Chirwere Cheshuga—“Muurayi Anouraya Chinyararire”
PAAKANGA aine makore 21, Ken akatanga kuva nenyota isingaperi, isinganzwisisiki. Aifanira kuti akangogara-gara orasa mvura—akapedzisira ave kudaro pamaminitsi 20 oga oga. Makumbo nemaoko aKen zvakatanga kurema. Aingogara akarukutika, uye akatanga kuona madzerere.
Zvinhu zvakachinja apo Ken akatapukirwa noutachiona. Kushanyira kwaakaita chiremba kwakaratidza kuti Ken aisangova nedzihwa chete—aivawo norudzi rwokutanga rwediabetes mellitus—kana kungoti chirwere cheshuga. Kusashanda zvakanaka kwemakemikari uku kunokanganisa kugona kwomuviri kushandisa zvimwe zvinovaka muviri, kunyanya shuga yomuropa inonzi glucose. Ken akapedza vhiki nhanhatu ari muchipatara shuga yomuropa rake isati yadzika.
Izvi zvakaitika makore 50 adarika, uye marapiro akavandudzika zvikuru panguva yakapfuura iyoyo. Kunyange zvakadaro, Ken achine chirwere cheshuga, uye haasi iye oga. Zvinofungidzirwa kuti pasi pose vanhu vanopfuura mamiriyoni 140 vane chirwere chacho, uye maererano neWorld Health Organisation, nhamba iyoyo inogona kupetwa kaviri panozosvika gore ra2025. Ndokusaka nyanzvi dziri kunetseka nokuwanda kwevane chirwere cheshuga kudai. “Nevanhu vakawanda vatiri kutanga kuona,” anodaro Dr. Robin S. Goland, mukuru wepanorapirwa chirwere cheshuga muUnited States, “uku kungangova kutanga kwechirwere chinobata vanhu vakawanda.”
Chimboona mishumo mipfupi iyi kubva pasi pose.
AUSTRALIA: Maererano neInternational Diabetes Institute yeAustralia, “chirwere cheshuga chimwe chezvinetso zvoutano zvinonetsa kurapa muzana remakore rechi21.”
INDIA: Vanhu vanodarika mamiriyoni 30 vane chirwere cheshuga. “Makore 15 adarika takanga tisina varwere vari pasi pemakore 40,” anodaro mumwe chiremba. “Nhasi pavaviri voga voga mumwe wacho anenge ari wezera irori.”
SINGAPORE: Vanenge chikamu chimwe muzvitatu vevanhu vemo vemakore ari pakati pe30 ne69 vane chirwere cheshuga. Vana vakawanda—vamwe vanongova nemakore gumi—vanacho.
UNITED STATES: Vanhu vanoda kusvika mamiriyoni 16 vanacho, gore rimwe nerimwe vamwe 800 000 vanobatwa nacho. Mamwe mamiriyoni ane chirwere chacho asi haasati ave kuziva.
Kurapa chirwere cheshuga kunowedzera kuomeswa nokuti munhu anogona kunge ane chirwere chacho kwenguva refu chisati chaonekwa kuti chiripo. “Nokuti zviratidzo zvokutanga hazvina kunyanyisa,” inodaro magazini yeAsiaweek, “munhu angasaziva kuti anacho.” Ndokusaka chirwere cheshuga chakazonzi muurayi anouraya chinyararire.
Tichitarira kuwanda uye kukuvadza kwechirwere ichi, nyaya dzinotevera dzichapindura mibvunzo iyi:
● Chii chinokonzera chirwere cheshuga?
● Vaya vane chirwere chacho vangararama sei nacho?
[Bhokisi/Mufananidzo uri papeji 4]
Chikonzero Nei Chakapiwa Zita Iri
Mashoko okuti “diabetes Mellitus” (chirwere cheshuga) anobva mushoko rechiGiriki rinoreva “kusveta” uye shoko rechiLatin rinoreva “kutapira souchi.” Mashoko aya anonyatsotsanangura chirwere chacho, nokuti mvura inopinda mumuviri womunhu ane chirwere cheshuga sokunge iri kusvetwa kubva kumuromo yopinda nomudundira yobuda mumuviri. Uyezve, weti yacho inenge iine shuga. Zvaitoitwa ndezvokuti, pasati pave nenzira kwadzo dzokuona nadzo, imwe nzira yaishandiswa kuona kana uine chirwere cheshuga kwaiva kudira weti yomurwere pedyo nomwena wemasvosve. Kana masvosve aikwezvwa, izvi zvairatidza kuti weti ine shuga.