RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g02 7/8 pp. 19-20
  • Uranda—Dambudziko Racho Richiripo

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Uranda—Dambudziko Racho Richiripo
  • Mukai!—2002
  • Mashoko Akafanana
  • Mwari Akanga Asina Basa Nokutengeswa Kwevaranda Here?
    Mukai!—2001
  • Hondo Yenguva Refu Yokupedza Uranda
    Mukai!—2002
  • Chakavanzika Chakanyatsochengetedzwa
    Mukai!—2000
  • Kusunungurwa Pauranda
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yeveruzhinji)—2017
Ona Zvimwe
Mukai!—2002
g02 7/8 pp. 19-20

Uranda—Dambudziko Racho Richiripo

URANDA hwakapera here? Vanhu vakawanda vangafunga kudaro. Shoko racho pacharo rinounza mifananidzo yokuitirwa utsinye hwakaipisisa noudzvinyiriri mupfungwa dzevanhu. Zvisinei, mupfungwa dzevakawanda, izvozvo zvinhu zvaiitika kare. Somuenzaniso, vamwe vanofunga nezvengarava dzokututa varanda dzomumazana emakore akapfuura—magwa azere nevanhu vanotya vakatsvikinyidzana, vachitsimbirirana munzvimbo inosemesa zvokuti haungafungi kuti munhu angagaramo.

Ichokwadi kuti nhasi ngarava dzevaranda hadzichisiri kufamba mumakungwa, uye nhasi zvibvumirano zvepasi pose zvinorambidza uranda hwakadaro. Asi izvi hazvirevi kuti uranda hwakapera. Sangano rekodzero dzevanhu rinonzi Anti-Slavery International rinoti vanhu vanosvika mamiriyoni 200 vachiri kurarama murumwe rudzi rwouranda. Vanoshanda mumamiriro ezvinhu angatova akashata kupfuura aya aitsungirirwa nevaranda vomumazana emakore akapfuura. Chaizvoizvo, vamwe vaongorori vanogumisa kuti “vanhu vakawanda vari muuranda nhasi kupfuura muimwe nguva ipi neipi munhau.”

Nhoroondo dzevaranda ava vemazuva ano dzinosiririsa. Kanji,a anongova nemakore gumi, zuva roga roga anofudza mombe dzavanatenzi vane utsinye vanogara vachimurova. “Kana ndaita rombo rakanaka ndinowana kachidimbu kechingwa chakaora, zvikasadaro ndinoswera pasina kana chandamboti kabi,” anodaro. “Handina kumbobvira ndabhadharwa nokuda kwokushanda kwangu nokuti ndiri muranda uye mudziyo wavo. . . . Vana vezera rangu vari kutamba nevamwe vana, uye ini ndingasva ndafa zvangu pane kurarama upenyu hwokutambura zvakadai.”

Kufanana naKanji, varanda vomuzuva ranhasi kakawanda vana kana kuti vakadzi. Vanomanikidzwa kufondoka vachigadzira makapeti, kugadzira migwagwa, kutema nzimbe, kana kunyange kushanda sepfambi. Uye vangatengeswa nemari shoma seUS$10 [Z$550]. Vamwe vana vanototengeswa muuranda nevabereki vavo chaivo kuti vabhadhare zvikwereti.

Unoona mishumo yakadaro ichisemesa here? Hausi wega. Mubhuku rake rinonzi Disposable People, munyori anonzi Kevin Bales anoti: “Uranda hunosembura. Hakusi kuba simba romumwe munhu chete; kuba upenyu hwake hwose.” Tichiona utsinye hwomunhu kumunhu, chikonzero chipi chatinacho chokudavira kuti dambudziko rouranda richazombopera? Mubvunzo uyu une chokuita newe pachako kupfuura zvaungafunga pakutanga.

Sezvatichaona, uranda hune marudzi akawanda. Hune marudzi akasiyana-siyana, mamwe acho anobata munhu wose mupenyu. Saka tose tinoda kuziva kana rusununguko rwechokwadi ruchizombofa rwakauya kuvanhu. Asi kutanga, ngatimbokurukura nezvenhoroondo pfupi yokutakurwa kwevanhu vaiitwa varanda.

[Mashoko Omuzasi]

a Harisiro zita rake chairo.

[Mifananidzo iri papeji 19]

Vakadzi nevana varombo vakabvira kare vachitengeswa muuranda

[Kwazvakatorwa]

Mufananidzo uri pamusoro: UN PHOTO 148000/Jean Pierre Laffont

U.S. National Archives photo

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe