Mashoko Akanaka Ava paInternet
Muzera redu resayenzi yokugadzirwa kwezvinhu, vamwe vanhu vanowana mashoko kubva muzvinhu zvemagetsi, kubatanidza Internet (gadziriro yokugoverana mashoko kupfurikidza nemakombiyuta). Naizvozvo Sosaiti yakaisa mamwe mashoko akarurama pamusoro pezvitendero nemabasa eZvapupu zvaJehovha paInternet.
Web site (nzvimbo yatinobudisira mashoko) paInternet ine kero inoti http://www.watchtower.org uye ine maturakiti akasarudzwa, mabhurocha, uye nyaya dzeNharireyomurindi neMukai! muchiNgezi, chiChinese (Chakapfaviswa), chiGerman, chiRussian, uye chiSpanish, mukuwedzera kumimwe mitauro. Zvinyorwa zviri muWeb site iyi zvinotowanika kupfurikidza neungano uye zviri kushandiswa muushumiri. Chinangwa cheWeb site yedu, hachisi chekubudisa zvinyorwa zvitsva, asi kuita kuti mashoko awanike kuvanhu ari muchimiro chinoraviwa kupfurikidza nezvinhu zvemagetsi. Hapana kudikanwa kwekuti munhu upi noupi agadzirire mashoko okushandisa muInternet pamusoro peZvapupu zvaJehovha, mabasa edu, kana kuti zvitendero zvedu. Nzvimbo yedu inozivikanwa inopa mashoko akarurama kuvapi nevapi vanoada.
Kunyange zvazvo nzvimbo yedu isina gadziriro yekutumira tsamba kupfurikidza nekombiyuta (E-mail), ine ndaza yekero dzekunosvikira tsamba dzemapazu munyika yose. Nokudaro vanhu vanogona kunyorera kuti vawane mashoko okuwedzera kana kuti kugamuchira yamuro yemunhu oga kubva kuZvapupu zvemunharaunda yacho. Inzwai makasununguka kugoverana kero yeInternet iri pamusoro apa nevapi nevapi vangada kutanga kudzidza chokwadi cheBhaibheri nomutoo uyu.