Vechiduku Vanobvunza Kuti . . .
Ndinofanira Kuvhiyiwa Kuti Ndivandudze Runako Rwangu Here?
“Ndisati ndavhiyiwa mhuno yangu, ndaisekwa zvikuru nevamwe. Ndakanga ndisingadi mhuno yakanakisa, asi yakandinakira. Ndinofara kwazvo nezvakabuda, uye ndingatozvidzokorora.”—Eleni.a
“Handidi kuita zvinofungwa nevamwe kuti ndizvo zvakanaka. Kana ndine nhengo dzomuviri dzakachinjwa nokuvhiyiwa, ndinonzwa sokunge ndiri mari yokunyepedzera. Isiri chaiyoiyo.”—Mathias.
“Munhu wose anofanira kuzvisarudzira. Zvakaoma chaizvo kuti mumwe munhu ataure kuti zvakaipa kana kuti zvakanaka.”—Manuela.
“MUNHU wose akandikunda kunaka anofanira kunge akazora ponzi.” MuGermany, kutaura kwakadaro kwakagara kuchiitwa nevanhu vaya vanofunga kuti chitarisiko chavo hachina kunaka. Mune dzimwe nyika nhasi, mashoko acho anogona kuvandudzwa kuti ati: “Munhu wose akandikunda kunaka anofanira kunge akavhiyiwa kuti avandudze runako rwake.” Chokwadi, kuvhiyiwa kuti munhu avandudze runako kuri kuwanda.
“Ndezvekare zviya zvokuti kuvhiyiwa kuti munhu avandudze runako kunoitwa kuvapfumi chete,” rinodaro pepanhau rokuSwitzerland rinonzi Neue Zürcher Zeitung, richiwedzera kuti: “Maitiro maviri avepo: Varume vakawanda vari kuramba vachienda kunovhiyiwa kuti vanake . . . , uye vanoenda ikoko vechidzimai vari kuramba vachiva vaduku.” Maererano nokutsvakurudza kwakaitwa muGermany, vanosvika 20 kubva muzana vevakabvunzurudzwa pakati pemakore 14 ne29 vakatovhiyiwa kuti vavandudze runako nechekare, vari kuronga kuita kudaro, kana kuti vakatombofunga nezvokuita kudaro.b Zvichida dzimwe shamwari dzako, vokuchikoro, kana kuti hama vakatochinjwa chitarisiko navanachiremba.
Ko iwe? Wakambofunga nezvokuvandudza chitarisiko chako uchiita zvokuvhiyiwa here? Unoona sokuti nzeve dzako dzakatiza musoro here, kuti mazamu ako akakurisa kana kuti maduku kwazvo, kuti dumbu rako nezvidya zvakakurisa, kana kuti mhuno yako yakapwasharara here? Kana zvakadaro, hausiwe woga unotambura nokufunga kwakadaro. Rimwe boka revasikana vokuchikoro chesekondari vakanyora nyaya kupepanhau rokuGermany vachiti: “Hapana musikana wezera redu asati ambowana nguva yokunetseka nezvechimiro chake.” Kuda kukwezva uye kudiwa chinhu chisina kuipa. Asi kuvhiyiwa ndiko kunoita kuti udaro here?
Ndiko Kungapedza Zvinetso Zvako Here?
Funga nezvevechiduku vaunoziva. Ungashamiswa here nokuziva kuti vakawanda vavo—zvichida vamwe vaunoona sevakanaka—havafariri chitarisiko chavo? Izvozvo ndizvo zvinowanzoitika. Mubvunzo ndewokuti, Unofunga kuti vose vanofanira kuvhiyiwa kuti varatidzike zvakanaka here? Kana kuti unofunga kuti vakawanda vangatonzwa zvakanaka kana vakadzidza kufarira zvakanakira chitarisiko chavo here? Izvi zvingashandawo kwauri here?
Sezvinoratidzwa nezvakataurwa naEleni, pane dzimwe nguva kuvhiyiwa kuti uvandudze chitarisiko chako kunoita kuti usanyombwa kana kusekwa. Kune rimwe divi, kuvhiyiwa kuti uvandudze chitarisiko chako hakupedzi zvinetso zvako. Handiko kunotsiva upenyu hune utano, hunobatsira zvikuru kuratidzika kwakanaka kwomunhu. Uye nepo chiremba angagona kuchinja chitarisiko chako, haagoni kuchinja unhu hwako, uye haagoni kubvisa kufunganya kwako kana kuwedzera kuzviremekedza kwako.
Gara uchizivawo kuti mamwe makiriniki nevamwe vanachiremba vanovimbisa zvavasingagoni kuita. Chokwadi chaicho, vangaita sevari kukuvimbisa mufaro. Asi chaizvoizvo vangangova vari kufarira mari yako kupfuura mufaro wako. Zvinosuruvarisa kuti pane vamwe vanachiremba vanokara mari vanogona kuvhiya nepo zvisingafaniri kudaro, zvisingazobudiriri, kana kuti zviine ngozi—chero pane anoda kubhadhara mari yacho.
Pane zvimwe zvinogona kuzoitika wakura zvaunofanira kufunga nezvazvo. Somuenzaniso, chitarisiko chisingakufadzi paunenge une makore 16 chinogona kuchinja paunenge wave nemakore 21. Chiremba anovhiya kuitira kuvandudza muviri Dr. Urs Bösch anoti: “Kuvhiya kwokuvandudza muviri hakufaniri kumboitwa pane vachiri kuyaruka. Muviri weachiri kuyaruka uye kuziva kwaanoita muviri wake zvinochinja nokukura.” Uyezve, vechiduku vane mukana wakakura wokuda kuzovhiyiwa kuti vagadziridze miviri yavo. Uye sezvo muviri wako unokura, mavanga okuvhiyiwa kwacho anogona kuwedzera.
Funga Zvinobatanidzwa
Bhaibheri rinotikurudzira kuti tifunge zvinobatanidzwa tisati tatanga chirongwa chinokosha. (Ruka 14:28) Kune vechiduku vakawanda, kuvhiyiwa kuti uvandudze chitarisiko hakugoneki nokuda kwemari yakawanda inodikanwa. Uye mari inobhadharwa ingasasanganisira yokuzoongorora zvinenge zvakanganisika—kana kumwe kugadziridza kungazodiwa.
Pane vamwe vanhu vakabhadhara kuvhiyiwa kwete memari chete asi noutano hwavo. Maererano neAmerican Society for Aesthetic Plastic Surgery, ngozi dzoutano dzinosanganisira kuzvimba kwekanguva, mavanga asingaperi, kutadza kunzwa paganda, uye kutadza kuyamwisa, uye kunyange kurasikirwa neropa rakawanda. Somuenzaniso, Anna akapotsa afa paaisvetwa mafuta. Anogunun’una kuti: “Iye zvino ndine mavanga anosemesa uye vanga padumbu pangu.” Nezvokusvetwa mafuta, rimwe pepanhau rokuGermany rinoti: “Mishumo yokukanganisika kukuru, kunyange kufa, iri kuramba ichiwanda.” Usakanganwa kuti: “Kuvhiyiwa hakuchinji, kunoramba kune ngozi dzakwo,” sokutaurwa kwazvinoitwa negwaronhau rezvoutano rinonzi Apotheken Umschau. Naizvozvo, nyatsofunga nezvengozi dzacho usati wafunga nezvokuvhiyiwa kupi nokupi—kunyanya kuya kusingafaniri kuitwa.
Ungazvibvunza kuti: ‘Vamwe vanhu vanondiona sei? Kuti ndinonyanya kukoshesa runako here? Chisarudzo changu chingafurira sei vezera rangu kana kuti vanun’una vangu?’c
Vavariro Yako
Unofanira kunyatsofunga nezvevavariro yako. Uye zvingasava nyore kuiziva. Somuenzaniso, ungada kuzvibvunza kuti: ‘Ndinoda kuti vanhu vasandinyomba nokuda kweimwe nhengo yangu yakashata here? Kana kuti ndiri kunyanya kukoshesa chitarisiko changu here? Ndiri kufurirwa kuda kuchinja chitarisiko changu neshamwari dzangu, kushambadza kunokwezva kana kuti kuda kutevedzera mumwe akakurumbira here? Ndiri kuda kuedza kuva norunako rwakanyanyisa runosimudzirwa zvikuru muzvinobudisa nhau zvanhasi here?’
