RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g12 July p. 16
  • 3. Bika Uye Chengeta Zvokudya Nenzira Yakanaka

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • 3. Bika Uye Chengeta Zvokudya Nenzira Yakanaka
  • Mukai!—2012
  • Mashoko Akafanana
  • Nzira Yokuita Nayo Kuti Zvokudya Zvisakuvadza
    Mukai!—2002
  • Zvinhu 7 Zvinobatsira Pakuchengetedza Zvekudya Uye Kudya Zvine Utano
    Dzimwe Nyaya
  • 1. Tenga Noungwaru
    Mukai!—2012
  • Munhu Wose Achawana Kudya Kune Utano!
    Mukai!—2012
Ona Zvimwe
Mukai!—2012
g12 July p. 16

3. Bika Uye Chengeta Zvokudya Nenzira Yakanaka

MUMWE murume muIsraeri yekare akatanha mapudzi omusango asingazivi achibva aasanganisa nezvaaibika. Vanhu pavakangokanda mumuromo zvokudya izvi, vakanzwa sekuti maiva nemuchetura vachibva vashevedzera kuti: “Muhari mune rufu.”—2 Madzimambo 4:38-41.

Kubva pamuenzaniso wataurwa uyu, tinofanira kungwarira zvatinodya nokuti zvokudya zvisina kubikwa zvakanaka zvinogona kurwarisa kana kuurayisa. Dzidza kubika uye kuchengeta zvokudya nenzira yakanaka kuitira kuti zvisarwarisa. Ona mazano mana anotevera:

● Usabudisa nyama mufiriji kuti inyunguduke iri panze.

Dhipatimendi Rezvokurima rekuUnited States rinoti: “[Nyama] painonyungudutswa iri panze, ichokwadi kuti nechepakati payo inenge ichine chando, asi utachiona hunenge hwava kutotanga kuwedzera nechekunze kwayo,’ nekuti inenge yava mutembiricha iri pakati pe4°C ne60°C, iyo inonzi Danger Zone. Asi zvaungaita kuti unyungudutse zvokudya zvako, kuzviisa mufiriji muya musingaiti chando, kana kuti mumicrowave kana kuti mupurasitiki risingapindi mvura wozvigadzika mumvura inonyatsotonhora.

● Bika kusvika zvanyatsoibva.

Maererano nezvakataurwa nesangano reWorld Health Organization, “kubika zvokudya kusvika zvanyatsoibva kunoita kuti utachiona husingaoneki hufe.” Pakubika zvokudya, zvakadai semuto nenyama, iva nechokwadi chokuti zvasvika patembiricha ye70°C kana kupfuura.a Sezvo zvisiri nyore kuziva kuti chokudya chiri kubikwa chava netembiricha yakadini nechepakati, vamwe vabiki vanoshandisa thermometer inoshandiswa panyama kutora tembiricha. Unogonawo kucheka pakati penyama kuti uone kana yaibva.

● Idyai zvichangopedza kubikwa.

Zvokudya zvabikwa hazvifaniri kusiyiwa kwenguva refu zviri panze, ngazvidyiwe nokukurumidza kuti zvisakanganisika. Zvokudya zvinopisa ngazvigare zvichipisa uyewo zvinotonhora ngazvigare zvichitonhora. Zvokudya zvinopisa zvinogona kugara muovheni iri pa93°C, kana kuzvisiya pachitofu chinenge chichidziya.

● Chengetai zvakanaka zvokudya zvinenge zvasara.

Mumwe mukadzi anonzi Anita wokuPoland, anoita kuti zvokudya zvaanenge abika zvibve zvadyiwa achangopedza kuzvibika. Asi kana pakasara zvimwe anoti, “ndinozvihafura-hafura ndozviisa mufiriji kuitira kuti zvisazondinetse pakuzvinyungudutsa.” Kana ukaisa mufiriji zvokudya zvinenge zvasara, unofanira kuzvidya mumazuva matatu kana kuti mana.

Kana pava paresitorendi, hausi iwe unenge wava kubika. Saka ungadzivirira mhuri yako sei kana manodyira kuresitorendi?

[Mashoko Omuzasi]

a Nyama yakadai seyehuku inoda kubikwa kusvika kutembiricha yakakwirira chaizvo.

[Bhokisi riri papeji 16]

DZIDZISA VANA VAKO: “Vana vangu pavanobika zvokudya ndinovayeuchidza kuti vatange vaverenga mirayiridzo yakanyorwa pamapepa ezvokudya zvacho.”—Yuk Ling, Hong Kong

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe