Iwe Unoyeuka Here?
Wakawana zvinyorwa zvemisi ichangobva kupfuura iyi zveNharireyomurindi kuva zvoukoshi hunoshanda here? Ipapo kuregererei kuedza yeuko yako nezvinotevera?
◻ Maidii anoramba kutsvenesa nzvimbo inofungidzirwa yokuberekwa kwaJesu?
Bhaibheri haridudzi nzvimbo chaiyoiyo yokuberekwa kwaJesu. Nhauro dzeEvhangeri dzaMateo naRuka dzinopa zvinokosha zvishomanene bedzi. (Mateo 2:1, 5; Ruka 2:4-7) Kuraviwa kwaJohane 7:40-42 kunoratidza kuti vanhu vose zvavo vakanga vasingazivi nzvimbo yokuberekwa kwake, vamwe vachifunga kuti akaberekerwa muGarirea. Uyewo, mukati moupenyu hwapasi hwaJesu amene, haana kutongozivisa udzame hwokuberekwa kwake.—12/15, peji 5.
◻ MuKristu anogona sei kuchengeta mufaro wake achigonana nemiedzo yechirwere chomuviri, kuora mwoyo, uye nhamo yezvemari?
Shoko raMwari rinogovera nyaradzo inodikanwa nenhungamiro. Kupfurikidza nokurava kana kuti kuteerera mapisarema zorodzo inodikanwa zvikuru inogona kugoverwa. Dhavhidhi akatipa zano, kuti: “Kandira mutoro wako pamusoro paJehovha, iye uchakusimbisa.” Iye akativimbisawo kuti Jehovha zvamazvirokwazvo ndiye “Munzwi womunyengetero.” (Pisarema 55:22; 65:2, NW) Sangano raJehovha, kupfurikidza nezvinyorwa zvaro navakuru varo veungano, rakagadzirira nguva dzose kutibetsera kurwisana nezvinetso zvedu.—1/1, mapeji 14-15.
◻ Chii chakareva Jesu paakanga achienda kundorovererwa, paakati: “Nokuti kana vachiita izvi kumuti munyoro, wakaoma uchaitirweiko?” (Ruka 23:31)
Jesu akanga achinongedzera kumuti worudzi rwechiJudha. Nemhaka yokuvapo kwaJesu navakasarira vavaJudha avo vaimutenda, rudzi rwacho rwakanga ruchine unyoro hwoupenyu marwuri. Zvisinei, apo vose ivava vakabudiswa murudzi rwacho, muti wakafa mumudzimu bedzi waizosara, sangano rorudzi rakaoma.—1/15, peji 9.
◻ “Vakachena mumwoyo,” vanotaurwa nezvavo pana Mateo 5:8 (NW), vanogona sei “kuona Mwari”?
Ivo “vanoona Mwari” apo vanomucherechedza achishanda nokuda kwavachengeti veperero. (Enzanisa naEksodho 33:20; Jobho 19:26; 42:5.) Zvisinei, shoko rechiGiriki riri pana Mateo 5:8 rakashandurwa kuti “kuona” rinorevawo “kuona nendangariro, kunzwisisa, kuziva.” Sezvo Jesu akaratidzira zvakakwana hunhu hwaMwari, nzwisiso muhunhu ihwohwo yakagonesa “vakachena mumwoyo” ku“ona Mwari.” (Johane 14:7-9)—1/15, peji 16.
◻ Neiko tichigumisa kuti Jesu ndiye Mikaeri ngirozi huru?
Shoko raMwari rinodudza ngirozi huru imwe bedzi, uye rinotaura nezvengirozi iyoyo munongedzero kunaShe Jesu akamutswa, richiti: “Ishe amene uchaburuka kudenga nokudanidzira, nenzwi romutumwa mukuru, nehwamanda yaMwari.” (1 VaTesaronika 4:16) Pana Judhasi 9 tinowana kuti zita reiyi ngirozi huru ndiMikaeri.—2/1, peji 17.
◻ Ndedzipi dziri nharaunda ina umo tinogona kuratidza rukudzo kuvamwe vanhu?
Tinofanira kuratidza rukudzo kuvatongi vezvamatongerwe enyika, kuvashandirwi, kumitezo yeboka remhuri yedu uye kuavo vari muungano.—2/1, mapeji 20-2.
◻ Nokukurumidza pamberi porufu rwaJesu, muenzanisoi wakaisvonaka waakagadzira avo vane vabereki vakwegura?
Apo Jesu akanga achakangorembera mumarwadzo padanda rokutambudzira, akapa rangariro kugarikano yokunyama neyomudzimu yamai vake kupfurikidza nokumuronzesa kutarisiro yomuapostora wake anodiwa Johane. (Johane 19:25-27)—2/15, peji 8.
◻ Neiko Jesu aifanira kutambura?
Kutambura kwaJesu kwakabatira kupedza nhau yeperero yavabatiri vaMwari. Kwakamushongedzerawo nokuda kwebasa rake soMuprista Mukuru ane ngoni worudzi rwomunhu. (VaHebheru 4:15)—2/15, mapeji 14-15.
◻ Inhaui dzinokosha dzakamutswa norupandukiro muEdheni?
Munhu anokwanisa here kuzvitonga amene nenzira inobudirira asina Mwari? Kwakarurama here kuna Mwari kuraira kuzviisa pasi pouchangamire hwake? Nokufutunura, vanhu vapi navapi vaizosarudza here nenzira isina udyire kubatira Mwari nechido chavo vamene?—3/1, peji 6.
◻ Neiko vamwe vakadya nenzira isina kururama zviratidziro zveChirangaridzo?
Vamwe vasina kukura mumudzimu vangava vachigere kuva nenzwisiso yakadzikama yamadonzo aMwari. Ivo vangasaziva kuti kuzodza “kunotsamira, kwete pamunhu anoda kana kuti pane anomhanya, asi pana Mwari.” (VaRoma 9:16, NW) Hakusati kuri kumunhu kusarudza kuti iye angada kupinzwa musungano itsva ndokuva mudyi wenhaka naKristu. Chisarudzo chaJehovha ndicho chinokosha, uye mudzimu wake unopupurira chisarudzo ichocho. (VaRoma 8:16; 1 VaKorinte 12:18)—3/15, peji 21.
◻ Chii chiri “mutauro wakachena” uyo unotaurwa pamusoro pawo muna Zefania 3:9, (NW)?
Nzwisiswo yakafanira yezvokwadi pamusoro paMwari namadonzo ake.—4/1, mapeji 21-2.