RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g02 9/8 pp. 9-11
  • Mararamiro Aungaita Nevanhu Vanongorasa Zvinhu

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Mararamiro Aungaita Nevanhu Vanongorasa Zvinhu
  • Mukai!—2002
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Rega Kutambisa Zvinhu
  • Dzivisa Makaro
  • Dzidza Kugovana
  • Gutsikana Nezvinokosha
  • Pane Chingaitwa Here?
    Mukai!—2002
  • Zviri Mukati
    Mukai!—2002
  • Kurarama Nevanhu Vanongorasa Zvinhu
    Mukai!—2002
  • Gutsikana Nezvauinazvo
    Mukai!—2025
Ona Zvimwe
Mukai!—2002
g02 9/8 pp. 9-11

Mararamiro Aungaita Nevanhu Vanongorasa Zvinhu

“PASI pano . . . hapana chinhu chinonzi marara.” Izvi, maererano nemagazini yeTime, ndiwo maonero eimwe nyanzvi yezvokugadzira zvinhu kuti zvishandiswezve. Aitaura nezvenzira inoshamisa iyo zvinhu zvakafa kana kuti zvakaraswa zvinobva kune mamwe mararamiro ezvinhu zvinoshandiswa kubatsira kumwe. Nyanzvi iyoyo inonzi inofunga kuti “vanhu vanogona kutevedzera zvinoitwa muzvinhu zvakasikwa musina marara asi izvozvo zvinoda unyanzvi hukuru uye kuchinja kukuru mumafungiro.”

Vakawanda vedu zvichida hatina zvakawanda zvatingaita kuti tigadzire zvishandiswa zvounyanzvi. Asi mafungiro edu chimwe chinhu chatinogona kudzora! Uye mafungiro akanaka nezvemamwe maitiro anokosha omufambiro wakanaka anotibatsira kuti tigone kurarama zvakanaka nezvinetso zvokurarama nevanhu vanongorasa zvinhu.

Rega Kutambisa Zvinhu

Pavanhu vashanu voga voga panyika, wechishanu wacho anoenda kunorara aine nzara. Kuziva izvi kunofanira kutiita kuti tikoshese zvokudya uye kusazvitambisa. Mumwe murume nomudzimai wake vakadzokera kuEurope pashure pemakore 28 vachiita basa roumishinari muAfrica vakati chimwe chezvinhu zvinovanetsa pakujairana nenyika yavo zvekare kurarama vachiona “kurasa zvokudya kunoitwa nevanhu.”

Vabereki vakangwara vanodzidzisa vana vavo kupakura zvavanogona kupedza kudya chete. Kuita izvozvo kunoderedza marara uye kurasa zvinhu. Zviri nani kutora zvokudya zvishoma pakutanga uye kwave kuzokumbira kuwedzera. Chokwadi, vabereki vanofanira kuratidza zvinoitwa. Jesu akatiratidza zvinoitwa nokuratidza kufarira kwechokwadi zvinhu zvakapiwa naMwari, zvinhu chaizvo uye zvokunamata. Bhaibheri rinoratidza kuti Jesu akaita nokungwarira kuti zvokudya zvisatambiswa—kunyange zvazvo zvakanga zvagadzirwa zvakawanda nechishamiso!—Johani 6:11-13.

Kurega kurasa-rasa zvinhu kunogona kurevawo zvokupfeka, midziyo yomumba, nemichina. Kugara zvinhu zvakagadzirwa uye kuzvishandisa chero zvichiri kushandisika kunoratidza kuti tinokoshesa zvatiinazvo. Hatifaniri kubatwa mumusungo wenyika ino inoshambadza mukuedza kwayo kutiita kuti tinzwe tisingagutsikani nezvatinazvo nokutipa zvimwe zvinhu zvikuru, zvakanaka, zvinokurumidza, uye zvakasimba. Chokwadi, tinogona kunge tiine kodzero yokutsiva chimwe chinhu chatiinacho chichiri kushandisika. Asi tisati tadaro, tingada kuongorora mafungiro edu uye zvinangwa zvedu.

Dzivisa Makaro

Sezvavaifamba murenje vachienda kuNyika Yakapikirwa, vaIsraeri vakapiwa zvokudya zvainzi mana. Maererano nezvinotaurwa neBhaibheri, mana yacho yaipiwa yakakwana. Zvisinei, vaIsraeri vakapiwa nyevero yokuti vasave nemakaro; vaifanira kutora yaingokwana kuti vadye chete. Vaya vaisateerera vakaona kuti makaro haashandi, nokuti mana yaisara yaiita honye uye yaitanga kunhuhwa. (Eksodho 16:16-20) Nenzira yakajeka, Bhaibheri rinoshora makaro zvakasimba uye kakawanda.—VaEfeso 5:3.

