Mapurisa—Nei Tichiada?
UPENYU hwaizova hwakaita sei pasina mapurisa? Chii chakaitika muna 1997 apo mapurisa 18 000 akaramwa basa muguta rokuBrazil reRecife, zvichiita kuti vagari vemo vanodarika miriyoni vasare vasina mapurisa?
“Mumazuva mashanu emhirizhonga muguta iri riri kumahombekombe, nhamba yevanhu vaipondwa pazuva yakawedzera zvakapetwa katatu,” rakashuma kudaro The Washington Post. “Mabhengi masere apazwa. Matsotsi amuka chibhebhenenga kuzvitoro nokunogara mbozha achiridza pfuti. Uye hapana ari kutevedza mitemo yomumigwagwa. . . . Utsotsi hwanyanya zvokuti mochari yazarisa uye vanhu vazarisa muchipatara chikuru cheguta, umo vanhu vapfurwa nevabayiwa nemapanga vakaradzikwa munofambwa namo muchipatara.” Zvinonzi munyori munyaya dzomumatare akanzwiwa achiti: “Kusateerera mutemo kwakadai kwanga kusati kwamboitika kuno.”
Chero kwatinogara, zvinhu zvakaipa zvinoitika nguva nenguva. Tinoda kuchengetedzwa nemapurisa. Chokwadi, vazhinji vedu takanzwa nezvoutsinye, uori, kusava nehanya uye kushandisa simba zvisina kunaka kunoitwa nemamwe mapurisa. Zvinoitika izvi zvinosiyana-siyana munyika nenyika. Asi taizoita sei dai pasina mapurisa? Hachisi chokwadi here kuti kakawanda mapurisa anoita basa rinokosha? Mukai! yakabvunza mamwe mapurisa munyika dzakasiyana-siyana pasi pose chakaita kuti vasarudze basa iri.
Basa Rinoitirwa Kubatsira Vanhu
“Ndinofarira kubatsira vanhu,” akadaro Ivan, mupurisa wokuBritain. “Ndakafarira kusiyana-siyana kwezvinoitwa mubasa racho. Vazhinji havazivi kuti utsotsi hunongova 20 kusvika ku30 muzana yebasa rinoitwa nemapurisa. Ibasa rinoitirwa vanhu. Pazuva randinenge ndichitenderera-tenderera, ndinogona kushevedzerwa munhu achangobva kufa, tsaona mumugwagwa, uye mhosva yaparwa, kana kuti muchembere avhiringidzika anenge achida kubatsirwa. Zvinogona kufadza chaizvo kudzosera kumba mwana anga arasika kana kubatsira munhu abirwa nematsotsi kutarisana nenhamo yake.”
Stephen aimbova mupurisa muUnited States. Anoti: “Somupurisa, une zvinhu zvokushandisa uye nguva yokubatsira kusvika paunokwanisa kana vanhu vakauya kwauri nemwoyo wose kuti uvabatsire. Ndizvo zvakaita kuti ndiite basa racho. Ndaida kubatsira vanhu uye kuvabatsira pane zvinovanetsa. Ndinofunga kuti ndakabatsira kuchengetedza vanhu pakuparwa kwemhosva, kusvika pandaikwanisa. Ndakasunga vanhu vanodarika 1 000 mumakore mashanu. Uyewo kuwana vana vanenge varasika, kubatsira varwere vanokanganwa kumba kwavo, uye kuwana motokari dzakabiwa zvose zvaindinakidza. Uye paivawo nenguva yokudzingirira uye kubata vanhu vaifungirwa kuti vapara mhosva.”
“Ndaida kubatsira vanhu kana pachidiwa rubatsiro nokukurumidza,” anodaro Roberto, mupurisa wokuBolivia. “Pandaiva muduku ndaiyemura mapurisa nokuti anochengetedza vanhu kuti vasawirwa nenjodzi. Ndichiri kutanga basa ndini ndaitarisira vanotenderera-tenderera netsoka pakati peguta, kune mahofisi ehurumende. Taisangana nevanhu vairatidzira zvematongerwe enyika zuva nezuva. Ini ndaiita basa rokuona kuti zvinhu hazviiti manyama amire nerongo. Ndakaona kuti kana ndiine ushamwari uye ndichinzwisisa vatungamiriri vacho, ndaikwanisa kuita kuti pasava nemhirizhonga dzaikwanisa kukuvadza vanhu vakawanda. Zvaindigutsa.”
Mabasa anoitwa nemapurisa akawanda. Vakaita mabasa akasiyana-siyana kubva pakununura katsi iri mumuti kusvika pakununura vanhu vanenge vatapwa nemagandanga uye kunangana nevanopaza mabhengi. Kunyange zvakadaro, kubvira pakatanga basa rechipurisa mazuva ano, pave paine tariro uye kutya. Nyaya inotevera ichataura chikonzero chacho.
[Mifananidzo iri papeji 3]
Mapeji 2 ne3: Kuratidza kunofanira kuenda nemotokari muChengdu, China; mapurisa anomisa mhirizhonga kuGreece; mapurisa okuSouth Africa
[Kwazvakatorwa]
Linda Enger/Index Stock Photography
[Mufananidzo uri papeji 3]
Chitoro chakapazwa mapurisa aramwa basa muSalvador, Brazil, muna July 2001
[Kwazvakatorwa]
Manu Dias/Agência A Tarde
[Mufananidzo uri papeji 4]
Stephen, wokuU.S.A.
[Mufananidzo uri papeji 4]
Roberto, wokuBolivia