Zvokudya Zvako Hazvirwarisi Here?
“Chikoro Chavharwa Pamusana peE. Coli.”—REUTERS NEWS SERVICE, GERMANY.
“Zvirimwa Zvawanikwa Zviine Salmonella Munyika Shanu.”—USA TODAY.
“Mumapurovhinzi 9 Mawanikwa Nyama Yemombe Dzakadya Uswa Hune Mushonga.”—THE MAINICHI DAILY NEWS, JAPAN.
IYI ndiyo yaiva misoro yenhau yakabuda yakatevedzana munguva pfupi gore rakapera. Vanoongorora vanofungidzira kuti munyika dzakasimukira gore rimwe nerimwe pavanhu 100 voga voga, 30 vacho vanorwariswa nezvokudya.
Izvi zvinoita kuti unzwe sei? Mumwe samhuri wekuHong Kong anonzi Hoi anoti: “Ndinotanga kunetseka uye kuita hasha. Ndine vana vaviri uye chimwe chinondidya mwoyo inyaya yokuti zvokudya zvichadyiwa nevana vangu zvakagadzirwa sei uye kupi.”
Munyika dzine urombo, zvirwere zvinokonzerwa nemvura uye nezvokudya, zvinouraya mamiriyoni akawanda evanhu kunyanya vana vaduku gore negore. Bola anogara kuNigeria anoti: “Pamisika zvokudya zvinenge zvingori pachena uye pazere nhunzi, mvura, mhepo uye guruva. Pandinoverenga kana kunzwa nezvezvirwere zvinokonzerwa nezvokudya ndinobva ndatya. Ndinoda kudzivirira mhuri yangu.”
Zvinogoneka here kuti udzivirire mhuri yako pazvokudya zvinorwarisa? Rimwe sangano rinoongorora zvokudya rokuCanada rinonzi Canadian Food Inspection Agency rinoti: “Zvokudya zvinorwarisa pazvinowanikwa muzvitoro, zvinobva zvatoita musoro wenhau. Uye hapana chakaipa nokuzviita musoro wenhau. Asi zvatinoitawo mudzimba dzedu zvinogona kuita kuti zvokudya zvirwarise.”
Ungaitei kuti udzivirire mhuri yako pazvokudya zvinorwarisa? Tichakurukura zvinhu zvina zvaungaita kuti zvokudya zvako zvisarwarisa.
[Bhokisi riri papeji 13]
NDIVANAANI VARI PANGOZI?
Vamwe vanhu vari nyore kurwariswa nezvokudya ndeava:
● Vana vari pasi pemakore mashanu
● Vakadzi vane pamuviri
● Vanhu vapfuura makore 70
● Vanhu vane masoja emumuviri anenge asina kusimba
Iwe nevaunodya navo munofanira kungwarira zvamunodya, mabikiro amunoita zvokudya uye machengetero amunoita zvokudya zvinenge zvabikwa kana kuri kuti mumwe wenyu ari pane vataurwa pamusoro apa.
[Kwazvakatorwa]
Kwakabva mashoko aya: New South Wales Food Authority, Australia.