Apo Chirwere Chisingaperi Chinopinda Mumhuri
MUFARO wemhuri yekwaDu Toit uri mumhuri yacho yose. Kudanana kwavanoita chinhu chinofadza kuona. Uchisangana navo, haumbofi wakafungidzira kuti vakatsungirira nguva yakaoma kwazvo.
Kutanga, apo dangwe ravo, Michelle, rakanga rine makore maviri, Braam naAnn vakaziva kuti rakanga rine chirwere chisingaperi charakaberekwa rinacho chinoita kuti tsandanyama dzishaiwe simba.
“Chiriporipocho,” anotsanangura kudaro Ann, amai vacho,, “unofanira kudzidza nzira yokukunda nayo chirwere chisingaperi chinotambudza. Unoona kuti upenyu hwemhuri hahuzovi sezvahwaiva.”
Asi pashure pokunge mumwe mwanasikana nemwanakomana vaberekwa, imwe nhamo yakawira mhuri iyi. Rimwe zuva apo vana vatatu ava vakanga vachitamba panze, vasikana vaviri vacho vakauya mumba vachimhanya. “Amai! Amai!” vakadanidzira. “Uyai nokukurumidza. Uyai muone zvaitika kuna Neil!”
Achimhanyira panze, Ann akaona musoro waNeil ane makore matatu wakarerekera divi rimwe chete. Akanga asingakwanisi kumisa musoro wake wakati tasa.
“Ndakarohwa nehana zvikuru,” anoyeuka kudaro Ann, “uye zvakaitika nguva imwe chete. Ndakarwadziwa mwoyo kuti aka kakomana kane utano hwakanaka, kaifanira kurarama nedambudziko rakanga riine hanzvadzi yacho huru rokushaya simba mutsandanyama.”
“Mufaro wokutanga nemhuri ine utano hwakanaka,” vanodaro baba vacho, Braam, “wakanyangarika nenguva isipi zvichikonzerwa neimwe yenhamo huru kwazvo yatati tava nayo.”
Pakupedzisira Michelle, pasinei nokurapwa zvakanaka kwazvo muchipatara, akafa nemhaka yematambudziko akakonzerwa nokurwara kwake. Aingova nemakore 14 chete panguva iyoyo. Neil achiri kurwisana nezvakakonzerwa nechirwere chake.
Izvi zvinomutsa mubvunzo wokuti, Mhuri dzakaita seyekwaDu Toit dzinokunda sei nhamo yokuva nenhengo yemhuri inorwara zvisingaperi? Kuti tipindure mubvunzo iwoyo, regai tiongorore dzimwe nzira idzo mhuri dzinotambura nadzo nechirwere chisingaperi.