Sayenzi Nechitendero—Kusapindirana Kwazvinoita
“Chitendero chinonyatsonzwisiswa sechirwere chepfungwa chinokurumidza kupararira here?”—Mudzidzi wezvinhu zvipenyu Richard Dawkins.
DZIMWE nguva chitendero nesayenzi zvinonzwisiswa sevavengi vasingazofi vakapindirana. Kune vamwe zvinoita sokuti zvakambandidzirana pakona muhondo yakakura zvokuti zvinoita sokuti chimwe chichakunda bedzi kana chimwe chaparara.
Mune rimwe boka revanhu mune mamwe masayendisiti, akadai senyanzvi yekemisitiri Peter Atkins, anofunga kuti kuwiriranisa chitendero nesayenzi “hakubviri.” Atkins anoti kudavira “kuti Mwari ndiye akasika (chinhu chose, tisingarevi hedu kuti zvose) zvinhu zvisingaiti kuvanhu vanofunga.”
Mune rimwe boka mune vanhu vechitendero vanopomera sayenzi kuti inoparadza kutenda. Vanhu vakadaro vane pfungwa yokuti sayenzi inodzidzwa nhasi unyengeri; zvainotaura zvingava zvakarurama, asi kududzira kusiri iko kwezvinotaurwa izvi kunoderedza zvinodavirwa nevatendi. Somuenzaniso, mudzidzi wezvinhu zvipenyu William Provine anoti dzidziso dzaDarwin dzinoreva kuti “hapana hwaro hwakasimba hwetsika; upenyu hapana zvahunoreva.”
Zvisinei, mamwe makakatanwa acho akavapo nemhaka yokuti mativi ose aiomerera pane zvinhu zvakanga zviri zvenhema kana kuti zvakanga zvakaoma kuona kuti ndezvechokwadi. Kwemazana emakore, vatungamiriri vezvitendero vakadzidzisa ngano nedzidziso dzenhema dzisingapindirani nezvinhu zvinowanikwa nesayenzi iye zvino uye zvisiri muMagwaro akafuridzirwa. Somuenzaniso, Chechi yeRoma Katurike yakapa mhosva Galileo nokuti akataura zvakarurama kuti nyika inotenderera zuva. Maonero aiita Galileo akanga asingapesani neBhaibheri, asi akanga akasiyana nezvaidzidziswa nechechi panguva yacho. Kune rimwe divi, masayendisiti anokanganisa paanodzidzisa sechokwadi rondedzero dzisina ufakazi hwechokwadi kuti upenyu hwakabva muzvinhu zvisina upenyu pasina Mwari. Vanoseka zvinodzidziswa nechitendero kuti hazvipindirani nesayenzi.
Saka zvino, zvinobvira here kuwiriranisa sayenzi nechitendero? Hungu, zvinobvira. Chaizvoizvo, sayenzi yechokwadi uye chitendero chechokwadi zvinopindirana kwete kupokanidzana.
[Mufananidzo uri papeji 2, 3]
Galileo akadzidzisa chokwadi chesayenzi, zvinova zvaakapirwa mhaka nechechi