Bhaibheri handiro roga rinodaro. Somuenzaniso, Seneca, muzivi womuzana remakore rokutanga akaziva kuti munhu anokara haagutswi. Akati: “Zvinhu zvose zviripo panyika hazvimbogutsi munhu ane makaro.” Erich Fromm, muzivi womuzana remakore rechi20 akasvika pamhedziso yakafanana achiti: “Kuedza kugutsa makaro kwakafanana nokuedza kasingaperi kuzadza gomba risina magumo kunonetesa.” Kupfuura kungodzivisa makaro nokurasa-rasa zvinhu, pane dzimwe nzira dzakanaka idzo vakawanda vakasarudza kutora.

Dzidza Kugovana

Usati warasa zvinhu zvichakanaka, funga kuti ndiani angafara kana ukamupa. Somuenzaniso, apo vana vanenge vasisakwani zvipfeko zvavo, vamwe vana vangazvishandisa here sembatya dzokukuurirwa? Ungadaro nezvimwe zvinhu zvichiri kukosha asi zvausiri kushandisa kakawanda sezvawaimboita here? Ita kuti mumwe munhu ave nomufaro wawakawana pachinhu ichocho nokumupa. Munyori wokuAmerica aiva nenyambo Mark Twain akambonyora kuti: “Kuti unyatsofara chaizvo unofanira kuva nomumwe munhu wokufara naye.” Zvichida wakazviona kuti mufaro waunova nawo nomumwe unowedzera. Kunze kwaizvozvo, nokugovana nenzira iyi, unobatsira kubvisa zvinovapo zvisingadiwi zvokuva nepfungwa dzokurasa-rasa zvinhu.

Kugovana nevamwe chinhu chakanaka chinokurudzirwa neBhaibheri. (Ruka 3:11; VaRoma 12:13; 2 VaKorinde 8:14, 15; 1 Timoti 6:18) Chokwadi, nyika yaizova yakanaka zvikuru kana vose vari mairi vaida kugovana!

Gutsikana Nezvinokosha

Munhu anogutsikana munhu anofara. Ichi ichokwadi chagara chiripo. Chimwe chirevo chechiGiriki chinoti: “Asingagutsikani nezviduku hapana chinomugutsa.” Uye chechiJapan chinoti: “Asingagutsikani murombo.” Bhaibheri rinotaurawo nemashoko anofadza nezvokugutsikana. Tinoverenga kuti: “Chokwadi, kuzvipira kuna Mwari uku pamwe nokugutsikana, inzira inopfumisa zvikuru. Nokuti hatina kuuya nechinhu panyika, uye hapana chatingabuda nacho. Nokudaro, kana tine zvokudya nezvokupfeka nepokugara, tichagutsikana nezvinhu izvi.”—1 Timoti 6:6-8; VaFiripi 4:11.

Chokwadi, kugutsikana nezvatinazvo kungada “kuchinja kukuru mumafungiro.” Mudzimai wechiduku anonzi Susanne munguva shoma ichangopfuura akawana kuti aifanira kuchinja nenzira yakadaro. Akati: “Ndakaona kuti sezvo ndisingakwanisi kuwana zvose zvandinoda, ndinofanira kudzidza kuda zvandinazvo. Iye zvino ndinofara uye ndinogutsikana.”

Ichokwadi kuti kugutsikana kunotungamirira kumufaro. Purofesa Argir Hadjihristev, nyanzvi yokuBulgaria pane zvokukwegura, anoti, “Kutanga, chinhu chakaipa zvikuru ndechokusagutsikana nezvishoma zvine munhu.” Achitaura nezvokuva noutano hwakanaka nokuda kwokugutsikana, anowedzera kuti: “Munhu asingadi kurarama zviri nani kupfuura muvakidzani wake, asingadi kugara achiedza kuva nezvakawanda, anorarama asingaiti makwikwi uye nokudaro asinganetseki mupfungwa. Uye izvozvo zvakanakira utano hwake.”

Hungu, vanhu vanongorasa zvinhu havafi vakaunza mufaro wechokwadi. Kuda kurasa-rasa zvinhu hakuunzi mufaro zvekare! Zvinoita sokuti vanhu vakawanda vari kunzwisisa izvi. Uri kudarowo here?

[Mufananidzo uri papeji 9]

Vana vanofanira kudzidza kudzivisa kutambisa zvokudya

[Mufananidzo uri papeji 9]

Jesu akaratidza muenzaniso wakanaka wokudzivisa kurasa-rasa zvinhu

[Mufananidzo uri papeji 10]

Unoregererei kupa vamwe zvinhu zvawakarega kushandisa pane kuti uzvirase?

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe