RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g00 12/8 pp. 28-31
  • Kufara Pasinei Noundonda

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Kufara Pasinei Noundonda
  • Mukai!—2000
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Kukura Ndichitambura
  • Zvandakagona Kuita Mune Zvoruzivo
  • Pamusha Wevakaremara
  • Kurarama Upenyu Hwokuzvimirira
  • Chikonzero nei Upenyu Hwangu Huchifadza Zvikuru iye Zvino
  • Kuwana Mufaro Pasinei Nourema Hwangu
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2009
  • Ndinoonga Tsigiro Isingagumi yaJehovha
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1993
  • Jehovha Akandipa Simba
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1990
  • Ndakanyaradzwa Panguva Chaiyo
    Mukai!—2015
Ona Zvimwe
Mukai!—2000
g00 12/8 pp. 28-31

Kufara Pasinei Noundonda

YAKATAURWA NAKONSTANTIN MOROZOV

Pandakaberekwa musi waJuly 20, 1936, makanga musina mapfupa mumuviri wangu kunze kwedehenya rangu nomuzongoza. Mapfupa angu ose akanga akaumbwa neshwashwa isina kusimba kudarika shwashwa yenzeve yomunhu akura. Ndairema isingasviki hafu yekirogiramu. Zviratidzo zvoupenyu chete zvaionekwa kurova kwemwoyo kwakaneta, kufema kwakaneta, uye kupfakanyika kushomanana.

NDAIVA wechinomwe wevana vapfumbamwe mumhuri yaigara mumusha unonzi Sara, muUl’yanovsk Oblast, pakati-kati peRussia. Pandaiva nevhiki nhatu dzokukura, vabereki vangu vakaenda neni kuchechi kuti ndibhabhatidzwe. Mupristi akandisasa mvura zvechimbi-chimbi uye akaudza vabereki vangu kuti vandiendese kumba nokukurumidza sezvaibvira, sezvo akati ndaizofa mumaawa mashomanana.

Muna January 1937, vabereki vangu vakaenda neni kuguta rinonzi Kazan’, guta guru reTatarstan, yaitongwa neRussia, kuti ndinoonekwa nenyanzvi. Panguva ino ndaikwanisa kuti “Mhamha,” “Baba,” uye “Babushka” (Ambuya), uye ndaiziva mazita evakoma vangu. Pashure pokunge vanachiremba vandiongorora, vakaudza vabereki vangu kuti ndaizofa mukati megore. Vakakurudzira kuti ndiurayiwe ndochengetedzwa mufurasiki yegirazi sechiratidzwa chaizoshandiswa kuratidza kuvadzidzi vezvokurapa. Ndinoonga sei vabereki vangu vanodiwa kuti vakaramba zvakasimba!

Kukura Ndichitambura

Kwenguva yakareba seyandinogona kuyeuka, muviri wangu waigara uchirwadza zvikuru. Asi, kunyange pandaiva mwana muduku, ndakaedza kuramba ndiine pfungwa yakanaka uye kuedza kugara ndichiseka nokunakidzwa noupenyu. Aya ndiwo mafungiro andagara ndinawo. Mapfupa angu akasimba zvishoma nezvishoma, uye ndakanga ndava kukwanisa kugara nokukambaira zvishoma. Handina kukura sezvinoita vamwe vana uye ndakanga ndakaremara zvikuru. Asi ndakanga ndiri mudzidzi anokwanisa, uye pazera remakore mashanu, ndakanga ndava kukwanisa kuverenga nokunyora.

Muna May 1941, amai vangu vakaenda neni kuchechi kechipiri. Kwaiva nevanhu vakati kuti, uye vose vakanga vakapfugama vachinyengetera. Mumwe murindiri wechikadzi akauya paiva naAmai kuti abvunze kuti nei vakanga vasina kupfugama. Apo Amai vakandiratidza kwaari, akaenda kunotaura nomupristi. Paakadzoka, murindiri wacho akatiperekedza kumusuo wokubuda nawo ndokutaura kuti Amai vandisiye kunze uye vapinde voga. Akataura kuti nemhaka yezvivi zvevabereki vangu, ndakanga ndapiwa kwavari ne“asina kuchena.” Amai vakadzokera kumba nemisodzi mumaziso. Ndakafunga nezveizvi kwenguva yakareba. Ndakashamisika kuti, ‘“Asina kuchena” uyu ndiani?’

