RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g01 2/8 pp. 4-5
  • Kunzwa Wavhiringika Zvikuru

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Kunzwa Wavhiringika Zvikuru
  • Mukai!—2001
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Kusadavira, Kuramba, Kusafara
  • Kusava Nechokwadi, Kufunganya, Kutya
  • Hasha, Nyadzi, Kusurukirwa
  • Kudzidza Kubva Kune Vamwe
  • Chirwere Chisingaperi—Inhau Yemhuri
    Mukai!—2000
  • Kurarama Zvinobudirira Nourwere Hwako—Sei?
    Mukai!—2001
  • Paunowirwa Nechinetso Chakakomba Choutano
    Mukai!—2001
  • Ndinogona Sei Kudzora Manzwiro Angu?
    Mukai!—2005
Ona Zvimwe
Mukai!—2001
g01 2/8 pp. 4-5

Kunzwa Wavhiringika Zvikuru

“NDAUDZWA kuti ndakanga ndine chirwere chaigona kundiuraya,” anoyeuka kudaro mumwe murume akwegura, “ndakaedza kusafunga nezvokutya kwandaiita, asi kushaya tariro kwakandipedza simba.” Mashoko ake anonyatsoratidza kuti kana urwere hwabata munhu, hunokanganisawo pfungwa dzake. Kunyange zvakadaro, kune vanhu vakawanda vari kubudirira kurarama vaine zvipingamupinyi zvakadaro. Vazhinji vavo vangada kukuvimbisa kuti pane nzira dzokurarama zvinobudirira nourwere husingaperi. Asi tisati takurukura zvaunogona kuita, ngatitange tanyatsoongorora kumwe kuvhiringika kwaungaita pakutanga chaipo.

Kusadavira, Kuramba, Kusafara

Kuvhiringika kwaunoita kungati siyanei nekwevamwe. Kunyange zvakadaro, vanamazvikokota vezvoutano uye varwere vakasiyana-siyana vanoti vanhu vanowirwa nechinetso chakakomba choutano vanowanzonetseka nezvinhu zvakati fananei. Kuvhunduka kwepakutanga uye kusadavira kungateverwa nokuramba: ‘Hazvingagoni kuva zvechokwadi.’ ‘Panofanira kuva nepakanganiswa.’ ‘Zvichida vakachinjanisa zvinhu pavaiongorora murabhoritari.’ Achitsanangura zvaakaita paakaziva kuti ane kenza, mumwe mukadzi akati: “Unoita souri kufukidza musoro wako, uye unovimba kuti paunofukurazve zvinhu zvinenge zvanaka.”

Zvisinei, chokwadi pachinotanga kujeka mumusoro mako, kuramba kunogona kutanga kutsiviwa nokusafara, kunzwa usingafari kwaunoramba uinako kwakaita segore renjodzi yava pedyo. ‘Ndichararama kwenguva yakareba zvakadini?’ ‘Ndichararama upenyu hwangu hwose hwasara ndichirwadziwa here?’ nemimwe mibvunzo yakaita seiyi ingakutambudza. Unoshuva kuti dai waikwanisa kudzosa nguva, paya pawakanga usati waudzwa kuti une chirwere, asi haukwanisi. Nenguva isipi ungazviwana wava kunyanya kunetseka uye kurwadziwa. Zvimwe zvacho ndezvipi?

Kusava Nechokwadi, Kufunganya, Kutya

Urwere hwakakomba hunoita kuti upenyu hwako husambova nechokwadi uye huve nokufunganya. “Kusaziva zvichaitika kwandiri kunoita kuti upenyu hundiomere zvikuru pane dzimwe nguva,” anodaro mumwe murume ane hosha yeParkinson. “Zuva rimwe nerimwe, ndinofanira kumirira ndokuona zvarichaunza.” Urwere hwako hungakutyisawo. Kana hwakauya usingazvifungiri, ungatanga kuremerwa nokutya. Zvisinei, kana urwere hwako hukazozivikanwa kwapera makore akawanda okurwadziwa nezviratidzo zvakanga zvisingazivikanwi, kutya kungawedzera zvishoma nezvishoma. Pakutanga, ungatonzwa kurerukirwa kuti vanhu pakupedzisira vachabvuma kuti uri kurwara zvechokwadi uye kuti hausi kunyepedzera. Zvisinei, pasina nguva refu kurerukirwa kungateverwa nokutya zvinogona kuitwa nechirwere chacho.

Kutya kutadza kudzora upenyu hwako kungakunetsawo. Kunyanya kana uchida kuzvimirira kakawanda, ungatya pfungwa yokuti uchange wava kunyanya kuvimba nevamwe kuti vakuitire zvinhu. Unganetseka kuti urwere hwako huri kutanga kudzora upenyu hwako uye kudzora zvinhu zvose zvaunoita.

Hasha, Nyadzi, Kusurukirwa

Kutanga kuziva kuti wava kutadza kudzora upenyu hwako kungaita kuti utange kunzwa hasha. ‘Nei zvaitika kwandiri? Chii chandakatadza kuti izvi zvizoitika kwandiri?’ ungazvibvunza kudaro. Chipingamupinyi ichi choutano hwako chingaita sechakanyanya uye chisina kukodzera. Nyadzi nokuora mwoyo zvingakukundawo. Mumwe akaoma nhengo dzomuviri anoyeuka kuti: “Ndakanyara zvikuru kuti zvose izvi zvakaitika nemhaka yokuti ndakanga ndapinda mutsaona yandaigona kudzivisa!”

Kuzviita zindoga kunogonawo kukunetsa. Kubva pane vamwe kunoita kuti munhu atange kuzviita zindoga nyore nyore. Kana urwere hwako huchiita kuti ugare pamba pako, ungasakwanisazve kuramba uchitamba neshamwari dzako dzekare. Asi unoda shamwari kupfuura zvawaiita kare. Pashure pokunge vanhu vakawanda zvikuru vauya kuzokuona uye kukuridzira runhare pakutanga, vanouya kuzokuona kana kukuridzira runhare vanoramba vachiita vashoma.

Sezvo zvichirwadza kuona shamwari dzichirega kuuya kuzokuona, ungave wakabva warega kuona vamwe. Hungu, zvinonzwisisika kuti ungada nguva usati wakwanisa kuonanazve nevamwe. Asi kuzosvika iye zvino kana usati wava kukwanisa kuona vamwe, unogona kubva watonyanya kunzwa kusurukirwa (kana vamwe vasiri kuuya kuzokuona) uye kunetseka mupfungwa (kana usiri kuda kuona vamwe). Chero zviri kuitika, ungave uri kunetseka nokunzwa uchisurukirwa zvakanyanya.a Dzimwe nguva, ungatoshamisika kana uchikwanisa kurarama rimwezve zuva.

Kudzidza Kubva Kune Vamwe

Zvisinei, pane tariro. Kana wakawirwa nechinetso choutano chakakomba munguva pfupi yapfuura, pane matanho anoshanda aunokwanisa kutora achakubatsira kuti ukwanisezve kudzora mararamiro ako.

Chokwadi, nyaya idzi dzinotevedzana hadzizopedzi urwere hwako hwakakomba, hungava hupi nohupi. Asi, mashoko apiwa angakubatsira kuona dzimwe nzira dzokubata nahwo. Mumwe mukadzi ane kenza akataura kunetseka kwaakaita mupfungwa nemashoko mashoma achiti: “Pashure pokuramba, ndakava nehasha dzakanyanya uye ndakatanga kutsvaka zvingandibatsira.” Iwewo unogona kutsvaka sezvaakaita, nokubvunza vanhu vakambova nezvirwere zvakadaro uye kudzidza kuti ungakwanisa sei kushandisa zvinhu zviripo kuti ubatsirike.

[Mashoko Omuzasi]

a Hungu, vakawanda vanonetseka neizvi pamwero wakasiyana-siyana zvichitevedzana zvakasiyana.

[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 5]

‘Nei zvaitika kwandiri? Chii chandakatadza kuti izvi zvizoitika kwandiri?’ ungazvibvunza kudaro

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe