Kubatsira Kungaita Bhaibheri Vanorwara Nechirwere Cheshuga
KUZVIDZORA uye maonero akanaka zvinhu zvinokosha kuti vanhu vanorwara nechirwere cheshuga vave noutano hwakanaka. Asi kuti unhu hwakadaro huvepo, vanorwara vacho vanoda kuramba vachitsigirwa. Saka vomumhuri neshamwari havafaniri kuedza munhu anorwara nechirwere cheshuga kuti adye zvokudya zvisina kunaka, zvichida vachiti, ‘Ukangodya kamwe ikaka hazvina basa.’ “Ndinotsigirwa zvakanaka nomudzimai wangu,” anodaro Harry, uyo ane chirwere chomwoyo uye cheshuga chorudzi rwechipiri. “Haachengeti pachena zvokudya zvandisingafaniri kudya. Asi vamwe havanzwisisi, uye havazivi kuti pane dzimwe nguva izvozvo zvinoomesa zvinhu sei.”
Kana uchigara uchishamwaridzana nomunhu ane chirwere cheshuga, gara uchiziva zvinotaurwa neBhaibheri zviviri izvi: “Mumwe nomumwe ngaarambe achitsvaka, kwete zvake oga, asi zvomumwe munhu,” uye “Rudo . . . haruzvitsvakiri zvarwo.”—1 VaKorinde 10:24; 13:4, 5.
Vose vanoitira hanya utano hwavo—kunyange vaine chirwere cheshuga kana kuti vasina—vanofanira kuzvidzora pakudya. Bhaibheri rinobatsira panhau iyi, nokuti rinoti mumwe nomumwe wedu anofanira kuzvidzora. Watsunga kuti uve nounhu uhwu muupenyu hwako here? (VaGaratiya 5:22, 23) Zvimwe zvinobatsira zvinogona kubva mumienzaniso yomuBhaibheri yakadai somuapostora wechiKristu, Pauro. “Aiva nomunzwa usingabvi munyama,” anodaro mumwe ane chirwere cheshuga, “asi akashumira Mwari akatendeka uye zvakazara. Saka neniwo ndinogona!”
Hungu, Pauro akabvuma zvinhu zvaaisagona kuchinja uye akabudirira zvikuru somumishinari. (2 VaKorinde 12:7-9) Dustin, ane makore 18, akaberekwa ari bofu, uye ave aine chirwere cheshuga kubvira aine makore 12. Anonyora kuti: “Ndinoziva kuti hapana munhu munyika muno ane zvinhu zvose zvakakwana. Ndinotarisira nguva yomunyika itsva yaMwari apo ndinenge ndisisina chirwere cheshuga. Kwandiri, chinhu chichapera. Chingagara kupfuura dzihwa kana chikosoro, asi pakupedzisira chichapera.”
Achitaura kudaro, Dustin akanga achifunga nezvetariro inowanikwa muBhaibheri youtano hwakanaka munyika inenge iri paradhiso muUmambo hwaMwari. (Zvakazarurwa 21:3, 4) Shoko raMwari rinovimbisa kuti mukutonga kwaMwari kwakadaro, “Hakuna ugeremo, uchati: Ndinorwara.” (Isaya 33:24; Mateu 6:9, 10) Ungada kudzidza zvakawanda nezvetariro iyi inowanikwa muBhaibheri here? Taura neZvapupu zvaJehovha zvekwaunogara, kana kuti nyorera vanobudisa magazini ino uchishandisa kero yakakodzera pane dziri papeji 5.
[Mufananidzo uri papeji 12]
Kuzvidzora uye maonero akanaka zvinhu zvinokosha