RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g01 9/8 pp. 30-31
  • Mwari Akanga Asina Basa Nokutengeswa Kwevaranda Here?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Mwari Akanga Asina Basa Nokutengeswa Kwevaranda Here?
  • Mukai!—2001
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Uranda uye vaIsraeri
  • Uranda uye vaKristu
  • Hondo Yenguva Refu Yokupedza Uranda
    Mukai!—2002
  • Uranda—Dambudziko Racho Richiripo
    Mukai!—2002
  • Chakavanzika Chakanyatsochengetedzwa
    Mukai!—2000
  • Kusunungurwa Pauranda
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yeveruzhinji)—2017
Ona Zvimwe
Mukai!—2001
g01 9/8 pp. 30-31

Zvinotaura Bhaibheri

Mwari Akanga Asina Basa Nokutengeswa Kwevaranda Here?

VANHU vatema vane miviri iri kudikitira vanokotama sevacharuma pasi vakatakura mabhero edonje anorema zvisingatauriki sezvo vanonanaira vachikwira pabhiriji remapuranga vakananga mungarava. Vanaforomani vane utsinye vanovatinha nezvihwepu zveganda. Vana vari kubararadza vanobvutwa kubva mumaoko aana amai vari kusvimha misodzi uye vanotengeswa kumunhu anoda kuvatenga nomutengo unokunda wevamwe vose pamusika. Zvichida iyi ndiyo mifananidzo inoratidza utsinye hwakakura ingauya mupfungwa dzako kana ukafunga nezvouranda.

Asi zvinoshamisa ndeizvi, zvinonzi vakawanda vaitengesa varanda uye vaiva nevaranda vakanga vari vanhu vainamata chaizvo. Munyori wenhau dzakaitika anonzi James Walvin akanyora kuti: “Kwakanga kune mazana evarume vakadaro, vokuEurope uye vokuAmerica, vairumbidza Ishe nokuda kwechikomborero chake, vachitenda nokuda kwebhizimisi rinobhadhara uye rakachengeteka muAfrica apo vakanga vachienda nengarava dzavo dzichitevera mhepo dzakananga kuNorth neSouth America.”

Vamwe vanhu vakatotaura kuti Mwari akanga asina basa nokutengeswa kwevaranda. Somuenzaniso, muhurukuro yakapiwa kuGeneral Conference yeMethodist Protestant Church muna 1842, Alexander McCaine akati kuita zvokutengesa varanda kwakanga “kwatangwa naMwari Pachake.” McCaine akanga akarurama here? Mwari akafarira kupambwa uye kubatwa zvibharo kwevasikana, kuparadzaniswa kunorwadza kwemhuri, uye kuzvamburwa kwoutsinye kwakanga kuchiitika paitengwa nokutengeswa varanda mumazuva aMcCaine here? Uye zvakadini nemamiriyoni evanhu vari kumanikidzwa kurarama uye kushanda sevaranda mumamiriro ezvinhu asina tsitsi nhasi? Mwari haana basa nokubatwa kwevamwe vanhu noutsinye hwakanyanya kwakadaro here?

Uranda uye vaIsraeri

Bhaibheri rinoti ‘munhu akaitira mumwe munhu zvinomukuvadza.’ (Muparidzi 8:9) Zvichida izvi hakuna kumwe kwazvinonyanya kuoneka kusiya kwouranda hwoudzvinyiriri hwakatangwa nevanhu. Jehovha Mwari ane hanya nokutambura kwakakonzerwa nouranda.

Somuenzaniso, funga nezvezvakaitika kuvaIsraeri. Bhaibheri rinotiudza kuti vaIjipiti “vakanetsa upenyu hwavo nebasa rinorema pamatope nezvitina, namabasa ose eminda, mabasa avo ose, vachivabatisa zvinorema.” VaIsraeri “vakagomera nokuda kwouranda hwavo, vakadanidzira, kudanidzira kwavo kukasvika kuna Mwari nokuda kwouranda.” Jehovha akanga asina basa nenhamo yavo here? Hazvisizvo, asi “Mwari akanzwa kugomba kwavo, Mwari akarangarira sungano yake naAbrahamu, naIsaka, naJakobho.” Uyezve, Jehovha akaudza vanhu vake kuti: “Ini ndichakubudisai pamirimo yava[Ijipiti], ndichakusunungurai pauranda hwenyu.”—Eksodho 1:14; 2:23, 24; 6:6-8.

Zviri pachena kuti Jehovha haana kufarira kuti ‘munhu adzore mumwe munhu,’ kumushandisa somuranda. Asi pave paye, Mwari haana kubvumira kuti pave nevaranda pakati pevanhu vake here? Hungu akadaro. Zvisinei, uranda hwakanga huripo munyika yeIsraeri hwakanga hwakasiyana zvachose nouranda hwoutsinye hwave huchiitika nguva yose iyi.

Mutemo waMwari wakataura kuti yaiva mhosva inotongerwa rufu kupamba munhu kwava kumutengesa. Uyezve, Jehovha akapa mirayiridzo yokudzivirira varanda. Somuenzaniso, muranda airemadzwa natenzi wake airegerwa achienda. Kana muranda aifa nemhaka yokuti tenzi wake amurova, tenzi wacho aikwanisa kutongerwa rufu. Vakadzi vaitapwa vaikwanisa kuitwa varanda, kana kuti vaiitwa madzimai. Asi vakanga vasingafaniri kushandiswa pabonde chete. Zvairehwa noMutemo zvinofanira kuva zvakaita kuti vaIsraeri vakanga vane mwoyo chena vabate varanda vavo noruremekedzo uye nounyoro, sokunge kuti ava vakanga vari vashandi vanobhadharwa mari.—Eksodho 20:10; 21:12, 16, 26, 27; Revhitiko 22:10, 11; Dheuteronomio 21:10-14.

Vamwe vaJudha vakasarudza nokuzvidira kuva varanda kune vamwe vaJudha kuti vakwanise kubhadhara zvikwereti. Muitiro uyu wakaita kuti vanhu vasafa nenzara uye wakatoita kuti vazhinji vabve muurombo. Uyezve, pane dzimwe nguva dzakasarudzwa pakarenda yechiJudha, varanda vaisunungurwa kana vachida.a (Eksodho 21:2; Revhitiko 25:10; Dheuteronomio 15:12) Achitaura nezvemitemo iyi yevaranda, muzivi wechiJudha anonzi Moses Mielziner akati “muranda airamba ari munhu, aionekwa somunhu ane kodzero dzakati kuti dzevanhu, zvokuti tenzi akanga asingakwanisi kumutorera kodzero dzake pasina chirango.” Izvi zvinoratidza kuti pane musiyano mukuru chaizvo nouranda hwoutsinye hwakaita kuti vazhinji vatambure!

Uranda uye vaKristu

Uranda hwakanga huripo panguva yaitonga Umambo hweRoma, panguva apo vaKristu vomuzana remakore rokutanga vakararama. Nokudaro vamwe vaKristu vakanga vari varanda, uye vamwe vakanga vaine varanda. (1 VaKorinde 7:21, 22) Asi izvi zvinoreva kuti vadzidzi vaJesu vakanga vachibata varanda vavo noutsinye here? Hazvigoni kudaro! Pasinei nezvakanga zvichibvumirwa nomutemo weRoma, tinogona kuva nechivimbo chokuti vaKristu havana kubata vanhu vakanga vari pasi pavo nenzira isina kunaka. Muapostora Pauro akatokurudzira Firimoni kuti abate muranda wake Onesimo, akanga ava muKristu, “sehama.”b—Firimoni 10-17.

Bhaibheri hariratidzi kuti kuita vamwe vanhu varanda kwakanga kuri chinangwa chaMwari chepakutanga nokuda kwevanhu. Uyezve, hapana uprofita hweBhaibheri hunotaura nezvokuti vanhu vachava nevaranda munyika itsva yaMwari. Panzvimbo paizvozvo, muParadhiso iyoyo iri kuuya, vakarurama “mumwe nomumwe uchagara pasi pomuzambiringa wake napasi pomuonde wake, hakuna ungazovatyisa.”—Mika 4:4.

Zviri pachena kuti Bhaibheri haritenderi kubatwa kwoutsinye kupi nokupi kwevamwe vanhu. Asi rinotodzidzisa kuti vanhu vose varemekedzane uye vaone kuti vakafanana. (Mabasa 10:34, 35) Rinokurudzira vanhu kuti vabate vamwe vanhu semabatirwo avaizoda kuitwa. (Ruka 6:31) Kuwedzera pane izvi, Bhaibheri rinokurudzira vaKristu kuti vazvininipise ndokuona sokuti vamwe vakuru kwavari, pasinei nezvavari muupenyu hwavo. (VaFiripi 2:3) Mashoko aya anopesana chaizvo nouranda hwoudzvinyiriri hunoitwa nemarudzi akawanda, kunyanya mumazana emakore achangobva kupfuura.

[Mashoko Omuzasi]

a Urongwa hwokubvumira muranda kuramba ari pana tenzi wake hunoratidza pachena kuti uranda panguva yevaIsraeri hwakanga husiri hwoutsinye.

b Saizvozvowo, nhasi vamwe vaKristu vane vashandi, uye vamwe vashandi. Kungofanana nomuKristu ane vashandi asingazobati vari pasi pake zvisina kunaka, vadzidzi vaJesu muzana remakore rokutanga vanofanira kuva vakabata vashandi vavo maererano nenheyo dzechiKristu.—Mateu 7:12.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe