Zviri Mukati
February 8, 2002
Vapoteri—Vachazombowana Musha Here?
Vapoteri vanosvika mamiriyoni pasi pose vanotama kubva panzvimbo imwe kuenda kune imwe zvisina tariro. Vakawanda vavo havafi vakawana kuchengeteka kwavanotsvaka. Pane nguva apo munhu wose achava nomusha waanoti ndewake here?
3 Vanhu Vari Kutsvaka Kuchengeteka
11 Nyika Iyo Munhu Wose Achagamuchirwa
14 Mbizi—Bhiza romuAfrica Risingadzoreki
21 “Zuva Ratakafara Zvikuru Muupenyu Hwedu”
22 Zuva Romuchato—Rinofadza Asi Rinonetsa
27 Muchato Unofanira Kuva Chisungo Chechigarire
32 “Ndapota Ndibatsirei! Ndinongotarirawo Kwamuri Bedzi”
Kufarira Kuita Zvemashiripiti—Kwakaipirei? 18
Vechiduku vakawanda vanonakidzwa nokuita zvemashiripiti. Kunakidzwa kusingakuvadzi here, kana kuti pane ngozi dzisiri pachena dziripo?
Mikayeri Ngirozi Huru Ndiani? 30
Ngirozi mbiri bedzi ndidzo dzinotaurwa mazita adzo muBhaibheri. Dzidza kuti ngirozi inonzi Mikayeri ndiani.
[Mufananidzo uri pabutiro]
Butiro: Vapoteri vokuRwanda vanodzokera kunyika yavo
[Kwazvakatorwa]
UNHCR/R. Chalasani
[Mufananidzo uri papeji 2]
Mapeji 2 ne3: Vapoteri vokuEthiopia vanomirira kupiwa zvokudya nemvura
[Kwazvakatorwa]
UN PHOTO 164673/JOHN ISAAC