RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g02 10/8 pp. 10-12
  • Mubereki Ari Oga, Asi Ane Vanomutsigira

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Mubereki Ari Oga, Asi Ane Vanomutsigira
  • Mukai!—2002
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Zvakataurwa Nevamwe Vakabudirira
  • Iva Nehanya Nemubereki Anorera Vana Ari Oga
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2010
  • Mhuri Dzine Mubereki Mumwe Dzinogona Kubudirira!
    Chakavanzika Chomufarwa Wemhuri
  • Vabereki Vari Voga, Zvinetso Zvakawanda
    Mukai!—2002
  • Mhuri Dzine Mubereki Ari Oga Dziri Kuwedzera
    Mukai!—2002
Ona Zvimwe
Mukai!—2002
g02 10/8 pp. 10-12

Mubereki Ari Oga, Asi Ane Vanomutsigira

“Apo vana vangu vanouya kumba vondimbundira uye vondiudza kuti vanondida, ndizvo zvakanakira kuva amai.”—DORIS, AMAI VASINA MURUME VANE VANA VAVIRI.

VABEREKI vari voga vanogona kuva nechivimbo kubva mumashoko eBhaibheri okuti: “Vana chikomborero uye chipo chinobva kuna ISHE.” (Pisarema 127:3, Contemporary English Version) Vana pavanorererwa mumhuri ine mubereki ari oga, vanokoshawo kuna Mwari. Musiki wedu anoda kuona mhuri dzine mubereki ari oga dzichibudirira. Bhaibheri rinotaura nezvake kuti: “Unotsigira nherera nechirikadzi.” (Pisarema 146:9) Vabereki vari voga vanogona kuva nechokwadi chokuti Mwari akagadzirira kuvatsigira.

Mwana ane kodzero yokurerwa mumamiriro ezvinhu orudo, akakotsekana, uye asina ngozi anomugonesa kukura mumuviri, mumafungiro, uye mumudzimu. Ibasa uye ropafadzo yomubereki mumwe nomumwe kuti ashandiswe naMwari kurovedza mwana.

Vabereki vari voga vakawanda vakawana kuti, kuti vabudirire vanofanira kuramba vachinyengetera, kuramba vachishandisa pfungwa dziri muBhaibheri, uye kuvimba zvachose naJehovha. Izvi zvinowirirana nekurudziro iri pana Pisarema 55:22 inoti: “Kandira mutoro wako pamusoro paJehovha, iye uchakusimbisa.”

Nguva nenguva, vanambuya navanasekuru, vakuru vomuungano, uye vabereki vane ruzivo vari muungano yechiKristu vanogona kunge varipo kuti vabatsire mhuri ine mubereki ari oga kuti igone kurarama mumamiriro ezvinhu akaoma. Chokwadi, nhengo dzemhuri nevamwe vanamati vanogona kuita zvakawanda kutsigira zvinenge zvichiedza kuitwa nevabereki vanenge vari voga, asi mutoro wose unobva kuna Mwari unenge uri wevabereki vemwana wacho.a

Zvinofadza kuti vabereki vari voga vakawanda vakabudirira kubata nemamiriro avo ezvinhu akaoma uye vakagona kurera vana vakatsiga, vane tsika, vanotya Mwari. Mukai! yakataura nevakawanda vakadaro. Hezvino zvimwe zvinhu zvakafanana zvinoitwa nevabereki ava.

• Kuronga zvinhu zvepamusha zvakanaka. Vabereki vari voga vanobudirira vanoedza kuva vakarongeka zvakanaka uye vanoshanda nesimba kuronga mabasa okuita. Kuronga nenzira kwayo kunokosha. Bhaibheri rinoti: “Ndangariro dzavashingairi dzinouyisa zvizhinji.”—Zvirevo 21:5.

• Kuzvipira. Vabereki vari voga vanobudirira vanoita kuti upenyu hwemhuri chive chimwe chezvinhu zvokutanga zvavanokoshesa. Vanofunga nezvokuisa mberi zvinodiwa nevana vavo pane zvavo.—1 Timoti 5:8.

• Maitiro akadzikama. Vabereki vari voga vanobudirira havaderedzi kana kukudziridza zvinetso; vanotsvaka kuzvigadzirisa. Vanobvuma zvinenge zvaoma uye vanoedza kurarama nazvo pasina kuzvinzwira urombo kana kutsamwa.

• Kukurukurirana kwakanaka. Vabereki vari voga vanobudirira vanokurudzira kukurukurirana. Vanokurudzira kutaura zvakajeka uye zvakasununguka mafungiro nemanzwiro mumhuri. Vamwe baba vasina mudzimai vanoti nezvevana vavo: “Ndinotaura navo pamukana wose. Tinova ‘nenguva dzokuva pedyo zvikuru’ patinobika kudya kwemanheru. Apa ndipo zvino pavanondiudza zviri pamwoyo yavo.”

• Kuzvitarisira. Zvisinei nenguva shoma yavanayo, vabereki vari voga vanobudirira vanoziva kuti kutarisira zvinodiwa zvavo zvokunamata, zvomupfungwa, uye zvomuviri kunokosha. Ethel, amai vevana vaviri vakarambana nomurume, akatsanangura kuti: “Ndinoedza kuzvipa nguva. Somuenzaniso, kana shamwari yangu ichidzidzisa vana vangu kuimba, ndinobva ndawana awa yokuitawo zvandinoda. Ndinogara ndorega kuvhura TV.”

• Mafungiro akanaka. Vabereki vari voga vanobudirira vanoramba vaine mafungiro akanaka ezvokurera vana uye upenyuwo zvahwo. Vanoona zvinhu zvakanaka panguva dzinonetsa. Vamwe amai vasina murume vanoti: “Ndakasvika pakuziva kuti kuva mubereki ari oga hakuna kuipa nguva dzose.”

Zvakataurwa Nevamwe Vakabudirira

Mashoko aya anoshanda here? Hungu, sezvinogona kuonekwa munyaya dzakawanda dzevabereki vari voga vakabudirira. Gloria, mubereki ari oga akarambana nomurume anoshanda muEngland uyo ataurwa munyaya yokutanga, akarera vanakomana vaviri nomwanasikana. Vose vari vatatu vakakura kuva vashumiri venguva yakazara vechiKristu, vachipa upenyu hwavo mukutsigira dzidzo yeBhaibheri. Paakabvunzwa kuti akabudirira sei, Gloria akatsanangura kuti: “Chinhu chokutanga chakanga chakaoma kwakanga kuri kuitisa chidzidzo cheBhaibheri chemhuri chenguva dzose chinonakidza. Ndaida kuti vana vacho vave vanofara, kuti vagadzikane mupfungwa, kuti vagutsikane, uye kuti vasapinda mumatambudziko. Ndakawana basa rokushanda usiku. Chinangwa changu chakanga chiri chokuva nevana pose pandaigona. Ndisati ndaenda kubasa, tainyengetera semhuri uye ndaivaradzika pamibhedha yavo. Amainini vangu vairara kumba kwangu pandainge ndiri kubasa.”

Gloria akabatsira sei vana vake kuti vade kuita zvinokosha? Anoenderera mberi achiti: “Chinangwa changu chikuru chakanga chiri chokuisa zvinhu zvokunamata pokutanga. Takanga tisina mari yakawanda, uye vana ndainyatsovaudza izvi. Zvose zvandaivakumbira kuti vaite, ini ndaizviitawo, uye vaiteerera.” Achiyeuka nezvokuti akagona sei kuita kuti mhuri yavo ive pedyo yakabatana, Gloria anoti: “Mushonga wacho kwaiva kuita zvinhu pamwe chete. Hapana aingogara oga mukamuri rake. Taibika, kuchenesa, nokushongedza pamwe chete. Taiva nomwero pane zvose zvataiita. Ndaiva nechokwadi chokuti paivawo nechokutivaraidza.”

Carolyn, amai vasina murume vane mwanakomana muduku anonzi Joseph, anofara nokukura kwaari kuita. Chii chaanoita? “Tinoverenga Bhaibheri pamwe chete tave kurara,” anodaro, “uye ndinomubvunza mibvunzo yezvaadzidza. Uyezve, tinoverenga dzimwe ndima mumabhuku eBhaibheri todzishandisa. Izvi zvinobatsira Joseph paanosangana nezvinetso, zvakadai sokunetswa nevamwe vana kuchikoro.” Carolyn anobvuma kuti upenyu hwake hahusi nyore, asi haanzwi kuti haana shamwari. Anoti: “Ndinoramba ndichitamburira, asi ndinoona kuti Jehovha akandibatsira chaizvo. Ndinokurudzirwawo kwazvo muungano yechiKristu.”

Nyaya dzezviuru zvevabereki vari voga vakabudirira, vakadai saGloria naCarolyn, dzinoratidza kuti vabereki nhasi vanogona kuvimba nezvinodzidziswa neBhaibheri zvakaratidza kuti zvinobudirira kuti varere vana vakanaka, vakasimba mune zvokunamata. (Zvirevo 22:6) Unogona kubudirira! Kurera vana uri woga kunopa zvinetso zvakawanda zvinopa mikana yokukura uye kugoverana. Kuvimba zvizere naMwari uye kugutsikana kuti iye achabatsira ndiyo nzira yakanakisisa yokugona kurarama uchisangana nezvakawanda zvinodiwa pakuva mubereki ari oga.—Pisarema 121:1-3.

[Mashoko Omuzasi]

a Kuti uwane mamwe mashoko okuwedzera okuti mhuri dzine mubereki ari oga dzingabudirira sei, ona bhuku rinonzi Chakavanzika Chomufarwa Wemhuri, chitsauko 9, rakabudiswa neZvapupu zvaJehovha.

[Mifananidzo iri papeji 11]

Chidzidzo cheBhaibheri chemhuri chakabatsira vana vatatu vaGloria kuti vave vashumiri vechiKristu venguva yakazara. Pano vanotarira tsamba nepikicha zvabva kumwanakomana mukuru, iye zvino anoshanda somumishinari

[Mifananidzo iri papeji 12]

Carolyn nomwanakomana wake, Joseph

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe