Wana Mashoko Akarurama
Kuwana mashoko akarurama panyaya dzakawanda kwakaoma. Hurumende nemakambani zvinotaura divi rakanaka bedzi rezvinhu. Kazhinji vezvenhau vanovimbisa kupa mashoko pasina kwavakarerekera, asi handizvo zvavanoita. Vanachiremba kakawanda havatsananguri zvakakwana zvakaipira mishonga yavanotipa. Pane nzira yokuwana nayo mashoko anogona kuvimbwa nawo here?
Vazhinji vakaridza mipururu nokuuya kweIndaneti senzira yokuwana nayo mashoko akavimbika kubva pasi pose. Ichokwadi kuti izvozvo zvinogona kuitika, kana uchiziva pokutsvaka mashoko nekombiyuta. “Kana tichitaura zvayakanakira, Indaneti inogona kudzidzisa vanhu vakawanda nokukurumidza kupfuura chimwe chinhu chipi nechipi chokubudisa nhau. Kana tichitaura zvayakaipira, inogona kupusisa vanhu nokukurumidza kupfuura chimwe chinhu chipi nechipi chokubudisa nhau,” yakadaro imwe nyaya muThe New York Times.
Nyaya yacho yakapfuurira kuti: “Nokuda kwokuti vazhinji vanoshamiswa no‘ruzivo’ ruri paIndaneti, vasingazivi vanodavira mashoko ayo zvakatonyanyisa. Havazivi kuti Indaneti, kana totaura zvayakaipira chaizvo, inongova gomba retsvina yomuchimbudzi: nzira yokufambisa nayo mashoko negetsi inenge isina kuongororwa, isina kugadziridzwa.” Sokutaura kwakaita munyori wacho, zvinosuruvarisa kuti hapana purogiramu yekombiyuta yokudzima tsvina iyoyo.
Chero munhu anogona kuisa zvaanoda paIndaneti, mumagazini, kana kuti mubhuku. Nokudaro, tinofanira kushandisa njere uye kuzvidzidzisa kuitira kuti tisangobvuma zvose zvatinoverenga. Kune vaya vanoda mashoko akarurama, vanofanira kuona kuti paari kubva pakavimbika. Izvi zvinogona kutora nguva. Asi patinoita kudaro towana mashoko akarurama, tinogona kufunga zvakarurama, kuita chisarudzo chakanaka, uye kuva nechivimbo kana tichiita zvisarudzo zvinokosha.