Muna 1948, pandakanga ndava nemakore 12, Amai vakaenda neni kumusha unonzi Merenki muChuvash Republic, anenge makiromita 80 kubva kumusha kwedu. Kwaiva nezvisipiti zvemvura inorapa, uye Amai vaitarisira kuti ndingangorapwa nemvura yacho. Zvimwe zvezvinhu zvaidiwa nevapristi kuti ndirapwe ndezvokuti ndaisafanira kudya kwemazuva matatu. Ndaifanirawo kugamuchira chidyo cheMisa muchechi. Kunyange zvazvo ndakanga ndisina chivimbo zvikuru muchechi, ndakabvuma zvaidiwa. Kwandiri rwendo rwacho rwakanga rwakareba uye rwakaoma, asi ndakatsungirira, ndichiedza kuzvivaraidza nokunaka kwenzvimbo.

Chechi yacho yakanga yakazara nevanhu. Apo Amai vakanga vakanditakura vachidarika nomumhomho yevanhu, mumwe muchembere akandipa siwiti. Ndakaitora ndokuiisa muhomwe yangu. Apo chijana changu chakasvika kuti ndigamuchire chidyo cheMisa, muchembere wacho akazhambatata kuti: “Baba, musamupa chidyo cheMisa! Achangobva kudya siwiti!” Ndakatsanangura kuti siwiti yacho yaiva muhomwe yangu, asi mupristi wacho akazhambatata kuti: “Iwe chirema chinoita zvakaipa! Unofanira kunyepa zvakare here? Mubvisei muchechi!” Zvisinei, zuva rakatevera racho, mumwe mupristi akaitisa Misa uye akandigeza nemvura “inoshamisa”. Asi, hapana chishamiso chakaitika. Undonda hwangu hwakaramba huripo.

Zvandakagona Kuita Mune Zvoruzivo

Kunyange zvazvo ndakanga ndakaremara zvakakomba, munguva yokuyaruka kwangu ndakaronda dzidzo yakakwirira uye vavariro dzounyanzvi. Muna 1956, ndakabatana neKomsomol (Young Communist League), uye pashure penguva yakati, ndakadzidzisa vechiduku nhau dzekare dzeKomsomol. Ndaiva nhengo yeHome and Cultural Commission pamusha wevakaremara, uye ndakashandawo ipapo somutungamiriri wenhepfenyuro uye mushamarari.

Uyezve, ndaitarisira raibhurari inofambiswa yemabhuku akaiswa pamakaseti kuitira vasingaoni, uye ndakasarudzwa kuva nhengo muJudge’s Commission for the Fight Against Alcohol Abuse (Dare Romutongi Rinorwisa Kushandisa Zvinwiwa Zvinodhaka Zvisina Kufanira.) Ndaivawo nhengo muchikwata chevasiri nyanzvi dzemitambo, ndaiimba, uye ndairidza zviridzwa zvinoverengeka.

Pamusha Wevakaremara

Muna 1957, pandakasvitsa makore 21, undonda hwangu hwakandimanikidzira kupinda mumusha wevakaremara. Asi ndakanga ndakatsunga kusarega. Muna October 1963, ndakaenda kuProsthetic Science Research Institute kuMoscow. Ikoko ndakapedzisira ndavhiyiwa ka18 kuti ndiswatanudzwe makumbo angu.

Kutanga, makumbo angu akatambanudzwa. Pashure pemazuva masere, kuvhiyiwa kwakaitwa. Zvichitevera izvozvo, ndakaisirwa chinhu chaiita kuti makumbo angu asafamba-famba kusvikira pakuvhiya kwaitevera. Mukoti wacho aichema paaiona kuti ndaitambura zvakadini.

Mumwedzi mina yakatevera, ndakadzidzira kufamba nemadondoro. Nemadondoro ndaikwanisa kuzvisimudza mudenga kusvika ndareba anenge masendimita 110. Ndairema anoti darikei makirogiramu 25. Pandakangokwanisa kufamba nemadondoro, ndakadzokera kumusha wevakaremara muna 1964. Zvinosuruvarisa kuti mapfupa angu asina simba omumakumbo akanga asingakwanisi kusimudza muviri wangu, uye nokukurumidza ndakamanikidzirwazve kufamba ndichiita zvokukambaira kana kuti newiricheya. Wiricheya ndiyo yandichiri kungoshandisa kufamba-famba nanhasi.

Handina kuzomboendazve kuchechi. Kutaura kwokuti ndakanga ndaberekwa ne“asina kuchena” kwakaramba kuchindirwadza. Ndaida baba naamai vangu zvikuru, uye ndakanga ndisingakwanisi kungobvuma kuti ivo vaipiwa mhaka naMwari nokuda kwezvandiri. Ndakaedza kuramba ndichifara pasinei nenhamo. Ndaida kuitira vamwe zvakanaka, uyezve, kuzviratidza pachangu kuti ndaikwanisa kuita saizvozvo.

Kurarama Upenyu Hwokuzvimirira

Muna 1970, ndakaroora Lidia, ave akati omei nhengo dzomuviri kubvira pauduku. Takawana kamba kaduku, katakagara kwemakore 15. Munguva iyoyo tose taishanda kuti tiwane zvokurarama nazvo. Ndakadzidzira kugadzira wachi nezvimwe zvinhu zviduku zvaida kugadziriswa zvishoma.

Kwenguva yakati ndaishandisa imbwa yakarovedzwa kuita mabasa akati kuti anokosha. Chokwadi ndechokuti ini nomumwe anodzidzisa imbwa takanyatsogadzirira kamwe kangoro. Ndaiva nembwa mbiri—imwe yainzi Vulkan uye imwe yacho yainzi Palma. Palma yaiva shamwari yakatendeka kwemakore akawanda. Kuchitoro yaindinhongera zvinhu zvokudya. Chinhu chimwe chayakanga isingadi kwaiva kumira mumutsetse pataibhadhara. Yaitakura chikwama changu nemazino, uye yaiva nehochekeso yokutakurisa bhegi rangu pamutsipa wayo.

Muna 1973 amai vangu vakarwara zvakakomba. Sezvo ndaingogara pamba nguva dzose, ini nomudzimai wangu takasarudza kuvaunza kuti vazogara nesu. Panguva iyoyo baba vangu uye vashanu vevakoma vangu vakanga vafa, uye vamwe vatatu vaigara mune mamwe mativi eRussia. Amai pavaigara nesu, ndakaedza kuvaitira zvandaikwanisa. Pakupedzisira vakafa pazera remakore 85.

Muna 1978, ndakasarudza kuzvigadzirira motokari. Pashure pokushanda pamotokari dzokuedza dzinoverengeka, ndakapedzisira ndava neyakakodzera. State Automobile Inspectorate yomuno yakandibvumira kuita bvunzo yokutyaira uye kunyoresa motokari yangu. Ndakaipa zita rokuti Osa (Igo). Ini nomudzimai wangu takagadzira ngoro duku yaigona kutakura zvinorema makirogiramu 300. Taikwanisa kufamba-famba nayo tiri vaviri takatakura zvinhu. Motokari iyi takaishandisa kusvikira muna 1985.

Panenge panguva iyi ziso rangu roruboshwe rakapofumara, uye kuona kweziso rangu rorudyi kwakatanga kudzikira. Ipapo Lidia akarwara nechirwere chemwoyo. Muna May wa1985, kusakwanisa kwedu kuita zvakawanda kwakatimanikidzira kunogara mumusha wevakaremara muguta reDimitrovgrad.

Chikonzero nei Upenyu Hwangu Huchifadza Zvikuru iye Zvino

Muzhizha ra1990, Zvapupu zvaJehovha zvakashanyira musha wedu wevakaremara. Ndakawana zvazvaidzidzisa zvichifadza kwazvo. Zvakandiratidza ndima muEvhangeri yaJohani yaitaura nezvomurume akaberekwa riri bofu. Nezvake, Jesu akati: “Munhu uyu haana kuita chivi kana vabereki vake.” (Johani 9:1-3) Ndakatsanangurirwa kuti takasiyirwa chivi norufu kubva kuna tateguru wedu Adhamu.—VaRoma 5:12.

Zvisinei, kupfuura zvose ndakaororwa nechokwadi chokuti nokukurumidza Mwari acharapa vose vachawana upenyu mukutonga kwoUmambo hweMwanakomana wake, Jesu Kristu, pachadzorerwa Paradhiso pasi pano. (Pisarema 37:11, 29; Ruka 23:43; Zvakazarurwa 21:3, 4) Misodzi yokufara yakaerera nechiso changu, uye ndakazevezera kuti: “Ndawana chokwadi, chokwadi, chokwadi!” Ndakadzidza Bhaibheri neZvapupu zvaJehovha kwegore, uye muna 1991, ndakabhabhatidzwa kuratidza kuzvitsaurira kwangu kuna Jehovha Mwari.

Kunyange zvazvo ndakatanga kuva nechido chakasimba chokushumira Jehovha nokuparidza nezvezvinangwa zvake zvinoshamisa, ndakatarisana nezvipingamupinyi zvakati kuti. Kare, ndaifanira kufamba-famba zvishoma, asi zvino ndaifanira kuenda kunoudza vamwe kutenda kwangu. Ndima yangu yokutanga kuparidza waiva musha wedu wevakaremara, waigara vanhu vanopfuura 300. Kuitira kuti nditaure nevanhu vakawanda sezvinobvira, ndakakumbira kushanda mukamuri rinoitwa zvinhu zvomumba.

Mangwanani mamwe namamwe ndaigara panzvimbo yangu yebasa ndoita mabasa angu. Mukuita basa rangu, ndakava neshamwari itsva dzakawanda dzandakakurukura nadzo nhau dzeBhaibheri dzinofadza. Vakati kuti vavo vakabvuma mabhuku nemagazini akavabatsira kunzwisisa Bhaibheri. Vashanyi vajaira kunzwa ndichivaverengera Bhaibheri nemabhuku anotsanangura Bhaibheri. Panguva yokudya kwemasikati, panowanzova nevanhu vakawanda mukamuri mandinogara nomudzimai wangu zvokuti dzimwe nguva hapana anenge achakwanisa kupinda.

Hama nehanzvadzi dzangu dzechiKristu dzomuungano yeZvapupu zvaJehovha dzandibatsira zvikuru mubasa rokuparidza. Dzinondiunzira mabhuku anotsanangura Bhaibheri uye dzinopedza nguva neni nomudzimai wangu. Dzinondibatsirawo kusvika kuHoro yoUmambo kumisangano yeungano. Chimwe Chapupu chakatenga mudhudhudhu une chingoro parutivi nechinangwa chokunditakura. Vamwe, vane motokari, vanofara kuuya vachinditakura mumwedzi yechando inotonhora.

Ndinoonga tarisiro yorudo yakadai, yakaita kuti ndikwanise kupinda kokorodzano dzinopfuura zvikuru gumi nembiri, kana kuti misangano yedzidzo, yeZvapupu zvaJehovha. Yokutanga yaiva kokorodzano yemarudzi akawanda muMoscow muna July 1993, paiva nenhamba yepamusoro yevakapinda inosvika 23 743, kubva munyika dzinopfuura 30. Kuti ndipinde kuungana ikoko ndaifanira kufamba rwendo rwemakiromita 1 000. Kubvira ipapo handisati ndamborega kupinda kokorodzano yevanhu vaJehovha.

Vanotarisira musha wedu wevakaremara vanondiremekedza kwazvo, izvo zvandinoonga zvikuru. Mudzimai wangu, Lidia, wandagara naye murugare kwemakore 30, anonditsigira nokundibatsirawo, kunyange zvazvo asingadaviri zvechitendero changu. Asi kupfuura zvose, Jehovha anonditsigira noruoko rwake rune simba uye anondipfumisa nezvikomborero zvake zvinoshamisa. Kasiri kare zvikuru, musi waSeptember 1, 1997, ndakagadzwa kuva piyona, sokudanwa kunoitwa vashumiri venguva yakazara veZvapupu zvaJehovha.

Pane nguva dzinoverengeka muupenyu hwangu apo mwoyo wangu ungadai wakamira kushanda uye ndingadai ndakafa. Ndinofara sei zvino kuti izvozvo hazvina kuitika uye kuti ndakasvika pakuziva nokuda Muvambi woupenyu, Jehovha Mwari! Ndinoda kuramba ndichimushumira pamwe nehama dzangu dzomudzimu nehanzvadzi mupasi rose chero bedzi mwoyo wangu uchiramba uchirova.

[Mufananidzo uri papeji 30]

Nomudzimai wangu, Lidia

[Mufananidzo uri papeji 31]

Ndichidzidzisa mudzidzi mumusha wedu wevakaremara

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe