Kuongorora Kurapa Kungaitwa Pane Kwakajairika
“Kutanga hurukuro dzebasa pakati pavanachiremba nevari kurapa vachishandisa dzimwe nzira pane dzakajairika kunokosha kuti varwere vaya vanosarudza kurapa kungaitwa pane kwakajairika vabatwe zvakanaka.”
MASHOKO iwayo akanyorwa muThe Journal of the American Medical Association (JAMA) mumagazini yayo yaNovember 11, 1998. Nyaya yacho yakati: “Kudiwa [kwehurukuro] kunotarisirwa kukura nokushandiswa kwokurapa kungaitwa pane kwakajairika, kunyanya nokuti zvirongwa zveinishuwarenzi yezvoutano zviri kuronga kubatanidza kurapa kwakadaro pamibhadharo yazvinopa.”
Varwere vari kushandisa kurapa kungaitwa pane kwakajairika uku vachirapwawo nenzira dzakajairika vari kuramba vachiwanda. Asi, vamwe vanotadza kuudza chiremba wavo zvavanenge vari kuita. Saka, Tufts University Health & Nutrition Letter yaApril 2000 yakakurudzira kuti: “Unofanira kuita zvakakunakira nokushandira pamwe nachiremba pane kuti uite zvepachivande.” Yakawedzera kuti: “Chero kana akabvumirana newe kana kuti kwete, unogona kubatsirwa kana ukamuudza mashoko acho.”
Izvi zvakataurwa nokuti pangava nenjodzi dzoutano kana mimwe miti ikashandiswa pamwe chete nokurapa kwakajairika. Vachiziva kuti vamwe varwere vavo vari kusarudza kushandisa kurapa kungaitwa pane kwakajairika, vanachiremba vakawanda vari kuedza kuita kuti zvavanofunga pachavo mune zvokurapa zvisaite kuti vatadze kushanda nevarapi vanoshandisa nzira dzakasiyana nedzakajairika kuti murwere abatsirike.
Kuti tipe vaverengi vedu kachiedza nezvokumwe kurapa kungaitwa pane kwakajairika kwava kushandiswa iye zvino munyika dzakawanda, pano tiri kutsanangura zvishoma nezvokumwe kwacho. Zvisinei, tapota cherechedza kuti Mukai! haitsigiri kushandiswa kwenzira idzi kana imwe nzira yokurapa ipi neipi seiri nani.
Mishonga Inobva Mumiti
Zvichida mishonga iyi ndiyo inonyanya kushandiswa pakurapa kungaitwa pane kwakajairika. Pasinei nokushandiswa kwemiti mune zvokurapa mumazana emakore, nhamba duku chete yemiti ndiyo yakanyatsodzidzwa nemasayendisiti. Inotova nhamba duku kwazvo yemiti nezvinogadzirwa nayo yakadzidzwa zvakakwana zvokuti pane mashoko aripo nezvokusava nenjodzi uye kushanda kwayo. Akawanda emashoko pamusoro pemiti anobva muruzivo rwomunhoroondo yokuishandisa.
Zvisinei, mumakore achangobva kupfuura pave paine nhamba inoverengeka yokudzidza kwesayenzi kunoratidza kuti mimwe miti inoshanda sei mukunyaradza zvinhu zvakadai sokuora mwoyo kuduku, kutadza kuyeuka nemhaka yezera, uye zvimwe zvirwere zvenhengo dzokubereka dzevarume. Mumwe muti wakadzidzwa unonzi black cohosh pane dzimwe nguva unozivikanwa seblack snakeroot, bugben kana kuti rattleroot. VaIndia vokuAmerica vaividza mudzi wacho ndokuushandisa pazvinetso zvine chokuita nokuenda kumwedzi uye kusununguka. Maererano neHarvard Women’s Health Watch yaApril 2000, zvichangobva kudzidzwa zvinoratidza kuti mushonga unobva mublack cohosh yokuGermany unoshanda zvakanaka “mukupedza zviratidzo zvokumira kuenda kumwedzi.”
Zvinoita sokuti mishonga iyi inodiwa nokuti pane kufungidzira kwokuti haina ngozi pane mimwe mishonga yomuchipatara. Nepo izvi zvichiwanzova zvechokwadi, mimwe miti ine matambudziko ainokonzera, kunyanya kana ikashandiswa pamwe chete nemimwe mishonga. Somuenzaniso, mumwe muti unofarirwa unokurudzirwa nevakawanda unovhura tsinga nokuderedza uremu hwomuviri unogona kuwedzera kumhanya kweropa uye kurova kwemwoyo.
Kunewo mimwe miti inowedzera kubuda ropa kwomurwere. Kana miti iyi ikashandiswa pamwe chete nemishonga inoita kuti “ropa rive dete” matambudziko akakomba anogona kuvapo. Vanhu vane zvirwere zvisingaperi, zvakadai sezvirwere zveshuga kana kuti BP, kana kuti vaya vari kunwa mimwe mishonga vanofanira kungwarira pakushandisa mishonga inobva mumiti.—Ona bhokisi riri munyaya ino.
Chimwe chinotyirwa pamishonga inobva mumiti ndechokuti inogadzirwa zvakanaka here. Mumakore achangobva kupfuura kwave kune mishumo inoratidza kuti pane mishonga yave yakasvibiswa nesimbi uye imwe tsvina. Uyezve, mimwe mishonga inobva mumiti yakawanikwa kuti ine zvishoma kana kuti haina zvinhu zvinenge zvakanyorwa pamapepa anonamirwa pairi. Mienzaniso iyi inoratidza kukosha kwokutenga mishonga inobva mumiti, nemimwe mishonga yokurapa chero ipi, kubva kuvanhu vane mukurumbira wakanaka.
Mishonga Inopa Simba
Mishonga inopa simba, yakadai semavhitamini nemamineral, yakashumwa kuti inobatsira kudzivirira zvirwere, kusanganisira kupererwa neropa uye mapfupa asina kusimba—kunyange mukudzivirira zvimwe zvirwere zvokuberekwa nazvo. Kuwanda kwemavhitamini nemamineral anonzi neHurumende anofanira kuwanika pazuva kunonzi kwakanaka uye hakuna njodzi.
Ukuwo, mishonga yakanyanya kuwanda inoshandiswa pakurapa inogona kukanganisa utano. Inogona kuvhiringidza kushandiswa kwezvokudya nomuviri kana zvinoitwa nezvimwe zvinovaka muviri zvokonzera matambudziko makukutu. Zvingangoitika izvi, pamwe chete nokushayikwa kwemashoko akawanda anotsigira kushandiswa kwemavhitamini akawanda zvikuru, hakufaniri kunzi hakuna basa.
Kushandisa Mishonga Isina Simba Rakawanda
Kushandisa mishonga isina simba rakawanda kwakatangwa muma1700 senzira ine mutsa, iri nani yokurapa nayo pane dzakanga dzakajairika mumakore iwayo. Kushandisa mishonga isina simba rakawanda kunobva papfungwa yokuti “zvakafanana zvinorapana” uye kuti mishonga ine simba shoma inobatsira. Mishonga isina simba rakawanda inogadzirwa nokuramba vachisanganisa mushonga wacho nezvinoita kuti uve nesimba shoma—dzimwe nguva, kuusanganisa zvokuti hapana kana kamorekuru komushonga wacho kanosara.
Kunyange zvakadaro, kana ichienzaniswa nokushandisa mushonga unonyaradza pfungwa, kushandisa mishonga isina simba rakawanda kwakawanikwa kuchibatsira mukurapa zvirwere zvakadai seasima, kusawirirana nezvimwe zvinhu, uye manyoka evacheche. Kushandisa mishonga isina simba rakawanda kunonzi hakuna ngozi, sezvo yakasanganiswa nemvura yakawanda kwazvo. Imwe nyaya yakabudiswa muJAMA yaMarch 4, 1998 yakati: “Kuvarwere vakawanda vanorwara nezvirwere zvisingaperi zvisingakwanisi kuzivikanwa chaizvo, kushandisa mishonga isina simba rakawanda kunogona kuva kunokosha uye kunoshanda. Kana ikashandiswa zvakanaka, mishonga isina simba rakawanda inogona kuwedzera kumishonga yemazuva ano ‘sechimwe chinhu chiri nani.’” Zvisinei, kana kurwara kwacho kuchigona kuuraya, zvingava zviri nani kushandisa mishonga yakajairika.
Kutwasanudza Nhengo Dzomuviri
Kune kurapa kunoverengeka kungaitwa pane kwakajairika kune chokuita nokugadziridzwa kwomuviri. Kutwasanudza nhengo dzomuviri ndeimwe nzira yokurapa inoshandiswa nevazhinji, kunyanya muUnited States. Yakavakirwa papfungwa yokuti kurapa kunogona kuitwa kana musana ukatwasanudzwa. Ichi ndicho chikonzero nei vakawanda vanorapa vachishandisa nzira iyi vachigadziridza mizongoza yevarwere vavo.
Kurapa kwakajairika hakuwanzokwanisi kunyaradza musana unenge uchirwadza. Ukuwo, vamwe varwere vanotwasanudzwa misana vanoti zvakavanakira zvikuru. Mashoko anotsigira kutwasanudza musana pazvimwe zvirwere zvisiri kurwadziwa nomusana mashoma.
Zvinofadza kuti pane kukuvadza kushoma kunoitwa nokutwasanudzwa musana nomunhu anoziva basa racho. Asi, panguva imwe chete, munhu anofanira kuziva kuti pane mamwe matambudziko makuru anogona kuvapo pakutwasanudza mutsipa, kusanganisira sitiroko uye kuoma nhengo dzomuviri. Kuti mukana wokuva nematambudziko aya uve muduku, vamwe vanamazvikokota vanoti munhu anofanira kutanga aongororwa nemazvo kuona kana nzira yakati yokutwasanudza yakamunakira.
Kukwiza Muviri
Kubatsira kunoita kukwiza muviri kwave kuchizivikanwa mudzinenge nzanga dzose. Kushandiswa kwako kunototaurwa muBhaibheri. (Estere 2:12) “Nzira dzokukwiza nadzo muviri dzinoita chimwe chinhu chinokosha zvikuru mukurapa kwevanhu vokuChina uye vokuIndia,” yakadaro British Medical Journal (BMJ) yaNovember 6, 1999. “Kukwiza muviri kunoitwa nevanhu vokuEurope kwakatanga zvakanaka mukuvamba kwezana remakore rechi19 naPer Henrik Ling, akatanga muitiro wava kuzivikanwa sokuti kukwiza muviri kwevanhu vokuSweden.”
Kukwiza muviri kunonzi kunoita kuti tsandanyama dziregedzeke, kufamba kweropa mumuviri kuvandudzike, nokubvisa tsvina inenge yaungana munyama. Vanachiremba vava kuti varwere vanokwizwa pazvinetso zvakadai sokurwadza kwomusana, kutemwa nomusoro, nokurwadziwa nomudumbu. Vanhu vazhinji vanokwizwa muviri vanotaura kuti zvinobatsira zvikuru. Maererano naDr. Sandra McLanahan, makumi masere muzana ehosha anokonzerwa nokufunganya, uye kukwiza muviri kunoderedza kufungisisa.”
“Kukwiza muviri kwakawanda hakukuvadzi,” yakashuma kudaro BMJ. “Chinongodiwa chete pakukwiza muviri kushandisa pfungwa (somuenzaniso, kusakwiza panenge patsva kana ruoko kana gumbo rine tsinga ine ropa rakagwamba) . . . Hapana mashoko anoratidza kuti kukwiza muviri pavarwere vane kenza kunoita kuti chirwere chacho chiwedzere.”
“Sezvo kukwiza muviri kwava kuzivikanwa nevakawanda, varwere havasisina chokwadi nevamwe vanachiremba vanorapa vachiita zvokukwiza muviri, uye vanofanira kunetseka,” akadaro E. Houston LeBrun, aimbova purezidhendi weAmerican Massage Therapy Association. BMJ yakanyevera kuti kudzivisa vaya vasingagoni basa, “varwere vanofanira kuva nechokwadi chokuti vari kuvarapa vakadzidzira basa uye kuti vakanyoreswa pamutemo.” Mumwe mushumo gore rakapera wakaratidza kuti vanachiremba vanorapa nokukwiza muviri vakanga vakanyoreswa mumatunhu 28 muUnited States.
Kuboorwa-boorwa Muviri
Kuboorwa-boorwa muviri inzira yokurapa yava kudiwa nevakawanda kwazvo pasi rose. Nepo mashoko okuti “kuboorwa-boorwa muviri” achisanganisira zvinhu zvakawanda, anonyanya kureva kushandisa tsono munzvimbo dzakati dzomuviri womunhu kuti apore. Kunzvera kwakaitwa mumakumi emakore adarika kwakaratidza kuti kuboorwa-boorwa muviri kungashanda mune zvimwe zvirwere, zvakadai sezvinowanika muuropi, zvinogona kuderedza marwadzo kana kutsvukuruka kweganda.
Kumwe kunzvera kunoratidza kuti kuboora-boora muviri kungashanda mukurapa zvirwere zvakati kuti uye zviri nani pane kushandisa dzimwe nzira dzokutindivadza. World Health Organization inoti kuboora-boora muviri kunogona kuitwa mukurapa zvirwere zvinokwana 104. Uye imwe komiti yakasarudzwa neUnited States National Institutes of Health yakati pane mashoko anoratidza kuti kuboora-boora muviri inzira yokurapa nayo yakanaka mukurapa marwadzo anovapo kana munhu avhiyiwa, kurwadza kwetsandanyama, kurwadziwa nokuenda kumwedzi, kusada kudya kana kurutsa zvinokonzerwa nemakemikari anoshandiswa mukurapa kana kuti nenhumbu.
Nepo matambudziko akanyanya asingawanzi kuvapo kana munhu akaboorwa-boorwa muviri, munhu anganzwa kurwadziwa, kuneta kana kutekenyedzwa muviri wake. Kubvisa utachiona hwose patsono kana kushandisa tsono dzinoraswa kunogona kuderedza mukana wokutapukirwa. Vakawanda vanoita zvokuboora-boora havana ruzivo mune zvokurapa kuti vaone chirwere kana kuti varumbidze dzimwe nzira dzokurapa. Kungava kusachenjera kufunga kuti izvi hazvina basa, kunyanya kana uri kusarudza kuboorwa-boorwa kuti uderedze chirwere chenguva refu.
Zvingasarudzwa Hazviperi
Zvataurwa zvinopa kachiedza chete pamusoro pokurapa kwakawanda kwava kuitwa panguva ino kunonzi kurapa kungaitwa pane kwakajairika mune dzimwe nzvimbo. Mune remangwana kumwe kwacho, uye kumwe kusina kutaurwa pano, kungazoshandiswa muzvipatara, sezvakwave kutoitwa kune dzimwe nyika. Chokwadi, kumwe kungabva kwatorega kushandiswa zvachose kana kunzi hakuna kunaka.
Zvinosuruvarisa kuti kurwara uye kurwadziwa chinhu chinoitika kuvanhu, sezvinotaurwa neBhaibheri kuti: “Tinoziva kuti zvisikwa zvose zvinoramba zvichigomera pamwe uye zvichirwadziwa pamwe kusvikira zvino.” (VaRoma 8:22) Zvinotarisirwa kuti vanhu vachatsvaka chinovanyaradza. Asi tingaenda kupi? Tapota ona zvimwe zvakawanika zvingakubatsira mukusarudza nzira yokurapwa nayo.
[Bhokisi/Mufananidzo uri papeji 8]
Kusanganisa Miti Nemishonga Ingozii Dziripo?
Kakawanda vanhu vave vachinyeverwa kusashandisa mimwe mishonga inonyorwa nachiremba yakasanganiswa kana kuti kuinwa nezvinwiwa zvinodhaka. Panewo ngozi yokushandisa miti yakati pamwe chete nemishonga inonyorwa nachiremba here? Muitiro uyu wakajairika zvakadini?
Imwe nyaya yaiva muThe Journal of the American Medical Association yakataura nezvo“kushandiswa kwemishonga inonyorwa nachiremba panguva imwe chete nemiti.” Yakati: “Pakati pe44 muzana yavakuru vakati vanoshandisa mishonga inonyorwa nachiremba nguva dzose, anenge mumwe (18,4 muzana) muvashanu akashuma kuti aishandisawo unenge muti mumwe, une mavhitamini akawanda, kana kuti zvose.” Zvinokosha kuziva nezvengozi dzingangomuka dzomuitiro wakadaro.
Vaya vari kunwa mimwe miti yakati vanofanirawo kungwarira pavanenge vachishandisa nzira yokurapa inoda kutindivadza. Dr. John Neeld, purezidhendi weAmerican Society of Anesthesiologists, akatsanangura kuti: “Pane mishumo yezvakaitika yokuti mimwe miti inozivikanwa, kusanganisira mudzi weginseng uye St. John’s wort, zvinogona kukonzera kuti kufamba kweropa kuchinje-chinje. Izvozvo zvingava nengozi zvikuru panguva yokutindivadza.”
Chiremba uyu akatizve: “Mimwe, yakaita seginkgo biloba, tsangamidzi uye feverfew, inogona kukanganisa kugwamba kweropa, imwe ngozi inoitika pakutindivadza muzongoza kana dehenya—kana ropa richibuda pedyo nomuzongoza, ungakonzera kuoma kwenhengo dzomuviri. St. John’s wort ungawedzerawo kushanda kwemimwe mishonga inodhaka kana kuti inotindivadza.”
Zvakajeka kuti zvinokosha kuziva nezvengozi dzingangoitika dzokunwa mimwe miti pamwe chete nemishonga. Vakadzi vakazvitakura navanoyamwisa vanofanira kunyanya kungwarira kukuvara kungangoita vana vavo nemhaka yokusanganiswa kwemimwe miti nemishonga. Naizvozvo, varwere vanokurudzirwa kukurukura nachiremba wavo kuti mishonga yorudzii yavanonwa, ingava yokushandisa pane yakajairika kana kuti kwete.
[Mifananidzo iri papeji 7]
“Black cohosh”
Mimwe miti yakawanikwa kuti inobatsira mukurapa zvimwe zvirwere
“Saint-John’s-wort”
[Kwazvakatorwa]
© Bill Johnson/Visuals Unlimited
[Mufananidzo uri papeji 7]
Kuti zvinhu zvifambe zvakanaka kwazvo, varwere nenyanzvi dzezvokurapa vanofanira kushandira pamwe