RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g02 9/8 pp. 3-5
  • Kurarama Nevanhu Vanongorasa Zvinhu

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Kurarama Nevanhu Vanongorasa Zvinhu
  • Mukai!—2002
  • Mashoko Akafanana
  • Pane Chingaitwa Here?
    Mukai!—2002
  • Zviri Mukati
    Mukai!—2002
  • Mararamiro Aungaita Nevanhu Vanongorasa Zvinhu
    Mukai!—2002
  • Tupuka Turi Nyanzvi Dzokurasa Marara
    Mukai!—2002
Mukai!—2002
g02 9/8 pp. 3-5

Kurarama Nevanhu Vanongorasa Zvinhu

VANHU vari munyika dzakabudirira vanorasa matutu nematutu emarara. Somuenzaniso, funga nezvemarara anoraswa gore rimwe nerimwe muUnited States. Vamwe vakati “vanorasa mvura yakawanda zvokukwanisa kuzadza matuhwino makuru emitambo yeOlympic 68 000 akareba mamita 50.” Mumakore akapfuura, zvaifungidzirwa kuti vagari vomuNew York City voga gore rimwe nerimwe vairasa marara aikwanisa kufukidza Central Park hombe yomuguta racho pasi pemamita mana emarara!a

Ndokusaka zvisinganyanyi kushamisa kuti United States yakanzi ndiyo “muenzaniso wezvinokwanisa kuitika kunyika dzose” kana tava kutaura nyaya “yokutenga zvinhu nokuzvirasa.” Asi nyika iyi handiyo yoga. Zvinofungidzirwa kuti gore rimwe nerimwe marara anoraswa nevanhu vomuGermany anokwanisa kuzadza matiroko ose echitima chinotakura zvinhu chakareba kubva muguta guru reko, Berlin, kusvika kumhenderekedzo yegungwa yeAfrica, makiromita anenge 1 800. Uye muBritain zvaimbofungidzirwa kuti mhuri duku yevanhu vana voga inorasa mapepa anokwanisa kugadzirwa nemiti mitanhatu gore rimwe nerimwe.

Nyika dzichiri kubudirira dzinorasawo marara akawanda. Imwe magazini inozivikanwa kwazvo inoti: “Chinonyanyoshatirisa ndechokuti vakawanda vevanhu vepanyika vanosvika mabhiriyoni 6 vave kutanga kurasa marara sezvinoitwa neUnited States nedzimwe nyika dzakabudirira.” Hungu, chero tichibvuma chero tisingabvumi, vakawanda vedu nhasi tiri vamwe vanongorasa marara.

Chokwadi, vanhu vagara vane zvinhu zvokurasa. Asi zvokudya zvomumagaba uye zvomumapepa nezvimwe zvinhu iye zvino zvave kunyanya kuwanika kupfuura zvazvaiita mumakore akapfuura, nokudaro mapepa okuputirisa anozoraswa ave kwose kwose. Kuwanda kwemapepanhau, magazini, uye mapepa okushambadza, uye zvimwe zvinhu zvakadhindwa kwakanyanya kuwedzerawo.

Nyika yeduwo yawedzera maindasitiri uyezve sayenzi yakaita kuti pave nemamwe marudzi emarara. Pepanhau rokuGermany rinonzi Die Welt rinoti “motokari dzinoda kusvika mamiriyoni mapfumbamwe pagore dzinoraswa munyika dzeEurope.” Kudzirasa ibasa chairo. Unotonetsa mubvunzo wokuti, Ungarasa sei marara enyukireya kana emishonga nenzira isina ngozi? Kare muna 1991, United States yakanga ine “matutu emarara enyukireya uye isina nzvimbo chaiyo yokuachengetera.” Madhiramu anosvika miriyoni omuchetura akanga achinzi akangogara panzvimbo yokufanoachengeta paine “ngozi yokurasika, kubiwa, uye kukuvadza zviwanikwa nemhaka yokusachengetedzwa zvakanaka.” Muna 1999 moga, mabhizimisi uye masangano ehurumende anosvika 20 000 muUnited States akagadzira matani anosvika mamiriyoni 40 emarara ane muchetura.

Chimwe chinokonzera izvi inhamba yevagari vepasi, iyo yakawedzera chaizvo muzana remakore rapfuura. Vanhu vakawanda, marara anowandawo! Uye vakawanda vevanhu vacho vanoda zvokutenga-tenga. Worldwatch Institute munguva ichangopfuura yakagumisa kuti: “Takashandisa zvinhu zvakawanda kubvira muna 1950 kupfuura zvakashandiswa nevanhu kubva vachitanga kuvapo.”

Chokwadi, vashoma vari munyika idzodzo dzakabudirira vanoda kuparadza “zvinhu izvozvo” zvose. Somuenzaniso, funga nezvokuti zvinorerutsa zvinhu sei kuenda kuchitoro wotenga kudya kwakaiswa mumapepa kare wouya nakwo kumba kuri mupepa kana mupurasitiki yawapiwa kuchitoro. Kana vanhu vaizoerekana vanyimwa zvinhu zvokuisira zvinhu zvemazuva ano izvozvo, vanogona kukurumidza kuona kuti chokwadi vanga vajaidzwa. Kana tava kutaura nezvoutsanana, kuputira zvinhu kwakadaro kunoita kuti pave noutano hwakati nakei.

Zvisinei, pasinei nezvazvakanakira, pane chikonzero chokunetseka here nezvepasvika kungorasa marara kwevanhu vanhasi? Zvinoratidzika kuti chiripo, nokuti zvinhu zvakasiyana-siyana zvakaitwa kuti chinetso chokuwanda kwemarara chipere hazvina kuita kuti makomo emarara anoraswa nevanhu aderere. Chinotovhiringidza zvikuru, mafungiro evanhu vanorasa marara nhasi anonetsa kunzwisisa.

[Mashoko Omuzasi]

a Paki yacho yakakura zvokusvika maeka 843.

[Mufananidzo uri papeji 4]

Kurasa zvakanaka marara ane muchetura kwakaoma zvikuru

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe