose. Mabhuku, mapepanhau, ndaza, mifananidzo, nezvinhu zvakarekodwa zvorudzi rwose—zvinotaura nezvechinhu chinenge chiri chose—chakakupoteredza. Uchikwanisa kuwana zviri nyore mashoko ose achangobva kuburitswa kusanganisira mabhuku emazana amakore akapfuura.

Hungu, Internet inogona kuita kuti uwane mashoko akadaro zviri nyore. Inogonesa munhu kugara pakombiyuta yake ndokupanana mashoko nemamwe makombiyuta uye vamwe vanoshandisa makombiyuta kunzvimbo dzose pasi pose.a Inoita kuti vanoishandisa vakwanise kutengesa zvigadzirwa, vatenge, vabhenge, vakurukurirane, vateerere mimhanzi ichangobva kurekodwa—zvose vachizviita vari voga mudzimba dzavo.

Ndosaka zvisinganyanyi kushamisa kuti dzimwe nyanzvi dziri kufanotaura kuti panozopera gore rino, vanhu vanopfuura mamiriyoni 320 vachange vave kushandisa Internet. Saka kushandisa Internet kuri kuva chinhu chinowanika pose pose mumativi akawanda enyika. Mamiriyoni evechiduku ari kuishandisa nemhaka yokuti zvikoro nemaraibhurari zviri kukurudzira zvakasimba kushandiswa kwayo. MuUnited States, inoda kusvika 65 muzana yavechiduku vari pakati pemakore 12 ne19 vakatoshandisa kare kana kuti kunyoresa kuti vashandise mubatanidzwa wemakombiyuta.

Ikashandiswa zvakanaka, Internet ingava panowanikwa mashoko anobatsira ezvemamiriro okunze, kufamba, nezvimwe zvinhu. Uchiishandisa, unogona kutenga mabhuku, simbi dzemotokari, uye zvimwe zvinhu. Vakawanda vanoishandisa kuita basa rokuchikoro.

Kunyange zvazvo Internet ingagona kubatsira, ingaitawo seraibhurari isina vatarisiri veraibhurari kana vamwe vanoona. Munhu angatsvaka zvaanoda mairi achiziva kuti hapana kana ani zvake ari pedyo. Asi iyoyi ndiyo imwe yenjodzi huru kwazvo dzokushandisa Internet. Nei? Nokuti maWeb site (Nzvimbo Dzokubudisira Mashoko Pakombiyuta) akawandisa ane zvinhu zvinoshatisa tsika nezvinoparadza mumudzimu. Saka, Internet inogona kuisa vaKristu vechiduku pamuedzo. Pamusoro pazvo, vanhu vanongoberekwa vachida kuziva—muitiro uyo Satani Dhiyabhorosi akatanga kushandisa kare. Satani zvechokwadi akashandisa kuda kuziva kwaEvha uye ‘akamunyengetedza nemanomano ake.’—2 VaKorinde 11:3.

Nenzira yakafanana, muKristu wechiduku anganyengetedzwa zviri nyore nemashoko akashata kana asingatsungi kudzivirira umudzimu hwake. Nyaya iri muBetter Homes and Gardens yakatsanangura kuti: “Internet igadziriro inofadza iyo vanotanga ruzivo rutsva rwokugadzira zvinhu vakangwara vanotengesa nayo mashoko achangobva kuburitswa; asi vanoshinha nevana, vanonyengedza, vane misoro yakaoma, uye vamwe vane tsika dzakashata vanotsigirawo zvikuru nzvimbo dzokubudisira mashoko pakombiyuta.

Pwere inonzi Javierb inoti: “Mamwe maWeb site anokatyamadza. Anogona kungoerekana aburitsa zvinokatyamadza.” Anowedzera kuti: “Vari kuedza kukuisa pamusungo. Vanoda kukukwezva—kuti vatore mari yako.” Mumwe muKristu wechiduku anonzi John anobvuma kuti: “Kana ukangotanga kutarisa zvinhu zvakashata, zvakaoma kurega—zvinonyatsopinda muropa.” Dzimwe pwere dzechiKristu dzakava nomuitiro wokushandisa maWeb site anoshatisa, uye izvi zvakadzitungamirira muzvinetso zvakakomba zvakawanda. Dzimwe dzakatokuvadza ukama hwadzo naJehovha. Izvi zvingadziviswa sei?

“Kuona Zvisina Maturo”

Pane dzimwe nguva kero yeWeb site inoratidza yoga pachena kuti nzvimbo yacho ine zvinhu zvisingafaniri kuonwa.c Zvirevo 22:3 inonyevera kuti: “Munhu wakangwara unoona zvakaipa, ndokuvanda; asi vasina mano vanopfuura havo, ndokuwira munjodzi.”

Zvisinei, kazhinji kacho chinetso ndechokuti vanhu vanogona kungoerekana vasvika panzvimbo ine zvinhu zvisingafaniri kuonwa netsaona chaiyo. Peji yokutanga ingava ine mifananidzo inoyevedza yakanyatsogadzirwa kuti ikukwezve kuti utange kuvhura-vhura nzvimbo yacho—uye kuramba uchidzokera kwairi nguva nenguva!d

Kevin anotsanangura zvakaitika kune imwe yeshamwari dzake: “Akanga asina zvokuita uye aida kuziva. Pasina nguva refu akava nomuitiro wokutarisa zvinhu zvounzenza.” Sezvineiwo, uyu muKristu wechiduku akatsvaka mukuru uye akabatsirwa.

Wakambofunga here kuti uchaita sei kana ukangoerekana wava panzvimbo yakadaro? Zvinofanira kuitwa nomuKristu zviri pachena: Siya nzvimbo yacho nokukurumidza—kana kuti dzima chaunotsvaka nacho mashoko paInternet! Ita somunyori wepisarema akanyengetera kuti: “Dzorai meso angu ndirege kuona zvisina maturo.” (Pisarema 119:37; enzanisa naJobho 31:1.) Ziva kuti kunyange kana pasina munhu ari kutidzora, tiri kuonekwa. Bhaibheri rinotiyeuchidza kuti zvinhu zvose “zvakafukuka uye zviri pachena mumaziso ake iye watinozvidavirira kwaari.”—VaHebheru 4:13.

Kutaura nevabereki vako kana nevamwe vaKristu vakura kunogona kuita kuti unyatsotsunga kusazoshanyirazve nzvimbo dzinoshatisa. Pashure pezvose, kana ukawira mujecha rinonyudza, ungatambura uri imomo kusvika wanyura zvokusvika muhuro mako usingashevedzere kuti ubatsirwe here?

Zvakadini Nesonganiro Pamubatanidzwa Wemakombiyuta?

Chat inoita kuti vanoshandisa Internet vari kumativi ose enyika vakurukurirane nomumwe nomumwe panguva imwe chete. Mabhizimisi anoishandisa kuita misangano pamakombiyuta akabatanidzwa uye kubatsira vatengi. Dzimwe dzimba dzevakurukuri vakawanda vakarangana dzinoita kuti vanodzishandisa vapanane mashoko pamusoro penhau dzokugadzira zvinhu, zvakadai sokugadzira motokari dzakafa kana kuti kugadzira mapurogiramu ekombiyuta. Rumwe rudzi rwechat runoita kuti shamwari nenhengo dzemhuri vakurukurirane vari voga pasina mari yakawanda yokubhadhara nhare dzedaro refu. Kunyange zvazvo pangava nokushandisa kwepamutemo kwenzira iyi, pane njodzi dziripo here?

Pane kudiwa chaikoiko kwekungwarira kana pari panyaya yedzimba dzevakurukuri vakawanda vakarangana dzinoshandiswa navose, nokuti idzodzi dzingakonzera dzimwe njodzi. Munyori Leah Rozen akati: “Vari kuyaruka vane unyanzvi vari kupedzera maawa akawanda vachikurukura pamubatanidzwa wemakombiyuta nevanhu vavasingazivi munyika yose. Zvinosuruvarisa kuti vamwe vevanhu vasingazivikanwi vacho avo vari kuyaruka vangataura navo pamubatanidzwa wemakombiyuta vangava vari vanhu vakuru vane tsika dzakashata vari kutsvaka vana vokurara navo.” Nyaya iri mubhuku rinonzi Popular Mechanics yakanyevera kuti “unofanira kungwarira zvakanyanya” pakushandisa dzimba dzevakurukuri vakawanda vakarangana dzinoshandiswa navose. Kupa zita nekero yako kumunhu wausingazivi kungava kuzviparira dambudziko guru! Kuzviisirei munjodzi yakadaro?

Zvisinei, imwe njodzi isinganyatsooneka nyore nyore iri pakuiswa pamusungo wokushamwaridzana nevanhu vausingazivi vasingaremekedzi nheyo dzeBhaibheri.e Vanotsvakurudza ruzivo vanoti zvizhinji zvinotaurwa nevari kuyaruka mudzimba dzevakurukuri vakawanda vakarangana, zvikurukuru inhau dzezvepabonde. Saka zano reBhaibheri riri pana 1 VaKorinde 15:33 rakakodzera: “Musatsauswa. Songaniro dzakaipa dzinoshatisa miitiro inobetsera.” Songaniro dzakashata dzinoitwa pamubatanidzwa wemakombiyuta dzine njodzi. Pwere inotya Mwari inofanira kuzviisa munjodzi dzakadaro nokusangwarira here?

Dziviriro

Tichifunga nezvenjodzi dzinoparirwa neInternet, inofanira kushandiswa nokuchenjera. Somuenzaniso, dzimwe mhuri dzinoisa kombiyuta panzvimbo iri pachena, yakadai seimba yokutandarira. Dzingaisawo mutemo wokuti Internet inofanira kushandiswa chete vamwe pavanenge vari pamba. Kana vabereki vako vakagadza mitemo yakadaro, shandira pamwe navo. (Zvirevo 1:8) Mirayiridzo yakajeka yavanopa inoratidza pachena rudo rwavo.

Kana basa rechikoro richida kuti ushandise Internet, kuregererei kutarisa nguva yaunopedza uri pairi? Edza kufanosarudza kuti uchapedza nguva yakareba sei, uchishandisa wachi inorira kuti ikuyeuchidze kana nguva yakwana. Tom anofunga kuti: “Fanoronga, ziva chaizvoizvo zvauri kutsvaka, uye ramba uri pazviri—zvisinei nokuti zvimwe zvaunoona zvinonakidza sei.”

Kungwarira kunofanira kuitwa pakushandisa Tsamba inotumirwa nomukombiyuta. VaKristu vechiduku vanofanira kungwarira kuti vasabatwa mukurava matsamba akawanda kwazvo anotumirwa nomukombiyuta zvikurukuru kana akawanda emashoko acho asingakoshi kana kuti asina kururama. Kushandisa tsamba inotumirwa nomukombiyuta zvisingadzorwi kunogona kupedza nguva inokosha inodiwa pakuita basa rokuchikoro nezvinhu zvokunamata.

Mambo Soromoni akati: “Kuita bhuku zhinji hakuperi, uye kudzidza kuzhinji kunonetsa muviri.” (Muparidzi 12:12) Mashoko iwayo anogona kunyatsoshanda paInternet. Usabatanidzwa mukutsvaka mashoko zvokuti unoregeredza kufunda Bhaibheri uri woga uye kuenda muushumiri hwechiKristu. (Mateu 24:14; Johani 17:3; VaEfeso 5:15, 16) Yeukawo kuti, nepo kukurukurirana nomukombiyuta kungava nenguva yakwo, hapana chingatsiva kuonana chaiko nevamwe vaKristu. Saka kana uchida chaizvoizvo kushandisa Internet, nyatsotsunga kuishandisa nokuchenjera. Dzivisa nzvimbo dzine njodzi, uye usapedza nguva yakawanda uri pamubatanidzwa wemakombiyuta. “Chengeta mwoyo wako,” uye usambofa wava muranda weInternet.—Zvirevo 4:23.

[Mashoko Omuzasi]

a Ona nyaya dzakatevedzana dzinoti “The Internet—Is It For You?” dzinowanika muMukai! yechiNgezi yaJuly 22, 1997.

b Mamwe mazita akachinjwa.

c Kero yeWeb site mabhii anonyorwa akatevedzana anoshandiswa kuti usvike panzvimbo yacho. Pane dzimwe nguva kero inenge ine mashoko anoratidza chinangwa chenzvimbo yacho.

d Peji yokutanga ndiyo inoratidza mashoko ezviri mukati. Inotsanangura zvinoburitswa nenzvimbo yacho, akaitanga, nezvimwe zvakadaro.

e Njodzi dzakadaro dzinogona kuwanika mudzimba dzevakurukuri vakawanda vakarangana dzavose dzakatangwa nevaKristu vane zvinangwa zvakanaka zvokukurukura nhau dzokunamata. Vanhu vasina kutendeka nevakaramba kutenda pane dzimwe nguva vakabatanawo mukukurukurirana uku uye vakaedza kunyengedza vamwe kuti vabvume pfungwa dzavo dzinopesana nemagwaro.

[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 20]

“Mamwe maWeb site anokatyamadza. Anogona kungoerekana aburitsa zvinokatyamadza”

[Mufananidzo uri papeji 21]

Dzimwe mhuri dzinoisa kombiyuta yepamba pachena

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe