Paunowirwa Nechinetso Chakakomba Choutano
“Ndakanzwa sokuti ndakanga ndarohwa nenyundo.”—John, paakaziva kuti akanga ane chirwere chakakomba.
“Ndakatya.”—Beth, paakanga ava kuziva kukomba kwechinetso chake choutano.
KUZIVA kuti une chirwere chisingaperi uye chinoremadza kana kukuvadzwa mutsaona inokusiya waremara zvachose chimwe chezvinhu zvinonyanya kurwadza muupenyu. Kunyange ukaita zvokuudzwa nezvechirwere chako muhofisi yachiremba musina ruzha kana kuti ukazviziva uri muimba inorapwa vanoda kukurumidzirwa, zvichida uchatadza kuzvibvuma. Zvinhu zvishoma muupenyu zvinokudzidzisa kugadzirira kurarama nokunetseka kwakanyanya kwaunonzwa paunowirwa nechinetso chakakomba choutano.
Kuti iunganidze mashoko angabatsira vaya vane utano huchangovhiringidzika, Mukai! yakataura nevanhu vanoverengeka munyika dzakasiyana-siyana vakararama kwemakore akawanda nourwere husingaperi hunoremadza. Vakabvunzwa kuti vataure zvavakaona pamibvunzo yakadai seyokuti: Chii chakauya mupfungwa dzenyu? Chii chakaita kuti mukwanise kukunda chinetso chamakasangana nacho ndokupfuurirazve noupenyu hwenyu? Matanhoi amakatora kuti mukwanise kudzora mararamiro enyu? Zvakataurwa nevanhu ava vakabvunzurudzwa uye mashoko akawanikwa nevatsvakurudzi vari kuongorora zvinogona kuitwa nezvirwere mukufamba kwenguva, zvinotaurwa kuti zvibatsire vaya vari kutarisana nechinetso chakakomba choutano iye zvino.a
[Mashoko Omuzasi]
a Nepo nyaya dzino dzakatevedzana dziri kunyanya kunanga vaya vari kurwara kana kuti vakaremara, nyaya dzakatevedzana dzine musoro unoti “Chirwere Chisingaperi—Kuchikunda Semhuri” (Mukai! yaJune 8, 2000) dzaiva nemashoko akanyanya kunanga vaya vari kutarisira vanorwara.