Vamwe vanofunga kuti kuvandudza runako rwavo kunogona kuwedzera mikana yavo yokuwana wokuroorana naye kana kuti basa rakanaka. Asi chokwadi, munhu wose akaroorwa kana kuti akaroora waunoziva ane chitarisiko chakanaka here? Zvakadini nomunhu wose anoshanda? Kwete, kuwana zvinhu zvakadaro hakutsamiri zvachose pachitarisiko chomunhu. Kunze kwaizvozvo, munhu waunoda kuzoroorana naye kana kuti angangokupinza basa anonyanya kutarira chitarisiko chako kupfuura unhu hwako angakosha kupfuura mari uye ngozi dzinogona kuuya nokuvhiyiwa here?
Sezvaunoongorora vavariro yako nokungwarira, kurukura manzwiro ako nevabereki vako kana kuti shamwari yakura. Kana uchifunga kuti imwe nhengo yomuviri wako yakashata, vabvunze vakutaurire chokwadi chavanofunga. Usangovimba zvaunoona pagirazi. Nezvemaonero atinoita kushata kwedu, Nana anoti: “Unoona kushata kwawakaita kupfuura vamwe nokuti ndizvo zvaunofunga.” Vanotsvakurudza ruzivo vepaLandau University, muGermany vakatsanangura kuti muzviitiko zvakawanda vanhu vakawanda vanoda kuvhiyiwa kuti vavandudze chitarisiko chavo, “kwete nokuti imwe nhengo yomuviri yakaremara, asi nokuti inoita seyakaremara kune munhu anoda kuvhiyiwa wacho.”
Usangoita chivhurumukira pakusarudza, asi yera zvose zvinobatanidzwa nokungwarira. Ona kuvhiyiwa kwose sokusingazogadzirisiki. Chero ukavhiyiwa, uchatofanira kurarama nemigumisiro yacho kwenguva yakati.
Rudzi Rworunako Rwako Runonyanya Kukosha
Mufaro haubvi muchitarisiko chako. Nepo chitarisiko chichigona kuwedzera kana kudzivisa kuzviremekedza kwomunhu, chinonyanya kukosha unhu hwako nemafungiro ako. Pashure pezvakanga zvave kuda kutora upenyu hwake, Anna akagumisa kuti: “Ndakadzidza kuti runako haruna chokuita nechitarisiko chako.”
Nepo richirumbidza runako, Bhaibheri rinoratidza kuti runouya panzvimbo yechipiri kana ruchienzaniswa nerunako rwokunamata: “Zvinofadza zvinonyengedzera, unaki hahuna maturo; asi mukadzi unotya Jehovha, ndiye unofanira kurumbidzwa.” (Zvirevo 31:30; 1 Samueri 16:7) Kuva nepfungwa idzi kunogona kukubatsira kuti ugadzikane, pasinei nedzimwe nhengo dzomuviri wako dzausingadi.
Chero zvaunosarudza, yeuka kuti chitarisiko chakanaka nomufaro wakakwana hazvichawaniki pari zvino. Munhu wose ane paanotova nekanongo. (VaRoma 3:23) Izvozvo haumbozvichinji. Chaunogona kuchinja unhu hwako—hunonzi neBhaibheri “munhu akavanzika wemwoyo.” (1 Petro 3:3, 4) Vandudza zvauri nokuvaka unhu hwakanaka mumeso aMwari. Hazvina ngozi kana mari inodiwa, uye zvaunokohwa zvakawandisa!
[Mashoko Omuzasi]
a Mamwe mazita akachinjwa.
b Cosmetic surgery kuvhiya kwokuvandudza runako kunoitwa panhengo dzomuviri dzine utano hwakanaka kuitira kuvandudza kutarisika kwadzo. Reconstructive surgery kuvhiya kwokugadziridza kunoitwa kudzosera zvakanga zvakaita nhengo dzomuviri dzinenge dzaremara nokukuvara, zvirwere, kana kuti kuremara kwokuzvarwa nakwo. Zvose izvi zvinonzi plastic surgery.
c Onawo chitsauko chinoti “Zvitarisiko Zvinokosha Sei?” mubhuku rinonzi Mibvunzo Inobvunza Vechiduku—Mhinduro Dzinoshanda, rakabudiswa neZvapupu zvaJehovha.
[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 17]
Nhengo yaunoti “yakashata” yakashata chaizvoizvo here, kana kuti unofanira kuchinja maonero aunozviita?