Utano Huri Nani—Pane Gwara Idzva Here?
Inhau shoma dzinonyanyokosha kuvanhu kukunda dzoutano. Dzimwe nguva, zvinoita sokuti kune pfungwa dzakawanda kuenzana navanachiremba varipo. Pane kuti itsigire rimwe divi, nenyaya dzinotevedzana idzi, Mukai! iri kuedza kushuma nezvokushandiswa kunowedzera kwokurapa kunozivikanwa sokungaitwa pane kwakajairika. Hatitsigiri kurapa kupi nokupi kwatichakurukura kana kuti kumwewo. Kurapa kwakawanda hakusi kutaurwa—kumwe kunozivikanwa zvikuru, kumwe kunomutsa kukakavadzana. Tinodavira kuti dzidzo ine chokuita nenyaya dzoutano inowanzoshanda; zvisarudzo zvine chokuita nenyaya dzoutano zvinosiyirwa munhu pachake.
MUNHU wose anoda kuva noutano hwakanaka. Asi utano hwakanaka hwakaoma kuwana, sezvingaratidzwa nenhamba yevanhu vane zvinetso zvoutano. Kune vamwe zvinoratidzika sokuti nhasi vanhu vakawanda zvikuru vava kurwara kupinda kare.
Kuti varwise urwere, vanachiremba vakawanda vanonyanya kuvimba nokunyorera varwere mishonga inogadzirwa uye inoshambadzwa zvakasimba nemakambani anogadzira mishonga. Chaizvoizvo, kutengwa kwemishonga yakadaro mupasi rose kwakawedzera mumakumi emakore achangopfuura, kubva pamabhiriyoni emadhora mashomanana pagore kusvika kumazana emabhiriyoni emadhora gore negore. Zvave zvichiguma nei?
Mishonga inonyorerwa varwere yabatsira vanhu vakawanda. Asi, utano hwavamwe vanoshandisa mishonga hahuna kuchinja kana kuti hwakatonyanya kuipa. Saka, munguva pfupi yapfuura vamwe vakatanga kushandisa dzimwe nzira dzokurapa nadzo.
Kuri Kuendwa Nevakawanda
Munzvimbo umo kurapa kwamazuva ano, kwakajairika kwave kuchishandiswa, vakawanda zvino vari kuenda kune kwave kuchinzi kurapa kungaitwa pane kwakajairika, kana kuti kurapa kwokuwedzera. “Rusvingo rweBerlin rwakatsaura kurapa kungaitwa pane kwakajairika nekwakajairika kwemakore akawanda rwunoita sorwuri kuparara,” yakadaro Consumer Reports yaMay 2000.
The Journal of the American Medical Association (JAMA), yaNovember 11, 1998, yakati: “Kumwe kurapa kungaitwa pane kwakajairika, chaizvoizvo kunorondedzerwa sokurapa kusingadzidziswi muzvikoro zvizhinji zvokurapa kusingawanzowaniki muzvipatara zvakawanda zvokuUnited States, kwakatanga kuwedzera kufarirwa nevanhu vakawanda kubva kune vanobudisa nhau, varapi, masangano ehurumende, uye voruzhinji.”
Zvisinei, ichitaura zvichangobva kuitika, Journal of Managed Care Pharmacy yakatsanangura muna 1997 kuti: “Kare, vanachiremba vakanga vasina chokwadi nemiitiro yokurapa kungaitwa pane kwakajairika, asi zvikoro 27 zvokurapa muUnited States [mumwe mushumo womunguva pfupi yapfuura unoti 75] panguva ino zvinopa kosi yokuzvidira yokurapa kungaitwa pane kwakajairika, kusanganisira Yunivhesiti dzeHarvard, Stanford, uye Yunivhesiti yeArizona, neyeYale.”
JAMA yakataura zviri kuitwa navarwere vakawanda vachiedza kuvandudza utano hwavo. Yakati: “Muna 1990, zvinofungidzirwa kuti munhu mumwe muvashanu (19,9 muzana) aienda kwachiremba kunorapwa chirwere chakati akanga achirapwawo zvakasiyana nezvakajairika. Ichi chikamu muzana chakawedzera kusvika kuanenge mumwe muvatatu (31,8 muzana) muna 1997.” Nyaya yacho yakatiwo: “Kubvunzurudza kwakaitwa kunze kweUnited States kunoratidza kuti kurapa kungaitwa pane kwakajairika kwakurumbira munyika dzakabudirira.”
Maererano neJAMA, vanhu vakashandisa kurapa kungaitwa pane kwakajairika mumwedzi 12 ichangopfuura vaiva 15 muzana muCanada, 33 muzana muFinland, uye 49 muzana muAustralia. “Kurapa kungaitwa pane kwakajairika kuri kudiwa kwazvo,” yakadaro JAMA. Izvi ndezvechokwadi kunyanya nemhaka yokuti kurapa kungaitwa pane kwakajairika hakuwanzi kubatanidzwa mumainishuwarenzi. Saka nyaya yeJAMA yakapedzisa ichiti: “Kushandiswa kwazvino kunenge kuchaderedza mashandisirwe acho kana mari inoripirwa neinishuwarenzi yokurapa kungaitwa pane kwakajairika ikawedzera mune ramangwana.”
Kushandisa zvose kurapa kusiri kwomuchipatara nekwomuchipatara wave uri muitiro wenguva dzose kubvira kare munyika dzakawanda. Dr. Peter Fisher, vepaRoyal London Homeopathic Hospital, akati marudzi makuru okurapa kwokuwedzera “ava muzvipatara munzvimbo dzakawanda. Hapachina mhando mbiri dzokurapa, kwakajairika nekwokuwedzera,” akadaro. “Panongova nokurapa kwakanaka nokwakaipa.”
Saka nhasi nyanzvi dzezvokurapa dzakawanda dziri kuziva kukosha kwokurapa kwakajairika nokungaitwa pane ikoko. Pane kuomerera kuti murwere abvume rudzi rwokurapa kwakati kana kuti rumwe, dzinorumbidza kushandisa chero kupi kunoratidza kubatsira murwere kumarudzi ose akasiyana-siyana okuporesa.
Ndedzipi dzimwe nzira dzokurapa dzinonzi dzingaitwa pane dzakajairika, kana kuti kurapa kwokuwedzera? Kumwe kwacho kwakabva kupi uye rini? Uye nei vakawanda kwazvo vari kukushandisa?